Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 35

Ramba Uine Mwoyo Murefu

Ramba Uine Mwoyo Murefu

“Pfekai . . . mwoyo murefu.”—VAK. 3:12.

RWIYO 114 Ivai Nemwoyo Murefu

ZVICHADZIDZWA a

1. Nei uchifarira vanhu vane mwoyo murefu?

 TESE tinofarira vanhu vane mwoyo murefu. Nei zvakadaro? Tinoremekedza vaya vanogona kumirira chimwe chinhu vasingaratidzi kutsamwa. Tinoonga chaizvo kuti vamwe vanotiitira mwoyo murefu kana takanganisa. Uye tinoonga kuti mudzidzisi wedu weBhaibheri aitiitira mwoyo murefu pazvaitinetsa kudzidza, kugamuchira chimwe chokwadi cheBhaibheri, kana kuti kuchishandisa. Kupfuura zvese, tinoonga chaizvo kuti Jehovha Mwari anotiitira mwoyo murefu!—VaR. 2:4.

2. Ndepapi pazvingatiomera kuti tive nemwoyo murefu?

2 Kunyange zvazvo tichida kuti vamwe vave nemwoyo murefu, isu pachedu zvingasatiitira nyore kuti tive nemwoyo murefu. Semuenzaniso, zvingatiomera kuramba takadzikama mota padzinenge dzakawandisa mumugwagwa dzisiri kufamba zvakanaka, kunyanya patinenge takanonoka. Tingagumbuka chaizvo vamwe pavanoita zvinhu zvinotisvota. Uye dzimwe nguva zvingatiomera kuramba takamirira nyika itsva yakavimbiswa naJehovha. Unoda kuwedzera kuva nemwoyo murefu here? Munyaya ino tichakurukura zvazvinoreva kuva nemwoyo murefu uye kuti nei zvichikosha chaizvo. Tichakurukurawo zvingatibatsira kuti tiwedzere kuva nemwoyo murefu.

ZVINOREVEI KUVA NEMWOYO MUREFU?

3. Munhu ane mwoyo murefu anoita sei paanogumburwa?

3 Ngatikurukurei nzira ina dzatingaratidza nadzo mwoyo murefu. Yekutanga, munhu ane mwoyo murefu anononoka kutsamwa. Anoedza kuramba akadzikama uye kusatsiva paanogumburwa kana kuti zvinhu pazvinenge zvisiri kumufambira zvakanaka. Mashoko ekuti “anononoka kutsamwa” anowanika muBhaibheri kekutanga Jehovha paanotsanangurwa saMwari “ane ngoni netsitsi, anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji, nechokwadi.”—Eks. 34:6.

4. Munhu ane mwoyo murefu anoita sei paanenge achifanira kumirira?

4 Chechipiri, munhu ane mwoyo murefu anogona kumirira akadzikama. Kana chimwe chinhu chikatora nguva refu kupfuura yaitarisirwa, munhu akadaro anoedza kusagumbuka. (Mat. 18:26, 27) Pane zvinhu zvakawanda zvinoda kuti timirire takadzikama. Semuenzaniso, tinofanira kunyatsoteerera mumwe munhu paanenge achitaura, tisingamudimburiri. (Job. 36:2) Tingafanirawo kuva nemwoyo murefu patinenge tichibatsira mudzidzi kuti anzwisise zvinodzidziswa neBhaibheri kana kuti arege tsika yakaipa.

5. Ndeipi imwe nzira yatinoratidza nayo mwoyo murefu?

5 Yechitatu, munhu ane mwoyo murefu haamhanyiriri kuita zvinhu. Ichokwadi kuti mune mamwe mamiriro ezvinhu tinenge tichifanira kukurumidza kuita chimwe chinhu. Asi munhu ane mwoyo murefu paanenge aine chimwe chinhu chinokosha chaanofanira kuita, haamhanyiriri kuchiita uyewo haachiiti achimhanya-mhanya. Pane kudaro, anova nechokwadi chekuti ane nguva yakakwana yekuronga zvaari kuda kuita. Anobva azvipa nguva yekunyatsoita chinhu chacho.

6. Munhu ane mwoyo murefu anoita sei paanosangana nemiedzo kana kuti nematambudziko?

6 Yechina, munhu ane mwoyo murefu anoedza kutsungirira matambudziko asinganyunyuti. Papfungwa iyi, mwoyo murefu wakanyatsobatana nekutsungirira. Hazvina hazvo kuipa kuudza shamwari yepedyo manzwiro aunenge uchiita nezverimwe dambudziko. Asi munhu ane mwoyo murefu achaita zvese zvaanogona kuti arambe achitsungirira uye kuti arambe achishumira Jehovha achifara. (VaK. 1:11) SevaKristu, tinofanira kuratidza mwoyo murefu munzira dzese idzi. Nei zvakadaro? Ngatikurukurei zvikonzero zvishomanana.

NEI MWOYO MUREFU UCHIKOSHA CHAIZVO?

Sezvo murimi achimirira nemwoyo murefu aine chivimbo chekuti achakohwa panguva yakakodzera, isu tinomirira nemwoyo murefu, tiine chivimbo chekuti Jehovha achazadzisa vimbiso dzake dzese panguva yakakodzera (Ona ndima 7)

7. Maererano naJakobho 5:7, 8, nei mwoyo murefu uchikosha chaizvo? (Onawo mufananidzo.)

7 Tinofanira kuva nemwoyo murefu kuti tizoponeswa. Sezvaiita vashumiri vaJehovha vekare, tinofanira kumirira Mwari nemwoyo murefu kuti azadzise zvaakavimbisa. (VaH. 6:11, 12) Bhaibheri rinofananidza mamiriro edu ezvinhu neemurimi. (Verenga Jakobho 5:7, 8.) Murimi anoshanda nesimba pakudyara uye pakudiridza zvirimwa zvake, asi haazivi kuti ndepapi chaipo pazvichamera. Saka murimi anomirira nemwoyo murefu, achivimba kuti achazokohwa zvirimwa zvake. Saizvozvowo, tinoshanda nesimba pamabasa ekunamata, kunyange zvazvo ‘tisingazivi kuti Ishe wedu ari kuuya riini.’ (Mat. 24:42) Tinomirira nemwoyo murefu, tiine chokwadi chekuti panguva yakakodzera, Jehovha achazadzisa zvese zvaakavimbisa. Kana tikatadza kuva nemwoyo murefu tinogona kuneta nekumirira totanga kusiya chokwadi zvishoma nezvishoma. Tinogonawo kutanga kuita zvinhu zvingaita kuti tifare ipapo ipapo. Asi kana tiine mwoyo murefu, tinogona kutsungirira kusvikira kumugumo toponeswa.—Mika 7:7; Mat. 24:13.

8. Mwoyo murefu unotibatsira sei kuti tive neushamwari hwakanaka nevamwe? (VaKorose 3:12, 13)

8 Mwoyo murefu unotibatsira kuva neushamwari hwakanaka nevamwe. Unotibatsira kuti tinyatsoteerera vamwe pavanenge vachitaura. (Jak. 1:19) Mwoyo murefu unotibatsirawo kuti tive nerugare navo. Unotidzivirira kuti tisakurumidza kuita chimwe chinhu uye kutaura mashoko asina kunaka zvinhu pazvinenge zvisiri kutifambira zvakanaka. Uye kana tiine mwoyo murefu, hatizokurumidzi kutsamwa kana mumwe munhu akatirwadzisa. Pane kutsiva, ‘ticharamba tichinzwisisana uye tichiregererana nemwoyo wese.’—Verenga VaKorose 3:12, 13.

9. Mwoyo murefu unotibatsira sei pakuita zvisarudzo? (Zvirevo 21:5)

9 Mwoyo murefu unogonawo kutibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka. Pane kuti tive vanhu vanokurumidza kuita zvinhu vasina kufunga, tichazvipa nguva yekutsvakurudza uye kuenzanisa zvinhu zvakasiyana-siyana zvatinogona kuita, tosarudza chakanakisisa chacho. (Verenga Zvirevo 21:5.) Semuenzaniso, kana tichitsvaga basa, tinogona kuva pamuedzo wekugamuchira basa rinenge rangotanga kumuka, kunyange zvazvo basa racho richizotikanganisa pakunamata kwatinoita Jehovha. Asi kana tiine mwoyo murefu, tichazvipa nguva yekufungisisa zvinhu zvakadai senzvimbo ichaitirwa basa racho, maawa atichashanda, uye kuti richabatsira kana kukanganisa sei mhuri yedu uye manamatiro edu. Kana tikava nemwoyo murefu, hatizoiti chisarudzo chisina kunaka.

ZVATINGAITA KUTI TIWEDZERE KUVA NEMWOYO MUREFU

10. MuKristu angaitei kuti ave nemwoyo murefu uye kuti arambe ainawo?

10 Nyengeterera kuti uwedzere kuva nemwoyo murefu. Mwoyo murefu chimwe chezvibereko zvemweya. (VaG. 5:22, 23) Saka tinogona kunyengeterera mweya mutsvene tokumbira Jehovha kuti atibatsire kuti tive nezvibereko zvawo. Kana tikava mumamiriro ezvinhu anoda kuti tive nemwoyo murefu, ‘tinoramba tichikumbira’ mweya mutsvene kuti utibatsire kuva nemwoyo murefu. (Ruka 11:9, 13) Tinogonawo kukumbira Jehovha kuti atibatsire kuona zvinhu semaonero aanoita. Pashure pekunyengetera, tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tive nemwoyo murefu zuva rimwe nerimwe. Kana tikanyengeterera mwoyo murefu toedza zvese zvatinogona kuti tiuratidze, Jehovha achatibatsira kuti tiwedzere kuva nemwoyo murefu kunyange kana taisambova nawo.

11-12. Jehovha akaratidza sei mwoyo murefu?

11 Fungisisa nezvemienzaniso yemuBhaibheri. Bhaibheri rine mienzaniso yakawanda yevanhu vaiva nemwoyo murefu. Patinofungisisa nezvevanhu ivavo, tinogona kudzidza nzira dzatingaratidza nadzo mwoyo murefu. Tisati takurukura nezvemimwe mienzaniso iyi, ngatikurukurei nezvaJehovha, uyo anopfuura vese pakuratidza mwoyo murefu.

12 Mumunda weEdheni, Satani akasvibisa zita raJehovha paakaita kuti Evha asava nechokwadi chekuti Jehovha Mutongi akarurama uye ane rudo. Pane kuti abve angoparadza Satani, Jehovha akaratidza mwoyo murefu uye kuzvidzora, achiziva kuti zvaizotora nguva kuti aratidze kuti matongero ake ndiwo akanaka kupfuura mamwe ese. Uye paari kumirira kudaro, ari kutsungirira kuzvidzwa kuri kuitwa zita rake. Uyewo Jehovha ari kumirira nemwoyo murefu kuitira kuti vanhu vakawanda vave nemukana wekuwana upenyu husingaperi. (2 Pet. 3:9, 15) Izvi zviri kuita kuti mamiriyoni evanhu asvike pakumuziva. Kana tikaisa pfungwa pakubatsira kunoita mwoyo murefu waJehovha, zvichatiitira nyore kuti timirire nguva yake yekugumisa nyika ino.

Mwoyo murefu uchatibatsira kuti tinonoke kutsamwa patinenge tadenhwa (Ona ndima 13)

13. Jesu akanyatsotevedzera sei mwoyo murefu waBaba vake? (Onawo mufananidzo.)

13 Jesu anonyatsotevedzera mwoyo murefu waBaba vake, uye akauratidza paaiva panyika. Zvinofanira kunge zvaisava nyore nguva dzese kuti aratidze mwoyo murefu, kunyanya kuvanyori nevaFarisi avo vaiva neunyengeri. (Joh. 8:25-27) Asi kufanana naBaba vake, Jesu ainonoka kutsamwa. Aisatsiva paaitukwa kana kunyombwa. (1 Pet. 2:23) Jesu akatsungirira matambudziko nemwoyo murefu asinganyunyuti. Ndosaka Bhaibheri richitiudza kuti ‘tifungisise nezveuya akatsungirira mashoko eruvengo aitaurwa nevatadzi’! (VaH. 12:2, 3) Tichibatsirwa naJehovha, isuwo tinogona kutsungirira nemwoyo murefu chero dambudziko ratingatarisana naro.

Kana tikava nemwoyo murefu sewaiva naAbrahamu, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achatipa makomborero iye zvino uye mamwe akawanda munyika yake itsva yaakavimbisa (Ona ndima 14)

14. Tinodzidzei pamwoyo murefu waAbrahamu? (VaHebheru 6:15) (Onawo mufananidzo.)

14 Ko kana zvataitarisira nezvemugumo zvisati zvazadzika? Zvimwe taitarisira kuti mugumo ungadai wakatouya kare. Tingatyira kuti hauzouyi tichiri vapenyu. Chii chinogona kutibatsira kuti tirambe tichimirira nemwoyo murefu? Funga nezvaAbrahamu. Paaiva nemakore 75 uye asina mwana, Jehovha akamuvimbisa kuti: “Ndichaita kuti uve rudzi rukuru.” (Gen. 12:1-4) Abrahamu akaona vimbiso iyoyo ichizadzika here? Haana kuona ichizadzika yese. Pashure pekuyambuka Rwizi rwaYufratesi uye kumirira kwemakore 25, Abrahamu akaona chishamiso chekuzvarwa kwemwanakomana wake Isaka, uye pashure pemamwe makore 60, vazukuru vake Isau naJakobho vakazvarwa. (Verenga VaHebheru 6:15.) Asi Abrahamu haana kumbobvira aona vana vake vachiva rudzi rukuru uye vachigara muNyika Yakapikirwa. Zvisinei, murume iyeye aiva nekutenda akava neushamwari hwepedyo neMusiki wake. (Jak. 2:23) Uye Abrahamu paachamutswa, achafara chaizvo paachaziva kuti kutenda kwake uye mwoyo murefu wake zvakaita kuti marudzi ese akomborerwe! (Gen. 22:18) Tinodzidzei? Tingasaona zvese zvakavimbiswa naJehovha zvichizadzika panguva ino. Asi kana tiine mwoyo murefu sezvainge zvakaita Abrahamu, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achatikomborera iye zvino uye achatikomborera zvakanyanya munyika itsva yaakavimbisa.—Mako 10:29, 30.

15. Zvii zvatinogona kudzidza patinenge tichidzidza tiri tega?

15 Bhaibheri rine mimwe mienzaniso yakawanda yevanhu vaiva nemwoyo murefu. (Jak. 5:10) Unogona kudzidza nezvevanhu ivavo. b Semuenzaniso, kunyange zvazvo Dhavhidhi akazodzwa ari mudiki kuti azova mambo weIsraeri, aifanira kumirira kwemakore akawanda asati apiwa umambo hwacho. Simiyoni naAna vainamata Jehovha vakatendeka vachimirira kuuya kwaMesiya. (Ruka 2:25, 36-38) Paunenge uchidzidza nyaya idzodzo, tsvaga mhinduro dzemibvunzo inoti: Chii chingangodaro chakabatsira munhu uyu kuti aratidze mwoyo murefu? Kuva nemwoyo murefu kwakamubatsira sei? Ndingamutevedzera sei? Unogonawo kubatsirwa nekudzidza nezvevaya vasina kuratidza mwoyo murefu. (1 Sam. 13:8-14) Ungazvibvunza kuti: ‘Chii chingangodai chakavatadzisa kuva nemwoyo murefu? Zvinhu zvipi zvakaipa zvakaitika kwavari nemhaka yekushaya mwoyo murefu?’

16. Ndeapi mamwe makomborero ekuva nemwoyo murefu?

16 Funga nezvemakomborero ekuva nemwoyo murefu. Kana tiine mwoyo murefu, tinowedzera kuva vanhu vanofara uye vakadzikama. Saka mwoyo murefu unogona kutibatsira kuti tiwedzere kuva nerugare mupfungwa uye kuva neutano hwakanaka. Patinova nemwoyo murefu nevamwe, tinowedzera kuva pedyo navo. Ungano dzedu dzinowedzera kubatana. Kana mumwe munhu akatidenha, kunonoka kutsamwa kunogona kuita kuti zvinhu zvisawedzera kuipa. (Pis. 37:8, mashoko emuzasi; Zvir. 14:29) Asi kupfuura zvese, kana tiine mwoyo murefu, tinotevedzera Baba vedu vekudenga uye tinowedzera kuswedera pedyo navo.

17. Tinofanira kuva nechido chekuramba tichiitei?

17 Mwoyo murefu unhu hwakanaka chaizvo uhwo hunotibatsira tese! Kunyange zvazvo dzimwe nguva zvingasava nyore kuti tive nemwoyo murefu, tinogona kuramba tichishanda nesimba kuti tive nawo tichibatsirwa naJehovha. Uye sezvo takamirira nemwoyo murefu kuti nyika itsva iuye, tinogona kuva nechivimbo chekuti “ziso raJehovha riri pane vaya vanomutya, vaya vanomirira rudo rwake rusingachinji.” (Pis. 33:18) Dai tese tikaramba tichipfeka mwoyo murefu.

RWIYO 41 Inzwaiwo Munyengetero Wangu

a Munyika yaSatani, vanhu vakawanda havana mwoyo murefu. Asi Bhaibheri rinotiudza kuti tipfeke mwoyo murefu. Nyaya ino ichatiratidza kuti nei mwoyo murefu uchikosha chaizvo uye kuti tingaitei kuti tiwedzere kuva nawo.

b Kuti uone nyaya dzemuBhaibheri dzinotaura nezvemwoyo murefu, unogona kutarisa pamusoro wakanzi Patience muWatch Tower Publications Index; Unogonawo kutarisa pakanzi “Manzwiro Aunoita, Unhu Uye Maitiro,” wobva waenda pakanzi “Mwoyo Murefu,” muBhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza.