Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 45

Koshesa Ropafadzo Yako Yekunamata Mutemberi yaJehovha Yemweya

Koshesa Ropafadzo Yako Yekunamata Mutemberi yaJehovha Yemweya

“Namatai iye akasika denga nenyika.”—ZVAK. 14:7.

RWIYO 93 Komborerai Kuunga na Kwedu

ZVICHADZIDZWA a

1. Ngirozi iri kutii, uye izvozvo zvinofanira kuita kuti tiitei?

 KUDAI ngirozi yaizotaura newe, waizoiteerera here? Mazuva ano, pane ngirozi iri kutaura “kumarudzi ese, nemadzinza nendimi nevanhu.” Iri kutii? “Ityai Mwari mumukudze . . . Namatai iye akasika denga nenyika.” (Zvak. 14:​6, 7) Jehovha ndiye chete Mwari wechokwadi anofanira kunamatwa nemunhu wese. Tinotenda chaizvo kuti akatipa mukana wakakosha wekumunamata mutemberi yake huru yemweya!

2. Chii chinonzi temberi yaJehovha yemweya? (Onawo bhokisi rakanzi “ Zvaisingarevi.”)

2 Chii chinombonzi temberi yemweya, uye tingawana kupi mashoko anoitsanangura? Temberi yemweya haisi chivakwa chaicho chinooneka, asi urongwa hwaJehovha hwekuti vanhu vamunamate zvinogamuchirika hwakavapo kuburikidza nechibayiro cherudzikinuro chaJesu. Muapostora Pauro akatsanangura urongwa uhwu mutsamba yaakanyorera vaKristu vechiHebheru vaigara muJudhiya. b

3-4. Nei Pauro akanyorera tsamba vaKristu vechiHebheru vaigara muJudhiya, uye akavabatsira sei?

3 Nei Pauro akanyora tsamba yake kuvaKristu vechiHebheru vaigara muJudhiya? Pangangodaro paiva nezvikonzero zviviri zvinokosha. Chekutanga, kuti avakurudzire. Vakawanda vavo vainge vakarererwa muchitendero chechiJudha. Vaya vaimbova vatungamiriri vavo vechitendero vangangodaro vaivashorera kuva vaKristu. Nei vaidaro? Nekuti vaKristu vakanga vasina temberi yekunamatira, vaisava neatari yekupira zvibayiro kuna Mwari, uye vaisava nevapristi vaivashumira. Izvi zvaigona kuodza mwoyo vadzidzi vaKristu uye kuderedza kutenda kwavo. (VaH. 2:1; 3:​12, 14) Vamwe vavo vangangodaro vaimbopindwa nepfungwa yekuda kudzokera kuchitendero chechiJudha.

4 Chechipiri, Pauro akaudza vaKristu ivavo vechiHebheru kuti vakanga vasiri kushanda nesimba kuti vanzwisise dzidziso itsva kana kuti dzakadzama dzemweya, kureva “zvekudya zvikukutu” zvinowanika muShoko raMwari. (VaH. 5:​11-14) Zviri pachena kuti vamwe vavo vakanga vachiri kutevedzera Mutemo waMozisi. Asi Pauro akatsanangura kuti zvibayiro zvaidiwa neMutemo zvaisakwanisa kubvisa chivi zvachose. Izvi ndizvo zvakaita kuti Mutemo ‘usiyiwe.’ Saka Pauro akabva adzidzisa chimwe chokwadi chakadzama. Akayeuchidza hama nehanzvadzi dzake ‘nezvetariro iri nani’ yakavapo nechibayiro chaJesu iyo yaigona kunyatsovabatsira kuti vaswedere “pedyo naMwari.”—VaH. 7:​18, 19.

5. Zvii zvatinofanira kunzwisisa mubhuku raVaHebheru, uye nei tichifanira kudaro?

5 Pauro akatsanangurira hama nehanzvadzi dzake dzechiHebheru kuti nei manamatiro avo echiKristu ainge akanaka chaizvo kupfuura manamatiro avaimboita kare. Zvaiitwa muchitendero chechiJudha zvaingova ‘mumvuri wezvichauya, asi chinhu chacho chaicho ndechaKristu.’ (VaK. 2:17) Mumvuri wakada kungoti fananei nezvakaita chinhu chinenge chaita kuti mumvuri wacho uvepo, asi hausi chinhu chacho chaicho. Saizvozvowo, manamatiro aiitwa muchiJudha aingova mumvuri wechinhu chaicho chaizouya. Tinofanira kunzwisisa urongwa hwakaitwa naJehovha kuti huvepo kuti zvivi zvedu zviregererwe kuitira kuti timunamate zvinogamuchirika. Ngatienzanisei “mumvuri” (manamatiro aiitwa muchiJudha) ‘nechinhu chacho chaicho’ (manamatiro echiKristu), sekutsanangurwa kwazvinoitwa muna VaHebheru. Kuita izvozvo kuchatibatsira kuti tiwedzere kunzwisisa temberi yemweya, uye kuti isu tinobatanidzwa sei muurongwa hwacho.

TEBHENEKERI

6. Tebhenekeri yaishandiswa sei?

6 Mumvuri. Zvaitaurwa naPauro aizvitorera patebhenekeri yakagadzirwa panguva yaMozisi muna 1512 B.C.E. (Ona chati yakanzi “Mumvuri—Chinhu Chacho Chaicho.”) Tebhenekeri yaiva chinhu chainge chakaita setende chaitakurwa nevaIsraeri pavaibva pane imwe nzvimbo vachienda pane imwe. Vakaishandisa kwemakore anenge 500 kusvikira temberi yavakwa muJerusarema. (Eks. 25:​8, 9; Num. 9:22) “Tende rekusanganira” iri raiva nzvimbo yaishandiswa nevaIsraeri pakuswedera pedyo naMwari, pakupa zvibayiro zvavo, uye pakunamata kwavo. (Eks. 29:​43-46) Asi tebhenekeri yaimiririrawo chimwe chinhu chakanaka zvikuru chaizouya kuvaKristu.

7. Temberi yemweya yakavapo riini?

7 Chinhu chacho chaicho. Tebhenekeri yaiva ‘mumvuri wezvinhu zvekudenga,’ uye yaifananidzira temberi huru yemweya yaJehovha. Pauro akati “tende irori [kana kuti tebhenekeri] mufananidzo wenguva ino.” (VaH. 8:5; 9:9) Saka panguva yaakanyorera vaHebheru, temberi yemweya yakanga yatova chinhu chaicho kuvaKristu. Yakavapo muna 29 C.E. Gore iroro, Jesu akabhabhatidzwa, akazodzwa nemweya mutsvene, uye akatanga kushumira ‘semupristi mukuru anopfuura vamwe vese’ mutemberi yaJehovha yemweya. cVaH. 4:14; Mab. 10:​37, 38.

MUPRISTI MUKURU

8-9. Maererano naVaHebheru 7:​23-27, musiyano upi wakakura uri pakati pevapristi vakuru veIsraeri neMupristi Mukuru anopfuura vamwe vese, Jesu Kristu?

8 Mumvuri. Mupristi mukuru aipiwa simba rekumiririra vanhu pamberi paMwari. Aroni, mupristi mukuru wekutanga muIsraeri, akagadzwa naJehovha pakatsaurirwa tebhenekeri. Asi sezvakatsanangurwa naPauro, “vazhinji vaishanda sevapristi, mumwe achizotsiviwa nemumwe, nekuti rufu rwaivatadzisa kuramba varipo.” d (Verenga VaHebheru 7:​23-27.) Uye sevanhu vane chivi, vapristi vakuru ivavo vaifanira kupa zvibayiro zvezvivi zvavo pachavo. Uyu musiyano wakakura chaizvo pakati pevapristi vakuru veIsraeri neMupristi Mukuru anopfuura vamwe vese, Jesu Kristu.

9 Chinhu chacho chaicho. SeMupristi wedu Mukuru, Jesu Kristu “mushumiri . . . wemutende rechokwadi, rakamiswa naJehovha, kwete nemunhu.” (VaH. 8:​1, 2) Pauro akatsanangura kuti, “sezvo [Jesu] achiramba ari mupenyu nekusingaperi, hapana anomutsiva semupristi.” Pauro akawedzera kuti Jesu ‘haana kusvibiswa, akaparadzaniswa nevatadzi’ uye kuti kusiyana nevapristi vakuru veIsraeri, “haafaniri kupa zvibayiro mazuva ese” achiitira zvivi zvake pachake. Iye zvino ngatikurukurei misiyano iri pakati peatari nezvibayiro zvaishandiswa pakunamata kwechiJudha nezvinoshandiswa pakunamata kwechiKristu.

ATARI NEZVIBAYIRO

10. Zvibayiro zvaipiwa paatari yemhangura zvaimiririrei?

10 Mumvuri. Pedyo nepaipindwa napo mutebhenekeri paiva neatari yemhangura yaishandiswa pakupa zvibayiro zvemhuka kuna Jehovha. (Eks. 27:​1, 2; 40:29) Asi zvibayiro izvozvo zvaisakwanisa kuita kuti vanhu varegererwe zvakakwana pazvivi zvavo. (VaH. 10:​1-4) Kupiwa kwaiitwa zvibayiro zvemhuka nguva nenguva patebhenekeri kwaimiririra chibayiro chimwe chete chaizoita kuti vanhu vanyatsocheneswa pazvivi zvavo.

11. Jesu akazvipa sechibayiro paatari ipi? (VaHebheru 10:​5-7, 10)

11 Chinhu chacho chaicho. Jesu aiziva kuti Jehovha ainge amutuma panyika kuti ape upenyu hwake sechibayiro chekudzikinura vanhu. (Mat. 20:28) Saka paakabhabhatidzwa, Jesu akazvipa kuti aite zvaidiwa naJehovha. (Joh. 6:38; VaG. 1:4) Jesu akazvipa paatari yekufananidzira iyo yaimiririra “kuda” kwaMwari. Kuda kwaJehovha kwaiva kwekuti Mwanakomana wake ape chibayiro chakakwana cheupenyu hwake. Jesu akapa upenyu hwake “kamwe chete zvikabva zvakwana” kuti ayananise kana kuti afukidze zvachose, zvivi zvemunhu wese anotenda muna Kristu. (Verenga VaHebheru 10:​5-7, 10.) Iye zvino ngationgororei kuti zvinhu zvaiva mukati metebhenekeri zvaimiririrei.

NZVIMBO TSVENE NENZVIMBO TSVENETSVENE

12. Ndivanaani vaigona kupinda munzvimbo imwe neimwe yemutebhenekeri?

12 Mumvuri. Mutebhenekeri maiva nezvinhu zvakaita sezvaiva mutemberi dzakazovakwa muJerusarema. Maiva nenzvimbo mbiri, “Nzvimbo Tsvene” uye “Nzvimbo Tsvenetsvene” idzo dzainge dzakaparadzaniswa neketeni. (VaH. 9:​2-5; Eks. 26:​31-33) Mukati meNzvimbo Tsvene maiva nechigadziko chemarambi chegoridhe, atari yekupisira rusenzi, uye tafura yechingwa chekuratidza. “Vapristi vakazodzwa” ndivo chete vaibvumirwa kupinda muNzvimbo Tsvene kuti vaite mabasa avo matsvene. (Num. 3:​3, 7, 10) Nzvimbo Tsvenetsvene yaiva neareka yesungano yakagadzirwa negoridhe iyo yaimiririra kuvapo kwaJehovha. (Eks. 25:​21, 22) Mupristi mukuru ndiye chete aibvumirwa kudarika nepaketeni achipinda muNzvimbo Tsvenetsvene kamwe chete pagore paZuva Rekuyananisira. (Revh. 16:​2, 17) Gore negore, aipinda neropa remhuka kuti ayananisire zvivi zvake pachake uye zverudzi rwacho rwese. Jehovha akazojekesa zvaimiririrwa nezvinhu izvi zvaiva patebhenekeri achishandisa mweya mutsvene wake.—VaH. 9:​6-8. e

13. Nzvimbo Tsvene uye Nzvimbo Tsvenetsvene yetebhenekeri dzinomiririrei pakunamata kwechiKristu?

13 Chinhu chacho chaicho. Vadzidzi vaKristu vashoma ndivo vanozodzwa nemweya mutsvene. Ve144 000 ava vachashumira sevapristi kudenga naJesu. (Zvak. 1:6; 14:1) Nzvimbo Tsvene yetebhenekeri inomiririra kuonekwa kwavo sevanakomana vaMwari pavanenge vachiri panyika. (VaR. 8:​15-17) Nzvimbo Tsvenetsvene yetebhenekeri inomiririra kudenga, kunogara Jehovha. “Keteni” raiparadzanisa Nzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvenetsvene raimiririra muviri waJesu wenyama uyo waimutadzisa kupinda mudenga seMupristi Mukuru anopfuura vamwe vese wetemberi yemweya. Nekupa kwaakaita muviri wake wenyama sechibayiro achiitira vanhu, Jesu akavhurira vaKristu vese vakazodzwa nzira yekuenda kudenga. Vanofanirawo kusiya miviri yavo yenyama kuti vagamuchire mubayiro wavo wekudenga. (VaH. 10:​19, 20; 1 VaK. 15:50) Pashure pekunge amutswa, Jesu akapinda muNzvimbo Tsvenetsvene yetemberi yemweya, maachazobatana nevakazodzwa vese.

14. Maererano naVaHebheru 9:​12, 24-26, nei manamatiro anoitwa mutemberi yaJehovha yemweya achipfuura nekure aiitwa nevaIsraeri?

14 Tinonyatsoona kunaka kwakaita urongwa hwaJehovha hwekunamata kwakachena hwakavapo kuburikidza nechibayiro cherudzikinuro uye upristi hwaJesu Kristu. Mupristi mukuru weIsraeri aipinda muNzvimbo Tsvenetsvene yakagadzirwa nevanhu aine ropa rezvibayiro zvemhuka, asi Jesu akapinda “kudenga chaiko,” nzvimbo tsvene kupfuura dzimwe dzese, kuti ave pamberi paJehovha. Ari kudenga, akapa kukosha kweupenyu hwake hwakakwana achiitira isu “kuti abvise chivi nechibayiro chake pachake.” (Verenga VaHebheru 9:​12, 24-26.) Chibayiro chaJesu chinobvisa chivi nekusingaperi. Sezvatava kuda kudzidza, tingava tiine tariro yekudenga kana kuti yepanyika, tese tinogona kunamata Jehovha mutemberi yake yemweya.

ZVIVANZE

15. Ndivanaani vaishumira muchivanze chetebhenekeri?

15 Mumvuri. Tebhenekeri yaiva nechivanze chimwe chete. Chivanze chacho chainge chakapoteredzwa nemaketeni, uye chaishandiswa nevapristi pakuita mabasa avo. Atari huru yemhangura yekupisira zvibayiro yaiva muchivanze, pamwe chete nemudziyo wemhangura wekuisira mvura waishandiswa nevapristi pakuzvichenesa vasati vaita mabasa avo matsvene. (Eks. 30:​17-20; 40:​6-8) Asi temberi dzakazovakwa pava paya, dzaiva nechimwe chivanze chekunze, icho chaigona kupindwa nevaya vaisava vapristi kuti vanamate Mwari.

16. Ndivanaani vanoshumira muchivanze chimwe nechimwe chetemberi yemweya?

16 Chinhu chacho chaicho. Vasati vaenda kudenga kunoshumira sevapristi pamwe chete naJesu, vakazodzwa vachiri panyika vanoshumira vakatendeka muchivanze chemukati chetemberi yemweya. Mudziyo mukuru wekuisira mvura waiva mutebhenekeri nemutemberi chiyeuchidzo chinokosha kwavari uyewo kuvaKristu vese kuti varambe vakachena mutsika uye mune zvekunamata. Saka “boka guru,” iro rinotsigira hama dzaKristu dzakazodzwa, rinonamata riri kupi? Muapostora Johani akavaona “vamire pamberi pechigaro cheumambo” ‘vachiitira Mwari basa dzvene siku nesikati mutemberi yake.’ Boka guru rinoita izvi panyika muchivanze chekunze chetemberi yemweya. (Zvak. 7:​9, 13-15) Tinoonga Jehovha chaizvo kuti akatipa mukana uyu unokosha wekumunamata mutemberi yake huru yemweya.

ROPAFADZO YEDU YEKUNAMATA JEHOVHA

17. Tine ropafadzo yekupa zvibayiro zvipi kuna Jehovha?

17 Mazuva ano vaKristu vese vane ropafadzo yekupa Jehovha zvibayiro kuburikidza nekushandisa nguva yavo, simba ravo, uye zvinhu zvavo pakutsigira Umambo hwaMwari. Sezvakaudzwa vaKristu vechiHebheru nemuapostora Pauro, tinogona ‘kugara tichipa Mwari chibayiro chekurumbidza, chinova ndicho chibereko chemiromo yedu inozivisa pachena zita rake.’ (VaH. 13:15) Tinogona kuratidza pachena kuti tinokoshesa ropafadzo yedu yekunamata Jehovha nekuita zvese zvatinogona kuti timushumire.

18. Maererano naVaHebheru 10:​22-25, chii chatisingatombofaniri kuregeredza uye chii chatisingafaniri kumbokanganwa?

18 Verenga VaHebheru 10:​22-25. Ava pedyo nekupedzisa tsamba yake kuvaHebheru, Pauro anotaura zvinhu zvakasiyana-siyana zvatisingambofaniri kuregeredza. Zvinhu izvi zvinosanganisira kunyengetera kuna Jehovha, kuzivisa pachena tariro yedu, kuungana pamwe chete seungano, uye kukurudzirana ‘zvikurukuru tichiona zuva raJehovha richiswedera kudai.’ Bhuku raZvakazarurwa rava kunopera, ngirozi yaJehovha inotaura kaviri mashoko ekuti: “Namata Mwari!” ichiratidza kukosha kwaakaita. (Zvak. 19:10; 22:9) Ngatisambofa hedu takakanganwa chokwadi ichi chakadzama chine chekuita netemberi huru yaJehovha yemweya uye ropafadzo inokosha yatiinayo yekunamata Mwari wedu mukuru!

RWIYO 88 Itai Kuti Ndizive Nzira Dzenyu

a Imwe yedzidziso dzakadzama dziri muShoko raMwari ine chekuita netemberi huru yaJehovha yemweya. Temberi iyoyo chii? Nyaya ino ichatsanangura mashoko anowanika mubhuku reBhaibheri raVaHebheru ane chekuita netemberi iyi. Dai nyaya ino ikakubatsira kuwedzera kukoshesa ropafadzo yauinayo yekunamata Jehovha.

b Kuti uone zvakaita bhuku raVaHebheru, ona vhidhiyo inonzi, Kusuma Bhuku raVaHebheru, iri pajw.org.

c VaHebheru ndiro chete bhuku riri muMagwaro echiKristu echiGiriki rinotaura nezvaJesu seMupristi Mukuru.

d Maererano nerimwe bhuku, panogona kunge pakava nevapristi vakuru 84 muIsraeri kusvika pakazoparadzwa temberi yaiva muJerusarema muna 70 C.E.

e Kuti uzive kuti zvaiitwa nemupristi mukuru pazuva rekuyananisira zvairevei, ona vhidhiyo inonzi The Tent iyo iri pajw.org.