Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 12

Dzidza Zvakawanda nezvaJehovha Kubva Pazvinhu Zvaakasika

Dzidza Zvakawanda nezvaJehovha Kubva Pazvinhu Zvaakasika

‘Kubvira pakasikwa nyika, vanhu vagara vachikwanisa kuziva Mwari kubva pazvinhu zvakasikwa.’—VAR. 1:20.

RWIYO 6 Matenga Anozivisa Kubwinya kwaMwari

ZVICHADZIDZWA a

1. Ndeipi imwe nzira yakashandiswa kuti Jobho asvike pakuziva zvakawanda nezvaJehovha?

 JOBHO akakurukura nevanhu vakawanda muupenyu hwake, asi kukurukura kwaakaita naJehovha Mwari ndiko kwainge kwakanyanya kukosha. Jehovha akashandisa zvimwe zvinhu zvinoshamisa zvaakasika pakubatsira Jobho kuti awedzere kuvimba neuchenjeri hwaMwari uye kukwanisa kunoita Mwari kuchengeta vashumiri vake. Semuenzaniso, Jobho akayeuchidzwa kuti Mwari anochengeta mhuka, saka aikwanisawo kumuchengeta. (Job. 38:39-41; 39:1, 5, 13-16) Achifunga nezvezvinhu zvakasikwa, Jobho akadzidza zvakawanda nezveunhu hwaMwari wake.

2. Nei zvingatiomera kuti tiongorore zvinhu zvakasikwa naJehovha?

2 Nesuwo tinogona kudzidza zvakawanda nezvaMwari wedu patinoongorora zvinhu zvaakasika. Asi izvozvo zvingasava nyore. Kana tichigara muguta, zuva nezuva tingasakwanisa kuona zvinhu zvakawanda zvakasikwa. Kunyange tichigara kure neguta, tingaona sekuti hatina nguva yakawanda yekudzidza nezvazvo. Saka ngatikurukurei kuti nei zvichibatsira kuti tiwane nguva uye tishande nesimba kuti tiongorore zvinhu zvakasikwa. Tichaona kuti Jehovha naJesu vakashandisa sei zvinhu zvakasikwa pakudzidzisa, uye kuti tingaitei kuti tidzidze zvakawanda kubva pazvinhu zvakasikwa.

NEI TICHIFANIRA KUONGORORA ZVINHU ZVAKASIKWA?

Jehovha aida kuti Adhamu anakidzwe nezvinhu zvakasikwa uye kuti ape mhuka mazita (Ona ndima 3)

3. Chii chinoratidza kuti Jehovha aida kuti Adhamu anakidzwe nezvinhu zvakasikwa?

3 Jehovha aida kuti munhu wekutanga anakidzwe nezvinhu zvakasikwa. Mwari paakasika Adhamu, akamupa paradhiso isina kukanganiswa uye akamupa basa rekuti aichengete uye aiwedzere. (Gen. 2:8, 9, 15) Fungidzira kufara kwaiita Adhamu paaiona mbeu dzichimera uye maruva achitumbuka. Adhamu aiva neropafadzo yakakura yekuchengeta munda weEdheni. Jehovha akapawo Adhamu basa rekuti ape mhuka mazita. (Gen. 2:19, 20) Jehovha aigona kungodzipa ega mazita, asi akapa Adhamu basa racho. Zviri pachena kuti Adhamu asati apa mhuka imwe neimwe zita, ainyatsoongorora maitiro ayo. Adhamu anofanira kunge ainakidzwa nebasa iri. Izvi zvakamupa mukana wekuti awedzere kuonga kwaaiita uchenjeri hwaBaba vake uye kuyevedza kwezvinhu zvavakasika.

4. (a) Ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti tide kuongorora zvinhu zvakasikwa? (b) Ndezvipi zvinhu zvakasikwa zvaunonyanya kufadzwa nazvo?

4 Chimwe chikonzero chinoita kuti tide kuongorora zvinhu zvakasikwa ndechekuti Jehovha anoda kuti tiite izvozvo. Anotikumbira kuti: “Simudzai maziso enyu mutarise kudenga.” Anobva abvunza kuti: “Ndiani akasika zvinhu izvi?” Mhinduro yacho iri pachena. (Isa. 40:26) Jehovha akasika zvinhu zvese zviri kudenga nezviri panyika nemugungwa, uye zvese izvi zvine zvazvinotidzidzisa nezvake. (Pis. 104:24, 25) Uye chimbofunga nezvemasikirwo atakaitwa naMwari. Akatisika tichikwanisa kuyevedzwa nezvinhu zvakanaka zvaakasika. Akaitawo kuti tikwanise kunakidzwa nezvinhu zvakasiyana-siyana zvaakasika nekuita kuti tikwanise kuita zvinhu zvishanu zvinoti: kuona, kunzwa, kubata, kuravidza uye kunhuwidza.

5. Maererano naVaRoma 1:20, kuongorora zvinhu zvakasikwa naJehovha kunotibatsira sei?

5 Bhaibheri rinotiudza chimwe chikonzero chinokosha chinoita kuti tiongorore zvinhu zvakasikwa. Zvinhu izvi zvinotidzidzisa kuti Jehovha ndiMwari akaita sei. (Verenga VaRoma 1:20.) Semuenzaniso, tarisa zvinhu zvakasikwa naJehovha, uye ona kunaka kwazvakaita. Hazviratidzi uchenjeri hwaMwari here? Zvakadiiwo nezvekudya zvakasiyana-siyana zvatinonakirwa nazvo? Zvese izvi zvinonyatsoratidza kuti Mwari anotida. Patinoona unhu hwaJehovha muzvinhu zvaakasika, tinowedzera kumuziva uye tinowedzera kuswedera pedyo naye. Iye zvino ngatichionai kuti Jehovha akashandisa sei zvinhu zvaakasika kuti atidzidzise zvidzidzo zvinokosha.

MWARI ANOSHANDISA ZVINHU ZVAKASIKWA KUTI ATIDZIDZISE NEZVAKE

6. Tinodzidzei pakutama kunoita shiri?

6 Jehovha anoita zvinhu zvake nenguva. Gore rega rega, kubva paipera mwedzi waFebruary kusvika pakati paMay, vaIsraeri vaiona shiri dzinonzi shuramurove dzichibhururuka dzichienda kuchamhembe. Mwari akaudza vaIsraeri kuti, “Shuramurove iri mudenga inoziva mwaka yayo.” (Jer. 8:7) Sezvo Jehovha aine nguva yaakasarudza yekuti shiri idzi dzitame, anewo nguva yaakasarudza kuti ape mitongo yake. Kuona shiri dzichitama kunotiyeuchidza kuti tinogona kuvimba kuti Jehovha ane ‘nguva yaakasarudza’ kuti aparadze nyika ino yakaipa.—Hab. 2:3.

7. Tinodzidzei patinoona shiri ichibhururuka? (Isaya 40:31)

7 Jehovha anopa vashumiri vake simba. Achishandisa Isaya, Jehovha akavimbisa kuti aizopa vanhu vake simba kuti ‘vabhururuke nemapapiro vachienda mudenga semakondo’ pavanenge vasina simba, kana kuti vakaora mwoyo. (Verenga Isaya 40:31.) Makondo paanobhururuka achienda mudenga, kana akawana mhepo inodziya haazonyanyi kubhabhamisa mapapiro awo. Anenge ava kushandisa simba shoma. VaIsraeri vaigara vachiona makondo iwayo achibhururuka mudenga. Izvi zvinotiyeuchidza kuti Jehovha anogona kutipa simba sekupa kwaanoita makondo iwayo simba. Paunoona shiri dzichibhururuka mudengadenga dzisingabhabhamisi mapapiro adzo, yeuka kuti Jehovha anogona kukupa simba rekuti ukunde matambudziko ako.

8. Jobho akadzidzei paakafunga nezvezvinhu zvakasikwa naMwari, uye isu tingadzidzei?

8 Jehovha akakodzera kuti tivimbe naye. Akabatsira Jobho kuti awedzere kuvimba naye. (Job. 32:2; 40:6-8) Paaitaura naJobho, Mwari akataura nezvezvinhu zvakawanda zvakasikwa, kusanganisira nyeredzi, makore uye mheni. Jehovha akataurawo nezvemhuka dzakadai senzombe yemusango nebhiza. (Job. 38:32-35; 39:9, 19, 20) Zvinhu zvese izvi hazvingoratidzi simba guru rina Mwari, asiwo rudo rwake uye uchenjeri hwake hwakakura. Kukurukura uku kwavakaita kwakabatsira Jobho kuti awedzere kuvimba naJehovha. (Job. 42:1-6) Isuwo patinoongorora zvinhu zvakasikwa tinoyeuchidzwa kuti Jehovha ane uchenjeri hwakadzama uye ane simba guru kupfuura ratiinaro. Anokwanisawo kupedza matambudziko edu ese uye achaapedza. Kuziva izvi kunogona kutibatsira kuti tiwedzere kuvimba naye.

JESU AKASHANDISA ZVINHU ZVAKASIKWA KUTI ADZIDZISE NEZVABABA VAKE

9-10. Mvura inonaya uye zuva zvinotidzidzisei nezvaJehovha?

9 Jesu ainyatsoziva zvinhu zvakasikwa. Sezvo ari “mhizha,” akava neropafadzo yekubatsira Baba vake pakusika zvinhu zvese. (Zvir. 8:30) Jesu paakanga ava panyika akashandisa zvinhu zvakasikwa kuti adzidzise vadzidzi vake nezvaBaba vake. Chimboona zvimwe zvaakadzidzisa.

10 Jehovha anoda munhu wese. MuMharidzo Yepagomo, Jesu akaita kuti vadzidzi vake vafunge zvinhu zviviri zvakasikwa zvisinganyanyi kufungwa nezvazvo nevanhu vakawanda: zuva nemvura inonaya. Zvese zviri zviviri zvinokosha kuti tirarame. Jehovha aigona kunyima vanhu vasingamunamati zvinhu izvi. Asi anoita kuti zuva ribudire munhu wese uye mvura inayire munhu wese. (Mat. 5:43-45) Pano Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti Jehovha anoda kuti tide munhu wese. Pese patinoona kuyevedza kunoita zuva richinyura kana kuti mvura ichipfunha, tinogona kufunga nezvekuda kunoita Jehovha vanhu vese. Zvaanoita zvinogona kutibatsira kuti tiratidzewo vamwe rudo urwu nekuparidzira munhu wese.

11. Kuongorora shiri kungatikurudzira sei?

11 Jehovha anotipa zvatinoda pakurarama. Mumharidzo imwe chete iyoyo yepagomo, Jesu akatiwo: “Nyatsocherechedzai shiri dzekudenga; hadzidyari mbeu kana kukohwa kana kuunganidza mumatura, asi Baba venyu vekudenga vanodzipa zvekudya.” Zvimwe vanhu vainge vakateerera Jesu vaitoona shiri dzichibhururuka paakavabvunza kuti: “Hamukoshi kudzipfuura here?” (Mat. 6:26) Iyi inzira yakazonaka yakashandiswa naJesu kuti atibatsire kuona kuti Jehovha achatipa zvatinoda pakurarama! (Mat. 6:31, 32) Chidzidzo ichi chatinowana pazvinhu zvakasikwa chiri kuramba chichikurudzira vashumiri vaJehovha vakatendeka. Imwe hanzvadzi yechidiki inopayona iri kuSpain yainetseka nekuti yaitadza kuwana pekugara pakakodzera. Asi payakaona shiri dzichidya tunhu twakasiyana-siyana, haina kuzonyanya kunetseka. Inoti, “Shiri idzodzo dzakandiyeuchidza kuti Jehovha ari kudzichengeta uye kuti achandichengetawo.” Pasina nguva, hanzvadzi yedu yakabva yawana pekugara.

12. Maererano naMateu 10:29-31, tushiri tudiki tunotidzidzisei nezvaJehovha?

12 Jehovha anokoshesa mumwe nemumwe wedu. Jesu asati atuma vaapostora vake kunoparidza, akavabatsira kuti vasatya kupikiswa. (Verenga Mateu 10:29-31.) Jesu akabatsira vadzidzi vake nekutaura nezvetumwe tushiri twainyanya kuwanika muIsraeri. Mumazuva aJesu, tushiri itwotwo twaisanyanya kukosha. Akaudza vadzidzi vake kuti: “Hapana kana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi.” Akabva awedzera kuti: “Munokosha kupfuura tushiri twakawanda.” Jesu paakaudza vadzidzi vake izvi, akaita kuti vave nechokwadi chekuti Jehovha anokoshesa mumwe nemumwe wavo, saka vaisafanira havo kutya kutambudzwa. Vadzidzi vanofanira kunge vaiyeuka mashoko aJesu pavaiona tushiri utwu vachiparidza mumaguta nemumaruwa. Pese paunoona kashiri kadiki yeuka kuti Jehovha anokukoshesa nekuti iwewo pachako unokosha “kupfuura tushiri twakawanda.” Uchibatsirwa naJehovha, unogona kuva neushingi paunopikiswa.—Pis. 118:6.

TINGAITEI KUTI TIDZIDZE ZVAKAWANDA NEZVAMWARI KUBVA PAZVINHU ZVAKASIKWA?

13. Chii chichatibatsira kuti tiwane zvidzidzo kubva pazvinhu zvakasikwa?

13 Tine zvimwe zvakawanda zvatinogona kudzidza nezvaJehovha kubva pane zvaakasika. Tingazviita sei? Chekutanga, tinofanira kuzvipa nguva yekuongorora zvinhu zvakasikwa. Chechipiri, tinoda kufunga kuti zvinotidzidzisei nezvaJehovha. Tingaomerwa nekugara tichiita izvi. Imwe hanzvadzi yekuCameroon inonzi Géraldine inoti, “Ndakakurira mutaundi, saka ndinofanira kushanda nesimba kuti ndiwane nguva yekuongorora zvinhu zvakasikwa.” Mumwe mukuru anonzi Alfonso anoti, “Ndakatoona kuti ndinofanira kuronga nguva yekuva ndega ndichiongorora zvinhu zvakasikwa naJehovha uye ndichifungisisa kuti zvinondidzidzisei nezvake.”

Dhavhidhi paaiona zvinhu zvakasikwa, aifungisisa kuti zvaimudzidzisei nezvaJehovha (Ona ndima 14)

14. Dhavhidhi akadzidzei paakafungisisa nezvezvinhu zvakasikwa naMwari?

14 Dhavhidhi aidzamisa pfungwa paaifunga zvinhu zvakasikwa naMwari. Akati kuna Jehovha: “Pandinoona matenga enyu, iwo mabasa eminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakagadzira, munhu chiiko zvamunomufunga, uye mwanakomana wemunhu zvamunomuchengeta?” (Pis. 8:3, 4) Dhavhidhi paaitarisa mudenga usiku, aisangogumira pakuyemura zvinhu zvaaiona mudenga, asi aifungisisawo kuti nyeredzi dzinomudzidzisei nezvaMwari. Akadzidza nezvekukura kweuchenjeri hwaJehovha uye simba rake. Dzimwe nguva Dhavhidhi aifunga nezvemaumbirwo akaitwa muviri wake mudumbu raamai vake. Paaifungisisa nezvezvinhu izvi zvinoshamisa, aiwedzera kuonga uchenjeri hwaJehovha.—Pis. 139:14-17.

15. Unhu hupi huna Jehovha hwawakaonawo pazvinhu zvaakasika? (Pisarema 148:7-10)

15 Kungofanana naDhavhidhi, zvinogona kunge zviri nyore kwauri kuti uwane zvinhu zvakasikwa zvekuti ufungisise nezvazvo. Pane zvinhu zvakawanda zvinogona kukubatsira kuti uwedzere kuziva Jehovha. Semuenzaniso, unogona kuona simba rina Jehovha paunonzwa kudziya kwemushana. (Jer. 31:35) Funga nezveuchenjeri hwaMwari paunoona shiri ichivaka dendere rayo. Funga nezvekusetsa kwazvinoita kuona kambwanana kachidzingirira muswe wako. Izvi zvinotiyeuchidza kuti Jehovha akatisika kuti tinakidzwe neupenyu. Uye tenda Jehovha nekutida kwaanoita pese paunoona amai vachitamba nekamwana kavo. Tine mikana yakawanda yekudzidza nezvaJehovha nekuti zvinhu zvaakasika, zvingava zvikuru, zvidiki, zviri pedyo kana zviri kure, zvese zvinomurumbidza.—Verenga Pisarema 148:7-10.

16. Tinofanira kuva nechido chekuitei?

16 Mwari wedu ane uchenjeri, ane rudo, ane simba, uye zvese zvaakasika zvakanaka. Tinogona kudzidza nezveunhu uhwu nehumwewo kana tikazvipa nguva yekunyatsotarisa zvinhu zvakasikwa. Dai tese tikagara tichizvipa nguva yekunakidzwa nezvinhu zvakasikwa uye kufunga kuti zvinotidzidzisei nezvaJehovha. Kuita izvozvo kuchatibatsira kuramba tichiwedzera kuswedera pedyo neMusiki wedu. (Jak. 4:8) Munyaya inotevera, tichaona kuti vabereki vangashandisa sei zvinhu zvakasikwa kuti vabatsire vana vavo kuswedera pedyo naJehovha.

RWIYO 5 Mabasa Anoshamisa aMwari

a Zvinhu zvakasikwa naJehovha zvinoshamisa chaizvo. Tinoshamiswa patinofunga nezvesimba guru rine zuva uye zvinhu zvisina kusimba zvakadai semaruva anenge atumbuka. Zvatinodzidza pazvinhu zvakasikwa zvinogona kutibatsirawo kunzwisisa kuti Jehovha ndiMwari akaita sei. Munyaya ino tichakurukura kuti nei tichifanira kuwana nguva yekuongorora zvinhu zvakasikwa uye kuti kuita izvozvo kungatibatsira sei kuti tive neushamwari hwepedyo naMwari wedu.