Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 42

“Unoda Kuteerera” Here?

“Unoda Kuteerera” Here?

“Uchenjeri hunobva kumusoro hunoda kuteerera.”—JAK. 3:17.

RWIYO 101 Kushanda Takabatana

ZVICHADZIDZWA a

1. Nei zvingatiomera kuti titeerere?

 UNOMBOOMERWA nekuteerera here? Mambo Dhavhidhi aimboomerwawo, saka akanyengetera kuna Mwari achiti: “Itai kuti ndive nechido chekukuteererai.” (Pis. 51:12) Dhavhidhi aida Jehovha. Asi dzimwe nguva aiomerwa nekuteerera uye ndizvo zvatinomboitawo. Nei zvichitiomera? Chekutanga, tinoberekwa tisingadi kuteerera. Chechipiri, Satani anogara achiedza kutifurira kuti tipanduke sezvaakaita. (2 VaK. 11:3) Chechitatu, tinorarama munyika ine vanhu vanopanduka, vanoratidza “mweya uri kushanda iye zvino muvanakomana vasingateereri.” (VaEf. 2:2) Tinofanira kushanda nesimba kuti tirwise chido chekuita zvakaipa uyewo kuti tikunde miedzo inobva kuna Dhiyabhorosi nenyika ino inoita kuti tisada kuteerera. Tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti titeerere Jehovha nevaya vaakapa masimba.

2. Tinofanira kuva nechido chei? (Jakobho 3:17)

2 Verenga Jakobho 3:17. Jakobho akafemerwa kunyora kuti vanhu vakachenjera ‘vanoda kuteerera.’ Funga kuti izvozvo zvinorevei. Tinofanira kuva nechido chekuteerera vaya vakapiwa masimba naJehovha. Asi Jehovha haatarisiri kuti titeerere mumwe munhu anenge achida kuti tirege kuteerera mitemo yake.—Mab. 4:​18-20.

3. Nei Jehovha achida kuti titeerere vaya vane simba patiri?

3 Zvinogona kutiitira nyore kuteerera Jehovha pane kuteerera vanhu, nekuti zvatinorayirwa naJehovha zvagara zvakanaka. (Pis. 19:7) Izvi zvakasiyana chaizvo nezvinoitwa nevanhu vane masimba. Kunyange zvakadaro, Baba vedu vekudenga vane simba ravakapa vabereki, hurumende, uye vakuru. (Zvir. 6:20; 1 VaT. 5:12; 1 Pet. 2:​13, 14) Patinoteerera vanhu ava, tinenge tichitoteerera Jehovha. Ngationei kuti tingateerera sei vanhu vakapiwa masimba naJehovha, kunyange zvazvo dzimwe nguva tingasabvumirana nezvavanenge vataura, kana kuti tichinzwa tisingadi kuzviteerera.

TEERERA VABEREKI VAKO

4. Nei vana vakawanda vasingateereri vabereki vavo?

4 Vechidiki vanowanzoswera nevamwe vezera ravo “vasingateereri vabereki.” (2 Tim. 3:​1, 2) Nei vakawanda vavo vasingateereri? Vamwe vanoona sekuti vabereki vavo vane unyengeri. Vana vanotarisirwa kuti vaite zvinhu zvinotadzwa nevabereki vavo. Vamwe vanoona mazano avanoudzwa nevabereki vavo seekare, asingashandi, kana kuti akanyanya kuoma. Kana uri wechidiki, unombonzwawo saizvozvo here? Vakawanda vanoomerwa nekuteerera murayiro waJehovha wekuti: “Teererai vabereki venyu munaShe, nekuti izvi zvakarurama.” (VaEf. 6:1) Chii chingakubatsira kuti uteerere vabereki vako?

5. Nei Jesu ari muenzaniso wakanaka kupfuura mimwe yese wemwana aiteerera vabereki vake? (Ruka 2:​46-52)

5 Unogona kudzidza kuteerera kubva pamuenzaniso wakanaka kupfuura mimwe yese wakaratidzwa naJesu. (1 Pet. 2:​21-24) Aiva munhu asina chivi, asi vabereki vake vaiva nechivi. Kunyange zvakadaro, Jesu aikudza vabereki vake kunyange pavaiita zvikanganiso uye pavaimbotadza kumunzwisisa. (Eks. 20:12) Funga zvakaitika Jesu paaiva nemakore 12. (Verenga Ruka 2:​46-52.) Vabereki vake havana kuona kuti akanga asara kuJerusarema. Rakanga riri basa raJosefa naMariya kuona kuti vana vavo vese vaiva pakati pevamwe vanhu pavaifamba vachidzokera kumba mutambo wapera. Josefa naMariya pavakazowana Jesu, Mariya akamupa mhosva yekusara kwaainge aita kuJerusarema. Jesu aigona kutaura kuti akanga asina mhosva. Asi akapindura vabereki vake zvakanaka uye achivaremekedza. Kunyange zvakadaro, Josefa naMariya “havana kunzwisisa zvaaivaudza.” Pasinei naizvozvo, Jesu “akaramba achizviisa pasi pavo.”

6-7. Chii chinogona kubatsira vechidiki kuti vateerere vabereki vavo?

6 Vechidiki, zvinombokuomerai here kuteerera vabereki venyu pavanokanganisa, kana kuti pavanotadza kukunzwisisai? Chii chingakubatsirai? Chekutanga, fungai kuti Jehovha anonzwa sei. Bhaibheri rinotaura kuti pamunoteerera vabereki venyu, “izvi zvinofadza Ishe zvikuru.” (VaK. 3:20) Jehovha anozviziva vabereki venyu pavanotadza kunyatsokunzwisisai kana kuti pavanoisa mitemo isiri nyore kuteerera. Asi pamunosarudza kuvateerera, munoita kuti afare.

7 Chechipiri, fungai kuti vabereki venyu vanonzwa sei. Pamunoteerera vabereki venyu, munoita kuti vafare uye vanotanga kuvimba nemi. (Zvir. 23:​22-25) Kakawanda kacho, muchawedzera kuwirirana. Imwe hama yekuBelgium inonzi Alexandre yakati: “Pandakatanga kuita zvandainzi nevabereki vangu ndiite, takawedzera kuwirirana uye kufara.” b Chechitatu, fungai kuti kuteerera iye zvino kuchakubatsirai sei mune ramangwana. Paulo, uyo anogara kuBrazil anoti, “Kudzidza kuteerera vabereki vangu kwakandibatsira kuti nditeerere Jehovha nevamwe vane masimba.” Shoko raMwari rinotiudza chikonzero chinokosha chekuti uteerere vabereki vako. Rinoti: “Kuti zvikufambire zvakanaka uye ugare panyika kwenguva refu.”—VaEf. 6:​2, 3.

8. Nei vechidiki vakawanda vachisarudza kuteerera vabereki vavo?

8 Vechidiki vakawanda vanoona kuti zvinhu zvinovafambira zvakanaka pavanoteerera. Luiza, uyo anobvawo kuBrazil, aimboomerwa nekunzwisisa kuti nei aisabvumirwa kuva nefoni. Aitaura kuti vakawanda vezera rake vaiva nemafoni. Asi akazoziva kuti vabereki vake vakanga vachitomuchengetedza. Anoziva kuti paanoteerera vabereki vake haafaniri kunzwa sekuti ari kudzvinyirirwa nekuti zvavanomuudza ndizvo zvakanyatsomunakira. Elizabeth, uyo anobva kuUnited States, achiri kuomerwa nekuteerera vabereki vake pane dzimwe nguva. Anoti, “Pandinenge ndisiri kunyatsonzwisisa kuti nei vabereki vangu vandiisira mutemo, ndinofunga nezveimwe nguva yandakabatsirwa nekuteerera mitemo yavo.” Monica, uyo anogara kuArmenia, anotaura kuti zvinhu zvinomufambira zvakanaka paanoteerera vabereki vake pane paanorega kuvateerera.

TEERERA “VANE MASIMBA”

9. Vakawanda vanoona sei nyaya yekuteerera mutemo?

9 Vanhu vakawanda vanobvuma kuti nyika dzinofanira kunge dziine hurumende uye kuti tinofanira kuteerera mimwe yemitemo inodzikwa ‘nevane masimba’ ava. (VaR. 13:1) Vanhu vamwe chete ivavo vangazeza kuteerera mutemo wavanoona sekuti unovadzvinyirira kana kuti unovaomesera. Funga nezvekubhadharwa kwemitero. Munhu mumwe chete pavanhu 4 vega vega vakabvunzwa mune imwe nyika yemuEurope aiona sekuti “hapana chakaipa nekurega kubhadhara mitero kana uchiona sekuti inodzvinyirira.” Ndokusaka munyika iyoyo, vagari vemo vasingabhadhari mitero yese inonzi nehurumende inofanira kubhadharwa.

Tinodzidzei pakuteerera kwaJosefa naMariya? (Ona ndima 10-12) c

10. Nei tichiteerera kunyange mitemo yatisingafariri?

10 Bhaibheri rinotaura kuti hurumende dzevanhu dzinoita kuti vanhu vatambure, dziri pasi paSatani, uye kuti dzava pedyo nekuparadzwa. (Pis. 110:​5, 6; Mup. 8:9; Ruka 4:​5, 6) Rinotiudzawo kuti “wese anoshora munhu ane masimba, ari kurwisana neurongwa hwaMwari.” Pari zvino Jehovha ari kubvumira hurumende kuti dzitonge kuitira kuti zvinhu zvirambe zvakarongeka uye anotarisira kuti tidziteerere. Saka tinofanira kupa “vese zvakavakodzera,” kusanganisira mitero, kukudzwa, uye kuvateerera. (VaR. 13:​1-7) Tinogona kuona mumwe mutemo sekuti unotitadzisa kuita zvatinoda, unodzvinyirira, kana kuti unoita kuti tirasikirwe nemari kana tikauteerera. Asi tinoteerera Jehovha, uye anotiudza kuti titeerere vane masimba ava kana zvavanotiudza zvisingapesani nemitemo yake.—Mab. 5:29.

11-12. Sezvinotaurwa pana Ruka 2:​1-6, Josefa naMariya vakaitei kuti vateerere mutemo wainge wakavaomera, uye izvozvo zvakaguma nei? (Onawo mifananidzo.)

11 Tinogona kudzidza pana Josefa naMariya, avo vaida kuteerera vanhu vane masimba kunyange pazvainge zvakaoma. (Verenga Ruka 2:​1-6.) Mariya paainge ava kusvitsa mwedzi 9 aine pamuviri, hurumende yaida kuti iye naJosefa vaite chimwe chinhu chakaoma. Agasto, uyo aitonga muumambo hweRoma akaita kuti vanhu vaverengwe. Josefa naMariya vaifanira kuenda kuBhetrehema, rwendo rwaigona kusvika makiromita 150 vachipfuura nemuzvikomo. Rwendo urwu rwakanga rusiri nyore, kunyanya kuna Mariya. Vanogona kunge vaityira utano hwaMariya uye hwemwana wavo ainge asati aberekwa. Zvimwe vaityira kuti ko kana marwadzo ekusununguka akatanga vari munzira. Mariya ainge akatakura mwana aizova Mesiya. Izvozvo zvaizoita here kuti varege kuteerera hurumende?

12 Josefa naMariya havana kurega zvinhu izvozvo zvaivadya mwoyo zvichivatadzisa kuteerera mutemo. Jehovha akakomborera kuteerera kwavakaita. Mariya akasvika zvakanaka kuBhetrehema, akabereka mwana aiva neutano, uye akatobatsirawo pakuzadzisa uprofita hweBhaibheri!—Mika 5:2.

13. Kuteerera kwatinoita kungabatsira sei hama dzedu?

13 Kuteerera vanhu vane masimba kunotibatsira, uye kunobatsirawo vamwe. Zvinodaro sei? Chimwe chikonzero ndechekuti hatizopiwi chirango chinobva pakusateerera mutemo. (VaR. 13:4) Kuteerera kwatinoita kunogona kuita kuti vane masimba vaone Zvapupu zvaJehovha neziso rakanaka. Semuenzaniso, makore akawanda adarika muNigeria, masoja akapinda mune imwe Imba yeUmambo muchiitwa musangano weungano, achitsvaga vanhu vairatidzira vachitsutsumwa nenyaya yekubhadhara mitero. Asi mukuru wemasoja acho akaudza vamwe vake kuti vabude achiti: “Zvapupu zvaJehovha zvagara zvichibhadhara mitero.” Pese paunoteerera mutemo, unenge uchiita kuti mukurumbira wevanhu vaJehovha urambe wakanaka, uye rimwe zuva mukurumbira iwoyo unogona kudzivirira hama nehanzvadzi dzako.—Mat. 5:16.

14. Chii chakabatsira imwe hanzvadzi kuti ‘ide kuteerera’ vanhu vane masimba?

14 Dzimwe nguva tinganzwa tisingadi kuteerera vanhu vane masimba. Imwe hanzvadzi inogara kuUnited States inonzi Joanna inoti: “Zvainge zvakandiomera chaizvo kuti nditeerere nekuti vamwe vemumhuri mangu vakaitirwa zvinhu zvakaipa nevanhu vane masimba.” Asi Joanna akasarudza kuchinja maonero aaiita vanhu vane masimba. Saka akaita zvinhu zvinotevera: Chekutanga, akarega kuverenga zvinhu zvinobuda pasocial media zvinoita kuti ataure zvinhu zvakaipa nezvevanhu vane masimba. (Zvir. 20:3) Chechipiri, akanyengetera kuti ave nechivimbo chekuti Jehovha ndiye aizogadzirisa zvinhu pane kufunga kuti kuchinja hurumende ndiko kwaizoita kuti zvinhu zvinake. (Pis. 9:​9, 10) Chechitatu, akaverenga nyaya dzinobuda mumabhuku edu dzinotaura nezvekusava nedivi ratinotsigira mune zvenyika. (Joh. 17:16) Iye zvino Joanna anoti kuremekedza uye kuteerera vanhu vane masimba kunoita kuti anzwe akagadzikana.

TEERERA ZVINORAYIRWA NESANGANO RAJEHOVHA

15. Nei zvingatiomera kuteerera murayiro unobva kusangano raJehovha?

15 Jehovha anotikumbira kuti titeerere ‘vaya vari kutungamirira’ muungano. (VaH. 13:17) Kunyange zvazvo Mutungamiriri wedu Jesu asina chivi, vaya vaanoshandisa pakutungamirira pano panyika vane chivi. Zvinogona kutiomera kuti tivateerere kunyanya pavanotiudza kuti tiite chimwe chinhu chatisingadi kuita. Muapostora Petro akambozeza kuteerera paakarayirwa nengirozi kuti adye mhuka dzainge dzisina kuchena maererano neMutemo waMozisi. Petro akaramba, kwete kamwe chete, asi katatu! (Mab. 10:​9-16) Nei akaramba? Murayiro mutsva uyu waisava nemusoro kwaari. Zvaakaudzwa zvainge zvakasiyana chaizvo nezvaainge aita kweupenyu hwese. Kana Petro akaomerwa nekuteerera zvaakarayirwa nengirozi isina chivi, isuwo zvinogona kutiomera chaizvo kuti titeerere vanhu vane chivi.

16. Kunyange zvazvo muapostora Pauro aigona kuona sekuti murayiro waakapiwa hauna musoro, akaitei? (Mabasa 21:​23, 24, 26)

16 Muapostora Pauro ‘aida kuteerera’ kunyange paakapiwa murayiro waangangodaro akaona sekuti hauna musoro. VaKristu vechiJudha vakanga vanzwa runyerekupe nezvaPauro kuti aidzidzisa vaJudha kuti “vatsauke kubva pana Mozisi” uye kuti aisaremekedza Mutemo waMozisi. (Mab. 21:21) Varume vakuru vechiKristu vaiva muJerusarema vakarayira Pauro kuti atore varume vana oenda navo kutemberi ozvichenesa maererano neMutemo kuti aratidze kuti aiuteerera. Asi Pauro aiziva kuti vaKristu vakanga vasisiri pasi peMutemo. Uye akanga asina kuita chero chii zvacho chakaipa. Kunyange zvakadaro, Pauro haana kuzeza kuita zvaakanga audzwa. “Mangwana acho Pauro akabva aenda nevarume vacho, akazvichenesa pamwe nevaaiva navo maererano neMutemo.” (Verenga Mabasa 21:​23, 24, 26.) Kuteerera kwaPauro kwakaita kuti hama dzirambe dzakabatana.—VaR. 14:​19, 21.

17. Tinodzidzei pane zvakaitika kuna Stephanie?

17 Hanzvadzi inonzi Stephanie yakaomerwa nekubvuma murayiro wakabva kuhama dzaitungamirira munyika yaaigara. Iye nemurume wake vaishumira vachifara muboka remutauro wekune imwe nyika. Hofisi yebazi yakabva yavhara boka racho, uye vaviri ava vakanzi vanoshumira vari muungano yemutauro wavo. Stephanie anoti: “Handina kufara nazvo zvachose. Handina kuzvibvuma kuti muungano yemutauro wedu maidiwa vaparidzi vakawanda.” Kunyange zvakadaro, akasarudza kutsigira zvakanga zvarayirwa. Anoti: “Nekufamba kwenguva ndakasvika pakuona kuti ichi chaiva chisarudzo chine uchenjeri. Takava baba naamai kune vanhu vakati kuti vemuungano medu, avo vasina hama dziri muchokwadi. Ndiri kudzidza neimwe hanzvadzi iyo ichangobva kutangazve kuita basa. Uye iye zvino ndine nguva yakawanda yekudzidza ndiri ndega.” Anowedzera kuti, “Ndine hana yakachena, nekuti ndinoziva kuti ndakaita zvese zvandinogona kuti nditeerere.”

18. Kuteerera kunotibatsira sei?

18 Tinogona kudzidza kuteerera. Jesu “akadzidza kuteerera,” kwete zvichibva pakuti zvinhu zvainge zvakamunakira, asi “akadzidza kuteerera pamatambudziko aakasangana nawo.” (VaH. 5:8) Kufanana naJesu, tinowanzodzidza kuteerera mumamiriro ezvinhu akaoma. Semuenzaniso, zvakakuomera here kuteerera pakatanga COVID-19 patakaudzwa kuti tirege kuita misangano paDzimba dzeUmambo, uye pakambomiswa ushumiri hwepaimba neimba? Asi kuteerera kwako kwakakuchengetedza, kwakaita kuti ubatane nehama nehanzvadzi dzako, uye kwakafadza Jehovha. Iye zvino tese zvedu tagadzirira kuteerera chero mirayiridzo yatingapiwa pakutambudzika kukuru. Kuteerera mirayiridzo iyoyo kuchatiponesa!—Job. 36:11.

19. Nei uchida kuteerera?

19 Tadzidza kuti kuteerera kunounza makomborero akawanda. Asi chikonzero chikuru chinoita kuti tisarudze kuteerera Jehovha ndechekuti tinomuda uye tinoda kumufadza. (1 Joh. 5:3) Hatimbofi takakwanisa kubhadhara Jehovha pane zvese zvaakatiitira. (Pis. 116:12) Asi tinogona kumuteerera uye kuteerera vaya vane simba patiri. Kana tikateerera, tinoratidza kuti takachenjera. Uye vakachenjera vanofadza mwoyo waJehovha.—Zvir. 27:11.

RWIYO 89 Teerera, Uzviite, Ukomborerwe

a Sezvo tiine chivi, dzimwe nguva tese tinoomerwa nekuteerera, kunyange munhu ari kutiudza zvekuita aine kodzero yekudaro. Nyaya ino ichataura kubatsirwa kunoitwa vaya vanoteerera vabereki vavo, “vanhu vane masimba” uye hama dziri kutungamirira muungano yechiKristu.

b Kuti uone panotaurwa kuti ungataura sei nevabereki vako nezvemitemo yakakuomera kuteerera, ona nyaya iri pajw.org inoti “Ndingataura Sei Nevabereki Vangu Nezvemitemo Yavanondipa?

c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Josefa naMariya vakateerera murayiro waKesari wekuti vanonyoreswa kuBhetrehema. Mazuva ano vaKristu vanoteerera mitemo yemumugwagwa, vanobhadhara mitero, uye vanoteerera yambiro dzine chekuita neutano dzinopiwa nehurumende.