Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 2

RWIYO 19 Kudya kwaShe Kwemanheru

Wagadzirira Here Zuva Rinonyanya Kukosha Pagore?

Wagadzirira Here Zuva Rinonyanya Kukosha Pagore?

“Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”RUKA 22:19.

ZVATICHADZIDZA

Ona kuti nei Chirangaridzo chichikosha chaizvo, zvatingaita kuti tichigadzirire, uye kubatsira kwatingaita vamwe kuti vachipinde.

1. Nei musi weChirangaridzo uri iwo unonyanya kukosha pagore? (Ruka 22:​19, 20)

 KUVANHU vaJehovha, musi weChirangaridzo cherufu rwaKristu, ndiwo unonyanya kukosha pagore. Ndicho chega chiitiko chakarayirwa naJesu kuti vateveri vake vachengete. (Verenga Ruka 22:​19, 20.) Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti tide kupinda Chirangaridzo. Ngationei zvimwe zvacho.

2. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tide kupinda Chirangaridzo?

2 Chirangaridzo chinotibatsira kufungisisa kukosha kwerudzikinuro. Chinotiyeuchidza nzira dzatinogona kuratidza nadzo kuti tinoonga chibayiro chaJesu. (2 VaK. 5:​14, 15) Chinotipawo mukana ‘wekukurudzirana’ nehama nehanzvadzi dzedu. (VaR. 1:12) Gore negore, vanhu vakawanda vasingachaiti basa vanopinda Chirangaridzo. Vamwe vanotosarudza kudzoka kuna Jehovha nekuti vanenge vagamuchirwa zvakanaka. Uye vanhu vakawanda avo vanofarira chokwadi vanokurudzirwa nezvavanenge vaona uye nezvavanenge vanzwa, kuti vatange kufamba mumugwagwa unoenda kuupenyu. Ndosaka Chirangaridzo chichikosha chaizvo kwatiri!

3. Chirangaridzo chinotibatanidza sei nehama nehanzvadzi dzedu pasi rese? (Onawo mufananidzo.)

3 Fungawo kuti Chirangaridzo chinotibatanidza sei nehama nehanzvadzi dzedu pasi rese. Zvapupu zvaJehovha pasi rese zvinoungana zuva rava kudoka. Tinonzwa hurukuro inosimbisa kukosha kwerudzikinuro. Tinoimba nziyo mbiri dzekurumbidza, tinopfuudza zviratidzo, uye tinoti “ameni” nemwoyo wese kuminyengetero mina inopiwa. Mumaawa anenge 24, ungano dzese dzinenge dzaita zvimwe chetezvo. Unogona here kufungidzira kuti Jehovha naJesu vanofara zvakadii pavanoona tichivakudza nenzira iyi takabatana?

Chirangaridzo chinotibatanidza nehama nehanzvadzi dzedu pasi rese (Ona ndima 3) f


4. Tichakurukurei munyaya ino?

4 Munyaya ino tichakurukura mibvunzo iyi inoti: Tingaitei kuti mwoyo wedu ugadzirire Chirangaridzo? Tingaitei kuti vamwe vabatsirwe neChirangaridzo? Uye tingabatsira sei vaya vasingachaiti basa? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzichatibatsira kuti tigadzirire chiitiko ichi chitsvene.

TINGAITEI KUTI MWOYO WEDU UGADZIRIRE CHIRANGARIDZO?

5. (a) Kufungisisa nezverudzikinuro kunotibatsira sei? (Pisarema 49:​7, 8) (b) Wakadzidzei muvhidhiyo inonzi Jesu Akafirei?

5 Chimwe chezvinhu zvinokosha chatingaita kuti mwoyo wedu ugadzirire Chirangaridzo kufungisisa nezvekukosha kwechibayiro cherudzikinuro chaJesu Kristu. Isu pachedu hatimbofi takakwanisa kuzvidzikinura pachivi nerufu. (Verenga Pisarema 49:​7, 8; onawo vhidhiyo inonzi Jesu Akafirei?) a Saka Jehovha akaita urongwa hwekuti Jesu ape upenyu hwake kuti tiponeswe. Vese vari vaviri, Jehovha naJesu vakazvipira zvikuru. (VaR. 6:23) Patinowedzera kufungisisa kuzvipira kwakaita Jehovha naJesu vachiitira isu, tinowedzera kukoshesa rudzikinuro. Tichakurukura zvimwe zvinhu zvinoratidza kuzvipira kwakaita Jehovha naJesu vachiitira isu. Asi ngatitangei nekuona kuti rudzikinuro rwaisanganisirei.

6. Rudzikinuro rwaisanganisirei?

6 Rudzikinuro mutengo unobhadharwa kuti munhu awanezve chinhu chaanga arasikirwa nacho. Munhu wekutanga, Adhamu, ainge akakwana paakasikwa. Paakatadza, iye nevana vake vese vakarasikirwa nemukana wekurarama nekusingaperi. Kuitira kuti abhadhare mutengo wezvakanga zvaraswa naAdhamu, Jesu akazvipira kupa upenyu hwake hwakakwana sechibayiro. Muupenyu hwake hwese paaiva panyika, Jesu “haana kuita chivi, uye haana kumbotaura mashoko eunyengeri.” (1 Pet. 2:22) Jesu paakafa, ainge akakwana sezvainge zvakaita Adhamu asati atadza. Saka nekupa upenyu hwake sechibayiro, Jesu aikwanisa kubhadhara mutengo weupenyu hwakaraswa naAdhamu.—1 VaK. 15:45; 1 Tim. 2:6.

7. Ndeipi mimwe miedzo yakasangana naJesu paaiva panyika?

7 Jesu akaramba achinyatsoteerera Baba vake vekudenga pasinei nemiedzo yakawanda yaakasangana nayo paaiva panyika. Paaiva mwana, Jesu aifanira kuzviisa pasi pevabereki vane chivi kunyange zvazvo iye ainge akakwana. (Ruka 2:51) Paakanga ava mumakore ekuyaruka, aifanira kukunda chero miedzo yaangadaro aisangana nayo yekuti asateerera kana yekuti asaramba akatendeka. Uye paakanga ava munhu mukuru, Jesu aifanira kukunda miedzo yaibva kuna Satani Dhiyabhorosi kusanganisira kuudzwa kuti aite zvinhu zvaimutadzisa kuramba akavimbika kuna Mwari. (Mat. 4:​1-11) Satani aida kuti Jesu atadzire Mwari zvoita kuti asakwanisa kubhadhara rudzikinuro.

8. Ndeapi mamwe matambudziko akatsungirirwa naJesu?

8 Paaiita ushumiri hwake panyika, Jesu akatsungirira mamwe matambudziko. Aitambudzwa nevavengi vake uye vaiedza kumuuraya. (Ruka 4:​28, 29; 13:31) Aifanirawo kutsungirira kukanganisa kwaiita vateveri vake. (Ruka 9:​33, 34) Paaitongwa, akatambudzwa uye akasekwa. Akazourayiwa zvinorwadza chaizvo uye zvinonyadzisa. (VaH. 12:​1-3) Aifanira kutsungirira ari ega chikamu chekupedzisira chekutambudzwa kwake, asingadzivirirwi naJehovha. bMat. 27:46.

9. Kuzvipira kwakaita Jesu kunoita kuti tinzwe sei? (1 Petro 1:8)

9 Zviri pachena kuti Jesu akazvipira chaizvo kuti atidzikinure. Patinofunga kuzvipira kwese kwaakaita achiitira isu tinowedzera kumuda.—Verenga 1 Petro 1:8.

10. Jehovha akazvipira zvakadii kuti ape rudzikinuro?

10 Zvakadii naJehovha? Akazvipira zvakadii kuitira kuti Jesu abhadhare rudzikinuro? Jehovha naJesu ndivo vane ushamwari hwepedyo kupfuura chero hupi zvahwo pakati pababa nemwanakomana. (Zvir. 8:30) Chimbofunga kuti Jehovha akanzwa sei, achiona Jesu achitsungirira matambudziko akawanda paaiva panyika. Zviri pachena kuti Jehovha akarwadziwa chaizvo kuona Mwanakomana wake achibatwa zvisina kunaka, achirambwa uye achiedzwa.

11. Taura muenzaniso unoratidza kuti Jehovha anofanira kunge akanzwa sei Jesu paaiurayiwa.

11 Mubereki wese akafirwa nemwana anonyatsoziva kurwadza kwazvinoita kufirwa nemwana. Tinotenda zvakasimba murumuko asi izvozvo hazvibvisi marwadzo atinova nawo patinofirwa nemunhu watinoda. Muenzaniso uyu unotibatsira kunzwisisa kuti Jehovha anofanira kunge akanzwa sei paaiona Mwanakomana wake achitambura uye achiurayiwa pazuva iroro muna 33 C.E. cMat. 3:17.

12. Chii chatinogona kuita mavhiki mashoma Chirangaridzo chisati chaitwa?

12 Kubva iye zvino kusvika musi uchaitwa Chirangaridzo, edza kudzidza zvakawanda nezverudzikinuro paunodzidza uri wega kana kuti paKunamata Kwemhuri. Shandisa Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza, kana kuti mamwe mabhuku atinoshandisa pakudzidza Bhaibheri kuti udzidze zvakawanda nezvenyaya yacho. d Uyewo iva nechokwadi chekuti watevedzera purogiramu yekuverenga Bhaibheri yeChirangaridzo inowanika muUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa. Uye musi weChirangaridzo, usakanganwa kuona purogiramu yeKunamata Kwemangwanani yeChirangaridzo. Patinoita kuti mwoyo wedu ugadzirire Chirangaridzo, tinokwanisa kuita kuti vamwe vabatsirwewo nacho.—Ezra 7:10.

ITA KUTI VAMWE VABATSIRWE

13. Ndechipi chinhu chekutanga chatingaita kuti vamwe vabatsirwe neChirangaridzo?

13 Tingaita sei kuti vamwe vabatsirwe neChirangaridzo? Chekutanga chatingaita kuvakoka. Kuwedzera pane vaya vatinoona patinoita ushumiri hwedu, tinogona kunyora pasi vamwe vanhu vatinoziva vatinogona kuzokoka. Vanhu ava vanosanganisira veukama, vatinoshanda navo, vekuchikoro nevamwewo. Kunyange kana tisina mapepa anokwana akaprindwa ekukoka vanhu kuChirangaridzo, tinogona kuvatumira link inoita kuti vaone pepa racho pawebsite yedu. Tinogona kuzoshamiswa nekuwanda kwevanhu vachasarudza kuchipinda.—Mup. 11:6.

14. Taura muenzaniso unoratidza kukosha kwazvakaita kukoka munhu waunoziva kuChirangaridzo.

14 Paunokoka mumwe munhu waunoziva kuChirangaridzo, anogona kunzwa achida chaizvo kuchipinda. Rimwe zuva, imwe hanzvadzi ine murume asiri Chapupu yakashamiswa murume wacho paakataura kuti aironga kuenda nayo kuChirangaridzo. Nei hanzvadzi iyi yakashamiswa? Nekuti yainge yaedza kakawanda kumukurudzira kuti apinde Chirangaridzo asi akanga asina kumbochipinda. Nei akasarudza kupinda panguva iyi? Murume wacho achitaura nezvemumwe mukuru waaiziva ainge amukoka akati, “Pane akandikoka.” Murume wacho akazopinda Chirangaridzo gore iroro uye kwemamwe makore akawanda akazotevera.

15. Chii chatinofanira kuyeuka patinokoka vanhu kuChirangaridzo?

15 Yeuka kuti vaya vatinokoka vanogona kuva nemibvunzo, kunyanya kana vanga vasati vambopinda misangano yedu. Saka tinogona kufunga nezvemibvunzo yavangazobvunza, togadzirira kuvapindura. (VaK. 4:6) Semuenzaniso, vamwe vangabvunza kuti: ‘Chii chinenge chichiitwa pamusangano wacho?’ ‘Uchatora nguva yakareba sei?’ ‘Tinofanira kunge takapfeka sei?’ ‘Kupinda kunobhadharwa here?’ ‘Kana tapinda tichanzi tibvise mari here?’ Patinokoka mumwe munhu kuChirangaridzo, tinogona kumunzwa kana aine mibvunzo, tobva tamupindura kana ainayo. Kuti tibatsire munhu kunzwisisa kuti misangano yedu inoitwa sei, tinogonawo kushandisa mavhidhiyo anoti, Kuyeuka Rufu rwaJesu uye Chii Chinoitwa paImba yoUmambo? Uye chidzidzo 28 chebhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! chine pfungwa dzakanaka dzatinogona kukurukura naye.

16. Vaya vanenge vapinda Chirangaridzo vanogona kuva nemimwe mibvunzo ipi?

16 Pashure pekunge vapinda Chirangaridzo, vaya vanenge vafarira vanogona kuva nemimwe mibvunzo. Vanogona kubvunza kuti nei paine vashoma kana kuti pasina vadya chingwa nekunwa waini. Vanogonawo kubvunza kuti tinoita Chirangaridzo kakawanda sei. Uye vangada kuziva kana misangano yese yeZvapupu zvaJehovha ichiitwa saizvozvo. Kunyange zvazvo mimwe yemibvunzo iyi ichipindurwa muhurukuro yeChirangaridzo, vanhu vatsva vanogona kuda kutsanangurirwa muudzame. Nyaya iri pajw.org yakanzi, “Nei Maitiro Anoita Zvapupu zvaJehovha Chirayiro chaShe Achisiyana Nezvinoitwa Nemamwe Machechi?” inogona kutibatsira kuti tipindure mimwe yemibvunzo yavo. Tinoda kuita zvese zvatinogona Chirangaridzo chisati chaitwa, pachinenge chichiitwa, uye pashure pekunge chaitwa, kuti tiite kuti vaya ‘vane chido’ vabatsirwe nekuchipinda.—Mab. 13:48.

BATSIRAI VASINGACHAITI BASA

17. Vakuru vangabatsira sei vaya vasingachaiti basa? (Ezekieri 34:​12, 16)

17 Mumwaka weChirangaridzo, vakuru vangabatsira sei vaya vasingachaiti basa? Varatidzei kuti munovada. (Verenga Ezekieri 34:​12, 16.) Chirangaridzo chisati chaitwa, ivai nechokwadi chekuti mashanyira vakawanda sezvamunokwanisa. Vaudzei kuti mune hanya navo uye kuti munoda kuita zvese zvamunogona kuti muvabatsire. Vakokei kuChirangaridzo. Kana vakapinda, vagamuchirei nemufaro. Pashure peChirangaridzo, rambai muchikurukura nehama nehanzvadzi dzedu idzi dzatinoda uye itai zvese zvamunogona kuti mudzibatsire kudzoka kuna Jehovha.—1 Pet. 2:25.

18. Tese tingabatsira sei vasingachaiti basa? (VaRoma 12:10)

18 Vese vari muungano vanogona kubatsira vasingachaiti basa kuti vapinde Chirangaridzo. Vangazviita sei? Nekuvaratidza rudo, mutsa, uye kuvaremekedza. (Verenga VaRoma 12:10.) Yeuka kuti makwai anodiwa aya anogona kunge achizeza kuuyazve kumusangano. Vanogona kunge vachitya kuti havazogamuchirwi zvakanaka. e Saka usavabvunza mibvunzo inogona kuita kuti vanyare kana kutaura zvimwe zvinhu zvingaita kuti varwadziwe. (1 VaT. 5:11) Vachiri hama nehanzvadzi dzedu. Tinofara kunamata navo zvakare!—Pis. 119:176; Mab. 20:35.

19. Tinobatsirwa sei nekuyeuka rufu rwaJesu?

19 Tinoonga chaizvo kuti Jesu akatiudza kuti tiyeuke Chirangaridzo cherufu rwake gore negore uye tinonzwisisa kuti izvozvo zvinokosha chaizvo. Patinoyeuka rufu rwaJesu, isu nevamwe tinobatsirwa munzira dzakawanda. (Isa. 48:​17, 18) Tinowedzera kuda Jehovha naJesu. Tinoratidza kuti tinoonga chaizvo zvavakatiitira. Tinowedzera kuda hama nehanzvadzi dzedu. Uye tinogona kubatsira vamwe kuti vadzidze kuti vangawana sei makomborero anounzwa nerudzikinuro. Saka ngatiitei zvese zvatinogona kuti tigadzirire Chirangaridzo chegore rino, zuva rinonyanya kukosha pagore!

TINGAITEI KUTI . . .

  • mwoyo wedu ugadzirire Chirangaridzo?

  • vamwe vabatsirwe neChirangaridzo?

  • tibatsire vasingachaiti basa?

RWIYO 18 Kutenda Kudzikinurwa Kwatakaitwa

a Kuti uwane nyaya uye mavhidhiyo zvataurwa munyaya ino, enda pajw.org wonyora musoro wacho pakanzi “tsvaga.”

b Ona nyaya yakanzi “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” iri muNharireyomurindi yaApril 2021.

d Ona bhokisi rakanzi, “ Zvaungaita Pakutsvakurudza.”

e Ona mifananidzo uye bhokisi rakanzi “ Ungano Yakaita Sei?” Hama isingachaiti basa inozeza kupinda muImba yeUmambo, asi inokunda manzwiro airi kuita. Inogamuchirwa nemufaro uye inonakidzwa nekuwadzana nevamwe.

f KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Vanhu vaJehovha pavanenge vachiita Chirangaridzo kune rimwe divi renyika, hama nehanzvadzi dzavo kune mamwe mativi enyika dzinenge dzichigadzirira musangano uyu unokosha.