Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEUPENYU

Kusava Kwangu Nesimba Kwakaita Kuti Simba raMwari Riwedzere Kuoneka

Kusava Kwangu Nesimba Kwakaita Kuti Simba raMwari Riwedzere Kuoneka

INI nemudzimai wangu patakasvika muColombia muna 1985, munyika macho mairwiwa zvisingaiti. Mumaguta, hurumende yairwisa vanhu vaiita zvemadhiragi uye mumakomo, yairwisa vanhu vairwira rusununguko. Nharaunda yeMedellín, iyo yatakazoshumira pave paya, yaiva nezvikwata zvevechidiki vainge vaine pfuti avo vaigara vari mumigwagwa yeguta racho. Vaitengesa madhiragi, vaibhadharisa vanhu mari kuti vavachengetedze, uye vaitumwa kuti vauraye vanhu vachipiwa mari. Hapana kana mumwe chete wavo akararama kwenguva yakareba. Zvatakaona zvainge zvakasiyana nezvatakajaira.

Zvakafamba sei kuti vanhuwo zvavo vaviri vekuFinland, imwe yenyika dziri nechekumusoro-soro kwepasi rino, vagumisire vava kuSouth America iyo iri nechekuzasi? Uye zvidzidzo zvipi zvandakawana mumakore ese aya?

NDICHIRI MUDIKI KUFINLAND

Ndakaberekwa muna 1955, uye ndiri wekupedzisira pavakomana vatatu. Ndakakurira pedyo nemahombekombe ari nechekuzasi kweFinland, munharaunda yava kuzivikanwa seguta reVantaa.

Amai vangu vakabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha makore mashoma ndisati ndaberekwa. Asi baba vangu vaipikisa chokwadi, uye vaisabvumira amai kuti vadzidze nesu vana kana kuenda nesu kumisangano yeungano. Saka amai vaitidzidzisa chokwadi cheBhaibheri baba pavainge vasipo.

Ndakatsigira mitemo yaJehovha ndiine makore 7

Kubva ndichiri mudiki, ndairamba kutyora mitemo yaJehovha. Semuenzaniso, pandaingova nemakore 7, mudzidzisi wangu akanditsamwira chaizvo nekuti ndakaramba kudya makeke ekuFinland anobikwa neropa, anonzi maverilättyjä. Akandibata nerumwe ruoko ndokundidzvanya shaya kuti ndivhure muromo, uye rumwe ruoko rwaiva nefoku yaiva nepisi yekeke raaiedza kupakira mumukanwa mangu. Ndakakwanisa kurova foku yacho ikawira pasi.

Baba vangu vakashaya ndiine makore 12. Pashure paizvozvo ndainge ndava kukwanisa kupinda misangano yeungano. Hama dzemuungano yacho dzaindifarira, uye izvi zvakaita kuti ndifambire mberi pakunamata. Ndakatanga kuverenga Bhaibheri zuva rega rega uye kunyatsodzidza mabhuku edu echiKristu. Izvi zvakaita kuti ndikwanise kubhabhatidzwa ndiine makore 14, musi wa8 August 1969.

Pandakangopedza chikoro, ndakava piyona wenguva dzese. Pangopera mavhiki mashomanana, ndakatamira kwaidiwa vaparidzi vakawanda, kuPielavesi, iyo iri nechepakati peFinland.

KuPielavesi ndiko kwandakasangana nemusikana uyo akazova mudzimai wangu, Sirkka. Ndakamufarira nekuti aiva munhu anozvininipisa uye anoda Jehovha chaizvo. Aisatsvaga mukurumbira kana zvinhu zvemutambarakede. Tese tiri vaviri taida chaizvo kuita zvese zvatinogona pakushumira Jehovha, uye kuita basa chero ripi zvaro ratainge tapiwa. Takachata musi wa23 March 1974. Pane kuti tiende kuzororo pashure pekunge tachata, takaenda kunoshumira kuKarttula, kwaitonyanya kudiwa vaparidzi veUmambo vakawanda.

Imba yatairenda muKarttula, Finland

JEHOVHA AITICHENGETA

Mota yatakasiyirwa nemukoma wangu

Kubva patakachata, zvaiva pachena kuti Jehovha aitipa zvatinoda pakurarama kana tikatanga kutsvaga Umambo hwake. (Mat. 6:33) Semuenzaniso, pataiva muKarttula taisava nemota. Pakutanga, taifamba nemabhasikoro. Asi muchando kwaitonhora zvisingaiti. Kuti tiparidzire mundima yeungano yacho iyo yainge yakakura, taida mota. Asi tainge tisina mari yekuitenga.

Tisingazvitarisiri, mukoma wangu akatishanyira. Akatipa mota yake kuti tishandise. Yakanga yakabhadharwa inishuwarenzi. Chataingofanira kuita kutenga peturu. Kubvira ipapo takanga tava kufamba zvakanaka tichiparidza.

Jehovha akatiratidza kuti akanga achiita basa rake rekutipa zvatinoda pakurarama. Chedu kwaingova kuisa Umambo pekutanga.

CHIKORO CHEGIRIYEDHI

Kirasi yedu yeChikoro Chebasa Reupiyona muna 1978

Pataipinda Chikoro Chebasa Reupiyona muna 1978, mumwe wevarayiridzi vedu, Raimo Kuokkanen, a akatikurudzira kuti tinyorere kupinda Chikoro cheGiriyedhi. Saka takatanga kudzidza Chirungu tiine chinangwa chekuti tizokwanisa kupinda chikoro chacho. Asi muna 1980, tisati tatombonyorera, takakokwa kuti tishumire kuhofisi yebazi muFinland. Panguva iyoyo, vashumiri vepaBheteri vaisakwanisa kunyorera kuti vaende kuGiriyedhi. Asi taida kushumira kwatainzi naJehovha tiende kwete kwataida isu. Saka takabvuma kuenda kuBheteri. Asi takaramba tichidzidza Chirungu kuitira kana pakazomuka mukana wekunyorera kuenda kuGiriyedhi.

Pashure pemakore mashoma, Dare Rinotungamirira rakabvumirawo vashumiri vepaBheteri kuti vanyorere kupinda Chikoro cheGiriyedhi. Takabva tazadza mafomu edu, kwete nekuti takanga tisingafari paBheteri. Chataingoda kwaiva kushumira kwatinenge tichinyanya kudiwa kana tichikodzera. Takakokwa kuGiriyedhi uye takagirajuweta mukirasi yechi79 muna September 1985. Takabva tanzi tinoshumira kuColombia.

KWATAKATANGA KUSHUMIRA SEMAMISHINARI

MuColombia, takatanga kushumira pahofisi yebazi. Ndaiedza kuita zvese zvandaigona pabasa rangu, asi pashure pegore ndiri paBheteri, ndakafunga kuti taifanira kuchinja kwekushandira. Ndakakumbira rimwe basa rakasiyana nerandaiita, uye ndiko kaiva kekutanga kuzviita, uye handina kuzombozviitazve muupenyu hwangu. Takabva tanzi tinoshumira semamishinari mundima muguta reNeiva, riri munharaunda yeHuila.

Ndagara ndichinakidzwa neushumiri. Pandaipayona kuFinland ndisati ndaroora, dzimwe nguva ndaiparidza kubvira mangwanani-ngwanani kusvikira hwava usiku. Tichangochata, ini naSirkka taiswerawo tichiparidza. Pataishanda kundima dzinenge dziri kure, dzimwe nguva tairara mumota. Izvi zvaiita kuti tisapedza nguva tichifamba, uye zvaiita kuti tikwanise kutanga ushumiri achiri mangwanani zuva raitevera.

Patakanga tava mamishinari mundima, takatangazve kushingaira muushumiri sezvataimboita. Ungano yedu yakakura, uye hama nehanzvadzi dzemuColombia dzairemekedza vamwe, dzaiva nerudo, uye dzaionga.

SIMBA REMUNYENGETERO

Paiva nemaguta aisava neZvapupu pedyo nekwataishumira tiri kuNeiva. Ndainetseka chaizvo kuti mashoko akanaka aizosvika sei munzvimbo idzodzo. Asi sezvo kwaiva nehondo, zvaiva nengozi kuti vanhu vasingabvi kunzvimbo idzi vaende ikoko. Saka ndakanyengetera kuti mumwe munhu wemumataundi aya azova Chapupu. Ndakafunga kuti munhu uyu anofanira kunge achigara muNeiva kuti adzidze chokwadi. Saka ndakanyengeterawo kuti kana achinge abhabhatidzwa, azokura kuva munhu akasimba pakunamata ozodzokera kuguta raanobva kuti anoparidza. Ndaisaziva kuti Jehovha akanga aine nzira yakanaka kupfuura yandaifunga yekugadzirisa dambudziko iri.

Pasina nguva, ndakatanga kudzidza Bhaibheri nemumwe murume wechidiki anonzi Fernando González. Aigara muAlgeciras, rimwe remaguta aisava neZvapupu. Fernando aifamba kwemakiromita anopfuura 50 kuti auye kuNeiva kubasa. Ainyatsogadzirira chidzidzo chimwe nechimwe, uye pasina nguva akatanga kupinda misangano yese. Kubva pavhiki raakatanga kudzidza, Fernando aiunganidza vamwe vemuguta raaibva ovadzidzisa zvaainge adzidza muBhaibheri.

Tiina Fernando muna 1993

Fernando akabhabhatidzwa muna January 1990, papera mwedzi 6 kubva paakatanga kudzidza. Akabva azotanga kushumira sapiyona wenguva dzese. Sezvo muAlgeciras makanga mava neChapupu chinobva imomo, zvakanga zvisisina ngozi kuti hofisi yebazi itumire mapiyona chaiwo munzvimbo iyoyo. Muna February 1992, ungano yakaumbwa muguta racho.

Fernando aingoparidza muguta raaigara chete here? Aiwa! Paakachata, iye nemudzimai wake vakatamira kuSan Vicente del Caguán, rimwe remaguta aisava neZvapupu. Ikoko vakabatsira pakuumba ungano. Muna 2002, Fernando akagadzwa semutariri wedunhu, uye iye nemudzimai wake Olga, vachiri kuita basa iroro.

Kubva pachiitiko ichi, ndakadzidza kukosha kwazvinoita kuti patinenge tichinyengeterera zvine chekuita nemabasa edu musangano tinyatsotaura chaizvo zvatiri kuda. Jehovha anoita zvatisingakwanisi kuita. Basa iri rekukohwa nderake, harisi redu.—Mat. 9:38.

JEHOVHA ANOTIPA “CHIDO CHEKUITA ZVINHU UYE SIMBA REKUZVIITA”

Muna 1990, takapinda mubasa redunhu. Dunhu redu rekutanga raiva muguta guru rinonzi Bogotá. Taitya kuti taisazonyatsokwanisa kuita basa iri. Ini nemudzimai wangu tiri vanhuwo zvavo vasina zvipo zvinoshamisira. Uye takanga tisina kujaira kugara muguta rine vanhu vakawanda. Asi Jehovha akazadzisa vimbiso yake inowanika pana VaFiripi 2:13 yekuti: “Nekuti Mwari, sezvo zvichimufadza, ndiye ari kukupai simba, achikupai chido chekuita zvinhu uye simba rekuzviita.”

Pave paya, takazoenda kudunhu raiva muMedellín, guta randambotaura nezvaro pekutanga. Vanhu veikoko vakanga vajaira kurwisana kwaiitika mumugwagwa zvekuti vakanga vasingatombovhundutswi nako. Semuenzaniso, mumwe musi pandaiitisa chidzidzo cheBhaibheri, vanhu vatanga kupfurana nepfuti panze pemba yataiva. Ndaida kurara pasi, asi mudzidzi weBhaibheri akaramba achiverenga ndima akadzikama. Paakapedza kuverenga, akataura kuti aida kumboenda panze. Pashure pekanguva, murume uyu akadzoka aine tuvana twake tuviri ndokutaura akadzikama kuti, “Sori henyu, ndandichifanira kumbotora vana vangu.”

Pane dzimwe nguva dzatakava mungozi. Mumwe musi pataiparidza paimba neimba, mudzimai wangu akauya kwandiri achimhanya, achiratidza kuvhiringidzika. Akataura kuti mumwe munhu akanga amupfura. Izvi zvakandivhundutsa. Asi takazoziva kuti munhu wacho ainge asina kunanga Sirkka, asi kuti akanga achipfura mumwe murume aifamba ari pedyo naSirkka.

Nekufamba kwenguva takanga tisisanyanyi kutya kurwisana kwaiitika mumigwagwa. Takakurudzirwa nekushinga kwainge kwakaita Zvapupu zvaigara munharaunda iyoyo izvo zvaigara zvichitarisana nemamiriro ezvinhu akaita seaya kana kuti akatoipa kupfuura ipapo. Takaona kuti kana Jehovha aivabatsira, aizotibatsirawo. Taigara tichiteerera mazano aipiwa nevakuru vemunharaunda yacho, tichitora matanho ekuti tisava mungozi, uye tichisiyira zvimwe zvese mumaoko aJehovha.

Haasi hawo mamiriro ezvinhu ese aiva nengozi sezvataifungira. Mumwe musi ndakanzwa sekuti vakadzi vaviri vaitukana nechepanze pemba yandainge ndashanyira. Ndaisada hangu zvekuona vanhu vachipopotedzana, asi muridzi wepamba ipapo akandiudza kuti ndiuye nechepanze pemba yake paaiva. Ndakatozoona kuti kupopotedzana kwandainge ndanzwa dzaiva shiri mbiri dzinonzi maparrot dzaitevedzera vavakidzani.

MABASA MATSVA UYE MATAMBUDZIKO MATSVA

Muna 1997, ndakagadzwa kuti ndive murayiridzi weChikoro Chekudzidzisa Vashumiri. b Ndagara ndaionga chaizvo kupinda kwandaiita zvikoro zvesangano, asi handina kumbobvira ndafungidzira kuti ndaizowana ropafadzo yekudzidzisa mune chimwe chezvikoro zvacho.

Pave paya, ndakazova mutariri weruwa. Urongwa ihwohwo pahwakaguma, ndakadzokera kubasa remudunhu. Saka kwemakore anopfuura 30, ndakashumira semurayiridzi uye semutariri anofambira. Mabasa aya akaita kuti ndiwane makomborero akawanda. Asi hapasi pese pazvaiva nyore. Regai nditsanangure.

Ndiri munhu asinganetseki nezvinofungwa nevamwe. Izvi zvakandibatsira mumamiriro ezvinhu akaoma. Asi pane nguva dzandaishingaira zvakapfurikidza ndichiedza kugadzirisa zvinhu muungano. Pamwe pacho ndaikurudzira zvakasimba vamwe kuti vave nerudo uye vanzwisise vamwe. Asi pandaiita izvozvo, ndairatidza kusava neunhu hwandaida kuti vamwe vave nahwo.—VaR. 7:​21-23.

Kukanganisa kwandinoita kunomboita kuti ndiore mwoyo chaizvo. (VaR. 7:24) Pane imwe nguva ndakaudza Jehovha kuti zviri nani kuti ndisiye basa reumishinari ndodzokera kuFinland. Manheru iwayo ndakapinda musangano weungano. Kukurudzirwa kwandakaitwa kwakaita kuti ndive nechokwadi chekuti ndaifanira kuramba ndiri pabasa rangu ndoramba ndichishanda nesimba kuti ndisanyanya kukanganisa. Nanhasi ndinobayiwa mwoyo nekupindurwa kwakaitwa munyengetero wangu naJehovha zvakajeka. Uyewo ndinoonga chaizvo kundibatsira kwaakaita kuti ndikurire kusava nesimba kwangu.

KUTARISA MBERI NECHIVIMBO

Ini naSirkka tinoonga chaizvo kuti Jehovha akatipa ropafadzo yekushandisa chikamu chakakura cheupenyu hwedu mubasa renguva yakazara. Ndinoongawo chaizvo Jehovha nekundipa mudzimai ane rudo uye akatendeka kwemakore ese aya.

Ndava kuda kusvitsa makore 70 uye ndichasiya ropafadzo dzangu dzekushumira semurayiridzi ari mundima uye mutariri wedunhu. Asi izvi hazviiti kuti ndiore mwoyo. Nei ndichidaro? Nekuti ndinotenda chaizvo kuti chinoita kuti Jehovha anyanye kukudzwa ndechekuti tinomushumira nemwero uye kuti tinomurumbidza zvichibva mumwoyo uzere nerudo nekuonga. (Mika 6:8; Mako 12:​32-34) Kuti tikudze Jehovha, hatifaniri hedu kunge tiri vanhu vakakurumbira.

Ndichifunga nezvemabasa andakaita, ndinoona kuti kupiwa kwandakaaitwa hakusi kuti ndinokosha kupfuura vamwe, uyewo kuwana kwandakaita ropafadzo idzi hakusi kuti ndainyanya kugona zvimwe zvinhu. Asi Jehovha akandipa mabasa aya zvichibva panyasha dzake. Akandipa ropafadzo idzi pasinei nekusava kwangu nesimba. Ndinoziva kuti kubatsirwa naJehovha ndiko kwakaita kuti ndikwanise kuita mabasa aya. Izvi zvinoita kuti kusava kwangu nesimba kuite kuti simba raMwari rioneke.—2 VaK. 12:9.

a Nyaya yeupenyu yaRaimo Kuokkanen, iyo inoti “Takatsunga Kushumira Jehovha,” yakabudiswa muNharireyomurindi yaApril 1, 2006.

b Chikoro ichi chakatsiviwa neChikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo.