Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Nei Bhaibheri richidzokorora mamwe mashoko?

VANYORI veBhaibheri vaimbopota vachidzokorora mamwe mashoko pavainyora. Chimbofunga nezvezvikonzero zvitatu zvingangodaro zvaiita kuti vadaro.

Nguva yarakanyorwa. Panguva yevaIsraeri, vanhu vakawanda vaisava nemakopi avo pachavo eMutemo waMozisi. Vaiwanzonzwa Mutemo pawaiverengererwa rudzi rwese parwunenge rwakaungana patebhenekeri. (Dheut. 31:​10-12) Panofanira kunge paiva nezvaivavhiringidza pavaiteerera vakamira pachaunga chevanhu kwemaawa akawanda. (Neh. 8:​2, 3, 7) Pakadaro, kudzokorora mashoko anokosha kwaizobatsira vanhu kuti vayeuke magwaro acho uye kuashandisa. Kudzokorora mamwe mashoko kwaizonyanya kuvabatsira kuti vayeuke nyaya dzaiva netwakawanda-wanda semirau yaMwari uye mitongo yake.—Revh. 18:​4-22; Dheut. 5:1.

Manyorerwo arakaitwa. Zvimwe zvikamu zveBhaibheri zvakanyorwa senziyo. Semuenzaniso, mune mabhuku akadai seMapisarema, Rwiyo rwaSoromoni, uye Mariro. Dzimwe nziyo dzacho dzaiva nemakorasi aibatanidza mavhesi enziyo dzacho uye aibatsira vateereri kuti vabate mashoko acho nemusoro. Semuenzaniso, tarisa uone mashoko ari pana Pisarema 115:​9-11 ekuti: “Haiwa iwe Israeri, vimba naJehovha, Ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo. Haiwa imi imba yaAroni, vimbai naJehovha, Ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo. Imi vanotya Jehovha, vimbai naJehovha, Ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.” Uri kuona here kuti kudzokorora mashoko iwayo kwaizobatsira sei vaimbi kuti vanyatsobata chokwadi chinokosha, voramba vachichiyeuka?

Chakaita kuti rinyorwe. Dzimwe nguva vanyori veBhaibheri vaidzokorora mashoko aibudisa pfungwa dzinokosha. Semuenzaniso, Jehovha paakaudza vaIsraeri kuti vasadye ropa, akaita kuti Mozisi adzokorore adzokororazve chikonzero chacho. Mwari aida kusimbisa kuti upenyu hwenyama huri muropa, saka ropa rinomiririra upenyu. (Revh. 17:​11, 14) Pave paya, vaapostora nevakuru vaiva muJerusarema pavakataura nezvezvinhu zvaigumbura Mwari, vakasimbisazve kuti vaKristu vanofanira kurega ropa.—Mab. 15:​20, 29.

Kunyange zvazvo muBhaibheri muine mamwe mashoko akadzokororwa, izvi hazvirevi kuti Jehovha anoda kuti tive netsika yekungodzokorora mamwe mashoko ari muBhaibheri. Semuenzaniso, Jesu akati: “Paunenge uchinyengetera, usadzokorora-dzokorora zvinhu zvimwe chetezvo.” (Mat. 6:7) Akabva azotiudza zvinhu zvakakodzera kuti tinyengetere nezvazvo izvo zvinoenderana nekuda kwaMwari. (Mat. 6:​9-13) Saka kunyange zvazvo tisingadzokorori-tadzokororazve mashoko mamwe chetewo mumunyengetero wedu, hapana chakaipa nekugara tichinyengetera nezvezvinhu izvozvo.—Mat. 7:​7-11.

Pane zvikonzero zvakanaka zvinoita kuti Shoko raMwari ridzokorore mamwe mashoko. Iyoyo ndeimwe nzira inoshandiswa neMurayiridzi wedu Mukuru pakutidzidzisa zvinotibatsira.—Isa. 48:​17, 18.