Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 1

RWIYO 38 Achakusimbisa

Paunenge Uchitya, Vimba naJehovha

Paunenge Uchitya, Vimba naJehovha

RUGWARO RWEDU RWEGORE RWA2024 RUNOTI: “Pandinenge ndichitya, ndinovimba nemi.”PIS. 56:3.

ZVATICHADZIDZA

Dzidza kuti tingaitei kuti tiwedzere kuvimba naJehovha tokunda kutya kwatinenge tichiita.

1. Nei tingatya pane dzimwe nguva?

 MUNHU wese ane dzimwe nguva dzaanombotya. Kudzidza kwatakaita Bhaibheri kwakatisunungura pakutya vakafa, pakutya madhimoni, uye pakutya zvichaitika mune ramangwana. Asi tichiri kurarama panguva ine “zvinhu zvinotyisa” zvakadai sehondo, kuparwa kwemhosva uye zvirwere. (Ruka 21:11) Tinogonawo kutya vanhu, kusanganisira hurumende dzinotidzvinyirira, kunyange vemumhuri vanopikisa kunamata kwechokwadi. Vamwe vanonetseka kuti vachatadza kutsungirira muedzo wavari kusangana nawo kana kuti wavangangosangana nawo mune ramangwana.

2. Tsanangura zvakaitika kuna Dhavhidhi paaiva kuGati.

2 Dhavhidhi akambotya. Semuenzaniso, Mambo Sauro paaimudzingirira achida kumuuraya, Dhavhidhi akasarudza kutizira kuguta revaFiristiya rainzi Gati. Mambo weGati, Akishi, akazoziva kuti Dhavhidhi ndiye murwi akanga auraya “makumi ezviuru” zvevaFiristiya. Dhavhidhi ‘akatanga kutya zvikuru.’ (1 Sam. 21:​10-12) Akanetseka kuti Akishi aizoitei naye. Dhavhidhi akakunda sei kutya kwaaiita?

3. Maererano naPisarema 56:​1-3, 11, Dhavhidhi akakunda sei kutya kwaaiita?

3 MuPisarema 56, Dhavhidhi anotaura manzwiro aaiita paaiva kuGati. Pisarema iroro rinoburitsa pachena zvaityiwa naDhavhidhi, asi rinoratidzawo kuti akakunda sei kutya ikoko. Paaitya, Dhavhidhi akavimba naJehovha. (Verenga Pisarema 56:​1-3, 11.) Dhavhidhi aiva nezvikonzero zvakanaka zvekuvimba naJehovha. Achibatsirwa naJehovha, Dhavhidhi akasarudza kuita zvinhu zvisinganzwisisiki asi zvakamubatsira: Akanyepedzera kupenga! Akishi akanga ava kuona Dhavhidhi sebenzi kwete semuvengi, saka Dhavhidhi akakwanisa kupukunyuka.—1 Sam. 21:13–22:1.

4. Tingaitei kuti tiwedzere kuvimba naJehovha? Taura muenzaniso.

4 Isuwo tinogona kukunda kutya kana tikavimba naJehovha. Asi tingaitei kuti tiwedzere kuvimba naJehovha, kunyanya patinenge tichitya? Funga nezvemuenzaniso unotevera. Kana ukaziva kuti une chirwere chauinacho, pakutanga unogona kumbotya. Asi kutya kwaunenge uchiita kunogona kuderera kana uchivimba nachiremba wako. Anogona kunge aine vanhu vakawanda vaakarapa vaiva nechirwere ichocho. Anokuteerera paunenge uchitsanangura zvaunenge uchitya, uye unoona kuti ane hanya newe. Uye anogona kutaura nezvenzira yekurapa yakashanda zvakanaka pane vamwe. Isuwo tinowedzera kuvimba kwatinoita naJehovha kana tikafunga zvaakaita kare, zvaari kuita iye zvino, uye zvaachatiitira. Ndozvakaitwa naDhavhidhi. Patichakurukura mamwe mashoko ake akafemerwa ari muPisarema 56, funga kuti ungawedzerawo sei kuvimba kwaunoita naJehovha wokunda kutya kwaunenge uchiita.

ZVII ZVAKATOITWA NAJEHOVHA?

5. Kuti akunde kutya kwaaiita, Dhavhidhi aifungisisa nezvei? (Pisarema 56:​12, 13)

5 Upenyu hwaDhavhidhi pahwakanga huchiri mungozi, akaisa pfungwa dzake pane zvakanga zvatoitwa naJehovha. (Verenga Pisarema 56:​12, 13.) Aya ndiwo aiva mafungiro aDhavhidhi kweupenyu hwake hwese. Semuenzaniso, dzimwe nguva aifungisisa nezvezvinhu zvakasikwa naJehovha, izvo zvaimuyeuchidza kuti Jehovha ane simba guru kupfuura chero ani zvake uye kuti anoda vanhu chaizvo. (Pis. 65:​6-9) Dhavhidhi aifungisisawo zvakanga zvaitirwa vamwe naJehovha. (Pis. 31:19; 37:​25, 26) Uye ainyanya kufungisisa zvaakaitirwa iye pachake naJehovha. Jehovha akanga amutsigira uye amuchengetedza kubvira achiri mucheche. (Pis. 22:​9, 10) Kufungisisa zvinhu izvozvo kwakabatsira Dhavhidhi kuti awedzere kuvimba naJehovha!

Dhavhidhi akawedzera kuvimba kwaaiita naJehovha nekuramba akaisa pfungwa dzake pane zvakaitwa naJehovha, zvaaiita, uye zvaaizoita (Ona ndima 5, 8, 12) d


6. Patinenge tichitya, chii chichatibatsira kuti tivimbe naJehovha?

6 Paunenge uchitya, zvibvunze kuti, ‘Zvii zvakatoitwa naJehovha?’ Fungisisa zvinhu zvaakasika. Semuenzaniso, ‘patinonyatsocherechedza’ kuti Jehovha anochengeta sei shiri uye maruva, izvo zvisina kusikwa nemufananidzo wake uye zvisingakwanisi kumunamata, tinowedzera kuva nechokwadi chekuti achatichengetawo. (Mat. 6:​25-32) Fungawo zvakaitwa naJehovha kuvanamati vake. Unogona kudzidza nezvemumwe munhu wemuBhaibheri aiva nekutenda kunoshamisa, kana kuti unogona kuverenga nyaya yemumwe mushumiri waJehovha wemazuva ano. a Uyewo fungisisa zvakatoitwa naJehovha achikuchengeta. Akakubatsira sei kuti umuzive? (Joh. 6:44) Akapindura sei minyengetero yako? (1 Joh. 5:14) Uri kubatsirwa sei zuva rimwe nerimwe nechibayiro cheMwanakomana wake waanoda?—VaEf. 1:7; VaH. 4:​14-16.

Tinowedzera kuvimba kwatinoita naJehovha nekuramba takaisa pfungwa dzedu pane zvaakaita kare, zvaari kuita iye zvino, uye zvaachaita (Ona ndima 6, 9-10, 13-14) e


7. Zvakaitika kumuprofita Dhanieri zvakabatsira sei Vanessa kuti akunde kutya kwaaiita?

7 Imwe hanzvadzi yekuHaiti inonzi Vanessa, b yakasangana nemamiriro ezvinhu aityisa. Mumwe murume wemunharaunda yaanogara aimufonera uye aimutumira mameseji zuva nezuva, achimumanikidza kuti varare vese. Vanessa akataura zvakajeka kuti aisada kuita izvozvo. Asi murume wacho akatanga kuita zvenharo uye aitomutyisidzira. Vanessa anoti, “Ndaitya.” Vanessa akakunda sei kutya kwaaiita? Akatora matanho ekuti azvidzivirire. Mumwe mukuru akamubatsira kuti afonere mapurisa. Asi akaisawo pfungwa dzake pane zvakaitwa naJehovha kuti achengetedze vashumiri vake kare. Vanessa anoti, “Muprofita Dhanieri ndiye munhu wandakatanga kufunga nezvake. Akakandwa mugomba raiva neshumba dzine nzara kunyange zvazvo aisava nemhosva. Asi Jehovha akamuchengetedza. Saka ndakakumbira Jehovha kuti aite kuti murume wacho arege kufunga nezvangu, uye kuti andigadzirisire dambudziko racho sezvo pakanga pasisina zvandaigona kuita. Kubva ipapo ndakanga ndisingachatyi.”—Dhan. 6:​12-22.

ZVII ZVIRI KUITWA NAJEHOVHA IYE ZVINO?

8. Dhavhidhi aiva nechokwadi chei? (Pisarema 56:8)

8 Kunyange zvazvo Dhavhidhi aiva mungozi paaiva kuGati, haana kuisa pfungwa dzake pazvinhu zvaiita kuti atye. Pane kudaro, akasarudza kufunga zvaaiitirwa naJehovha panguva iyoyo. Dhavhidhi aiona kuti Jehovha aimutungamirira uye aimudzivirira uye kuti ainzwisisa manzwiro ake. (Verenga Pisarema 56:8.) Dhavhidhi aivawo neshamwari, dzakadai saJonatani uye Mupristi Mukuru Ahimereki, idzo dzakamukurudzira uye dzakamubatsira. (1 Sam. 20:​41, 42; 21:​6, 8, 9) Pasinei nekuti Mambo Sauro aida kumuuraya, Dhavhidhi akapukunyuka. Aiva nechokwadi chekuti Jehovha aiziva dambudziko rake uye kuti raiita kuti anzwe sei.

9. Jehovha anoonei pane mumwe nemumwe wedu?

9 Paunosangana nedambudziko rinoita kuti utye, yeuka kuti Jehovha anoona dambudziko racho uye kuti dambudziko racho rinoita kuti unzwe sei. Semuenzaniso, Jehovha haana kungogumira pakuona utsinye hwaiitirwa vaIsraeri muIjipiti, asiwo aiona “kurwadziwa kwavo.” (Eks. 3:7) Dhavhidhi akaimba kuti Jehovha akaona “kutambudzika” kwake uye zvinhu ‘zvaimunetsa mumwoyo make.’ (Pis. 31:7) Uye vanhu vaMwari pavaitambura kunyange pazvaikonzerwa nezvisarudzo zvakaipa zvavainge vaita “naiyewo akanga achitambudzika.” (Isa. 63:9) Paunenge uchitya, Jehovha anonzwisisa kuti uri kunzwa sei uye anoda chaizvo kukubatsira kuti usaramba uchitya.

10. Nei uine chokwadi chekuti Jehovha ane hanya newe uye kuti achakubatsira kuti ukunde chero dambudziko?

10 Asi unganetseka kuti Jehovha ari kukutsigira sei pauri kusangana nedambudziko rinoita kuti utye. Saka mukumbire kuti akubatsire kuti uone kuti ari kukutsigira sei. (2 Madz. 6:​15-17) Chibva wazvibvunza kuti: Pane hurukuro kana mhinduro yakapiwa pamusangano weungano yakandisimbisa here? Pane bhuku, vhidhiyo, kana kuti imwe yenziyo dzinobuda paJW Broadcasting yakandikurudzira here? Pane munhu akandiudza pfungwa kana rugwaro rwakandikurudzira here? Tinogona kukanganwa kuti kudiwa kwatinoitwa nehama nehanzvadzi dzedu uye kukurudzirwa kwatinowana muShoko raMwari kwakatibatsira sei. Asi izvi zvipo zvinoshamisa zvinobva kuna Jehovha. (Isa. 65:13; Mako 10:​29, 30) Zvinoratidza kuti ane hanya newe. (Isa. 49:​14-16) Uye zvinoratidza kuti unofanira kuvimba naye.

11. Chii chakabatsira Aida kuti ave neushingi?

11 Imwe hanzvadzi yekuSenegal inonzi Aida yakaona kutsigirwa kwayaiitwa naJehovha payaiva mudambudziko. Sezvo ari iye mwana mukuru, vabereki vake vaitarisira kuti aite mari inokwana kuti azvichengete pamwe chete naivo. Asi pashure pekunge aita kuti upenyu hwake husava netwakawanda-wanda kuitira kuti apayone, akava nedambudziko remari. Vemumhuri make vakabva vamutsamwira uye vakamutsoropodza. Aida anoti, “Ndaitya kuti ndaisazokwanisa kubatsira vabereki vangu uye kuti munhu wese aizondishora. Ndakatopomera Jehovha kuti akanga arega zvinhu zvichisvika pakuipa kudaro.” Akabva anzwa imwe hurukuro pamusangano. “Mukurukuri wacho akatiyeuchidza kuti Jehovha anoziva chero maronda atingava nawo mumwoyo medu. Zvishoma nezvishoma, mazano andaipiwa nevakuru uyewo nevamwe akaita kuti ndive nechokwadi chekuti Jehovha anondida. Ndakatanga kunyengetera kuna Jehovha ndiine chivimbo chakawedzera uye ndakanzwa ndiine rugare rwakakura pandaiona minyengetero yangu ichipindurwa.” Nekufamba kwenguva, Aida akazowana basa raimuwanisa mari yekuzvitsigira achipayona uyewo yaikwana kuti abatsire vabereki vake nevamwe. Anoti, “Ndakadzidza kuvimba naJehovha zvizere. Iye zvino, pashure pekunge ndanyengetera, kakawanda kacho kutya kwandinenge ndichiita kunobva kwapera.”

ZVII ZVICHAITWA NAJEHOVHA?

12. Maererano naPisarema 56:​9, Dhavhidhi aiva nechivimbo chei?

12 Verenga Pisarema 56:9. Vhesi iyi inoratidza chimwe chakabatsira Dhavhidhi paaitya. Kunyange zvazvo upenyu hwake hwakanga huchiri mungozi, aifungisisa zvaaizoitirwa naJehovha. Dhavhidhi aiziva kuti Jehovha aizomununura panguva yakakodzera. Jehovha akanga atozivisa kuti Dhavhidhi ndiye aizova mambo anotevera waIsraeri. (1 Sam. 16:​1, 13) Dhavhidhi aiona chero chii zvacho chainge chavimbiswa naJehovha sekunge kuti chainge chatoitika.

13. Tinogona kuva nechivimbo chipi muna Jehovha?

13 Jehovha akavimbisa kukuitirei? Hatitarisiri kuti atidzivirire pamatambudziko ese. c Kunyange zvakadaro, chero matambudziko aungatarisana nawo munyika ino, Jehovha achaabvisa munyika itsva iri kuuya. (Isa. 25:​7-9) Musiki wedu ane simba rekukwanisa kumutsa vakafa, kutiporesa, uye kubvisa vese vanotipikisa.—1 Joh. 4:4.

14. Chii chatingafungisisa nezvacho?

14 Paunenge uchitya, fungisisa zvichaitwa naJehovha mune ramangwana. Funga nezvemanzwiro auchaita Satani paanenge asisipo, vanhu vakaipa pavanenge vatsiviwa nevanhu vakarurama, uye chivi pachinenge chichipera zvishoma nezvishoma zuva rimwe nerimwe. Muenzaniso wakaitwa pagungano remunharaunda ra2014 wakaratidza zvatingaita pakufungisisa nezvetariro yedu. Mumuenzaniso wacho, vamwe baba vakakurukura nemhuri yavo kuti 2 Timoti 3:​1-5 yaizonyorwa sei, kudai kuri kuti mavhesi iwayo aizotaura zvichange zvakaita upenyu muParadhiso. Mavhesi acho aizoti: “Munyika itsva, nguva dzinofadza zvekufadza zviya dzichasvika. Nekuti vanhu vachava vanoda vamwe, vanoda kunamata, vanozvininipisa, vanorumbidza Mwari, vanoteerera vabereki, vanoonga, vakavimbika, vanoda mhuri dzavo, vanobvumirana, vanogara vachitaura zvakanaka nezvevamwe, vanozvidzora, vanyoro, vanoda zvakanaka, vakatendeseka, vanobvuma zvinodiwa nevamwe, vane pfungwa dzinozvininipisa, vanoda Mwari panzvimbo pekuda mafaro, vanonyatsozvipira kuna Mwari; usatombosiyana nevanhu vakadaro.” Munombokurukura here nevemumhuri menyu kana nevamunonamata navo zvichange zvakaita upenyu munyika itsva?

15. Kunyange zvazvo Tanja aitya, chii chakamubatsira kuti arambe akaperera kuna Mwari?

15 Kufungisisa nezvemakomborero achawanika mune ramangwana kwakaita kuti imwe hanzvadzi yekuNorth Macedonia inonzi Tanja isatya. Vabereki vake vaipikisa chaizvo kudzidza kwaaiita Bhaibheri. Anoti: “Zvimwe zvinhu zvandaitya kuti zvaizoitika, zvakaitika. Amai vangu vaindirova pese pandaipinda misangano. Vabereki vangu vakandityisidzira kuti vaizondiuraya kana ndikava mumwe weZvapupu zvaJehovha.” Tanja akazopedzisira adzingwa pamba. Akaita sei? Anoti: “Ndakaisa pfungwa dzangu pakufara kwandaizoita nekusingaperi kana ndikasarudza kuramba ndakaperera kuna Mwari. Ndakafungisisawo kuti pasinei nechandingarasikirwa nacho munyika ino, Jehovha achandipa mubayiro munyika itsva, uye kuti zvinhu zvese zvakaipa hazvizoyeukwi.” Tanja akaramba akaperera kuna Mwari. Uye achibatsirwa naJehovha akawana pekugara. Iye zvino Tanja akaroorwa nehama yakatendeka uye vari kushumira Jehovha pamwe chete vachifara mubasa renguva yakazara.

WEDZERA KUVIMBA KWAUNOITA NAJEHOVHA IYE ZVINO

16. Chii chichatibatsira kuti tirambe tiine ushingi patichaona zvinhu zvinotaurwa pana Ruka 21:​26-28 zvichiitika?

16 Pakutambudzika kukuru, vanhu ‘vachapera simba nekutya.’ Asi vanhu vaMwari vacharamba vakasimba uye vaine ushingi. (Verenga Ruka 21:​26-28.) Nei tisingazotyi? Nekuti tichange tatodzidza nechekare kuvimba naJehovha. Tanja ambotaurwa anotaura kuti zvakaitika kwaari zviri kumubatsira paanosangana nemamwe mamiriro ezvinhu akaoma. Anoti, “Ndakadzidza kuti Jehovha anogona kutibatsira kuti titsungirire chero mamiriro ezvinhu uye anotikomborera. Dzimwe nguva zvingaita sekuti vamwe vanhu vane simba patiri, asi chokwadi ndechekuti Jehovha ane simba kuvapfuura. Kunyange zvazvo tingasangana nedambudziko rakaoma, chokwadi ndechekuti richapera.”

17. Rugwaro rwedu rwegore rwa2024 ruchatibatsira sei? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

17 Mazuva ano kune zvinhu zvakawanda zvinogona kuita kuti titye. Asi kufanana naDhavhidhi, hatiregi kutya kuchitipedza simba. Rugwaro rwedu rwegore rwa2024 munyengetero waDhavhidhi kuna Jehovha. Rwunoti: “Pandinenge ndichitya, ndinovimba nemi.” (Pis. 56:3) Sezvakataurwa nerimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri nezvevhesi iyi, Dhavhidhi “haana kuramba achifunga nezvezvinhu zvaiita kuti atye kana kuti nezvematambudziko ake, asi akatarisa kuMudzikinuri wake uyo aizomununura.” Funga nezverugwaro rwedu rwegore mumwedzi inotevera, kunyanya paunenge uchisangana nemamiriro ezvinhu anotyisa. Wana nguva yekufungisisa zvakaitwa naJehovha kare, zvaari kuita iye zvino uye zvaachaita mune ramangwana. Uye kufanana naDhavhidhi unogonawo kutaura kuti: “Ndinovimba naMwari; handityi.”—Pis. 56:4.

Payawirwa nenjodzi, hanzvadzi iri kufungisisa rugwaro rwegore (Ona ndima 17)

UNGAKUNDA SEI KUTYA KUBURIKIDZA NEKUFUNGISISA . . .

  • zvakatoitwa naJehovha kare?

  • zviri kuitwa naJehovha iye zvino?

  • zvichaitwa naJehovha?

RWIYO 33 Kanda Mutoro Wako Pana Jehovha

a Unogona kuwana mashoko anosimbisa kutenda pajw.org kana ukanyora kuti “tevedzera kutenda kwavo” kana kuti “zvakaitika” pakanzi tsvaga. PaJW Library, tarisa panyaya dzinogara dzichibuda pakanzi “Tevedzerai Kutenda Kwavo,” kana kuti “Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha.”

b Mamwe mazita akachinjwa.

d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Dhavhidhi akafungisisa kuti Jehovha akamupa sei simba rekurwisa bheya, aimubatsira sei achishandisa Ahimereki, uye kuti aizomuita mambo.

e KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama iri mujeri pamusana pezvainotenda iri kufungisisa kubatsirwa kwayakaitwa naJehovha kuti irege kuputa, kukurudzira kwaari kuiita achishandisa tsamba dzinobva kuhama neshamwari uye kuti achaipa upenyu husingaperi muParadhiso.