Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

1923—Makore 100 Apfuura

1923—Makore 100 Apfuura

NHARIREYOMURINDI yaJanuary 1, 1923 yakati, “Tiri kutarisira kuti gore ra1923 richange rakanaka chaizvo. Tine ropafadzo yakakura chaizvo yekuudza . . . vanhu vakadzvinyirirwa kuti zvinhu zvichanaka.” Muna 1923, Vadzidzi veBhaibheri vakachinja zvimwe zvinhu pamisangano yavo, pamagungano, uye pabasa ravo rekuparidza. Izvi zvakaita kuti vawedzere kubatana.

MISANGANO YAIBATANIDZA HAMA

Karenda ine magwaro uye manhamba enziyo

Mugore iroro sangano rakachinja zvimwe zvinhu, izvo zvakabatsira kuti Vadzidzi veBhaibheri vabatane pakunamata. Nharireyomurindi yakatanga kubudisa mashoko aitsanangura rugwaro rwavaikurukura paMusangano Wekunyengetera, Kurumbidza, Uye Kutaura Zvakaitika, waiitwa vhiki nevhiki. Vadzidzi veBhaibheri vakagadzirawo karenda yaiva nerugwaro rwevhiki rimwe nerimwe uye rwiyo rwaigona kuimbwa munhu paaidzidza ega uye pakunamata kwemhuri.

Pamisangano yeVadzidzi veBhaibheri, munhu aigona kutaura zvainge zvaitika muushumiri, mashoko ekutenda Jehovha, kuimba rwiyo, kana kutonyengetera. Eva Barney, uyo akabhabhatidzwa muna 1923 aine makore 15 akati: “Kana waida kutaura zvakaitika, waisimuka, wotanga kutaura mashoko akadai sekuti, ‘Ndinoda kutenda Ishe nezvinhu zvese zvakanaka zvaakandiitira.’” Dzimwe hama dzaifarira chaizvo kutaura zvakaitika. Hanzvadzi Barney vakaenderera mberi vachiti: “Hama Godwin avo vainge vakwegura vaiva nezvakawanda zvekutenda Ishe. Asi mudzimai waHama Godwin paaiona kuti hama iri kutungamirira haisisina kugadzikana, aidhonza bhachi ravo uye vaibva vamira kutaura vogara pasi.”

Kamwe chete pamwedzi, ungano imwe neimwe yaiita Musangano Wekunyengetera, Kurumbidza, Uye Kutaura Zvakaitika uyo waikosha. Ichitsanangura musangano uyu, Nharireyomurindi yaApril 1, 1923, yakati: “Hafu yemusangano uyu inofanira kushandiswa pakutaura zvakaitika mubasa uye pakukurudzira vashandi. . . . Tinovimba kuti misangano iyi inokurudzira ichaita kuti hama nehanzvadzi dziwedzere kubatana.”

Charles Martin, muparidzi aiva nemakore 19 aibva kuVancouver, Canada, akabatsirwa chaizvo nemisangano iyi. Akati: “Ndipo pandakatanga kudzidza zvekutaura pasuo rasaimba. Kakawanda kacho munhu aitaura zvainge zvaitika pakuparidza paimba neimba. Izvi zvakandibatsira kuziva kuti ndotaura kuti chii uye kuti ndopindura sei vanhu vairamba kuparidzirwa.”

KUBATANA PAKUNAMATA

Bulletin yaMay 1, 1923

“Mazuva ekuparidza” aiitawo kuti hama dziwedzere kubatana. Nharireyomurindi yaApril 1, 1923, yakati: “Kuitira kuti tese tibatane pabasa rimwe chete . . . , musi weChipiri 1 May 1923, wasarudzwa kuti uve zuva rekuparidza. Kubva ipapo, musi weChipiri wekutanga wemwedzi wega wega . . . muparidzi mumwe nemumwe muungano dzese anofanira kuita basa iri.”

Kunyange Vadzidzi veBhaibheri vechidiki vaiitawo basa iri. Hazel Burford, uyo aingova nemakore 16 panguva iyoyo akati: “Bulletin yaiva nemharidzo dzekuenzanisira idzo dzataibata nemusoro. a Ini naSekuru vangu taishanda nesimba mubasa iri.” Asi Hanzvadzi Burford vakapikiswa nemunhu wavaisatarisira kuti aizovapikisa. Vakati: “Imwe hama yechikuru yaisatomboda kuti nditaure nevanhu. Panguva iyoyo, vamwe vaisanzwisisa kuti Vadzidzi veBhaibheri vese, kusanganisira ‘majaya nemhandara,’ vaifanira kubatanidzwawo pakurumbidza Musiki wedu Mukuru.” (Pis. 148:12, 13) Asi Hanzvadzi Burford vakaramba vachiparidza. Vakazopinda kirasi yechipiri yeChikoro cheGiriyedhi uye vakashumira semumishinari kuPanama. Nekufamba kwenguva hama idzodzo dzakazogadzirisa mafungiro adzo panyaya yekuti vechidiki vaite ushumiri.

MAGUNGANO AKAITA KUTI HAMA DZIWEDZERE KUBATANA

Magungano akabatsirawo hama kuti dziwedzere kubatana. Pamagungano akawanda acho paisarudzwa zuva rekuparidza. Semuenzaniso pagungano rakaitwa muWinnipeg, Canada, vese vakapinda gungano racho vakakokwa kuti vazoparidza muguta racho musi wa31 March. Mazuva ekuparidza akaita seaya, akaita kuti basa rekuparidza riwedzere. Musi wa5 August, vanhu vanenge 7 000 vakapinda rimwe gungano rakaitirwa muWinnipeg. Iri ndiro gungano rakapindwa nevanhu vakawanda kupfuura mamwe ese panguva iyoyo muCanada.

Gungano rinokosha chaizvo revanhu vaJehovha remuna 1923 rakaitwa musi wa18 kusvika 26 August, muLos Angeles, kuCalifornia. Mavhiki mashoma gungano racho risati raitwa, mapepanhau akashambadza gungano racho, uye Vadzidzi veBhaibheri vakapa vanhu mapepa ekukoka anopfuura 500 000. Hama dzainamira mapepa ekushambadza pamota dzadzo uye pazvifambiso zveveruzhinji.

Gungano reVadzidzi veBhaibheri rakaitwa muLos Angeles muna 1923

Musi weMugovera 25 August, Hama Rutherford vakapa hurukuro yaiva nemusoro unoti: “Makwai Nembudzi,” iyo yainyatsojekesa kuti “makwai” vanhu vakarurama vachararama muparadhiso panyika. Vakaverengawo chisarudzo chaiva nemusoro unoti “Yambiro.” Chisarudzo ichi chakashora chaizvo machechi anozviti ndeechiKristu uye chaikurudzira vanhu vane mwoyo yakanaka kuti vabude ‘muBhabhironi Guru.’ (Zvak. 18:2, 4) Vadzidzi veBhaibheri vanoshingaira pasi rese vaizobatana pakuparadzira mamiriyoni ematurakiti aiva nechisarudzo ichi.

“Misangano iyi inokurudzira ichaita kuti hama nehanzvadzi dziwedzere kubatana”

Pazuva rekupedzisira regungano racho, vanhu vanopfuura 30 000 vakanzwa Hama Rutherford vachipa hurukuro yavose yaiva nemusoro unoti “Marudzi Ese Ari Kufora Akananga kuAmagedhoni, Asi Mamiriyoni Ari Kurarama Iye Zvino Haazombofi.” Sezvo vaitarisira vanhu vakawanda chaizvo, Vadzidzi veBhaibheri vakahaya nhandare yakanga ichangobva kupedzwa inonzi Los Angeles Coliseum. Kuti dzive nechokwadi chekuti munhu wese ari kunyatsonzwa, hama dzakashandisa gudzanzwi remunhandare yacho, iro raiva chinhu chitsva panguva iyoyo. Vamwe vanhu vakawanda vakanzwa purogiramu yacho paredhiyo.

KUWEDZERA KWEBASA MUNYIKA DZAKAWANDA

Mugore ra1923, basa rekuparidza rakawedzera chaizvo muAfrica, Europe, India, uye South America. MuIndia, A. J. Joseph uyo aiva nemudzimai nevana 6, aiona nezvekubudiswa kwemabhuku mumitauro inoti Hindi, Tamil, Telugu, uye Urdu.

William R. Brown nemhuri yake

MuSierra Leone, Vadzidzi veBhaibheri vanoti Alfred Joseph naLeonard Blackman vakanyorera mahofisi makuru kuBrooklyn, New York, vachikumbira kubatsirwa. Musi wa14 April 1923, chikumbiro chavo chakapindurwa. Alfred akati, “Mumwe musi uri Mugovera manheru ndakafonerwa ndisingatarisiri.” Akanzwa inzwi gobvu richibvunza kuti, “Ndiwe here wakanyorera kuWatch Tower Society uchikumbira vaparidzi?” Alfred akapindura kuti, “Hongu.” Inzwi racho rakabva rati, “Zvakanaka, vatuma ini.” Iri raiva inzwi raWilliam R. Brown. Akanga asvika musi wacho achibva kuCaribbean nemudzimai wake Antonia, nevanasikana vavo vadiki, Louise naLucy. Hazvina kuzotora nguva kuti hama dzacho dzionane nevaenzi ava vainge vachangosvika.

Alfred akaenderera mberi achiti: “Mangwana acho ari mangwanani, ini naLeonard taiita chidzidzo chedu cheBhaibheri chevhiki nevhiki pakasvika mumwe murume murefu padhoo. Aiva Hama Brown. Vaishingaira chaizvo zvekuti vaida kupa hurukuro yavose zuva rakatevera racho.” Pasati patombopera mwedzi, Hama Brown vakanga vapa vanhu mabhuku ese avakanga vauya nawo. Vakabva vagamuchira mamwe mabhuku 5 000 uye pasina nguva pakanga pava kutodiwa mamwe. Asi Hama Brown vaisazivikanwa semunhu anotengesa mabhuku. Kwemakore avo ese vachishumira Jehovha vaigara vachitaura nezveMagwaro muhurukuro dzavo izvo zvakaita kuti vapiwe zita rekuti Bible Brown.

Bheteri rekuMagdeburg mumakore ekuma1920

Panguva iyoyo hofisi yebazi yaiva muBarmen, kuGermany, yakanga yava nevanhu vakawandisa uye guta racho rakanga riri pangozi yekutorwa neFrance. Vadzidzi veBhaibheri vakawana chimwe chivakwa chaiva muMagdeburg chavakaona chakanyatsokodzera kuitira mabasa ekuprinda. Musi wa19 June, hama dzakapedza kurongedza michina yekuprinda nemimwe midziyo ndokutamira kuBheteri idzva raiva muMagdeburg. Zuva rakaziviswa mahofisi makuru kuti vanhu vainge vapedza kutama, mapepanhau akazivisa kuti France yakanga yatora guta reBarmen. Hama dzakaona kutama ikoko seuchapupu hwekukomborerwa uye kudzivirirwa naJehovha.

George Young aina Sarah Ferguson (kurudyi) uye sisi vaSarah

KuBrazil, George Young, uyo akafamba munzvimbo dzakawanda achiparadzira mashoko akanaka akaita kuti muve nebazi idzva, uye akatanga kubudisa Nharireyomurindi muchiPortuguese. Mumwedzi mishomanana chete akapa vanhu mabhuku nemagazini anopfuura 7 000. Sarah Ferguson akafara chaizvo Hama Young pavakashanyira mhuri yavo. Kubva muna 1899, aiverenga magazini yeNharireyomurindi asi akanga asina kumbobvira akwanisa kuratidza kuzvitsaurira kwake kuburikidza nekubhabhatidzwa mumvura. Papera mwedzi mishomanana Hanzvadzi Ferguson nevana vavo 4 vakakwanisa kubhabhatidzwa.

“KUSHUMIRA MWARI TICHISHINGAIRA UYE TICHIFARA”

Gore parakanga rava kupera kubatana kweVadzidzi veBhaibheri pakunamata kwakataurwa muNharireyomurindi yaDecember 15, 1923 zvichinzi: “Zviri nyore kuona kuti ungano . . . dzine kutenda kwakasimba . . . Ngatigadzirirei kuwedzera kuita basa toramba tichishumira Jehovha tichishingaira uye tichifara mugore ra1924.”

Gore raitevera racho raizova gore rinokosha chaizvo kuVadzidzi veBhaibheri. Hama dzekuBheteri dzakanga dzava nemwedzi yakawanda dzichishanda panzvimbo yaiva muStaten Island, pedyo nemahofisi avo makuru aiva muBrooklyn. Zvivakwa zvaiva panzvimbo itsva iyoyo zvakapedza kuvakwa pakutanga kwegore ra1924, uye zvakabatsira pakubatanidza hama uye pakuparadzira mashoko akanaka munzira dzakanga dzisina kumbobvira dzashandiswa.

Hama dzaivaka paStaten Island

a Yava kunzi Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa.