Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Pakudzidza

Zvaungaita Pakudzidza

Zvaungaita Kuti Ufambirane Nekugadziridzwa Kwemanzwisisiro Atinoita

Tine ropafadzo yakakura yekurarama panguva iyo Jehovha ari kuwedzera kujekesa manzwisisiro atinoita Bhaibheri. (Dhan. 12:4) Kunyange zvakadaro, tinogona kuomerwa nekufambirana nekugadziridzwa kwemanzwisisiro atinoita chokwadi cheBhaibheri. Tingawanepi zvakagadziridzwa izvi uye tsanangudzo dzacho?

• PaWatch Tower Publications Index pane pakanzi “Beliefs Clarified,” paunogona kuona zvese zvakagadziridzwa zvakarongwa maererano negore. Kuti uone nyaya dzacho, nyora kuti “understanding clarified” (kusanganisira nyora dzemutauro) mukabhokisi kekutsvaga mashoko paWatchtower Library kana paWatchtower ONLINE LIBRARY.

Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza rine misoro yenyaya mishoma yakarongwa zvichienderana nenyaya dzacho. Enda pakanzi “Zvapupu zvaJehovha,” woenda pakanzi “Maonero Uye Zvatinotenda,” wobva wazoenda pakanzi “Kugadziridzwa Kwezvatinotenda.”

Paunenge uchidzidza uri wega, unogona kusarudza chimwe chinhu chakabva kugadziridzwa wotsvakurudza manzwisisiro atava kuita uye zvikonzero zvemuBhaibheri zvekuchinja kwacho.