Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha achaita kuti zita rake rikudzwe nekusingaperi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nyaya inoti “Zita Renyu Ngaritsveneswe” iri muNharireyomurindi yaJune 2020 yakajekesa sei zvatinotenda panyaya ine chekuita nezita raJehovha uye uchangamire hwake?

Munyaya iyoyo, takadzidza kuti panongova nenyaya imwe chete inokosha chaizvo kuvanhu vese nengirozi dzese. Nyaya iyoyo ndeyekutsveneswa kwezita guru raJehovha. Nyaya yeuchangamire, kureva kuti matongero aJehovha ndiwo akanaka kupfuura mamwe ese, yakabatana nenyaya iyoyo inokosha chaizvo. Saizvozvowo, nyaya yekuperera kwevanhu kuna Mwari yakabatanawo nenyaya iyoyo inokosha chaizvo.

Nei iye zvino tiri kusimbisa kuti nyaya inokosha kupfuura dzese ine chekuita nezita raJehovha uye kutsveneswa kwaro? Ngationgororei zvikonzero zvitatu.

Satani ari kusvibisa zita raMwari kubva pakupanduka kwakaitika mumunda weEdheni kusvika

Chekutanga, Satani akasvibisa zita raJehovha, kana kuti mukurumbira wake, mumunda weEdheni. Mubvunzo weunyengeri wakabvunzwa Evha naSatani waipa pfungwa yekuti Jehovha aiva Mwari anonyima uyo ainge aisa miganhu isina musoro pavanhu vaanotonga. Satani akabva ataura zvakasiyana nezvainge zvataurwa naJehovha. Aitoti Mwari murevi wenhema. Saka akasvibisa zita raJehovha. Akabva ava “Dhiyabhorosi,” zvinoreva “munhu anosvibisa zita remumwe.” (Joh. 8:44) Sezvo Evha akabvuma nhema dzaSatani, akarega kuteerera Mwari, zvichiratidza kuti akanga asingadi kuti Jehovha ave mutongi wake. (Gen. 3:1-6) Nanhasi, Satani achiri kusvibisa zita raMwari achiparadzira nhema nezvaJehovha. Vaya vanobvuma nhema idzodzo vanowanzoita zvinopesana nezvinodiwa naJehovha. Saka vanhu vaMwari vanoona kusvibiswa kwezita dzvene raJehovha sechinhu chakashata kupfuura zvimwe zvinhu zvese. Kusvibiswa ikoko ndiko kwakaita kuti panyika pave neuipi nematambudziko.

Chechipiri, Jehovha anoda chaizvo kureverera zita rake achibvisa kuzvidzwa kwese kwakaiswa pariri, kuitira kuti zvisikwa zvese zvibatsirwe. Izvozvo zvinokosha chaizvo kuna Jehovha. Ndosaka achiti: “Ndichatsvenesa zita rangu guru.” (Ezek. 36:23) Uye Jesu akajekesa kuti muminyengetero yevashumiri vaJehovha vakatendeka, izvozvo zvinofanira kunge zviri zvinhu zvinonyanya kukosha chaizvo paakati: “Zita renyu ngaritsveneswe.” (Mat. 6:9.) Bhaibheri rinosimbisa rasimbisazve kukosha kwekukudza zita raJehovha. Funga nezvemienzaniso mishomanana: “Ipai Jehovha kukudzwa kwakakodzera zita rake.” (1 Mak. 16:29; Pis. 96:8) “Imbai muchirumbidza zita rake rinokudzwa.” (Pis. 66:2) “Ndichakudza zita renyu nekusingaperi.” (Pis. 86:12) Imwe nguva Jehovha pachake paakataura ari kudenga, ndepaya Jesu paaiva mutemberi muJerusarema paakati: “Baba, kudzai zita renyu.” Jehovha akabva apindura achiti: “Ndakarikudza uye ndicharikudzazve.”—Joh. 12:28. a

Chechitatu, chinangwa chaJehovha chagara chakabatana nezita rake, kana kuti mukurumbira wake. Funga nezvekukosha kwezita raJehovha pashure pemuedzo wekupedzisira pakuguma kweMakore 1 000 Ekutonga kwaKristu. Vanhu nengirozi vachanzwa sei nezvezita raJehovha panguva iyoyo? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, ngatiyeukei zvinhu zviviri zvakabatana nenyaya yacho zvinoti, kuperera kwevanhu kuna Mwari uye kodzero yekutonga zvinhu zvese. Panguva iyoyo, vanhu vanenge varatidza kuti vakatendeka vanenge vasingachafaniri havo kuratidza kuti vakaperera kuna Mwari. Vachange vasisina chivi uye vachange vaedzwa zvizere. Vanenge vava kukwanisa kurarama nekusingaperi. Nyaya yeuchangamire pazvinhu zvese icharamba here iri nyaya inoda kukurukurwa uye ichikonzera mapoka pakati pevanhu nengirozi? Aiwa. Panguva iyoyo zvisikwa zvese zvinenge zviri kudenga uye zvinenge zviri panyika zvichange zvabatana zvichibvuma utongi hwaJehovha. Asi zvakadini nezita raJehovha?

Panguva iyoyo zita raJehovha richange ranyatsotsveneswa, rabviswa zvachose kuzvidzwa kwese. Asi richaramba riri nyaya inokosha kuvashumiri vake vakatendeka vekudenga nevepanyika. Nei zvakadaro? Nekuti vachaona Jehovha achiramba achiita zvinhu zvinoshamisa. Funga izvi: Sezvo Jesu achadzorera utongi hwese kuna Jehovha achizvininipisa, Mwari achava “zvinhu zvese kuvanhu vese.” (1 VaK. 15:28) Vanhu vanenge vari panyika vachabva vava “nerusununguko runobwinya rwevana vaMwari.” (VaR. 8:21) Uye Jehovha achanyatsozadzisa chinangwa chake chekuva nemhuri yakabatana yevana vake vanenge vari kudenga nevanenge vari panyika.—VaEf. 1:10.

Kana zvese izvi zvaitika, mhuri yaJehovha kudenga uye panyika, ichanzwa sei? Zvine musoro kutaura kuti ticharamba tiine chido chekurumbidza zita rakanaka raJehovha. Munyori wemapisarema Dhavhidhi akafemerwa kunyora kuti: “Jehovha Mwari ngaarumbidzwe . . . Zita rake rinokudzwa ngarirumbidzwe nekusingaperi.” (Pis. 72:18, 19) Ticharamba tichiwana zvikonzero zvitsva uye zvakanaka zvekurumbidza Jehovha nekusingaperi.

Zita raJehovha rinomiririra zvese nezvake. Rinonyanya kutiyeuchidza nezverudo rwake. (1 Joh. 4:8) Tichagara tichiyeuka kuti rudo ndirwo rwakaita kuti Jehovha atisike, ndirwo rwakaita kuti ape chibayiro cherudzikinuro, uye ndirwo runoita kuti aratidze kuti matongero ake ndiwo akarurama. Asi ticharamba tichiona rudo rwaJehovha nekusingaperi. Patinenge tava kurarama nekusingaperi, tichawedzera kuswedera pedyo naye saBaba vedu uye tichaimba tichirumbidza zita rake rinoshamisa.—Pis. 73:28.

a Bhaibheri rinoratidzawo kuti Jehovha anoita zvinhu “achiitira zita rake.” Semuenzaniso anotungamirira vanhu vake, anovabatsira, anovanunura, anovaregerera uye anovachengetedza vari vapenyu. Zvese izvi anozviita nekuda kwezita rake guru rekuti Jehovha.—Pis. 23:3; 31:3; 79:9; 106:8; 143:11.