Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 6

RWIYO 10 Rumbidzai Jehovha, Mwari Wedu!

“Rumbidzai Zita raJehovha”

“Rumbidzai Zita raJehovha”

“Murumbidzei, imi vashumiri vaJehovha, rumbidzai zita raJehovha.”PIS. 113:1.

ZVATICHADZIDZA

Nyaya ino ichataura zvinhu zvinoita kuti tirumbidze zita dzvene raJehovha pese patinowana mukana.

1-2. Chii chinogona kutibatsira kunzwisisa manzwiro anoita Jehovha nezvekusvibiswa kwezita rake?

 FUNGIDZIRA izvi: Mumwe munhu waunoda anotaura zvinhu zvakaipa chaizvo nezvako. Unoziva kuti inhema, asi vamwe vanodzibvuma. Zvakatonyanya kuipa ndezvekuti vanotanga kudzokorora nhema dzacho, uye vanhu vakawanda vanodzibvumawo. Unonzwa sei? Handizvo here kuti kana uine hanya nevanhu uye uchida kuramba uine zita rakanaka, nhema idzodzo dzinoita kuti urwadziwe chaizvo?—Zvir. 22:1.

2 Zvatataura izvi zvinogona kutibatsira kunzwisisa manzwiro akaita Jehovha zita rake parakasvibiswa. Mumwe wevanakomana vake vemweya akataura nhema nezvake kumukadzi wekutanga, Evha. Evha akabvuma nhema dzacho. Nhema idzodzo dzakaita kuti vabereki vedu vekutanga vapandukire Jehovha. Izvi zvakaita kuti chivi nerufu zvipinde muvanhu. (Gen. 3:​1-6; VaR. 5:12) Matambudziko ese atinoona munyika akadai serufu, hondo, uye urombo, akakonzerwa nenhema dzakatangwa naSatani muEdheni. Jehovha anorwadziwa here nenhema dzese idzi uye matambudziko adzinokonzera? Zviri pachena kuti anorwadziwa. Asi Jehovha haachengeti chigumbu. Anoramba ari “Mwari anofara.”—1 Tim. 1:11.

3. Iropafadzo ipi yatiinayo?

3 Tine ropafadzo yekuita kuti zita raJehovha rirevererwe kuburikidza nekuteerera murayiro uyu uri nyore wekuti: “Rumbidzai zita raJehovha.” (Pis. 113:1) Tinorumbidza zita raJehovha patinoudza vamwe chokwadi nezvake. Ndizvo zvaunoita here? Ngatikurukurei zvikonzero zvitatu zvine simba zvichatibatsira kuti tirumbidze zita raMwari wedu nemwoyo wese.

TINOFADZA JEHOVHA PATINORUMBIDZA ZITA RAKE

4. Nei Jehovha achifara patinomurumbidza? Taura muenzaniso. (Onawo mufananidzo.)

4 Tinofadza Baba vedu vekudenga patinorumbidza zita ravo. (Pis. 119:108) Asi izvi zvinoreva here kuti Mwari wemasimbaose akafanana nevanhu vane chivi avo vanonzwa vachida chaizvo kurumbidzwa? Aiwa. Funga nezvemuenzaniso uyu. Kasikana kanombundira baba vako kobva kati, “Ndimi baba vakanaka kupfuura vamwe vese pano panyika.” Baba vacho vanonyemwerera uye vanofara chaizvo. Nei vachidaro? Chikonzero chacho hachisi chekuti vanonyanya kuda kukurudzirwa uye kurumbidzwa nemwanasikana wavo. Asi chiripo ndechekuti vanoda mwanasikana wavo uye vanofara kuti ari kuratidza kuti anovada uye anovakoshesa. Vanoziva kuti mwana wavo achakura ari munhu anofara, nekuti ane rudo uye anoonga. Izvi ndizvo zvikonzero zvinoita kuti Jehovha, Baba vanopfuura vamwe vese, vafare patinovarumbidza.

Kungofanana nababa vanofara mwana wavo paanoratidza kuti anovada uye anovaonga, Jehovha anofarawo patinorumbidza zita rake (Ona ndima 4)


5. Patinorumbidza zita raMwari, inhema dzipi dzatinobudisa pachena?

5 Patinorumbidza Baba vedu vekudenga, tinenge tichitobatsira pakufumura dzimwe nhema dzinotaurwa naSatani nezvemumwe nemumwe wedu. Satani anoti hapana munhu anoramba achitsigira zita raMwari akavimbika. Anotaura kuti hapana kana mumwe wedu acharamba akatendeka kuna Mwari paanosangana nemuedzo. Anoti tese tichapandukira Mwari kana tikaona sekuti izvozvo zvakatinakira. (Job. 1:​9-11; 2:4) Asi murume akatendeka Jobho akaratidza kuti Satani ainyepa. Ko iwe uchaitawo sei? Mumwe nemumwe wedu anogona kusarudza kutsigira Baba vedu uye kuita kuti vafare nekuvashumira akatendeka. (Zvir. 27:11) Iyi iropafadzo yakazonaka.

6. Tingatevedzera sei Mambo Dhavhidhi uye vaRevhi? (Nehemiya 9:5)

6 Kuda Mwari kunoita kuti vanhu vakatendeka varumbidze zita rake nemwoyo wese. Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Regai ndirumbidze Jehovha; zvese zviri mandiri ngazvirumbidze zita rake dzvene.” (Pis. 103:1) Dhavhidhi ainzwisisa kuti kurumbidza zita raJehovha kwakafanana nekurumbidza Jehovha pachake. Zita raJehovha rinosanganisira mukurumbira wake, saka izvi zvinoita kuti tifunge nezveunhu hwake hwese hwakanaka uye mabasa ake anoshamisa. Dhavhidhi aida kutsvenesa zita raBaba vake uye kurirumbidza. Aida kuita izvozvo ‘nezvese zviri maari’ kureva kuti nemwoyo wese. Izvi ndizvo zvaiitwawo nevaRevhi vaitungamirira pakurumbidza Jehovha. Vaibvuma vachizvininipisa kuti mashoko avo aisazombofa akarumbidza zita dzvene raJehovha zvakakwana. (Verenga Nehemiya 9:5.) Hapana mubvunzo kuti kuzvininipisa uye kurumbidza nemwoyo wese kwakadaro kwakafadza mwoyo waJehovha.

7. Tinorumbidza sei Jehovha muushumiri hwedu uye muupenyu hwedu hwezuva nezuva?

7 Mazuva ano tinogona kufadza Jehovha patinotaura nezvake, tichiratidza kuti tinoonga zvaanotiitira uye kumuda kwatinoita. Patinenge tiri muushumiri, tinoramba tichiyeuka kuti chinangwa chedu chikuru ndechekuita kuti vanhu vaswedere pedyo naJehovha, tichivabatsira kuti vaone Baba vedu vane rudo sezvatinoita. (Jak. 4:8) Tinofara chaizvo kuratidza vanhu zvinotaurwa neBhaibheri nezvaJehovha, richitaura nezverudo rwake, kutonga zvakarurama, uchenjeri, simba, nehumwe unhu hwakanaka hwaainahwo. Tinorumbidzawo Jehovha uye tinomufadza patinoita zvese zvatinogona kuti timutevedzere. (VaEf. 5:1) Patinodaro tinenge tichiratidza kuti takasiyana nevanhu vari munyika ino yakaipa. Uye zvinogona kuvashamisa kuti nei takasiyana navo. (Mat. 5:​14-16) Patinotaura navo, tinogona kuvatsanangurira kuti nei tichiita zvatinoita. Izvi zvichaita kuti vanhu vane mwoyo inoda chokwadi vanzwe vari pedyo naMwari wedu. Patinorumbidza Jehovha nenzira idzi, tinoita kuti afare.—1 Tim. 2:​3, 4.

TINOFADZA JESU PATINORUMBIDZA ZITA RAJEHOVHA

8. Nei Jesu ari iye muenzaniso wakanaka kupfuura mimwe yese panyaya yekurumbidza zita raJehovha?

8 Jesu ndiye anonyatsoziva Jehovha kupfuura chero ani zvake ari kudenga kana panyika. (Mat. 11:27) Anoda Baba vake, uye ndiye anopfuura vamwe vese pakurumbidza zita raJehovha. (Joh. 14:31) Paainyengetera kuna Baba vake usiku hwekupedzisira asati afa, Jesu akataura chinhu chinonyanya kukosha chaakaita paaiita ushumiri hwake panyika. Akati: ‘Ndakazivisa zita renyu.’ (Joh. 17:26) Airevei?

9. Jesu akashandisa sei mufananidzo pakutsanangura zvakaita Baba vake nenzira yakanyatsojeka?

9 Jesu haana kungogumira pakuudza vanhu kuti zita raMwari ndiJehovha. VaJudha avo vaidzidziswa naJesu vaitoziva nechekare zita raMwari. Asi Jesu ‘ndiye akanyatsotsanangura zvakaita Jehovha.’ (Joh. 1:​17, 18) Semuenzaniso, Magwaro echiHebheru anoratidza kuti Jehovha ane ngoni netsitsi. (Eks. 34:​5-7) Jesu akaita kuti chokwadi ichocho chiwedzere kujeka paakataura mufananidzo wemwanakomana akarasika uye baba vake. Patinoverenga kuti baba ivavo vakaona mwanakomana wavo akanga apfidza “achiri kure” vakamhanya kuzosangana naye, vakamumbundira, uye vakamuregerera nemwoyo wese, tinobva tanyatsonzwisisa kuti Jehovha ndiMwari ane ngoni netsitsi zvakadii. (Ruka 15:​11-32) Jesu akanyatsoratidza zvakaita Baba vake.

10. (a) Tinoziva sei kuti Jesu aishandisa zita raBaba vake uye kuti aidawo kuti vamwe vaite izvozvo? (Mako 5:19) (Onawo mufananidzo.) (b) Jesu anoda kuti tiitei mazuva ano?

10 Jesu aidawo here kuti vamwe vashandise zita raBaba vake? Zviri pachena kuti aida. Vamwe vatungamiriri vechitendero vepanguva iyoyo vanogona kunge vaiona sekuti zita raMwari idzvene zvakanyanya zvekuti harifaniri kutaurwa, asi Jesu haana kurega tsika idzodzo dzinopesana neBhaibheri dzichimutadzisa kukudza zita raBaba vake. Funga paakaporesa murume aiva nemadhimoni munharaunda yevaGerasa. Vanhu vemunharaunda iyoyo vakatya uye vakakumbira Jesu kuti abve imomo, saka Jesu haana kugara munharaunda iyoyo. (Mako 5:​16, 17) Kunyange zvakadaro, aida kuti zita raJehovha rizivikanwe munharaunda yacho. Saka akaudza murume waakanga aporesa kuti audze vanhu zvakanga zvaitwa naJehovha kwete naJesu. (Verenga Mako 5:19.) a Jesu anodawo kuti tiite kuti zita raBaba vake rizivikanwe pasi rese. (Mat. 24:14; 28:​19, 20) Patinoita izvozvo, tinofadza Mambo wedu, Jesu.

Jesu akaudza murume aimbova nemadhimoni kuti audze vanhu nezvekubatsirwa kwaainge aitwa naJehovha (Ona ndima 10)


11. Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengetererei, uye nei izvozvo zvichikosha? (Ezekieri 36:23)

11 Jesu aiziva kuti chinangwa chaJehovha ndechekuita kuti zita rake ritsveneswe, kureva kuti kurichenesa panhema dzese dzakataurwa nezvake. Ndosaka Tenzi wedu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera vachiti: “Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngaritsveneswe.” (Mat. 6:9) Jesu ainzwisisa kuti iyoyo ndiyo nyaya inonyanya kukosha kuvanhu vese nengirozi dzese. (Verenga Ezekieri 36:23.) Hapana chero ani zvake kudenga nepanyika akaita zvakawanda pakutsvenesa zita raJehovha kupfuura zvakaitwa naJesu. Asi Jesu paakasungwa, vavengi vake vaimupomera mhosva ipi? Yekusaremekedza Baba vake. Jesu anofanira kunge akanzwa sekuti kusvibisa zita dzvene raBaba vake kana kuti kutaura zvakaipa nezvaro chaiva chivi chakakura kupfuura zvimwe zvese. Akashungurudzika chaizvo kuti aizonzi ane mhosva iyoyo. Ichocho chinogona kunge chaiva chikonzero chikuru chakaita kuti Jesu ‘atambudzike zvikuru’ pakwainge kwasara maawa mashoma kuti asungwe.—Ruka 22:​41-44.

12. Ndeipi imwe nzira inopfuura dzimwe dzese iyo Jesu akatsvenesa nayo zita raBaba vake?

12 Kuti atsvenese zita raBaba vake, Jesu akatsungirira kutambudzwa, kutukwa, uye kupomerwa zvenhema. Aiziva kuti akanga ateerera Baba vake pazvinhu zvese, uye akanga asina chekunyara nacho. (VaH. 12:2) Aizivawo kuti Satani akanga achimurwisa zviri pachena panguva iyoyo yakaoma. (Ruka 22:​2-4; 23:​33, 34) Satani aitotarisira kuti Jesu achatadza kuramba akaperera kuna Mwari, asi Satani akakundikana. Jesu akanyatsoratidza kuti Satani murevi wenhema ane utsinye, uye kuti Jehovha ane vashumiri vakavimbika vanoramba vakaperera kwaari kunyange pavanenge vari mumatambudziko akakura!

13. Ungaitei kuti ufadze Mambo wako ari kutonga?

13 Unoda kufadza Mambo wako ari kutonga here? Ramba uchirumbidza zita raJehovha, uchibatsira vamwe kuti vadzidze nezveunhu hwese hwakanaka hwaMwari wedu. Paunoita izvozvo, unenge uchifamba uchitevera Jesu nemaakatsika namo. (1 Pet. 2:21) Sezvakaitwa naJesu, uri kuita kuti Jehovha afare, uye uri kuratidza kuti muvengi wake Satani, murevi wenhema asinganyari!

TINOBATSIRA PAKUPONESA UPENYU HWEVANHU PATINORUMBIDZA ZITA RAJEHOVHA

14-15. Zvinhu zvipi zvinoshamisa zvingaitika patinodzidzisa vanhu nezvaJehovha?

14 Patinorumbidza zita raJehovha, tinobatsira pakuponesa upenyu hwevanhu. Izvozvo zvinoitika sei? Satani ‘akapofumadza pfungwa dzevasingatendi.’ (2 VaK. 4:4) Izvi zvinoita kuti vanhu vatende nhema dzaSatani dzakaita seidzi: Mwari haako, Mwari ari kure nesu uye haana basa nevanhu, Mwari ane utsinye uye anotambudza vatadzi nekusingaperi. Satani anotaura nhema dzese idzodzo kuti akanganise zita rakanaka raJehovha, uye aite kuti vanhu vasava nechido chekuswedera pedyo naMwari. Asi basa redu rinoita kuti chinangwa chaSatani chisabudirira. Tinodzidzisa vanhu chokwadi nezvaBaba vedu, tichirumbidza zita dzvene raMwari wedu. Izvi zvinoguma nei?

15 Chokwadi chiri muShoko raMwari chine simba guru. Patinodzidzisa vanhu nezvaJehovha uye kuti ndiMwari akaita sei, pane chimwe chinhu chinoshamisa chinoitika. Kupofumadzwa kwavanenge vakaitwa nenhema dzaSatani kunotanga kupera, uye vanotanga kuona unhu hwakanaka hwaBaba vedu. Vanoshamiswa nesimba ravo risingagumi. (Isa. 40:26) Vanodzidza kuvimba navo nekuti vanotonga zvakarurama. (Dheut. 32:4) Vanodzidza zvakawanda kubva pauchenjeri hwavo hwakadzama. (Isa. 55:9; VaR. 11:33) Uye vanonyaradzwa pavanodzidza kuti Mwari rudo. (1 Joh. 4:8) Pavanenge vachiswedera pedyo naJehovha, tariro yavo yekurarama nekusingaperi sevana vake inova yechokwadi. Tine ropafadzo yakakura yekubatsira vanhu kuti vaswedere pedyo naBaba vavo! Patinoita izvozvo, Jehovha anotiona sevanhu ‘vanoshanda pamwe chete naye.’—1 VaK. 3:​5, 9.

16. Vamwe vakabatsirwa sei nekudzidza nezvezita raMwari? Taura mienzaniso.

16 Pakutanga, tinogona kungodzidzisa vanhu kuti zita raMwari ndiJehovha. Izvozvo zvinogona kubaya mwoyo yevanhu vanoda chokwadi. Semuenzaniso, mumwe mukadzi wechidiki anonzi Aaliyah b akarerwa mumhuri yaisava yechiKristu. Asi aisagutsikana nechitendero chaaipinda uye aisanzwa ari pedyo naMwari. Izvozvo zvakachinja paakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu. Akatanga kuona Mwari seShamwari yake. Uye akashamiswa paakadzidza kuti zita raMwari rakabviswa mumaBhaibheri akawanda rikatsiviwa nemazita ekuremekedza, akadai sekuti Ishe. Kudzidza nezvezita raMwari kwakachinja upenyu hwake. Akataura achifara kuti: “Shamwari yangu yepamwoyo ine zita!” Izvozvo zvakaguma nei? Anoti: “Iye zvino ndava kunzwa ndakanyatsogadzikana mumwoyo mangu. Ndinonzwa ndakudzwa zvikuru.” Mumwe murume anonzi Steve uyo aiita zvekuridza mimhanzi, akakurira mumhuri yainyatsotevedzera zvese zvinoitwa muchitendero chechiJudha. Akanga asisadi kuita zvechitendero nekuti akanga aona unyengeri hwakanyanya hwaiitwa imomo. Asi amai vake pavakafa, akabvuma kugarawo paiitiswa chidzidzo cheBhaibheri nemumwe weZvapupu zvaJehovha. Akabayiwa mwoyo paakadzidza nezvezita raMwari. Anoti: “Ndakanga ndisati ndambodzidza nezvezita raMwari.” Anowedzera kuti: “Kekutanga muupenyu hwangu, ndakanzwisisa kuti Mwari ariko! Ndakamuona seMunhu chaiye. Ndakabva ndaziva kuti ndakanga ndawana Shamwari.”

17. Nei uchida kuramba uchirumbidza zita raJehovha? (Onawo mufananidzo.)

17 Paunenge uchiparidza uye kudzidzisa, unoudza vamwe nezvezita dzvene rekuti Jehovha here? Unovabatsira kuti vaone zvakanyatsoita Mwari wedu here? Paunoita izvozvo unorumbidza zita raMwari. Ramba uchirumbidza zita dzvene raJehovha kuburikidza nekubatsira vanhu kuti vazive muridzi wezita iroro. Paunodaro uchaponesa upenyu hwevanhu. Uchatevera muenzaniso waMambo wako, Kristu Jesu. Uye kupfuura zvese, uchafadza Baba vako vane rudo, Jehovha. Ramba ‘uchirumbidza zita rake nariini nariini’!—Pis. 145:2.

Tinorumbidza zita raJehovha kuburikidza nekudzidzisa vanhu nezvaro uye nekuvaratidza kuti Jehovha ndiMwari akaita sei (Ona ndima 17)

KURUMBIDZA ZITA RAMWARI . . .

  • kunofadza sei Jehovha?

  • kunofadza sei Kristu Jesu?

  • kunoponesa sei upenyu hwevanhu?

RWIYO 2 Jehovha Ndiro Zita Renyu

a Pane zvikonzero zvakanaka zvekutenda kuti Mako akashandisa zita raMwari mumashoko aya akataurwa naJesu. Ndosaka rakadzorerwa muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene. Ona study note iri muBhaibheri reChirungu rekudzidza pavhesi iyi.

b Mamwe mazita akachinjwa.