Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA

Tsvaga Pfuma Iri muShoko raMwari Yaunogona Kushandisa

Tsvaga Pfuma Iri muShoko raMwari Yaunogona Kushandisa

Patinoverenga Bhaibheri, tinogona kuwana pfuma iri muShoko raMwari kuburikidza nekutsvakurudza. Asi tingaitei kuti tinyatsobatsirwa?

Nyatsoongorora muudzame zvinenge zvichitaurwa munyaya dzemuBhaibheri. Semuenzaniso, ona kuti ndiani akanyora nyaya yacho, yakanyorerwa ani, uye riini. Zvinhu zvainge zvakamira sei, chii chainge chamboitika, uye chii chakazoitika?

Funga zvidzidzo zvaunogona kuwana nekutsvakurudza mhinduro dzemibvunzo yakadai sekuti: ‘Vanhu vari kutaurwa munyaya yacho vainzwa sei? Vairatidza unhu hwakaita sei? Nei tichifanira kutevedzera unhu ihwohwo kana kuti nei tisingafaniri kutombova nahwo?’

Shandisa zvidzidzo zvaunowana, zvichida muushumiri kana kuti pane zvaunoita nevamwe vanhu. Paunoita izvi, unenge uchiratidza kuti unonzwisisa sezvinotaurwa neBhaibheri kuti: “Vese vanochengeta mirayiro yake vanoratidza kuti vanonzwisisa.”—Pis. 111:10.

  • Zvaungaita: Ona kuti mashoko anoshandiswa pachikamu chemusangano wepakati pevhiki chinonzi Pfuma Iri muShoko raMwari chinotibatsira sei kuona mashandisiro atingaita zvatinenge tadzidza. Chikamu ichi chinowanzoita mibvunzo yatinogona kuzvibvunza, pfungwa dzatinogona kufunga nezvadzo uye mifananidzo yatinogona kuongorora.