Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Bhaibheri rinotii nezvekukwanisa kunoita Jehovha kuziva zvichaitika mune ramangwana?

Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti Jehovha anogona kutaura zvichaitika mune ramangwana. (Isa. 45:21) Haridonongodzi kuti izvozvo anozviita sei kana kuti anozviita papi, kunyange kuti anosarudza kuziva zvakawanda sei. Saka hatikwanisi kunzwisisa zvese zvine chekuita nekuziva kunoita Jehovha zvichaitika mune ramangwana. Asi panewo zvimwe zvatinokwanisa kunzwisisa.

Jehovha anogona kuita chero chaanenge achida asi dzimwe nguva anosarudza kusaita zvimwe zvinhu. Neuchenjeri hwake husingagumi, anogona kugara ataura chero chaada. (VaR. 11:33) Asi sezvo achikwanisa kuzvidzora zvakakwana, anogonawo kusarudza kusaziva zvichaitika.—Enzanisa naIsaya 42:14.

Jehovha anoita kuti kuda kwake kuitike. Chokwadi ichocho chinotibatsira sei kunzwisisa kukwanisa kwaanoita kugara ataura zvichaitika mune ramangwana? Isaya 46:10 inotsanangura kuti: “Kubvira pakutanga, ndinogara ndataura zvichaitika pakupedzisira, uye kubvira kare kare zvinhu zvisati zvaitwa. Ndinoti, ‘Zvandakasarudza zvichamira, uye ndichaita chero zvandinoda.’”

Chimwe chikonzero chinoita kuti Jehovha akwanise kutaura zvichaitika mune ramangwana ndechekuti ane simba rekuita kuti zvinhu zviitike. Jehovha haafaniri hake kugara aziva zvichaitika mune ramangwana sezvatinoita dzimwe nguva kuti tinotanga taverenga kunoperera bhuku kuti tione kuti nyaya yacho inopera sei. Asi Jehovha anogona kusarudza kuti chimwe chinhu chizoitika pane imwe nguva, obva aita kuti chiitike kana nguva yacho yakwana.—Eks. 9:​5, 6; Mat. 24:36; Mab. 17:31.

Izvi ndizvo zvinoita kuti Bhaibheri rishandise mamwe mashoko akadai sekuti “ndakazvigadzirira,” “ndakazviumba,” uye “ndine chinangwa chekuzviita” parinenge richitsanangura zvimwe zvinhu zvichaitwa naJehovha mune ramangwana. (2 Madz. 19:25; mashoko emuzasi; Isa. 46:11) Mashoko aya akashandurwa kubva mushoko rechiHebheru iro rinoenderana neshoko rinoreva kuti “muumbi.” (Jer. 18:4) Sezvinoita muumbi ane unyanzvi uyo anoshandisa ivhu kuti agadzire mudziyo wakanaka, Jehovha anogonawo kuumba kana kuti kugadzira zvinhu kuti zviitike sezvaanoda.—VaEf. 1:11.

Jehovha anoremekedza chipo chatiinacho chekuzvisarudzira zvekuita. Haagari arongera munhu mumwe nemumwe zvichaitika muupenyu hwake, uye haaiti kuti vanhu vakanaka vaite zvinhu zvinozoita kuti vaparadzwe. Haasarudziri vanhu mararamiro avanofanira kuita, asi anovadzidzisa kuti vararame nenzira yakarurama.

Ngatimboongororai mienzaniso miviri. Muenzaniso wekutanga ndewevagari vekuNinivhi. Jehovha akagara ataura kuti guta racho raizoparadzwa nemhaka yezvakaipa zvaiitika imomo. Asi vanhu vacho pavakapfidza, Jehovha “akachinja pfungwa dzake pamusoro pedambudziko raakanga ati achaunza, uye haana kuzoriunza.” (Jona 3:​1-10) Jehovha haana kuzoparadza vaNinivhi nekuti vakapfidza pashure pekunge vanzwa yambiro yake.

Muenzaniso wechipiri ndeweuprofita hune chekuita naKoreshi, uyo akataurwa kuti aizokunda Bhabhironi, osunungura vaJudha vainge vakatapwa kuti vanovakazve temberi yaJehovha. (Isa. 44:26–45:4) Mambo Koreshi wePezhiya akazadzisa uprofita ihwohwo. (Ezra 1:​1-4) Asi Koreshi aisanamata Mwari wechokwadi. Jehovha akashandisa Koreshi kuzadzisa uprofita uhwu, asi haana kumanikidza Koreshi kuti amunamate.—Zvir. 21:1.

Izvi handizvo zvega zvinobatanidzwa panyaya yekuziva kunoita Jehovha zvichaitika mune ramangwana. Chokwadi ndechekuti hapana munhu anokwanisa kunyatsonzwisisa nzira dzaJehovha. (Isa. 55:​8, 9) Asi zvacho zvatinoziva zvinoita kuti tive nechokwadi chekuti zvese zvaanoita zvakarurama, kusanganisira zvaanotiudza kuti zvichaitika mune ramangwana.