Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 5

RWIYO 27 Kuratidzwa Kwevanakomana vaMwari

“Handizokusiyi Uye Handizokurasi”!

“Handizokusiyi Uye Handizokurasi”!

“[Mwari] akati: ‘Handizokusiyi, uye handizokurasi.’”VAH. 13:5b.

ZVATICHADZIDZA

Nyaya ino ichabatsira vashumiri vaMwari vari panyika kuti vave nechokwadi chekuti haazovarasi kana vaKristu vese vakazodzwa vanenge vachiri panyika vatorwa kuti vaende kudenga.

1. Vakazodzwa vese vachange vava kudenga riini?

 MAKORE adarika, vanhu vaJehovha vainetseka kuti, ‘Munhu wekupedzisira pavaKristu vakazodzwa achatorwa riini kuti aende kudenga?’ Taimbofunga kuti vamwe vaKristu vakazodzwa vangangoramba vari muParadhiso yepanyika kwekanguva pashure pehondo yeAmagedhoni. Asi muNharireyomurindi yaJuly 15, 2013, takadzidza kuti vakazodzwa vese vanenge vachiri panyika vachaendeswa kudenga Amagedhoni isati yatanga.—Mat. 24:31.

2. Mubvunzo upi ungamuka uye chii chatichakurukura munyaya ino?

2 Asi mubvunzo ungamuka ndewekuti: Chii chichaitika kune “mamwe makwai” aKristu ayo achange achishumira Jehovha akatendeka panyika ‘pakutambudzika kukuru’? (Joh. 10:16; Mat. 24:21) Mazuva ano vamwe vanonetseka kuti vachanzwa varasika kana kuti varaswa, hama nehanzvadzi dzavo dzakazodzwa idzo dzavanoda padzichange dzaendeswa kudenga. Ngatikurukurei nyaya mbiri dzemuBhaibheri dzingaita kuti vafunge izvozvo. Tichabva takurukura zvikonzero nei vasingafaniri havo kunetseka.

CHII CHISIRI KUZOITIKA?

3-4. Vamwe vanganetseka nei, uye chii chingaita kuti vanetseke?

3 Vamwe vanganetseka kuti vemamwe makwai vachasiya chokwadi pavanenge vasisina hama dzakazodzwa dzemuDare Rinotungamirira kuti dzivatungamirire. Zvichida dzimwe nyaya dziri muBhaibheri ndidzo dzinoita kuti vatye zvakadaro. Ngatikurukurei mienzaniso miviri. Wekutanga une chekuita neMupristi Mukuru Jehoyadha. Aiva mushumiri waMwari akatendeka. Iye nemudzimai wake Jehoshabheyati, vakachengetedza mukomana mudiki ainzi Jehoashi uye vakamubatsira kuti ave mambo akanaka uye akatendeka. Jehoyadha paaiva mupenyu, Jehoashi aiita zvakanaka. Asi pashure pekunge Jehoyadha afa, Jehoashi akatanga kuita zvakaipa. Akateerera machinda akaipa ndokusiya Jehovha.—2 Mak. 24:​2, 15-19.

4 Muenzaniso wechipiri ndewevaKristu vakararama pashure pekunge vaapostora vafa. Johani ndiye muapostora akapedzisira kufa. Aiva muenzaniso wakanaka kuvaKristu vakawanda, achivabatsira kuti vatsungirire pakushumira Jehovha. (3 Joh. 4) Johani pamwe chete nevamwe vaapostora vaJesu vakatendeka, vakanga vaita nguva yakareba vachirwisa zvakasimba dzidziso dzenhema dzaipararira. (1 Joh. 2:18; ona mastudy notes ari pana 2 VaT. 2:7 muBhaibheri rekudzidza reChirungu.) Asi pashure pekunge Johani afa, vanhu vakawanda vaiva muungano vakatsauka pakutenda. Mumakore akazotevera, vanhu ava vainge vatsauka pakutenda vaidzidzisa nhema dzakawanda vachibvumira maitiro akashata muungano dzese.

5. Kubva panyaya mbiri dzemuBhaibheri dzatataura, ndezvipi zvatisingafaniri kufunga kuti ndizvo zvichaitika?

5 Nyaya mbiri idzi dzemuBhaibheri dzinoratidza here kuti zvakada kudaro zvichaitika kune mamwe makwai aKristu, vakazodzwa pavanenge vaenda kudenga? Panguva iyoyo, vaKristu vakatendeka vanenge vari panyika vachatanga here kuita zvinhu zvakaipa sezvakaita Jehoashi, kana kutsauka zvishoma nezvishoma vachisiya chokwadi sezvakaita vaKristu vakawanda pashure pekunge vaapostora vafa? Mhinduro ndeyekuti kwete! Tinogona kuva nechokwadi chekuti vakazodzwa pavanenge vasisiri panyika, vemamwe makwai vacharamba vachishumira Jehovha uye iye achavachengetedza. Nei tichigona kuva nechokwadi ichocho?

KUNAMATA KWAKACHENA HAKUZOKANGANISWI

6. Inguva dzipi nhatu dzatichakurukura?

6 Nei tichigona kuva nechokwadi chekuti kunamata kwakachena hakuzokanganiswi, kunyange panguva dzakaoma dziri mberi? Tinodaro nemhaka yezvakatakadzidza muBhaibheri nezvenguva yatiri kurarama. Nguva iyi yakasiyana chaizvo nenguva yevaIsraeri uye nenguva yakwainge kusisina vaapostora. Saka ngatinyatsoongororai nguva nhatu idzi dzinoti: (1) Nguva yevaIsraeri, (2) vaapostora pavakanga vafa, uye (3)  nguva yedu, kureva “nguva ichadzorerwa zvinhu zvese.”—Mab. 3:21.

7. Panguva yevaIsraeri, nei vanhu vakatendeka vasina kuora mwoyo rudzi rwacho nemadzimambo arwo pavakasarudza kuita zvakaipa?

7 Nguva yevaIsraeri. Nguva pfupi asati afa, Mozisi akaudza vaIsraeri kuti: “Ndinonyatsoziva kuti kana ndafa chokwadi muchaita zvakaipa, uye muchatsauka panzira yandakakurayirai.” (Dheut. 31:29) Mozisi akayambirawo kuti kana vaIsraeri vakapanduka, rudzi rwacho rwaizoendeswa kuutapwa. (Dheut. 28:​35, 36) Mashoko iwayo akazadzika here? Hongu. Kwemazana emakore, madzimambo akawanda akasarudza kuita zvakaipa uye vanhu vakaatevedzera pakunamata kwenhema. Izvi zvakaita kuti Jehovha arange vanhu vake vakaipa uye haana kubvumira madzimambo echiIsraeri kuti avatonge zvakare. (Ezek. 21:​25-27) Asi vaIsraeri vakatendeka vakava neushingi pavakaona kuti shoko raJehovha rakanga razadzika.—Isa. 55:​10, 11.

8. Tinofanira kushamiswa here kuti ungano yechiKristu yemakore ekuma100 C.E. yakakanganiswa? Tsanangura.

8 Vaapostora pavakanga vafa. Tinofanira kushamiswa here kuti ungano yechiKristu yemakore ekuma100 C.E. yakakanganiswa? Aiwa. Jesu akaprofita kuti vakawanda vaizotsauka pakutenda. (Mat. 7:​21-23; 13:​24-30, 36-43) Vaapostora vanoti Pauro, Petro, naJohani vakanga varatidza kuti uprofita hwaJesu hwakanga hwatotanga kuzadzika panguva yavakararama. (2 VaT. 2:​3, 7; 2 Pet. 2:1; 1 Joh. 2:18) Mumakore ekuma100 C.E., ungano yechiKristu yakakanganiswa. ChiKristu chenhema chakavapo uye chakava chikamu chakakura cheBhabhironi Guru, mubatanidzwa wezvitendero zvese zvenhema. Uprofita hwaJesu hwakanga huchizadzika.

9. Nguva yatiri kurarama yakasiyana papi nenguva yevaIsraeri uye nenguva yeungano yechiKristu yekuma100 C.E.?

9 “Nguva ichadzorerwa zvinhu zvese.” Nguva yatiri kurarama yakasiyana nenguva yevaIsraeri uye nenguva yakatsauka vakawanda pakutenda mumakore ekuma100 C.E. Nguva yatiri kurarama inonzii? Tinowanzoidana kuti “mazuva ekupedzisira” enyika ino. (2 Tim. 3:1) Asi Bhaibheri rinoratidza kuti imwe nguva yakati rebei yakatanga panguva imwe chete iyoyo. Icharamba iripo kusvikira Umambo hwaMesiya hwabvisa chivi muvanhu uye hwachinja nyika kuva paradhiso. Nguva iyi inonzi “nguva ichadzorerwa zvinhu zvese.” (Mab. 3:21) Yakatanga muna 1914. Chii chakadzorerwa ipapo? Jesu akagadzwa saMambo kudenga. Saka Jehovha akanga avazve nemutongi anomumiririra, mugari wenhaka waMambo Dhavhidhi uyo ainge akatendeka. Asi Jehovha haana kungogumira pakudzorera Umambo ihwohwo chete. Pashure penguva pfupi, kunamata kwakachena kwakatanga kudzorerwa! (Isa. 2:​2-4; Ezek. 11:​17-20) Kuchakanganiswa zvakare here?

10. (a) Bhaibheri rakataurei nezvekunamata kwakachena panguva yedu? (Isaya 54:17) (b) Nei uprofita hwakadaro huchikurudzira?

10 Verenga Isaya 54:17. Funga zvataurwa muuprofita ihwohwo zvekuti: “Hapana chombo chakagadzirirwa kukurwisa chichabudirira”! Mashoko iwayo akafemerwa ari kuzadzika mazuva ano. Mashoko anonyaradza anotevera anoshandawo panguva yedu ekuti: “Vanakomana vako vese vachadzidziswa naJehovha, uye rugare rwevanakomana vako ruchava rukuru. Uchasimbiswa mukururama. . . . Hapana chauchatya uye hapana chichakuvhundutsa, nekuti hapana chichaswedera pedyo newe.” (Isa. 54:​13, 14) Kunyange “mwari wenyika ino,” Satani pachake, haana simba rekumisa basa rekudzidzisa riri kuitwa nevanhu vaJehovha. (2 VaK. 4:4) Kunamata kwakachena kwakadzorerwa, uye hakuzombokanganiswi zvakare. Kucharamba kuripo nekusingaperi. Hapana chombo chakagadzirirwa kutirwisa chichabudirira!

CHII CHICHAITIKA?

11. Chii chinoita kuti tive nechokwadi chekuti boka guru harisi kuzosiyiwa riri rega vakazodzwa pavanenge vaenda kudenga?

11 Chii chichaitika vakazodzwa pavanenge vaenda kudenga? Yeuka kuti Jesu ndiye Mufudzi wedu. Ndiye musoro weungano yechiKristu. Jesu akataura zvakajeka kuti: “Mutungamiriri wenyu mumwe chete, iye Kristu.” (Mat. 23:10) Mambo wedu ari kutonga haazombofi akatadza kuita basa rake. Sezvo Kristu ari iye ari kutonga, vateveri vake pano panyika vachange vasina chekutya. Hatizivi hedu zvese zvichaitwa naKristu pakutungamirira vanhu vake panguva iyoyo. Saka ngationei mimwe mienzaniso yemuBhaibheri ingatikurudzira.

12. Jehovha akatungamirira sei vanhu vake (a) pashure pekunge Mozisi afa? (b) pashure pekunge Eriya apiwa rimwe basa? (Onawo mufananidzo.)

12 VaIsraeri vasati vapinda Munyika Yakapikirwa, Mozisi akafa. Chii chakaitika kuvanhu vaMwari? Pavakanga vasisina murume iyeye akatendeka, vakanga vasiyiwa vari vega here? Aiwa. Pavairamba vakatendeka, Jehovha aivatungamirira. Mozisi asati afa, Jehovha akamuudza kuti agadze Joshua kuti atungamirire vanhu. Mozisi akanga aita makore akawanda achidzidzisa Joshua. (Eks. 33:11; Dheut. 34:9) Uyewo paiva nevamwe varume vakawanda vaikwanisa kutungamirira vanhu vakadai sevakuru vezviuru, vemazana, vemakumi mashanu, uye kunyange vemakumi. (Dheut. 1:15) Vanhu vaMwari vainyatsotungamirirwa. Mumwe muenzaniso wevarume vaitungamirira vanhu ndiEriya. Akanga atungamirira vaIsraeri pakunamata kwechokwadi kwemakumi emakore. Asi pava paya, Jehovha akamuendesa kumaodzanyemba kweJudha kuti anoshumira ikoko. (2 Madz. 2:1; 2 Mak. 21:12) Vanhu vakatendeka vaiva muumambo hweIsraeri hwemadzinza gumi vakasiyiwa vari vega here? Aiwa. Eriya akanga adzidzisa Erisha kwemakore akawanda. Paivawo ‘nevanakomana vevaprofita,’ avo vakanga vadzidziswa. (2 Madz. 2:7) Saka paiva nevarume vakatendeka vakawanda kuti vabatsire pakutungamirira vanhu vaMwari. Jehovha akaenderera mberi nekuzadzisa chinangwa chake uye aitungamirira vanamati vake vakatendeka.

Mozisi (mufananidzo uri kuruboshwe) naEriya (mufananidzo uri kurudyi) mumwe nemumwe wavo akadzidzisa munhu aizomutsiva (Ona ndima 12)


13. Jehovha anotivimbisei pana VaHebheru 13:5b? (Onawo mufananidzo.)

13 Tichifunga nezvemienzaniso iyoyo, unofunga kuti chii chichaitika vakazodzwa vekupedzisira pavachaenda kudenga? Hatifaniri hedu kuita zvekufungidzira. Bhaibheri rinozivisa chokwadi chinokurudzira chekuti: Jehovha haazomborasi vanhu vake vanenge vari panyika. (Verenga VaHebheru 13:5b.) Sezvakaitwa naMozisi naEriya, boka diki revaKristu vakazodzwa vari kutungamirira mazuva ano rinonzwisisa kukosha kwazvinoita kuti vamwe vadzidziswe. Hama dziri muDare Rinotungamirira dzava nemakore akawanda dzichidzidzisa varume vari pakati pemamwe makwai kuti vatungamirire. Semuenzaniso, dzakaronga zvikoro zvakawanda zvekudzidzisa vakuru, vatariri vanofambira, nhengo dzeDare reBazi, vatariri paBheteri uyewo vamwe. Dare Rinotungamirira pacharo riri kudzidzisa vabatsiri vemakomiti akasiyana-siyana eDare Rinotungamirira. Vabatsiri ava vari kuita basa rakakura vakatendeka panguva ino. Vakanyatsogadzirira kuti vazochengeta makwai aKristu pashure pekunge vakazodzwa vaenda kudenga.

Dare Rinotungamirira riri kushanda nesimba kudzidzisa vaya vanoribatsira uye kuronga zvikoro zvekudzidzisa vakuru, vatariri vanofambira, nhengo dzeDare reBazi, vatariri paBheteri, uye mamishinari munyika yese (Ona ndima 13)


14. Pfungwa huru yenyaya ino ndeyekutii?

14 Pfungwa huru yenyaya ino ndeyekuti: Vakazodzwa vekupedzisira pavachaenda kudenga kutambudzika kukuru kwava pedyo nekuguma, kunamata kwakachena kuchaenderera mberi pano panyika nekuti Jesu Kristu achange achitungamirira vanamati vaMwari. Tinoziva kuti panguva iyoyo, nyika dzinenge dzabatana, dzinonzi neBhaibheri Gogi weMagogi, dzicharwisa vanhu vaMwari. (Ezek. 38:​18-20) Asi kurwisa ikoko kwenguva pfupi hakuna zvakuchashanda. Hakusi kuzoita kuti vanhu vaMwari varege kunamata Jehovha. Jehovha achava nechokwadi chekuti avanunura! Pane zvaakaratidzwa, muapostora Johani akaona “boka guru” remamwe makwai aKristu. Johani akaudzwa kuti “boka guru” iri rinobuda mukutambudzika kukuru. (Zvak. 7:​9, 14) Jehovha achariponesa!

15-16. Maererano naZvakazarurwa 17:​14, vaKristu vakazodzwa vachange vachiitei pahondo yeAmagedhoni, uye nei izvozvo zvichikurudzira?

15 Kunyange zvakadaro vamwe vangabvunza kuti: ‘Chii chichaitika kune vakazodzwa? Vachaitei pashure pekunge vabva panyika?’ Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo zvakananga. Rinoratidza kuti hurumende dzenyika ino ‘dzicharwa negwayana.’ Asi dzichakundwa. Patinoverenga muBhaibheri tinoona kuti ‘Gwayana richadzikunda.’ Ndivanaani vacharibatsira? Vhesi yacho inotipa mhinduro. Ndevaya “vakadanwa,” “vakasarudzwa,” uye “vakatendeka.” (Verenga Zvakazarurwa 17:14.) Ndivanaani ivavo? Ndevakazodzwa vanenge vamutswa! Saka vakazodzwa vekupedzisira vanenge vari panyika pavachaenda kudenga kutambudzika kukuru kwava pedyo nekuguma, rimwe remabasa avo ekutanga richange riri rekurwa. Iroro ibasa rakazokura! Vamwe vaKristu vakazodzwa vaimboita zvekurwa vasati vava Zvapupu zvaJehovha. Vamwe vaimbova masoja. Asi vakazova vaKristu vechokwadi uye vakadzidza kuva nerugare nevamwe. (VaG. 5:22; 2 VaT. 3:16) Vakatomira kutsigira hondo. Asi pavachange vamutsirwa kudenga, vachashumira pamwe chete naKristu nengirozi tsvene, vachirwa hondo yekupedzisira yekurwisa vavengi vaMwari.

16 Pafunge! Vamwe vaKristu vakazodzwa vari pano panyika vakwegura uye vanonetseka neutano. Asi kana vangomutsirwa kudenga, vachange vaine simba rakakura uye vari zvisikwa zvemweya zvisingafi, zvakapiwa basa rekurwa pamwe chete naMambo wavo Jesu Kristu. Kana hondo yeAmagedhoni yapera vachashanda naJesu pakubatsira vanhu kuti vasava nechivi. Hapana mubvunzo kuti vachabva vaitira hama nehanzvadzi dzavo dzinenge dziri panyika zvinhu zvakanaka zvakawanda kupfuura zvavanogona kuita pavanenge vari vanhu vane chivi panyika!

17. Tinoziva sei kuti vashumiri vaMwari vese vachange vakachengeteka pahondo yeAmagedhoni?

17 Uri wemamwe makwai here? Kana zvakadaro chii chauchafanira kuita pachatanga hondo inokosha yeAmagedhoni? Chauchangofanira kuita ndeichi: Vimba naJehovha, woteerera zvaanokurayira. Izvozvo zvingasanganisirei? Bhaibheri rinotaura mashoko anonyaradza ekuti: ‘Pindai mudzimba dzenyu dzemukati, muvhare masuo. Hwandai kwenguva pfupi kusvikira kutsamwa kwapfuura.’ (Isa. 26:20) Vashumiri vaMwari vese vakatendeka, kudenga uye panyika, vachange vakachengeteka panguva iyoyo. Kufanana nemuapostora Pauro, tine chokwadi chekuti “hurumende kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvinhu zvichauya . . . hazvizokwanisi kutiparadzanisa nerudo rwaMwari.” (VaR. 8:​38, 39) Gara uchiyeuka kuti: Jehovha anokuda, uye haazombokurasi!

VAKRISTU VAKAZODZWA VEKUPEDZISIRA PAVACHAENDA KUDENGA,

  • chii chisiri kuzoitika?

  • nei tiine chokwadi chekuti kunamata kwakachena hakusi kuzokanganiswa?

  • nei tiine chokwadi chekuti Jehovha achachengeta vanhu vake?

RWIYO 8 Jehovha Inzvimbo Yedu Yekupotera