Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nhengo Itsva dzeDare Rinotungamirira

Nhengo Itsva dzeDare Rinotungamirira

MUSI weChitatu, 18 January 2023, pajw.org pakaiswa chiziviso chinokosha chekuti Hama Gage Fleegle naHama Jeffrey Winder vakagadzwa kuti vave nhengo dzeDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha. Hama mbiri idzi dzava nenguva yakareba dzichishumira Jehovha dzakatendeka.

Gage Fleegle nemudzimai wake Nadia

Hama Fleegle vakakurira muPennsylvania, U.S.A., uye vakarerwa nevabereki vaitya Mwari. Pavakanga vachiri kuyaruka, mhuri yavo yakatamira kune rimwe taundi diki riri kumaruwa kwaidiwa vaparidzi vakawanda. Pasina nguva vasvika ikoko, vakabva vabhabhatidzwa musi wa20 November 1988.

Vabereki vaHama Fleegle vaigara vachivakurudzira kuti vapinde mubasa renguva yakazara. Vaigara vachigamuchira vatariri vematunhu nevashandi vepaBheteri pamba pavo, uye Hama Fleegle vaiona kuti hama nehanzvadzi idzi dzaifara chaizvo. Gore risati ratombopera kubva pavakabhabhatidzwa vakava piyona wenguva dzese musi wa1 September 1989. Papera makore maviri, vakazadzisa chinangwa chavaiva nacho kubva vaine makore 12, chekushumira paBheteri. Vakatanga kushumira paBheteri rekuBrooklyn muna October 1991.

Hama Fleegle vakaita basa rekubhainda mabhuku paBheteri kwemakore 8, uye vakazoshanda muDhipatimendi Rebasa. Panguva iyoyo, vakashumira muungano yemutauro wechiRussian kwemakore mashomanana. Muna 2006 vakachata nemudzimai wavo Nadia, uyo akabva atangawo kushumira paBheteri. Ivo nemudzimai wavo vakashumira mundima yePortuguese uye vakazoita makore anopfuura 10 vari mundima yeSpanish. Pashure pemakore akawanda vari muDhipatimendi Rebasa, Hama Fleegle vakazoshanda muHofisi yeKomiti Yekudzidzisa, uye nekufamba kwenguva, vakazoshanda muHofisi yeKomiti yeBasa. Muna March 2022 vakagadzwa semubatsiri weKomiti yeBasa yeDare Rinotungamirira.

Jeffrey Winder nemudzimai wake Angela

Hama Winder vakakurira muMurrieta, California, U.S.A. Vakarerwa muchokwadi nevabereki vavo uye vakabhabhatidzwa musi wa29 March 1986. Mwedzi wakatevera wacho, vakava piyona webetsero. Vakanakidzwa chaizvo nebasa racho zvekuti vakasarudza kuramba vachiriita. Pashure pekushanda sapiyona webetsero kwemwedzi yakati kuti, vakazova piyona wenguva dzese musi wa1 October 1986.

Vachiri mumakore ekuyaruka, Hama Winder vakashanyira vakoma vavo vaviri vaishanda paBheteri. Izvozvo zvakaita kuti vave nechido chekuzoshanda paBheteri kana vati kurei. Uye muna May 1990, vakakokwa kuti vashande paBheteri kuWallkill.

Hama Winder vakashanda mumadhipatimendi akasiyana-siyana paBheteri, anosanganisira Dhipatimendi Rekuchenesa, Dhipatimendi Rezvekurima uye Dhipatimendi Rinoona Nezvemagariro Evanhu paBheteri. Vakachata nemudzimai wavo Angela muna 1997, uye kubvira ipapo, vari kushumira vese paBheteri. Muna 2014 vakaenda kunoshandira kuWarwick, uko Hama Winder vaibatsira pakuvakwa kwemahofisi makuru. Muna 2016, vakaenda kunoshandira kuWatchtower Educational Center iri kuPatterson, uko Hama Winder vakashanda mudhipatimendi Rinoona Nezvemabasa Ekurekodha. Papera makore mana, vakadzoka kuWarwick, uye Hama Winder vakatanga kushanda muHofisi yeKomiti Yevashandi. Muna March 2022 vakagadzwa kuti vabatsire Komiti Yevashandi yeDare Rinotungamirira.

Tinonyengetera kuti Jehovha akomborere varume ava vaakatipa “sezvipo” sezvavanoramba vachishanda nesimba mubasa reUmambo.—VaEf. 4:8.