Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tese Tinotofanira Kuziva Zvakanaka Nezvakaipa

Tese Tinotofanira Kuziva Zvakanaka Nezvakaipa

Unoita sei kana uchida kuenda kune imwe nzvimbo yausati wamboenda?

  1. 1. Unogona kungonanga nekwaunofunga kuti ndiko.

  2. 2. Unogona kungotevera vamwe, uchifungidzira kuti vanoziva nzira yacho.

  3. 3. Unogona kushandisa zvinhu zvisingakurasisi zvakadai semepu, GPS, kana kuti unobvunza shamwari yaunovimba nayo inoziva kuti unofamba sei.

Kana ukangonanga nekwaunofunga kuti ndiko kana kuti ukangotevera vamwe, unogona kutadza kusvika kwaunenge uchida kuenda. Asi kana ukashandisa zvinhu zvisingakurasisi zvataurwa panhamba 3, unogona kuva nechokwadi chekuti uchasvika kwaunenge uchida kuenda.

Upenyu hwedu hwakaita serwendo. Tarisiro yedu ndeyekuti rwendo irworwo ruchaita kuti tive neramangwana rakanaka. Asi kuti tive neramangwana rakadaro, zvinobva pakuti ndekupi kwatinowana mazano atinoshandisa pakuita zvisarudzo.

Zvimwe zvisarudzo zvatinoita zvidiki asi zvimwe zvacho zvakakura. Zvisarudzo izvozvo zvakakura zvinoratidza kuti ndezvipi zvatinoti zvakaipa uye ndezvipi zvatinoti zvakanaka. Zvisarudzo izvi zvinogona kubatsira kana kukanganisa isu nevaya vatinoda kwenguva yakareba uye zvinosanganisira nyaya dzakadai sedzinotevera:

  • Bonde uye wanano

  • Basa, mari, uye kutendeseka

  • Kurera vana

  • Mabatiro atinofanira kuita vamwe

Ungaita sei kuti zvisarudzo zvaunoita panyaya idzi zviite kuti iwe nemhuri yako muve neramangwana rakanaka?

Mumwe nemumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: Pandinenge ndichiita zvisarudzo, chii chingandibatsira kuti ndizive kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi?

Magazini ino ichatsanangura kuti Bhaibheri ringakubatsira sei uye kuti nei tichigona kuvimba nezvarinotaura panyaya yekuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi.