Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 48

Unogona Kuramba Uchivimba Kuti Jehovha Achakubatsira Munguva Dzakaoma

Unogona Kuramba Uchivimba Kuti Jehovha Achakubatsira Munguva Dzakaoma

“‘Simbai . . . nekuti ndinemi,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.”—HAG. 2:4.

RWIYO 118 “Tiwedzereiwo Kutenda”

ZVICHADZIDZWA a

1-2. (a) Zviri kuitika kwatiri nezvaiitika kuvaJudha vakadzokera kuJerusarema zvakafanana papi? (b) Tsanangura mamwe matambudziko akasangana nevaJudha. (Ona bhokisi rakanzi “ Mazuva aHagai, Zekariya, naEzra.”)

 UNOMBONETSEKA nezveramangwana here? Zvimwe wakapererwa nebasa uye uri kunetseka kuti ungariritira sei mhuri yako. Zvinhu zvakadai sekusagadzikana kwezvematongerwo enyika, kutambudzwa, kana kupikiswa kwebasa rekuparidza zvinogona kuita kuti unetseke kuti chii chichaitika kumhuri yako. Uri kusangana nematambudziko akaita seaya here? Kana zvakadaro, unogona kukurudzirwa kana ukaona kuti Jehovha akabatsira sei vaIsraeri pavaiva mumatambudziko akafanana naiwayo.

2 Zvaida kutenda kuti vaJudha vakanga vararama muBhabhironi kweupenyu hwavo hwese vasiye upenyu hwakanaka voenda kunyika iyo vakawanda vavo vaisanyatsoziva nezvayo. Pasina nguva vasvika, zvakatanga kuvaomera kuti variritire mhuri dzavo. Zvinhu zvainge zvisina kugadzikana munharaunda yaitongwa nePezhiya, uyewo nyika dzainge dzakavapoteredza dzaivapikisa. Saka vamwe vaiona zvakaoma kuti vaise basa rekuvaka temberi yaJehovha pekutanga muupenyu hwavo. Munenge muna 520 B.C.E., Jehovha akabva atuma vaprofita vaviri, Hagai naZekariya, kuti vabatsire vanhu kuti vatangezve kushingaira pabasa. (Hag. 1:1; Zek. 1:1) Sezvatichaona, kukurudzirwa kwavakaitwa nevaprofita ava kwakabatsira chaizvo. Asi pashure peanenge makore 50, vaJudha vainge vadzokera kuJerusarema vakanga vava kurembedza maoko pakuita basa raJehovha. Ezra, uyo aikopa Mutemo waMozisi neunyanzvi, akasvika muJerusarema achibva kuBhabhironi kuti akurudzire vanhu vaMwari kuti vaise kunamata Jehovha pekutanga muupenyu hwavo.—Ezra 7:​1, 6.

3. Mibvunzo ipi yatichakurukura? (Zvirevo 22:19)

3 Sezvo uprofita hwaHagai naZekariya hwakabatsira vanhu vaMwari kare kuti varambe vachivimba naJehovha pavaipikiswa, hunogona kutibatsirawo mazuva ano kuti tirambe tichivimba naJehovha pasinei nematambudziko eupenyu. (Verenga Zvirevo 22:19.) Patinenge tichikurukura mashoko aMwari akataurwa naHagai naZekariya uye kuongorora muenzaniso waEzra, tichawana mhinduro dzemibvunzo iyi inoti: Matambudziko eupenyu akaita kuti vaJudha vakadzokera kuJerusarema vaite sei? Nei tichifanira kuramba tichiisa kuda kwaMwari pekutanga upenyu pahunooma? Uye tingaitei kuti tiwedzere kuvimba naJehovha munguva dzakaoma?

MATAMBUDZIKO AKAKANGANISA SEI VAJUDHA?

4-5. Chii chingangodaro chakaita kuti kushingaira kwevaJudha pabasa rekuvaka temberi kudzikire?

4 VaJudha pavakasvika muJerusarema, vaiva nebasa rakawanda rekuita. Vakakurumidza kuvaka atari yaJehovha uye faundesheni yetemberi. (Ezra 3:​1-3, 10) Asi pasina nguva kushingaira kwavaiita kwakadzikira. Zvakakonzerwa nei? Kuwedzera pabasa rekuvaka temberi, vaifanirawo kuvaka dzimba dzavo, kurima minda, uye kuriritira mhuri dzavo. (Ezra 2:​68, 70) Vakapikiswawo nevavengi avo vaironga kumisa basa rekuvakazve temberi.—Ezra 4:​1-5.

5 VaJudha vainge vadzokera kuJerusarema vakavhiringidzwawo nekusagadzikana kwezveupfumi uye kwezvematongerwo enyika. Nyika yavo yakanga yava pasi peumambo hwePezhiya. Pashure pekufa kwaMambo Koreshi wePezhiya muna 530 B.C.E., Cambyses, uyo akamutsiva pachigaro akaronga kurwisa Ijipiti. Masoja ake paaienda kuIjipiti, angangodaro akarayira vaIsraeri kuti vaape zvekudya, mvura, kunyange pekugara. Uye izvi zvingangodaro zvakaita kuti upenyu hwavo huwedzere kuoma. Mambo Dhariyasi I, uyo akatsiva Cambyses, paakatanga kutonga, pakanga pachine matambudziko akawanda akadai sekupanduka kwevanhu, uye kusagadzikana kwezvematongerwo enyika munharaunda dzaitongwa nePezhiya. Zviri pachena kuti zvinhu izvi zvakaita kuti vaJudha vakanga vadzokera kuJerusarema vanetseke kuti vaizoriritira sei mhuri dzavo. Matambudziko ese avakasangana nawo, akaita kuti vamwe vaJudha vaone sekuti yakanga isiri nguva yakakodzera yekuvakazve temberi yaJehovha.—Hag. 1:2.

6. Maererano naZekariya 4:​6, 7, vaJudha vakasangana nerimwe dambudziko ripi, uye Zekariya akaita kuti vave nechokwadi chei?

6 Verenga Zekariya 4:​6, 7. Kuwedzera pamatambudziko eupfumi uye kusagadzikana kwezvematongerwo enyika, vaJudha vaifanirawo kutsungirira kutambudzwa. Muna 522 B.C.E., vavengi vavo vakanyengetedza hurumende yePezhiya kuti imise basa rekuvakazve temberi yaJehovha. Asi Zekariya akaita kuti vaJudha vave nechokwadi chekuti Jehovha aizoshandisa mweya wake une simba kuti uvabatsire kuramba vachiita basa pasinei nedambudziko chero ripi zvaro. Muna 520 B.C.E., Mambo Dhariyasi akabvumira vaJudha kuti vaenderere mberi nebasa rekuvaka temberi uye akatovapa mari yekuita basa racho. Akarayirawo magavhuna emunharaunda yacho kuti avabatsire.—Ezra 6:​1, 6-10.

7. VaJudha vakadzokera kuJerusarema vakakomborerwa sei pavakaita kuti basa rekuvaka temberi rive pekutanga?

 7 Achishandisa Hagai naZekariya, Jehovha akavimbisa vanhu vake kuti aizovatsigira kana vakaita kuti basa rekuvaka temberi rive pekutanga. (Hag. 1:​8, 13, 14; Zek. 1:​3, 16) Vakurudzirwa nevaprofita ava, vaJudha vakatangazve basa rekuvaka temberi muna 520 B.C.E., uye vakaripedza pasati patombopera makore mashanu. Sezvo vaJudha vakaita kuti basa raJehovha rive pekutanga pasinei nematambudziko, Jehovha akavapa zvavaida pakurarama uyewo akavabatsira kuti varambe vari pedyo naye. Izvi zvakaita kuti vanamate Jehovha vachifara.—Ezra 6:​14-16, 22.

RAMBA UCHIISA KUDA KWAMWARI PEKUTANGA

8. Mashoko ari pana Hagai 2:4 anotibatsira sei kuti tirambe tichiisa kuda kwaMwari pekutanga? (Onawo mashoko emuzasi.)

8 Kutambudzika kukuru zvakunoswedera pedyo, tinoona kuti zvinokosha chaizvo kuti titeerere murayiro wekuita basa rekuparidza. (Mako 13:10) Asi zvinogona kutiomera kuti tiise ushumiri pekutanga kana tiine matambudziko emari kana kuti basa redu rekuparidza richipikiswa. Chii chinogona kutibatsira kuti tiise Umambo pekutanga? Tinobatsirwa nekuramba tichivimba kuti “Jehovha wemauto” b anesu. Achatitsigira kana tikaramba tichiisa zvinhu zvine chekuita neUmambo pekutanga. Saka hatina chekutya.—Verenga Hagai 2:4.

9-10. Mumwe murume nemudzimai vakazvionera vega sei chokwadi chemashoko aJesu ari pana Mateu 6:33?

9 Funga zvakaitika kuna Oleg naIrina, c murume nemudzimai vanoshumira semapiyona. Pavakatama vachinobatsira ungano yaiva kune imwe nzvimbo, vakapererwa nebasa zvichikonzerwa nekudzikira kweupfumi munyika yavo. Kunyange zvazvo vakaita rinenge gore vasina basa rakatsarukana, vakaramba vachiona kuti Jehovha aivatsigira uye pamwe pacho vaibatsirwa nehama nehanzvadzi dzavo. Chii chakavabatsira kutsungirira matambudziko aya? Oleg, uyo akamboora mwoyo chaizvo anoti, “Kuramba tichiita zvakawanda muushumiri kwakatibatsira kuti tirambe takaisa pfungwa pazvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu.” Iye nemudzimai wake vakaenderera mberi nekutsvaga basa, asi vakaramba vachiita ushumiri hwavo.

10 Rimwe zuva pavakasvika pamba vachibva muushumiri, vakaziva kuti shamwari yavo yakanga yaita rwendo rwemakiromita anenge 160 kuti ivaunzire mabhegi maviri ezvekudya. Oleg anoti: “Zuva iroro, takaonazve kudzama kwerudo rwaJehovha uye rweungano. Tine chokwadi chekuti Jehovha haazombofi akakanganwa vashumiri vake, kunyange vachiona sekuti hapasisina tariro.”—Mat. 6:33.

11. Chii chatinogona kutarisira kana tikaramba tichiita kuti kuda kwaJehovha kuve pekutanga?

11 Jehovha anoda kuti tirambe tichiita basa rinoponesa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi. Sezvataurwa  mundima 7, Hagai akakurudzira vanhu vaJehovha kuti vatange kuita basa repatemberi. Jehovha akavimbisa kuti ‘aizovakomborera’ kana vakaita basa racho. (Hag. 2:​18, 19) Isuwo tinogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha achakomborera zvatinoita kana tikaita kuti basa raakatipa rive pekutanga.

ZVATINGAITA KUTI TIWEDZERE KUVIMBA NAJEHOVHA

12. Nei Ezra nevaaiva navo vaifanira kuva nekutenda kwakasimba?

12 Muna 468 B.C.E., Ezra akafamba neboka rechipiri revaJudha kubva kuBhabhironi vachienda kuJerusarema. Kuti vaite rwendo urwu, Ezra nevaaiva navo vaifanira kuva nekutenda kwakasimba. Vaizofamba mumigwagwa ine ngozi, vaine goridhe nesirivha zvakawanda zvainge zvapiwa namambo kuti zvishandiswe patemberi. Izvi zvaigona kuita kuti varwiswe nemakororo. (Ezra 7:​12-16; 8:31) Uyewo pasina nguva, vakaziva kuti kunyange muJerusarema macho maiva nengozi. Guta racho raiva nevanhu vashoma, uye masvingo nemagedhi aro zvaida kugadziridzwa. Chii chatinogona kudzidza pana Ezra nezvekuwedzera kuvimba naJehovha?

13. Chii chakabatsira Ezra kuti awedzere kuvimba naJehovha? (Onawo mashoko emuzasi.)

13 Ezra akanga aona kuti Jehovha anotsigira sei vanhu vake munguva dzakaoma. Makore ainge apfuura, muna 484 B.C.E., Ezra angangodaro aigara muBhabhironi Mambo Ahashivheroshi paakarayira kuti vaJudha vese vaigara muumambo hwePezhiya vaurayiwe. (Est. 3:​7, 13-15) Upenyu hwaEzra nehwevamwe vaJudha hwaiva mungozi! Pavakaziva nezvemurayiro uyu, vaJudha vaiva “mumatunhu ese” vakatsanya uye vakachema, vachitonyengetera kuna Jehovha kuti avabatsire. (Est. 4:3) Fungidzira kuti Ezra nevamwe vaJudha vakanzwa sei zvinhu pazvakachinjira vaya vainge varonga kuparadza vaJudha! (Est. 9:​1, 2) Zvakaitika kuna Ezra munguva idzodzo dzakaoma zvinogona kunge zvakamubatsira kugadzirira miedzo yaizouya uye zvakaita kuti awedzere kuvimba nekukwanisa kunoita Jehovha kudzivirira vanhu vake. d

14. Imwe hanzvadzi yakadzidzei payakabatsirwa naJehovha munguva dzakaoma?

14 Patinobatsirwa naJehovha munguva dzakaoma, tinowedzera kuvimba naye. Funga zvakaitika kuna Anastasia, uyo anogara kuEastern Europe. Akasiya basa rake kuitira kuti arambe asina divi raanotsigira mune zvematongerwo enyika. Anoti: “Aka kaiva kekutanga muupenyu hwangu kushaya mari muhomwe.” Akabva awedzera kuti: “Ndakanyengetera kuna Jehovha uye ndakaona kubatsira kwaakandiita. Kana ndikazorasikirwa nebasa zvakare, handizotyi. Kana Baba vangu vekudenga vachikwanisa kundichengeta nhasi, vachandichengetawo mangwana.”

15. Chii chakabatsira Ezra kuti arambe achivimba naJehovha? (Ezra 7:​27, 28)

15 Ezra akaona ruoko rwaJehovha muupenyu hwake pachake. Paaifunga nezvenguva dzaakambobatsirwa naJehovha zvaimubatsira kuti arambe achivimba naye. Cherechedza mashoko ekuti, “ruoko rwaJehovha Mwari wangu rwaiva pandiri.” (Verenga Ezra 7:​27, 28.) Ezra akashandisa mashoko akafanana neiwayo ka5 mubhuku rine zita rake.—Ezra 7:​6, 9; 8:​18, 22, 31.

Ndepapi patinganyatsoona ruoko rwaJehovha muupenyu hwedu? (Ona ndima 16) e

16. Ndepapi patinganyatsoona ruoko rwaMwari muupenyu hwedu? (Onawo mufananidzo.)

16 Jehovha anogona kutibatsira patinenge tiri mumamiriro ezvinhu akaoma. Semuenzaniso, patinokumbira nguva yekusava pabasa kuitira kuti tipinde gungano kana kuti patinokumbira kuchinja nguva yatinoshanda kuitira kuti tipinde misangano yedu yese, tinoita kuti pave nemukana wekuona ruoko rwaJehovha muupenyu hwedu. Tinogona kushamiswa nezvinozoitika. Izvozvo zvinogona kuita kuti kuvimba kwatinoita naJehovha kuwedzere kusimba.

Ezra achichema uye achinyengetera ari patemberi, achishungurudzika nezvivi zvevanhu. Vanhu vakawanda varipo vari kuchemawo. Shekaniya anobva anyaradza Ezra achimuudza kuti: “Pachiine tariro kuvaIsraeri. . . . Isu tinewe.”​—⁠Ezra 10:​2, 4 (Ona ndima 17)

17. Zvinhu pazvainge zvakaoma, Ezra akaratidza sei kuzvininipisa? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

17 Ezra akanyengetera kuna Jehovha achizvininipisa achikumbira kubatsirwa. Pese paainetseka nemabasa aaifanira kuita, Ezra aizvininipisa onyengetera kuna Jehovha. (Ezra 8:​21-23; 9:​3-5) Kuvimba kwaaiita naJehovha kwaiita kuti vamwe vamutsigire uye vatevedzere kutenda kwake. (Ezra 10:​1-4) Patinonetseka kuti tingawana sei zvekurarama nazvo kana kuti patinenge tichityira kuchengeteka kwemhuri yedu, tinofanira kunyengetera kuna Jehovha tiine chivimbo chekuti achatibatsira.

18. Chii chinogona kutibatsira kuti tiwedzere kuvimba naJehovha?

18 Kana tikazvininipisa totsvaga kubatsirwa naJehovha uye tobvuma kubatsirwa nehama nehanzvadzi dzedu, kuvimba kwatinoita naMwari kuchawedzera. Erika, uyo ane vana vatatu, akaramba achivimba naJehovha pasinei nezvinhu zvinorwadza chaizvo zvakaitika kwaari. Munguva pfupi, akafirwa nemwana wake akanga achiri mudumbu uyewo akafirwa nemurume wake. Achitaura zvakaitika, anoti: “Haukwanisi kugara waziva kuti Jehovha achakubatsira sei. Anogona kukubatsira nenzira dzausingambotarisiri. Ndakaona kuti minyengetero yangu yakawanda yakapindurwa kuburikidza nemashoko uye nezvinoitwa neshamwari dzangu. Kana ndikaudza shamwari dzangu zviri kuitika muupenyu hwangu, dzinogona kundibatsira zviri nyore.”

RAMBA UCHIVIMBA NA JEHOVHA KUSVIKIRA KUMUGUMO

19-20. Tinodzidzei pane zvakaitwa nevaJudha vasina kukwanisa kudzokera kuJerusarema?

19 Tinogonawo kudzidza chidzidzo chinokosha pavaJudha vasina kukwanisa kudzokera kuJerusarema. Vamwe vavo vangangodaro vakatadza kudzokera zvichikonzerwa nekukwegura, kurwara, kana kuti mamiriro ezvinhu emumhuri dzavo. Asi vaiva nechido chekutsigira vaya vaidzokera kuburikidza nekuvapa zvinhu zvaidiwa pakuvakazve temberi. (Ezra 1:​5, 6) Zvinoita sekuti anenge makore 19 pashure pekunge boka rekutanga radzokera kuJerusarema vaya vakaramba vari muBhabhironi vakanga vachiri kutumira zvipo kuJerusarema.—Zek. 6:10.

20 Kunyange patinoona sekuti hatikwanisi kuitira Jehovha zvese zvatinoda, tinogona kuva nechokwadi chekuti anokoshesa zvatinoita nemwoyo wese kuti timufadze. Tinozviziva sei? Mumazuva aZekariya, Jehovha akakumbira muprofita wacho kuti agadzire korona negoridhe nesirivha zvakatumirwa nevaIsraeri vaiva muBhabhironi. (Zek. 6:11) Korona iyi yakanaka kwazvo yaizova chiyeuchidzo chemipiro yavo yavaipa nemwoyo wese. (Zek. 6:14.) Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha haazombofi akakanganwa zvatinoita nemwoyo wese kuti timushumire munguva dzakaoma.—VaH. 6:10.

21. Chii chichatibatsira kuti tivimbe naJehovha pasinei nezvingaitika mune remangwana?

21 Ticharamba tichisangana nematambudziko mumazuva ano ekupedzisira, uye zvinhu zvingatowedzera kuipa mune ramangwana. (2 Tim. 3:​1, 13) Asi hatifaniri kunyanya kunetseka. Yeuka mashoko aJehovha aakaudza vanhu vake panguva yaHagai ekuti: “Ndinemi . . . Musatya.” (Hag. 2:​4, 5) Isuwo tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha acharamba ainesu kana tikaita zvese zvatinogona kuti tiite kuda kwake. Tikashandisa zvidzidzo zvatawana muuprofita hwaHagai naZekariya uye pamuenzaniso waEzra, ticharamba tichivimba naJehovha pasinei nematambudziko atingangosangana nawo mune ramangwana.

RWIYO 122 Ivai Vakasimba, Vasingazununguki!

a Nyaya ino yakanyorerwa kuti itibatsire kuwedzera kuvimba naJehovha patinosangana nematambudziko eupfumi, kusagadzikana kwezvematongerwo enyika, kana kupikiswa kwebasa redu rekuparidza.

b Mashoko ekuti “Jehovha wemauto” anowanika ka14 mubhuku raHagai. Izvi zvaiyeuchidza vaJudha uye zvinotiyeuchidzawo kuti Jehovha ane simba risingaperi uye anotungamirira mauto akakura engirozi.—Pis. 103:​20, 21.

c Mamwe mazita akachinjwa.

d Sezvo aiva nyanzvi pakukopa Mutemo waMwari, Ezra akasvikawo pakunyatsovimba neshoko raJehovha reuprofita kunyange asati atomboenda kuJerusarema.—2 Mak. 36:​22, 23; Ezra 7:​6, 9, 10; Jer. 29:14.

e KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hama iri kukumbira wainoshandira nguva yekusava pabasa kuitira kuti ipinde gungano asi inorambirwa. Inonyengetera ichikumbira kubatsirwa uye kutungamirirwa naJehovha sezvainogadzirira kutaurazve newainoshandira. Iri kuratidza wainoshandira pepa rekukoka vanhu kugungano racho, ichitsanangura kuti Bhaibheri rinotibatsira kuti tive vanhu vakanaka. Munhu wainoshandira anofadzwa nezvaari kunzwa uye anochinja pfungwa.