Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 44

Nzwisisa Zvakazara Shoko raMwari

Nzwisisa Zvakazara Shoko raMwari

“Nzwisisa zvakazara chinonzi kufara nekureba nekukwirira nekudzika.”—VAEF. 3:18.

RWIYO 95 Chiedza Chiri Kuramba Chichijeka

ZVICHADZIDZWA a

1-2. Ndeipi nzira yakanaka zvikuru yekuverenga uye kudzidza Bhaibheri? Taura muenzaniso.

 NGATITII uri kuda kutenga imba. Chii chaungada kuona usati waitenga? Ungagutsikana nekuona mufananidzo weimba yacho chete here? Zviri pachena kuti unoda kuenda kunoona imba yacho, uchitenderera uchiona kuti yakamira sei kunze nemukati, uchiongorora makamuri ayo ese uye kuti akakura sei. Ungatoda kuongorora purani yemba yacho kuti uone kuti yakavakwa sei. Saka ungada kuona zvese zvakaita imba yauri kuda kutenga.

2 Tinogona kuitawo zvakafanana patinoverenga uye kudzidza Bhaibheri. Mumwe muongorori weBhaibheri akafananidza zvinotaurwa neBhaibheri “nechivakwa chihombe, chakareba uye chine faundesheni yakadzika.” Saka tingaitei kuti tinyatsoziva zviri muBhaibheri? Kana ukangoriverenga uchikurumidza unogona kungoziva “zvinhu zvekutanga zvemashoko matsvene aMwari.” (VaH. 5:12) Asi sezvo uchifanira kupinda “mukati” memba kuti unyatsoziva zvayakaita, unofanirawo kunyatsodzidza Bhaibheri kuti uwedzere kurinzwisisa. Nzira yakanaka chaizvo yekudzidza Bhaibheri ndeyekuona kuti zvikamu zvaro zvakasiyana-siyana zvinopindirana sei. Edza kunzwisisa kuti ichokwadi chipi chaunotenda uye kuti nei uchichitenda.

3. Muapostora Pauro akakurudzira hama nehanzvadzi dzake kuti dziitei, uye nei akadaro? (VaEfeso 3:14-19)

3 Kuti tinzwisise zvizere Shoko raMwari, tinofanira kunyatsodzidza chokwadi cheBhaibheri. Muapostora Pauro akakurudzira hama nehanzvadzi dzake dzechiKristu kuti dzinyatsodzidza Shoko raMwari kuitira kuti ‘dzikwanise kunzwisisa zvakazara chinonzi kufara nekureba nekukwirira nekudzika’ kwechokwadi. Izvozvo zvaizoita kuti vawedzere ‘kudzika midzi uye kusimbiswa’ pakutenda kwavo. (Verenga VaEfeso 3:14-19.) Tinofanira kuitawo izvozvo. Ngationei kuti tinganyatsodzidza sei Shoko raMwari kuitira kuti tiwedzere kurinzwisisa.

DZIDZA CHOKWADI CHAKADZAMA CHEBHAIBHERI

4. Tingaitei kuti tiwedzere kuswedera pedyo naJehovha? Taura mienzaniso.

4 SevaKristu, hatingogutsikani nekuziva dzidziso dzekutanga dzeBhaibheri. Tichibatsirwa nemweya mutsvene waMwari, tinoda kudzidza “kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.” (1 VaK. 2:9, 10) Unogona kunyatsodzidza Bhaibheri uri wega nechinangwa chekuwedzera kuswedera pedyo naJehovha. Semuenzaniso, unogona kudzidza nezvekuti akaratidza sei rudo rwake kuvashumiri vake vekare uye kuti izvozvo zvinoratidza sei kuti anokudawo. Unogona kudzidza nezvekuti Jehovha aida kuti vaIsraeri vamunamate sei, woenzanisa izvozvo nezvaanoda kuti tiite pakumunamata mazuva ano. Kana kuti unogona kunyatsodzidza uprofita hwakazadziswa naJesu muupenyu hwake uye muushumiri hwake paaiva panyika.

5. Pane here nyaya yaunoda kutsvakurudza paunenge uchidzidza uri wega?

5 Vamwe vanhu vanonyatsoda kudzidza Bhaibheri vakabvunzwa kuti ndezvipi zvinhu zvakadzama zvavanoda kuongorora muShoko raMwari. Zvimwe zvavakataura zviri mubhokisi rakanzi “ Nyaya Dzekudzidza Uri Wega.” Unogona kuwana mufaro wakakura pakudzidza nyaya dzakadaro uchibatsirwa neWatch Tower Publications Index kana kuti Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza. Kudzidza Bhaibheri zvakadzama kunogona kusimbisa kutenda kwako uye kukubatsira kuwana “ruzivo pamusoro paMwari.” (Zvir. 2:4, 5) Iye zvino ngationgororei chimwe chokwadi chakadzama cheBhaibheri chatinogona kudzidza nezvacho.

FUNGISISA NEZVECHINANGWA CHAMWARI

6. (a) Musiyano upi uripo pakati peurongwa nechinangwa? (b) Nei zvinganzi chinangwa chaJehovha chaakasikira vanhu nenyika ‘hachigumi’? (VaEfeso 3:11)

6 Chimbofunga zvinotaurwa neBhaibheri nezvechinangwa chaMwari. Pane musiyano wakakura pakati peurongwa nechinangwa. Urongwa hwakafanana nenzira inogona kukuendesa kunzvimbo yauri kuda kusvika. Asi kana nzira ikavharwa inogona kutadza kukusvitsa kwauri kuda kuenda. Asi tinogona kufananidza chinangwa nenzvimbo yauri kuda kusvika. Tinonyatsoziva nzvimbo yatiri kuda kuenda asi tinogona kushandisa nzira dzakasiyana-siyana kuti tisvike ikoko. Kana imwe nzira ikavharwa, tinogona kushandisa imwe yacho. Jehovha akazivisa zvishoma nezvishoma ‘nezvechinangwa chake chisingagumi’ muBhaibheri. (Ona study note iri pana VaEfeso 3:11 muBhaibheri reChirungu rekudzidza.) Jehovha anogona kusarudza nzira dzakasiyana-siyana kuti azadzise chinangwa chake uye nguva dzese anobudirira nekuti anoita “kuti zvinhu zvese zviende nepaanoda kuti chinangwa chake chizadziswe.” (Zvir. 16:4) Uye zvinoitwa naJehovha zvinoramba zviripo nekusingaperi. Chinangwa chaJehovha ndechipi uye zvii zvaakachinja kuitira kuti achizadzise?

7. Vanhu vekutanga pavakapanduka, Jehovha akachinja sei nzira yaaizozadzisa nayo chinangwa chake? (Mateu 25:34)

7 Mwari akaudza murume nemudzimai vekutanga chinangwa chaakavasikira. Vaifanira ‘kubereka vowanda vozadza nyika voitonga, vova nesimba pazvisikwa zvese zvipenyu’ zviri panyika. (Gen. 1:28) Adhamu naEvha pavakapanduka zvichiita kuti vanhu vave nechivi, chinangwa chaMwari hachina kuguma. Akachinja nzira yaaizochizadzisa nayo. Akabva atosarudza kuti pazova neUmambo hwekudenga hwaizozadzisa chinangwa chake chaakanga asikira vanhu nenyika. (Verenga Mateu 25:34.) Panguva yake yakakodzera, Jehovha nerudo rwake akatuma Mwanakomana wake wedangwe panyika kuti adzidzise vanhu nezveUmambo hwacho uye kuti ape upenyu hwake kuti atidzikinure pachivi nerufu. Jesu akazomutswa ndokudzokera kudenga kuti atonge saMambo weUmambo hwaMwari. Asi pane zvakawanda zvatinogona kufunga nezvazvo nezvechinangwa chaMwari.

Fungidzira nguva iyo vashumiri vese vaJehovha kudenga nepanyika vachange vabatana pakumunamata vakavimbika! (Ona ndima 8)

8. (a) Dingindira reBhaibheri nderekutii? (b) Sezvinotsanangurwa pana VaEfeso 1:8-11, ndechipi chinangwa chikuru chaJehovha? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

8 Dingindira guru reBhaibheri nderekuti zita raJehovha richarevererwa achishandisa Umambo hwake hunotungamirirwa naKristu kuti azadzise chinangwa chaakasikira nyika. Chinangwa chaJehovha hachigoni kuchinjwa. Akavimbisa kuti achatochizadzisa. (Isa. 46:10, 11, mashoko emuzasi; VaH. 6:17, 18) Nekufamba kwenguva, nyika ichachinjwa yova paradhiso, umo vana vaAdhamu naEvha vasina chivi uye vakarurama ‘vachanakidzwa neupenyu nekusingaperi.’ (Pis. 22:26) Asi izvi handizvo zvega zvichazadziswa naJehovha. Chinangwa chake chikuru ndechekubatanidza vashumiri vake vese, vekudenga nevepanyika. Zvadaro, vese vanenge vachirarama vacharamba vakavimbika kwaari seMutongi wavo. (Verenga VaEfeso 1:8-11.) Nzira iyi inoshandiswa naJehovha pakuzadzisa chinangwa chake inoshamisa chaizvo!

FUNGISISA NEZVERAMANGWANA RAKO

9. Kuverenga Bhaibheri kunoita kuti tione zvinhu zvipi zvichaitika kumberi mberi mune ramangwana?

9 Funga nezveuprofita hwakataurwa naJehovha mumunda weEdheni, hwakanyorwa pana Genesisi 3:15. b Hunotaura nezvezviitiko zvaizozadzisa chinangwa chake asi zviitiko izvozvo zvaizoitika papera zviuru zvemakore. Semuenzaniso, Mwari akaudza Abrahamu kuti pashure pezvizvarwa zvakawanda, mumwe wevazukuru vake aizova Kristu. (Gen. 22:15-18) Muna 33 C.E., Jesu akarumwa chitsitsinho sezvainge zvagara zvataurwa. (Mab. 3:13-15) Chiitiko chekupedzisira cheuprofita ihwohwo ndechekupwanywa kwemusoro waSatani, uye chichiri nenguva inopfuura makore 1 000 kuti chiitike. (Zvak. 20:7-10) Bhaibheri rinoratidzawo kuti patori nezvimwe zvinhu zvichaitika sezvo ruvengo ruri pakati penyika yaSatani nesangano raJehovha runosvika pekupedzisira.

10. (a) Zvinhu zvipi zvichaitika munguva pfupi iri kuuya? (b) Tingagadzirira sei pfungwa dzedu nemwoyo? (Ona mashoko emuzasi.)

10 Funga nezvezviitiko izvi zvinotyisa zvakagara zvataurwa neBhaibheri. Chekutanga, nyika dzichazivisa kuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana!” (1 VaT. 5:2, 3) “Pakarepo,” kutambudzika kukuru kuchatanga nyika padzicharwisa zvitendero zvese zvenhema. (Zvak. 17:16) Kana izvozvo zvaitika, pangangova nekuratidzwa kunoshamisa ‘kweMwanakomana wemunhu achiuya ari pamakore ekudenga nesimba nekubwinya kukuru.’ (Mat. 24:30) Jesu achatonga vanhu, achiparadzanisa makwai nembudzi. (Mat. 25:31-33, 46) Panguva iyi, Satani acharamba achirwisana naJehovha. Sezvo achivenga vanhu vaMwari zvikuru, achaita kuti nyika dzinenge dzabatana idzo dzinonzi neBhaibheri Gogi wenyika yeMagogi dzirwise vanhu vaJehovha. (Ezek. 38:2, 10, 11) Pane imwe nguva, vakazodzwa vanenge vachiri panyika vachaendeswa kudenga kuti vabatane naKristu nemauto ake ekudenga kuti varwe hondo yeAmagedhoni, chiitiko chekupedzisira pakutambudzika kukuru. c (Mat. 24:31; Zvak. 16:14, 16) Zvadaro, Kutonga kwaKristu Kwemakore 1 000 panyika kuchabva kwatanga.—Zvak. 20:6.

Uchanzwa uri pedyo naJehovha zvakadini pashure pekudzidza nezvake kwemabhiriyoni emakore? (Ona ndima 11)

11. Ushamwari hwako naJehovha huchange hwamira sei pauchange wava kurarama nekusingaperi? (Onawo mufananidzo.)

11 Iye zvino funga nezveramangwana rako pashure peMakore 1 000 Ekutonga kwaKristu. Bhaibheri rinoti Musiki wedu “akatoisa nguva isingagumi mumwoyo [medu].” (Mup. 3:11) Funga kuti izvozvo zvinorevei uye kuti ushamwari hwako naJehovha huchange hwaita sei. Bhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha papeji 319, rine mashoko aya anofadza ekuti: “Pashure pekurarama kwemazana emakore, kwezviuru zvemakore, mamiriyoni kunyange mabhiriyoni emakore, tichange tava kuziva zvakawanda nezvaJehovha Mwari kupfuura zvatiri kuziva iye zvino. Asi tichangoramba tichiona kuti pane zvakawanda zvatisiri kuziva. . . . Upenyu husingaperi huchange huine zvakanaka zvakawanda zvakasiyana-siyana zvatisingagoni kufungidzira uye chikuru chacho ndechekuti tichangoramba tichiswedera pedyo naJehovha.” Iye zvino patinoramba tichidzidza Shoko raMwari, chii chimwe chatinowana?

TARISA KUDENGA

12. Tingaita sei kuti tione zviri kumusoro kudenga? Taura muenzaniso.

12 Shoko raMwari rinotipa nzwisa yezvazvakaita kuva pamberi paJehovha “kumusoro” kudenga. (Isa. 33:5) Bhaibheri rinoratidza zvinhu zvinoshamisa zvine chekuita naJehovha uye chikamu chekudenga chesangano rake. (Isa. 6:1-4; Dhan. 7:9, 10; Zvak. 4:1-6) Semuenzaniso tinogona kuverenga nezvezvinhu zvinoshamisa zvakaonekwa naEzekieri ‘denga parakavhurika akatanga kuona zviratidzo zvaMwari.’—Ezek. 1:1.

13. Chii chaunoonga pane zviri kuitwa naJesu kudenga sezvinotsanangurwa pana VaHebheru 4:14-16?

13 Fungawo nezvebasa raJesu kudenga saMambo wedu anotonga uye Mupristi Mukuru ane tsitsi. Kuburikidza naye, tinogona kuswedera “kuchigaro cheumambo chenyasha” mumunyengetero tokumbira ngoni uye rubatsiro “panguva yakakodzera.” (Verenga VaHebheru 4:14-16.) Ngatisarega zuva richipfuura tisina kufungisisa zvatakaitirwa naJehovha naJesu uye zvavari kutiitira vari kudenga. Kuda kwavanotiita kunofanira kubaya mwoyo yedu kwoita kuti tishingaire pakunamata kwatinoita Jehovha.—2 VaK. 5:14, 15.

Fungidzira kufara kwauchaita munyika itsva uchiziva kuti wakabatsira vamwe kuti vave Zvapupu zvaJehovha uye vadzidzi vaJesu! (Ona ndima 14)

14. Ndechipi chimwe chinhu chakanaka chaizvo chatinogona kuita kuti tiratidze kuonga kwatinoita Jehovha naJesu? (Onawo mifananidzo.)

14 Imwe yenzira dzakanaka chaizvo yekuratidza kuonga kwatinoita Mwari wedu neMwanakomana wake ndeyekuedza kubatsira vamwe kuti vave Zvapupu zvaJehovha uye vadzidzi vaJesu. (Mat. 28:19, 20) Izvi ndizvo zvakaitwa nemuapostora Pauro achionga Mwari naKristu. Aiziva kuti Jehovha anoda kuti “vanhu vakasiyana-siyana vaponeswe uye vasvike pakuva neruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:3, 4) Akashanda nesimba zvikuru muushumiri hwake achibatsira vanhu vakawanda kuti ‘aponese vamwe nenzira dzese dzaaikwanisa.’—1 VaK. 9:22, 23.

WANA MUFARO PAKUONGORORA SHOKO RAMWARI

15. Maererano naPisarema 1:2, chii chichaita kuti tifare?

15 Munyori wepisarema rekutanga anotaura nezvemunhu anofara uye anobudirira seuya “anofarira mutemo waJehovha” uye “anofungisisa mutemo wake siku nesikati.” (Pis. 1:1-3; mashoko emuzasi) Achitaura nezverugwaro urwu mubhuku rake rinonzi Studies in the Psalms, mushanduri weBhaibheri anonzi Joseph Rotherham akataura kuti munhu anofanira “kufarira chaizvo mazano aMwari zvekuti anoatsvaga, anoadzidza, uye anofungisisa nezvawo.” Akawedzerawo kuti “kana zuva rikapfuura munhu asina kuverenga Bhaibheri, zuva racho rinenge ratambiswa.” Unogona kuwana mufaro pakudzidza Bhaibheri kana ukaita zvese zvaunogona kuti udzidze zvinhu zvakawanda zvinokosha zvirimo, uchiona kuti zvakabatana papi. Kuongorora zvese zvakaita Shoko raMwari kunoita kuti ufare chaizvo.

16. Tichakurukurei munyaya inotevera?

16 Chokwadi chakazonaka chatinodzidziswa naJehovha muShoko rake hachina kunyanya kuoma kuti tichinzwisise. Munyaya inotevera tichakurukura chimwe chokwadi chakadzama chine chekuita netemberi huru yaJehovha yemweya yakatsanangurwa naPauro mutsamba yake kuvaKristu vechiHebheru. Dai kuongorora nyaya iyoyo kukaita kuti ufare chaizvo.

RWIYO 94 Kuonga Shoko raMwari

a Kudzidza Bhaibheri kunogona kuita kuti tifare kweupenyu hwedu hwese, kunotibatsira uye kunotiswededza pedyo naBaba vedu vekudenga. Munyaya ino tichaona kuti tingaongorora sei “kufara nekureba nekukwirira nekudzika” kweShoko raMwari.

b Ona nyaya yakanzi “Pane Uprofita Hwekare Hunokosha Kwauri” iri muNharireyomurindi yaJuly 2022.

c Kuti udzidze kuti ungagadzirira sei zviitiko zvinotyisa zvichauya munguva pfupi iri kutevera, ona bhuku rinonzi Umambo hwaMwari Huri Kutonga! peji 230.