Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 7

RWIYO 51 Takazvitsaurira Kuna Mwari!

Zvatinodzidza kuvaNaziri

Zvatinodzidza kuvaNaziri

“Iye mutsvene kuna Jehovha mazuva ese euNaziri hwake.”NUM. 6:8.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti muenzaniso wevaNaziri unogona kutibatsira sei kuti tishumire Jehovha tichibvuma kurasikirwa nezvimwe zvinhu uye tiine ushingi.

1. Kubvira kare, vanamati vaJehovha vairatidza muenzaniso upi wakanaka?

 UNOKOSHESA ushamwari hwako naJehovha here? Zviri pachena kuti unodaro! Uye hausi wega. Kubvira kare, vanhu vakawanda vaivawo nemanzwiro akaita seako. (Pis. 104:​33, 34) Vakawanda vane zvavakasarudza kurasikirwa nazvo kuti vanamate Jehovha. Izvi ndizvo zvaiitwa nevaIsraeri vaizivikanwa sevaNaziri. Vaiva vanaani, uye tinodzidzei kwavari?

2. (a) VaNaziri vaiva vanaani? (Numeri 6:​1, 2) (b) Nei vamwe vaIsraeri vaisarudza kuita mhiko yeuNaziri?

2 Shoko rekuti “muNaziri” rinobva pashoko rechiHebheru rinoreva kuti “Akaiswa Pake Ega,” “Akaparadzaniswa Nevamwe,” kana kuti “Akatsaurwa.” Shoko racho rinonyatsotsanangura vaIsraeri vaishingaira avo vaibvuma kurasikirwa nezvimwe zvinhu kuti vashumire Jehovha nenzira yakasiyana neyaiitwa nevamwe. Mutemo waMozisi waibvumira kuti murume kana kuti mukadzi aite mhiko inokosha kuna Jehovha kuburikidza nekusarudza kuva muNaziri kwenguva yakati kuti. a (Verenga Numeri 6:​1, 2.) Mhiko iyoyo yaisanganisira kuteerera mirayiridzo yaisatarisirwa hayo kuti iteererwe nevamwe vaIsraeri vese. Saka nei muIsraeri aisarudza kuita mhiko yeuNaziri? Kakawanda kacho zvaibva pakuda kwaaiita Jehovha zvakadzama, uye pakuonga nemwoyo wese makomborero aaipiwa.—Dheut. 6:5; 16:17.

3. Vanhu vaMwari mazuva ano vakafanana papi nevaNaziri?

3 Urongwa hweuNaziri hwakaguma pakatsiviwa Mutemo waMozisi ‘nemutemo waKristu.’ (VaG. 6:2; VaR. 10:4) Asi kungofanana nevaNaziri, vanhu vaJehovha vari kuramba vachiratidza chido chakasimba chekumushumira nemwoyo wavo wese, nemweya wavo wese, nepfungwa dzavo dzese, uye nesimba ravo rese. (Mako 12:30) Tinosarudza kuita mhiko yekushumira Jehovha saizvozvo patinozvitsaurira kwaari. Kuti tirarame maererano nemhiko iyoyo, tinofanira kuita kuda kwaJehovha uye kusarudza kurasikirwa nezvimwe zvinhu kuitira kuti timushumire. Patinenge tichiongorora zvaiitwa nevaNaziri kuti vararame maererano nemhiko yavo, tinogona kuwanawo zvidzidzo zvinokosha zvichatibatsira kuti tirarame maererano nemhiko dzedu. b (Mat. 16:24) Ngationei mimwe mienzaniso.

IVA NECHIDO CHEKURASIKIRWA NEZVIMWE ZVINHU

4. Maererano naNumeri 6:​3, 4, vaNaziri vaiva nechido chekurega zvimwe zvinhu zvipi?

4 Verenga Numeri 6:​3, 4. VaNaziri vaisabvumirwa kunwa doro kana kudya zvinhu zvakadai semazambiringa manyoro kana kuti akaomeswa. Vanhu vemunharaunda yavo vaigara vachidya zvekudya zvakadaro uye zvainge zvakakodzera kuti vadaro, sezvo pakanga pasina chakaipa nekuita izvozvo. Bhaibheri rinotaura ‘nezvewaini iyo inoita kuti mwoyo wemunhu ufare’ sechipo chinobva kuna Mwari. (Pis. 104:​14, 15) Kunyange zvazvo zvinhu izvi zvaiita kuti upenyu hwemunhu huwedzere kunakidza, vaNaziri vaiva nechido chekurega zvinhu izvozvo. c

Une chido chekurasikirwa nezvimwe zvinhu sezvaiita vaNaziri here? (Ona ndima 4-6)


5. Madián naMarcela vakasarudza kurasikirwa nei, uye nei vakadaro?

5 Kungofanana nevaNaziri, isuwo tine zvatinosarudza kurasikirwa nazvo kuti tiwedzere pane zvatinoitira Jehovha. Funga nezvaMadián naMarcela. d Murume nemudzimai ava vechiKristu vaiva neupenyu hwakanaka. Madián aiva nebasa rakanaka uye vaigara muimba yakanaka. Asi vaida kuita zvakawanda mubasa raJehovha. Kuti vazadzise chinangwa chavo, vakasarudza kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwavo. Vanoti: “Takatanga kuderedza mari yataishandisa. Takatama tichinogara muimba diki, tikatengesa mota yedu.” Madián naMarcela vaisatarisirwa havo kudaro, asi vakasarudza kuita izvi nekuti zvaizoita kuti vakwanise kuwedzera ushumiri hwavo. Vanogutsikana uye vanofara nezvisarudzo zvavakaita.

6. Nei vaKristu mazuva ano vachisarudza kurega zvimwe zvinhu? (Onawo mufananidzo.)

6 Mazuva ano, vaKristu vanowana mufaro pavanosarudza kurega kuita zvimwe zvinhu kuitira kuti vave nenguva yakawanda pakushumira Jehovha. (1 VaK. 9:​3-6) Jehovha haatirayiri hake kuti tiite izvozvo; uye zvinhu izvozvo zvinoregwa nevamwe hazvina hazvo kuipa. Semuenzaniso, vamwe vanogona kusarudza kusaita basa ravanenge vachida, kana kusava nemusha wavanoti ndewavo. Vakawanda vakasarudza kumboti mirei kuroora kana kuroorwa, kana kusava nevana. Vamwe vanosarudza kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda kunyange zvazvo izvozvo zvichireva kuti vanenge vava kugara kure nehama neshamwari dzavo. Vakawanda vedu tinoda kuita izvi nekuti tinoda kupa Jehovha zvakanakisisa zvedu. Ziva kuti Jehovha anokoshesa chaizvo kusarudza kwaunoita kusiya zvimwe zvinhu, zvingava zvikuru kana kuti zvidiki, kuitira kuti ukwanise kumushumira.—VaH. 6:10.

IVA NECHIDO CHEKUVA MUNHU AKASIYANA NEVAMWE

7. Nei zvaigona kuomera muNaziri kuti achengete mhiko yake? (Numeri 6:5) (Onawo mufananidzo.)

7 Verenga Numeri 6:5. VaNaziri vaiita mhiko yekusagerwa bvudzi ravo. Iyoyo yaiva imwe nzira yekuratidza kuzviisa kwavo pasi paJehovha zvizere. Kana muIsraeri aizova muNaziri kwenguva yakareba, bvudzi rake raizoreba zvekuti zvaizoonekwa nevamwe vanhu. Zvaizoitira nyore muNaziri wacho kuti ange akasiyana nevamwe kana vamwe vaizomuremekedza uye vaizomukurudzira kuchengeta mhiko yake. Asi zvinosuruvarisa kuti pane dzimwe nguva munhoroondo yevaIsraeri, vaNaziri vaisakosheswa kana kutsigirwa. Panguva yemuprofita Amosi, vaIsraeri vainge vatsauka ‘vakaramba vachipa vaNaziri waini kuti vanwe,’ zvimwe vachiedza kuvaita kuti vatyore mhiko yavo yekusanwa waini. (Amo. 2:12) Dzimwe nguva zvinofanira kunge zvaida ushingi chaihwo kuti muNaziri achengete mhiko yake uye kuti ave munhu akasiyana nevamwe.

MuNaziri aichengeta mhiko yake aiva nechido chekuratidza kuti akasiyana nevamwe (Ona ndima 7)


8. Chii chakukurudzira pane zvakaitwa naBenjamin?

8 Tichibatsirwa naJehovha, isuwo tinogona kuva neushingi hwekuita zvinhu zvakasiyana nezvinoitwa nevamwe, kunyange zvazvo tichinyara, kana kuti tichitya. Funga zvakaitwa naBenjamin, mukomana ane makore 10 wekuNorway, uyo ari Chapupu. Kuchikoro kwavo kwakarongwa chiitiko chekutsigira nyika yeUkraine iyo yasakadzwa nehondo. Vana vechikoro vakaudzwa kuti vaimbe rwiyo vakapfeka hembe dzine mavara emureza weUkraine. Kuti asabatanidzwa muchiitiko ichi chenyika, Benjamin akaronga kuti aizoramba ari kure nepachaiitirwa. Asi mumwe mudzidzisi akamuona ndokushevedzera kuti: “Uya ubatane nesu izvozvi. Takakumirira!” Benjamin akashinga kuenda paiva nemudzidzisi wacho ndokuti: “Handina divi randinotsigira, handiiti zvekuratidzira. Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakatoiswa mujeri nekuti zvinoramba kuenda kuhondo.” Mudzidzisi wacho akanzwisisa zvakataurwa Benjamin, ndokumuudza kuti asabatana hake nevamwe. Asi vemukirasi make vakatanga kumubvunza kuti nei akanga asiri kubatana navo. Benjamin akanetseka zvekuti akaita seachachema; asi akashinga kuudza kirasi yese zvaakanga audza mudzidzisi wacho. Benjamin akazoudza vabereki vake kuti akaona kuti Jehovha akanga amubatsira kuti adzivirire zvaanotenda.

9. Ndezvipi zvatingaita kuti tifadze mwoyo waJehovha?

9 Sezvo tichisarudza kuita kuda kwaJehovha, vamwe vanhu vanoona kuti takasiyana navo. Patinenge tiri kubasa kana kuti kuchikoro, tinofanira kuva neushingi hwekuudza vamwe kuti tiri Zvapupu zvaJehovha. Sezvo mafungiro nemaitiro enyika ino zviri kubva pakuipa zvichienda pakuipisisa, zvingatowedzera kutiomera kuti tirarame maererano nezvinotaurwa neBhaibheri uye kuudza vamwe mashoko akanaka. (2 Tim. 1:8; 3:13) Asi gara uchiyeuka kuti tinoita kuti ‘mwoyo waJehovha ufare’ patinova neushingi hwekuva vanhu vakasiyana nevaya vasingamushumiri.—Zvir. 27:11; Mar. 3:18.

ITA KUTI JEHOVHA ARAMBE ARI PEKUTANGA MUUPENYU HWAKO

10. Nei zvaigona kuomera muNaziri kuti ateerere zvinotaurwa pana Numeri 6:​6, 7?

10 Verenga Numeri 6:​6, 7. VaNaziri vaisafanira kuva pedyo nechitunha. Pakutanga, izvi zvingaita sekuti hazvina kuoma. Asi munguva dzinotaurwa muBhaibheri, muNaziri aigona kuomerwa nekuita izvozvo paifa hama yepedyo. Panguva iyoyo, tsika dzepamariro dzaisanganisira kuva pedyo nechitunha. (Joh. 19:​39, 40; Mab. 9:​36-40) Asi muNaziri aisakwanisa kutevedzera tsika dzakadaro. Kunyange paifa hama yepedyo, vaNaziri vairatidza kutenda kwakasimba nekuchengeta mhiko yavo. Zvechokwadi Jehovha aipa vanamati vake ava vainge vakazvipira simba rekuti vatsungirire matambudziko akaoma.

11. MuKristu anofanira kutsunga kuitei pazvisarudzo zvine chekuita nenyaya dzemumhuri? (Onawo mufananidzo.)

11 SevaKristu, tinokoshesa chaizvo mhiko yedu yekuzvitsaurira kuna Jehovha. Izvi zvinobata-bata zvisarudzo zvedu uye zvatinoita panyaya dzine chekuita nemhuri. Tinoita zvese zvatinogona kuti tiriritire vemumhuri medu, asi hatimbofi takaita kuti zvido zvevemumhuri medu zvikoshe kupfuura zvatinonzi naJehovha tiite. (Mat. 10:​35-37; 1 Tim. 5:8) Kana tichida kufadza Jehovha, dzimwe nguva tingatofanira kuita zvinhu zvisingafadzi veukama.

Une chido chekuisa kuda kwaJehovha pekutanga here kunyange zvinhu pazvinenge zvakanyanya kuoma? (Ona ndima 11) e


12. Zvinhu pazvainge zvakamuomera mumhuri, Alexandru akaitei uye chii chaasina kuita?

12 Funga nezvaAlexandru nemudzimai wake Dorina. Pashure pekunge vaviri ava vaita gore vachidzidza Bhaibheri, Dorina akasarudza kurega, uye aida kuti Alexandru aregewo. Asi Alexandru akamuudza akadzikama uye zvakanaka-naka kuti aizoramba achidzidza. Dorina haana kufara nazvo uye akaedza kumumanikidza kuti arege kudzidza. Alexandru anoti akaedza kunzwisisa zvaiita kuti Dorina adaro, asi zvakanga zvisiri nyore kwaari. Dzimwe nguva Dorina paaimushora achitaura mashoko anorwadza, aimbofunga kurega kudzidza Bhaibheri. Asi Alexandru akaramba achiita kuti Jehovha ave pekutanga muupenyu hwake, uye panguva imwe chete aida mudzimai wake chaizvo uye achimuremekedza. Pakupedzisira, muenzaniso wake wakanaka wakaita kuti Dorina atangezve kudzidza Bhaibheri, uye akazobhabhatidzwa.—Ona vhidhiyo iri pajw.org yakanzi Alexandru naDorina Văcar: “Rudo Rune Mwoyo Murefu Uye Rune Mutsa pachikamu chakanzi “Chokwadi Chinoshandura Upenyu.”

13. Tingaratidza sei kuti tinoda Jehovha uye mhuri yedu?

13 Jehovha ndiye akaita kuti pave nemhuri, uye anoda kuti tive nemhuri inofara. (VaEf. 3:​14, 15) Kana tichida kunyatsofara, tinofanira kuita zvinhu nenzira inodiwa naJehovha. Ziva kuti Jehovha anokoshesa zvese zvaunoita kuti umunamate, panguva imwe chete uchichengeta mhuri yako uye uchiida nekuiremekedza.—VaR. 12:10.

NGATIKURUDZIRANEI KUITA SEVANAZIRI

14. Ndivanaani vatinofanira kunyanya kukurudzira nemashoko edu?

14 Vese vanosarudza kunamata Jehovha mazuva ano vanofanira kuva nechido chekurasikirwa nezvimwe zvinhu zvichibva pakuda kwavanoita Jehovha. Dzimwe nguva kuita izvozvo hakusi nyore. Tingaitei kuti tibatsirane kuva nemaonero iwayo? Tinogona kuzviita kuburikidza nekukurudzirana nemashoko edu. (Job. 16:5) Pane here vamwe vari muungano yenyu vari kuedza kuita kuti upenyu hwavo husava netwakawanda-wanda kuitira kuti vawedzere pane zvavanoitira Jehovha? Une vechidiki vaunoziva here vari kuva neushingi hwekuva vanhu vakasiyana nevamwe kuchikoro, kunyange izvozvo zvakavaomera? Pane here vadzidzi veBhaibheri kana vamwe vaunonamata navo vari kuomerwa nekuramba vakatendeka nekuti vari kupikiswa nevemumhuri? Ngatishandisei mukana wese watinowana kuti titaure mashoko anokurudzira hama nehanzvadzi dzedu, tichidziudza kuti tinoyemura ushingi hwadzinoratidza uye zvadziri kuitira Jehovha.—Fir. 4, 5, 7.

15. Vamwe vakatsigira sei vaya vari mubasa renguva yakazara?

15 Dzimwe nguva tinogona kubatsira vaKristu vari mubasa renguva yakazara. (Zvir. 19:17; VaH. 13:16) Ichi ndicho chaiva chido cheimwe hanzvadzi yechikuru yakatendeka yekuSri Lanka. Yakawedzerwa mari yayo yemudyandigere, uye yaida kubatsira hanzvadzi mbiri dzechidiki dzinopayona kuti dzirambe dzichiita ushumiri hwadzo pasinei nekuti dzaiva nedambudziko remari. Saka hanzvadzi iyi yechikuru yakasarudza kuti mwedzi wega wega ive nemari yayaizopa mapiyona aya kuitira kuti akwanise kubhadhara mari dzekufona. Zvakaitwa nehanzvadzi iyi zvakazonaka chaizvo!

16. Tinodzidzei paurongwa hweuNaziri?

16 Tinogona kudzidza zvakawanda pamuenzaniso wakanaka wairatidzwa nevaNaziri! Asi urongwa uhwu hweuNaziri hunoratidza chimwe chinhu nezvaBaba vedu vekudenga Jehovha. Vanoziva kuti tinoda nemwoyo wese kuvafadza uye kuita zvese zvatinogona kuti tizadzise mhiko yedu yekuzvitsaurira. Vanotikudza nekutipa mukana wekuratidza kuti tinovada. (Zvir. 23:​15, 16; Mako 10:​28-30; 1 Joh. 4:19) Urongwa hweuNaziri hunoratidza kuti Jehovha anoona uye anokoshesa kubvuma kwatinoita kurasikirwa nezvimwe zvinhu kuitira kuti timushumire. Saka ngativei nechido chakasimba chekuramba tichishumira Jehovha, tichimupa zvakanakisisa zvedu.

UNGAPINDURA SEI?

  • VaNaziri vairatidza sei kuti vaizvipira kurasikirwa nezvimwe zvinhu uye kuti vaiva neushingi?

  • Tingaitei kuti tikurudzirane kuita sevaNaziri mazuva ano?

  • Urongwa hweuNaziri hunoratidza sei kuvimba kunoita Jehovha nevanamati vake?

RWIYO 124 Ngatirambei Takavimbika

a Kunyange zvazvo Jehovha akasarudza vamwe vanhu kuti vave vaNaziri, vaNaziri vakawanda vanogona kunge vaiva vaIsraeri vakazvipira kuti vashumire saizvozvo.—Ona bhokisi rakanzi “ VaNaziri Vakagadzwa naJehovha.”

b Dzimwe nguva mabhuku edu anofananidza vaNaziri nevaya vari mubasa renguva yakazara. Asi munyaya ino tichakurukura kuti vashumiri vese vaJehovha vakazvitsaurira vangatevedzera sei zvaiitwa nevaNaziri.

c Hapana chinoratidza kuti muNaziri aiva nemabasa aaitarisirwa kuita achiitira kuti azadzise mhiko yake.

d Ona nyaya iri pajw.org inoti, “Takasarudza Kurarama Upenyu Husina Twakawanda-wanda” iri muchikamu chakanzi “Zvakaitika kuZvapupu zvaJehovha.”

e KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: MuNaziri ari pamusoro pemba anotarisa vanhu vachienda kunoviga mumwe wemumhuri waaida chaizvo. Mhiko yake inomutadzisa kuenda pamwe chete navo.