Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unobata Vanhukadzi Sezvinoita Jehovha Here?

Unobata Vanhukadzi Sezvinoita Jehovha Here?

TINE ropafadzo yekushumira Jehovha pamwe chete nevakadzi vakawanda vakatendeka. Tinoda uye tinokoshesa mumwe nemumwe wehanzvadzi idzi dzakavimbika dzinoshanda nesimba! a Saka hama, edzai kuvabata zvakanaka uye zvine ruremekedzo. Asi sezvo tiine chivi, dzimwe nguva zvingatiomera kuti tiite izvozvo. Dzimwe hama dzine rimwewo dambudziko.

Vamwe vakakurira mutsika dzine varume vakawanda vanotarisira vakadzi pasi. Semuenzaniso, mumwe mutariri wedunhu wekuBolivia anonzi Hans anoti: “Vamwe varume vakarerwa mutsika dzinokurudzira varume kuti vadade chaizvo. Varume ava vanofunga kuti vari nani pane vakadzi uye havavaremekedzi.” Mumwe mukuru ari kuTaiwan anonzi Shengxian anoti: “Kwandinogara, varume vakawanda vanofunga kuti vakadzi havafaniri kutaura zvavanofunga vachiudza varume. Kana murume akataura nezvemaonero anoita mukadzi chimwe chinhu, vamwe vake vanogona kumutarisira pasi.” Vamwe varume vanoratidza nenzira dzisiri pachena kuti vanosarura vakadzi. Semuenzaniso, vanotaura nyambo dzinodzikisira vakadzi.

Chinofadza ndechekuti murume wese anogona kuchinja pasinei nekuti akakurira mutsika dzakaita sei. Anogona kusiya mafungiro ekuti varume vari nani pane vakadzi. (VaEf. 4:​22-24) Anogona kuita izvi nekutevedzera muenzaniso waJehovha. Munyaya ino tichakurukura kuti Jehovha anobata sei vanhukadzi, hama dzingadzidza sei kubata vanhukadzi sezvinoita Jehovha, uye kuti vakuru vangaratidza sei muenzaniso wakanaka pakuremekedza hanzvadzi.

JEHOVHA ANOBATA SEI VANHUKADZI?

Jehovha anoratidza muenzaniso wakazonaka wezvinofanira kuitwa pakubata vanhukadzi. SaBaba vane tsitsi, anoda vanhu vaakasika. (Joh. 3:16) Uye hanzvadzi dzakatendeka dzakaita sevanasikana vanokosha kwaari. Ngationei munzira dzinotevera kuti Jehovha anoratidza sei kuti anoda uye kuti anoremekedza vanhukadzi.

Haavasaruri. Jehovha akasika varume nevakadzi nemufananidzo wake. (Gen. 1:27) Haana kusika varume vari vanhu vakangwara kana kuti vachikwanisa kuita zvinhu kupfuura vakadzi, uyewo haafariri varume kupfuura vakadzi. (2 Mak. 19:7) Akasika varume nevakadzi vachikwanisa kunzwisisa zvakafanana chokwadi cheBhaibheri uye kutevedzera unhu hwake hwakanaka. Jehovha anokoshesawo zvakafanana varume nevakadzi vakatendeka, pasinei nekuti vane tariro yekugara nekusingaperi munyika inenge iri paradhiso, kana kuti yekushumira semadzimambo nevapristi kudenga. (2 Pet. 1:1.) Zviri pachena kuti Jehovha haasaruri vakadzi.

Anovateerera. Jehovha ane hanya nemanzwiro anoita vakadzi uye matambudziko avo. Semuenzaniso, akateerera uye akapindura minyengetero yaRakeri naHana. (Gen. 30:22; 1 Sam. 1:​10, 11, 19, 20) Jehovha akafemerawo vanyori veBhaibheri kuti vanyore nezvenyaya dzevarume vakateerera vakadzi. Semuenzaniso, Abrahamu akaita zvaakarayirwa naJehovha kuti ateerere mudzimai wake Sara. (Gen. 21:​12-14) Mambo Dhavhidhi akateerera Abhigairi. Akatoona kuti Jehovha akanga amutuma kuti ataure naye. (1 Sam. 25:​32-35) Jesu uyo anonyatsoratidza unhu hwaBaba vake, akateerera amai vake Mariya. (Joh. 2:​3-10) Mienzaniso iyi inoratidza kuti imwe nzira iyo Jehovha anoratidza nayo kuti anoremekedza vakadzi ndeyekuvateerera.

Anovimba navo. Semuenzaniso, Jehovha akavimba naEvha kuti aizobatsira pakuchengetedza nyika yese. (Gen. 1:28) Paakaita izvozvo, Jehovha akaratidza kuti aisaona Evha seakaderera pane murume wake Adhamu, asi aimuona semubatsiri waAdhamu. Jehovha akavimbawo nevaprofitakadzi vakadai saDhibhora naHuridha kuti varayire vanhu vake kusanganisira mumwe mutongi nemumwe mambo. (Vat. 4:​4-9; 2 Madz. 22:​14-20) Mazuva ano, Jehovha anovimbawo nevakadzi vechiKristu kuti vaite basa rake. Hanzvadzi idzi dzakatendeka dzinoshumira sevaparidzi, mapiyona uye mamishinari. Vanobatsirawo pakugadzira mapurani, pakuvaka, uye pakuita kuti Dzimba dzeUmambo nemahofisi emapazi zvigare zvakanaka. Vamwe vavo vanoshumira paBheteri, uye vamwe vavo vanoshumira pamahofisi ekushandura. Hanzvadzi idzi dzakaita seuto guru rinoshandiswa naJehovha pakuita kuda kwake. (Pis. 68:11) Zviri pachena kuti Jehovha haaoni vakadzi sevasina simba kana kuti sevasina zvavanokwanisa kuita.

HAMA DZINGADZIDZA SEI KUBATA VANHUKADZI SEZVINOITA JEHOVHA?

Hama, kuti tizive kana tiri kubata hanzvadzi dzechiKristu sezvinoita Jehovha, tinofanira kunyatsoongorora mafungiro edu uye maitiro edu. Kuti tiite izvozvo, tinoda kubatsirwa. Chiremba anogona kushandisa muchina weX-ray kuti aone kana mwoyo uri kushanda zvakanaka. Saizvozvowo, shamwari dzakanaka uye Shoko raMwari zvinogona kutibatsira kuziva kana manzwiro atinoita nezvevanhukadzi achifadza Jehovha kana kuti kwete. Tingaitei kuti tiwane rubatsiro rwakadaro?

Bvunza shamwari yakanaka. (Zvir. 18:17) Kuti tizive, tinogona kutaura neshamwari yatinovimba nayo iyo ine mutsa uye inonzwisisa, toibvunza mibvunzo yakadai sekuti: “Unofunga kuti ndinobata sei hanzvadzi? Unofunga kuti dzinozviona here kuti ndinodziremekedza? Pane here pandinofanira kugadzirisa?” Kana shamwari yako ikataura zvimwe zvinhu zvaunogona kuvandudza, usaedza kupa tuzvikonzero. Pane kudaro, iva nechido chekugadzirisa.

Dzidza Shoko raMwari. Nzira yakanaka zvikuru yekuti tizive kana tiri kubata hanzvadzi zvakanaka ndeyekuongorora mafungiro edu uye maitiro edu tichishandisa Shoko raMwari. (VaH. 4:12) Patinodzidza Bhaibheri, tinodzidza nezvevarume vaibata vanhukadzi zvakanaka uye vaya vaisadaro. Tinogona kubva taenzanisa maitiro avo needu. Kuwedzera pane izvozvo, kuenzanisa mavhesi eBhaibheri kunogona kutibatsira kuti tisashandisa Magwaro zvisiri izvo kuti titsigire maonero asina kunaka atingava nawo nezvevakadzi. Semuenzaniso, maererano na1 Petro 3:​7, mudzimai anofanira kubatwa ‘nerukudzo sezvinoitwa mudziyo usina kusimba.’ b Izvi zvinoreva here kuti ane njere shoma kana kuti haanyatsokwanisi kuita zvinhu sezvinoita murume? Kwete, hazvirevi kudaro! Enzanisa mashoko aPetro nezvinotaurwa pana VaGaratiya 3:​26-29, panotaura nezvekuti Jehovha akasarudza vakadzi uyewo varume kuti vazotonga pamwe chete naJesu kudenga. Patinodzidza Shoko raMwari, tobvunza shamwari yakanaka nezvemaonero ayo pamusoro pemabatiro atinoita vanhukadzi, tinogona kudzidza kunyatsoremekedza hanzvadzi dzedu.

VAKURU VANORATIDZA SEI KUTI VANOREMEKEDZA HANZVADZI?

Hama dziri muungano dzinogonawo kudzidza kubata hanzvadzi zvine ruremekedzo nekutevedzera muenzaniso wakanaka wevakuru vane rudo. Vakuru vanoratidza sei muenzaniso wakanaka pakuremekedza hanzvadzi? Ona dzimwe nzira dzavanoita izvozvo.

Vanorumbidza hanzvadzi. Muapostora Pauro akaratidza muenzaniso wakanaka wekuti vakuru vatevedzere. Akarumbidza pachena hanzvadzi dzakawanda mutsamba yaakanyorera ungano yaiva muRoma. (VaR. 16:12) Hanzvadzi idzodzo dzinofanira kunge dzakafara chaizvo padzakanzwa tsamba yaPauro ichiverengwa muungano. Saizvozvowo, vakuru vanorumbidza hanzvadzi nekuda kweunhu hwadzo hwakanaka uye basa radzinoitira Jehovha. Izvi zvinoita kuti hanzvadzi dzizive kuti ungano inodziremekedza uye inodzikoshesa. Mashoko anokurudzira anotaurwa nemukuru anogona kunge ari iwo chaiwo anodiwa nehanzvadzi idzi sezvadzinoramba dzichishumira Jehovha dzakatendeka.—Zvir. 15:23.

Rumbidza

Vakuru pavanorumbidza hanzvadzi, vanotaura nemwoyo wese uye vanotaura zvacho zvakanaka zvinenge zvaitwa. Nei vachidaro? Imwe hanzvadzi inonzi Jessica inoti: “Zvinofadza kunzwa hama dzichiti kuhanzvadzi ‘maita henyu.’ Asi tinonyanya kukurudzirwa kana hama dzikatirumbidza dzichitaura zvacho zvataita, zvakadai sekudzidzisa vana vedu kuti vagare vakanyarara pamisangano, kana kuzvipira kunotora mudzidzi weBhaibheri kuti auye kumusangano.” Vakuru pavanorumbidza hanzvadzi pamusoro pechimwe chinhu chadzinenge dzaita, vanoita kuti hanzvadzi dzinzwe kuti dzinokosha muungano.

Vanoteerera hanzvadzi. Vakuru vanozvininipisa vanoziva kuti havasi ivo vega vanopa mazano akanaka. Vakuru vakadaro vanokumbira hanzvadzi kuti dzitaure zvadzinofunga, uye vanonyatsoteerera hanzvadzi padzinenge dzichitaura. Pavanoita izvozvo, vakuru vanokurudzira hanzvadzi uye ivo vacho zvinovabatsira. Zvinovabatsira sei? Mumwe mukuru anonzi Gerardo, uyo ari kushumira paBheteri anoti: “Ndakaona kuti kukumbira hanzvadzi kuti dzitaure zvadzinenge dzichifunga kunondibatsira pakuita basa rangu zvakanyatsonaka. Kakawanda kacho, vanenge vava nenguva yakareba vachiita basa iroro kupfuura hama dzakawanda.” Muungano, hanzvadzi dzakawanda dzinoshumira semapiyona, saka dzinoziva zvakawanda nezvevanhu vanogara mundima yacho. Mukuru anonzi Bryan anoti: “Hanzvadzi dzedu dzine zvinhu zvakawanda zvadzinoita zvinogona kubatsira sangano. Saka batsirwa neruzivo rwadzo!”

Teerera

Vakuru vakachenjera havakurumidzi kuramba mazano ehanzvadzi. Nei vasingadaro? Mumwe mukuru anonzi Edward anoti: “Mafungiro ehanzvadzi uye ruzivo rwayo zvinogona kubatsira hama kuti ione zvese zvinenge zvakanyatsoita nyaya yacho uye zvinogona kuibatsira kuti ive munhu anonzwisisa manzwiro evamwe.” (Zvir. 1:5) Kunyange mukuru akasashandisa zano rehanzvadzi, anogona kuitenda nezvainenge yataura uye maonero ayo.

Vanodzidzisa hanzvadzi. Vakuru vakachenjera vanotsvaga mikana yekudzidzisa hanzvadzi. Semuenzaniso, vanodzidzisa hanzvadzi kuti dzingaitisa sei misangano yebasa remumunda kuitira kuti dzizoitisa kana pasina hama yakabhabhatidzwa. Vanogona kudzidzidzisa kuti dzishandise maturusi kana kuti michina kuitira kuti dzikwanise kubatsira pakuvaka kana kuti pakuita kuti zvivakwa zvesangano zvigare zvakanaka. PaBheteri, vatariri vanodzidzisa hanzvadzi kuti dziite mabasa akasiyana-siyana anosanganisira rekuita kuti zvinhu zvigare zvichishanda zvakanaka, kutenga, akaunzi, computer programming, zvichingodaro. Vakuru pavanodzidzisa hanzvadzi, vanoratidza kuti vanoona hanzvadzi sevanhu vanogona mabasa uye vanogona kuvimbwa navo.

Dzidzisa

Hanzvadzi dzakawanda dzinoshandisa zvadzakadzidziswa nevakuru pakuita zvinhu zvinobatsira vamwe. Semuenzaniso, dzimwe hanzvadzi dzinoshandisa zvadzakadzidziswa pakuvaka kuti dzibatsire vamwe kuvakazve misha yavo pashure penjodzi inongoitika yega. Dzimwe hanzvadzi dzinoshandisa unyanzvi hwadzakadzidziswa pakuparidza munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda kuti dzibatsire pakudzidzisa dzimwe hanzvadzi pakuita ushumiri uhwu. Hanzvadzi dzinonzwa sei nezvevakuru vakadzidzidzisa? Imwe hanzvadzi inonzi Jennifer inoti: “Pataivaka imwe Imba yeUmambo, mumwe mutariri akashandisa nguva yake kuti andidzidzise. Aicherechedza basa randaiita, uye aindirumbidza nezvaro. Ndaida chaizvo kushanda naye nekuti ndainzwa kuti ndinokosheswa uye ndinovimbwa neni.”

KUBATSIRA KWAZVINOITA PATINOBATA HANZVADZI SEVANHU VEMUMHURI MEDU

Tinoda hanzvadzi dzedu dzakatendeka sezvinoita Jehovha! Tinovabata sevanhu vemumhuri medu. (1 Tim. 5:​1, 2) Tinovakoshesa uye tinonakidzwa nekushanda navo. Tinofara chaizvo pavanoona kuti tinovada uye tinovatsigira. Imwe hanzvadzi inonzi Vanessa inoti: “Ndinotenda chaizvo Jehovha nekuva musangano rake, iro rakazara hama dzinondikurudzira chaizvo.” Imwe hanzvadzi yekuTaiwan inoti: “Ndinotenda chaizvo kuti Jehovha nesangano rake vanokoshesa chaizvo vakadzi uye manzwiro edu. Izvi zvinosimbisa kutenda kwangu uye zvinoita kuti ndiwedzere kuonga ropafadzo yekuva musangano raJehovha.”

Jehovha anofanira kunge achifara chaizvo paanoona varume vechiKristu vakatendeka vachiedza kuona uye kubata vanhukadzi sezvaanoita! (Zvir. 27:11) Mumwe mukuru wekuScotland anonzi Benjamin anoti: “Varume vakawanda vari munyika mazuva ano havatomboremekedzi vakadzi zvachose. Saka vakadzi pavanopinda muImba yeUmambo, tinoda kuti vanzwe kuti vanokosheswa uye vanodiwa.” Dai tese tikaita zvese zvatinogona kuti titevedzere Jehovha nekubata hanzvadzi dzedu zvine rudo uye zvine ruremekedzo.—VaR. 12:10.

a Munyaya ino, shoko rekuti “hanzvadzi” riri kureva hanzvadzi dzechiKristu kwete vanhu vemumhuri.

b Kuti uone zvakawanda nezveshoko rekuti “mudziyo usina kusimba” ona nyaya inoti “Kukosha Kwo‘mudziyo Usina Simba’” iri muNharireyomurindi yaMay 15, 2006, uye inoti “Mirayiridzo Yokuchenjera Kune Vakaroorana” iri muNharireyomurindi yaMarch 1, 2005.