Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wana Mufaro Paunenge Uchimirira Jehovha Nemwoyo Murefu

Wana Mufaro Paunenge Uchimirira Jehovha Nemwoyo Murefu

UNOTARISIRA here nguva iyo Jehovha achabvisa uipi hwese oita kuti zvinhu zvese zvive zvitsva? (Zvak. 21:​1-5) Zviri pachena kuti unoitarisira. Asi hapasi pese pazviri nyore kuti tirambe tichimirira Jehovha nemwoyo murefu, kunyanya patinenge tiri mumatambudziko. Kana zvinhu zviri kutarisirwa zvikanonoka tinogona kuora mwoyo.—Zvir. 13:12.

Kunyange zvakadaro, Jehovha anotarisira kuti timumirire nemwoyo murefu kuti aite zvinhu panguva yake yakakodzera. Nei achitarisira kuti tidaro? Chii chinogona kutibatsira kuti tifare patinenge takamirira?

NEI JEHOVHA ACHITARISIRA KUTI TIMIRIRE?

Bhaibheri rinoti: “Jehovha akamirira nemwoyo murefu kuti akunzwirei nyasha, uye achasimuka kuti akunzwirei tsitsi. Nekuti Jehovha ndiMwari anoita zvakarurama. Vanofara vaya vese vari kuramba vachitarisira kwaari.” (Isa. 30:18) Mashoko aya aIsaya akanyorerwa vaJudha vainge vakaoma musoro. (Isa. 30:1) Asi paiva nevamwe vaJudha vakatendeka, uye mashoko aya akaita kuti vave netariro. Mashoko mamwe chete iwayo anoita kuti vashumiri vaJehovha vakatendeka mazuva ano vave netariro.

Saka tinofanira kumirira nemwoyo murefu nekuti Jehovha ari kumirira nemwoyo murefu. Akasarudza nguva yaachagumisa nyika ino, uye ari kumirira kusvika kwezuva iroro nenguva yacho. (Mat. 24:36) Panguva iyoyo, zvichanyatsojeka kuti kupomera uko Dhiyabhorosi ari kuita Jehovha uye vese vari kumushumira inhema. Jehovha achabva abvisa Satani nevese vanomutsigira, asi ‘achatinzwira tsitsi.’

Panguva ino, Jehovha angasabvisa matambudziko edu, asi anoita kuti tive nechokwadi chekuti tinogona kufara patinenge tichimirira. Sezvakanyorwa naIsaya, tinogona kufara patinenge tichitarisira kuti chimwe chinhu chakanaka chiitike. (Isa. 30:18) a Chii chingatibatsira kuti tiwane mufaro iwoyo? Pane matanho mana anogona kutibatsira.

ZVATINGAITA KUTI TIFARE PATINENGE TAKAMIRIRA

Isa pfungwa pazvinhu zvakanaka. Mambo Dhavhidhi akanga aona uipi hwakawanda muupenyu hwake. (Pis. 37:35) Asi akanyora kuti: “Ramba wakanyarara pamberi paJehovha, umumirire uchitarisira nemufaro. Usatsamwiswa nemunhu anobudirira pakuita zvinhu zvakaipa zvaakaronga.” (Pis. 37:7) Dhavhidhi pachake akashandisa zano iroro nekuita kuti pfungwa dzake dzirambe dziri patariro yeruponeso. Aiongawo zvinhu zvese zvakanaka zvaaiitirwa naJehovha. (Pis. 40:5) Isuwo tikaisa pfungwa dzedu pazvinhu zvakanaka zviri kuitika muupenyu hwedu, tisinganyanyi kuzvidya mwoyo nezvinhu zvakaipa, zvichatiitira nyore kuti timirire Jehovha.

Ramba uchirumbidza Jehovha. Munyori wePisarema 71, uyo angangodaro ari Dhavhidhi, akati kuna Jehovha: “Ndicharamba ndakamirira; ndichawedzera kukurumbidzai.” (Pis. 71:14) Airumbidza Jehovha sei? Aiudza vamwe nezvaJehovha uye aiimba nziyo dzekumurumbidza. (Pis. 71:​16, 23) Kufanana naDhavhidhi, tinogona kuwana mufaro patinenge tichimirira Jehovha. Tinomurumbidza patinoparidza, patinotaura nezvake tiine hama neshamwari dzedu, uye patinoimba nziyo dzedu dzekunamata. Pauchaimba rwiyo rweUmambo, nyatsofunga nezvemashoko acho uye kufadza kwaanokuita.

Kurudzirwa nekuwadzana nehama nehanzvadzi dzako. Dhavhidhi paaiva mumatambudziko, akati kuna Jehovha: “Pamberi pevanhu venyu vakavimbika, ndichava netariro muzita renyu.” (Pis. 52:9) Isuwo tinogona kukurudzirwa nehama nehanzvadzi dzedu dzakavimbika, kwete chete pamisangano yedu nemuushumiri, asiwo patinenge tichitandara nadzo.—VaR. 1:​11, 12.

Simbisa tariro yako. Pisarema 62:5 inoti: “Ndinomirira Mwari ndakanyarara nekuti tariro yangu inobva kwaari.” Zvinokosha chaizvo kuti tive netariro yakasimba, kunyanya mugumo ukasauya panguva yataitarisira kuti waizouya. Tinofanira kuva nechokwadi chekuti vimbiso dzaJehovha dzichazadzika pasinei nekuti tingafanira kudzimirira kwenguva yakareba sei. Tinogona kusimbisa tariro yedu nekudzidza Shoko raMwari. Semuenzaniso tinogona kufunga nezveuprofita hwese hwakazadzika, kupindirana kwezvinhu zvakanyorwa nevanyori varo vakasiyana-siyana, uye zvatinoudzwa naJehovha nezvake pachake. (Pis. 1:​2, 3) Uyewo tinofanira kuramba ‘tichinyengetera maererano nemweya mutsvene’ kuti tirambe tiine ushamwari hwakanaka naJehovha patinenge tichimirira kuti vimbiso yake yeupenyu husingaperi izadzike.—Jud. 20, 21.

Kufanana naMambo Dhavhidhi, iva nechivimbo chekuti Jehovha anotarisa vaya vanomumirira uye anovaratidza rudo rwake rusingachinji. (Pis. 33:​18, 22) Ramba uchimirira Jehovha nemwoyo murefu, nekuisa pfungwa pazvinhu zvakanaka zviri kuitika muupenyu hwako, nekumurumbidza, nekukurudzirwa nehama nehanzvadzi dzako, uye nekuita kuti tariro yako inokosha irambe yakasimba.

a Shoko remutauro wepakutanga rakashandurwa kuti “kuramba vachitarisira” rinogonawo kureva “kuda uye kuva netariro yekuti chimwe chinhu chiitike,” uye izvozvo zvinoreva kuti hapana chakaipa kuti tide kuti Jehovha agumise kutambura kwedu.