Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 15

RWIYO 124 Ngatirambei Takavimbika

Wedzera Kuvimba Kwaunoita Nesangano raJehovha

Wedzera Kuvimba Kwaunoita Nesangano raJehovha

“Yeukai vaya vari kukutungamirirai, vakakutaurirai shoko raMwari.”VAH. 13:7.

ZVATICHADZIDZA

Tichaona zvatinofanira kuita kuti tigare tichiremekedza sangano raJehovha uye tichivimba naro.

1. Vanhu vaJehovha vainge vakarongwa sei panguva yevaKristu vekutanga?

 JEHOVHA paanopa vanhu vake basa rekuita, anotarisira kuti variite nenzira yakarongeka. (1 VaK. 14:33) Semuenzaniso, Mwari anoda kuti mashoko akanaka aparidzwe munyika yese. (Mat. 24:14) Jehovha akaita kuti Jesu atungamirire basa iroro. Jesu ari kuva nechokwadi chekuti raitwa nenzira yakarongeka. Panguva yevaKristu vekutanga ungano padzaiumbwa munzvimbo dzakasiyana-siyana, vakuru vaigadzwa kuti vape mirayiridzo uye vatungamirire. (Mab. 14:23) MuJerusarema, dare raitungamirira, iro raiumbwa nevaapostora nevarume vakuru, raiita zvisarudzo zvaifanira kuteererwa neungano dzese. (Mab. 15:2; 16:4) “Ungano dzakaramba dzichisimbiswa pakutenda uye dzichiwedzera” nekuti dzaiteerera mirayiridzo yadzaipiwa.—Mab. 16:5.

2. Kubva muna 1919, Jehovha ari kutungamirira sei vanhu vake uye ari kuvapa sei zvekudya zvekunamata?

2 Jehovha achiri kuronga vanhu vake kunyange mazuva ano. Kubva muna 1919, Jesu ari kushandisa boka diki revarume vakazodzwa kuti aronge basa rekuparidza uye ape vateveri vake zvekudya zvekunamata. a (Ruka 12:42) Zviri pachena kuti Jehovha ari kukomborera basa reboka iroro.—Isa. 60:22; 65:​13, 14.

3-4. (a) Taura muenzaniso unoratidza kubatsirwa kwatinoitwa nekuva vanhu vakarongeka. (b) Tichakurukurei munyaya ino?

3 Dai tisina kurongeka, taisazokwanisa kuita basa ratakapiwa naJesu. (Mat. 28:​19, 20) Semuenzaniso, dai panga pasina ndima dzatinopiwa kuti tishande, munhu wese aigona kuparidza chero kwaada. Dzimwe ndima dzaizoshandwa dzashandwazve nevaparidzi vakasiyana-siyana, asi dzimwe dzaisazoshandwa zvachose. Unogona here kufunga nezvekumwe kubatsirwa kwatinoitwa nekuva vanhu vakarongeka?

4 Zvaiitwa naJesu pakuronga vateveri vake paaiva panyika ndizvo zvaari kuitawo mazuva ano. Munyaya ino tichakurukura muenzaniso wakasiyiwa naJesu uye kuti sangano redu riri kutevedzera sei muenzaniso iwoyo. Tichakurukura kuti tingaratidza sei kuti tinovimba nesangano raJehovha.

SANGANO REDU RINOTEVEDZERA MUENZANISO WAJESU

5. Ndeipi imwe nzira yatinotevedzera nayo muenzaniso waJesu? (Johani 8:28)

5 Jesu akadzidza zvekuita uye zvekutaura kubva kuna Baba vake vekudenga. Sangano raJehovha richitevedzera muenzaniso waJesu, rinotidzidzisa uye rinotitungamirira richishandisa Shoko raMwari. (Verenga Johani 8:28; 2 Tim. 3:​16, 17) Tinogara tichiyeuchidzwa kuti tiverenge uye tishandise Shoko raMwari. Tinobatsirwa sei nekuteerera zano iri?

6. Kudzidza Bhaibheri tichishandisa mabhuku edu kunotibatsira munzira ipi inokosha?

6 Tinobatsirwa chaizvo patinodzidza Bhaibheri tichishandisa mabhuku edu. Semuenzaniso, tinokwanisa kuenzanisa zvinodzidziswa neBhaibheri nemirayiridzo yatinopiwa nesangano. Patinoona kuti mirayiridzo yatinopiwa inobva muBhaibheri, kuvimba kwatinoita nesangano raJehovha kunowedzera.—VaR. 12:2.

7. Jesu aiparidza mashoko api, uye sangano raJehovha rinotevedzera sei muenzaniso wake?

7 Jesu aiparidza “mashoko akanaka eUmambo hwaMwari.” (Ruka 4:​43, 44) Akarayirawo vadzidzi vake kuti vaparidze nezveUmambo hwacho. (Ruka 9:​1, 2; 10:​8, 9) Mazuva ano vaya vari musangano raJehovha vanoparidza mashoko eUmambo pasinei nekuti vanogara kupi kana kuti vanoita mabasa akawanda zvakadii musangano.

8. Iropafadzo ipi yatakapiwa?

8 Tine ropafadzo yekuudza vamwe chokwadi nezveUmambo hwaMwari! Ropafadzo iyoyo haisi yemunhu wese. Semuenzaniso, Jesu paaiva panyika haana kubvumira mweya yakaipa kuti itaure nezvake. (Ruka 4:41) Mazuva ano, munhu asati atanga kuita ushumiri nevanhu vaJehovha, anofanira kunge achirarama nenzira inofadza Mwari. Tinoratidza kukoshesa kwatinoita ropafadzo yekuparidza kuburikidza nekutaura nevanhu nezveUmambo hwaMwari pese patinowana mukana. Kufanana naJesu, chinangwa chedu ndechekudyara nekudiridza mbeu dzechokwadi cheUmambo mumwoyo yevanhu.—Mat. 13:​3, 23; 1 VaK. 3:6.

9. Sangano riri kuita sei kuti zita raMwari rizivikanwe?

9 Jesu akaita kuti zita raMwari rizivikanwe. Paainyengetera kuna Baba vake vekudenga, Jesu akati: “Ndakavazivisa zita renyu.” (Joh. 17:26) Sangano raJehovha richitevedzera muenzaniso waJesu, riri kuita zvese zvarinokwanisa kuti ribatsire vamwe kuti vasvike pakuziva zita raMwari. Shanduro Yenyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakabatsira chaizvo panyaya iyi kuburikidza nekudzorera zita raMwari pese paraiwanika mumitauro yakashandiswa pakunyora Bhaibheri. Shanduro iyi yeBhaibheri yava kuwanika mumitauro inopfuura 270, ingave yakazara kana kuti mamwe mabhuku ayo. MuMashoko Ekuwedzera A4 neA5 eshanduro iyi, unowana mashoko ane chekuita nekudzorerwa kwezita raMwari muBhaibheri. Mashoko Ekuwedzera C, ayo anowanika muBhaibheri Rekudzidza reChirungu, ane uchapupu hwekuti zita raMwari rinofanira kuwanika muMagwaro echiKristu echiGiriki ka237.

10. Unodzidzei pane zvakataurwa nemumwe mukadzi anogara kuMyanmar?

10 Sezvaiitwa naJesu, tinoda kubatsira vanhu vakawanda kuti vasvike pakuziva zita raMwari. Paakadzidza kuti Mwari ane zita, mumwe mukadzi wekuMyanmar ane makore 67 akatanga kuchema uye akati: “Aka ndekekutanga muupenyu hwangu kunzwa kuti zita raMwari ndiJehovha. . . . Mandidzidzisa chinhu chinokosha chaizvo chandisati ndambonzwa.” Sezvinoratidzwa nenyaya iyi, vanhu pavanoziva zita raMwari zvinogona kuchinja upenyu hwavo.

RAMBA UCHIRATIDZA KUTI UNOVIMBA NESANGANO REDU

11. Vakuru vangaratidza sei kuti vanovimba nesangano raJehovha? (Onawo mufananidzo.)

11 Ndeipi imwe nzira iyo vakuru vanogona kuratidza nayo kuti vanovimba nesangano raMwari? Pavanowana mirayiridzo, vakuru vanofanira kunyatsoiverenga vobva vaita zvese zvavanogona kuti vaishandise. Semuenzaniso, vanowana mirayiridzo yemaitisirwo emisangano yeungano uye kuti vanganyengetera sei vachimiririra ungano uyewo kuti vangachengetedza sei makwai aKristu. Vakuru vanotevedzera mirayiridzo yesangano vanobatsira vaya vari mumaoko avo kuti vanzwe vakachengeteka uye vachidiwa.

Vakuru vanotibatsira kuti tivimbe nemirayiridzo yatinopiwa nesangano raJehovha (Ona ndima 11) b


12. (a) Nei tichifanira kuteerera uye kuzviisa pasi pevaya vari kutitungamirira? (VaHebheru 13:​7, 17) (b) Nei tichifanira kuisa pfungwa pazvinhu zvakanaka zvinoitwa nevaya vari kutungamirira?

12 Patinowana mirayiridzo kubva kuvakuru, tinofanira kuva nechido chekuita zvatinenge taudzwa. Patinodaro, zvichaitira nyore vaya vari kutungamirira kuti vaite basa ravo. Bhaibheri rinotikurudzira kuti titeerere uye tizviise pasi pevaya vari kutitungamirira. (Verenga VaHebheru 13:​7, 17.) Dzimwe nguva izvozvo zvinogona kuoma. Nei zvingaoma? Nekuti varume ava vane chivi. Asi tikaisa pfungwa pazvinhu zvavanokanganisa pane kudziisa pazvinhu zvakanaka zvavanoita, tinenge tichitobatsira vavengi vedu. Nei tingadaro? Tinenge tichikanganisa kuvimba kwatinoita nesangano raMwari, uye izvozvo ndizvo zvinodiwa nevanhu vanotipikisa. Tingaitei kuti tizive uye tirambe nhema dzinotaurwa nevavengi vedu?

USAREGA VAMWE VACHIKANGANISA KUVIMBA KWAUNOITA NESANGANO

13. Vavengi vaMwari vanoedza sei kuita kuti sangano rake rionekwe serakaipa?

13 Vavengi vaMwari vanoedza kuita kuti zvinhu zvakanaka zvinoitwa nesangano zvionekwe sezvakaipa. Semuenzaniso, takadzidza kubva muBhaibheri kuti Jehovha anoda kuti tive neutsanana, tirambe tichizvibata, uye kuti timunamate nenzira yaanoda. Anorayira kuti chero ani zvake anoramba achiita zvinhu zvisina kuchena asingapfidzi abviswe muungano. (1 VaK. 5:​11-13; 6:​9, 10) Tinoteerera murayiro iwoyo wemuBhaibheri. Asi vavengi vedu vanoedza kushandisa izvozvo kuti vatipomere kuti hatidi vanhu, tinotonga vanhu, uye kuti hatigamuchiri vanhu vakasiyana nesu.

14. Nyaya dzenhema dzinotaurwa nezvesangano dzinobva kuna ani?

14 Ziva kuti ndiani ari kutirwisa. Satani Dhiyabhorosi ndiye anoita kuti vanhu vataure nhema nezvesangano. Ndiye “baba venhema.” (Joh. 8:44; Gen. 3:​1-5) Saka tinotarisira kuti Satani achashandisa vatsigiri vake kuti aparadzire nyaya dzenhema nezvesangano raJehovha. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Jesu uye kuvaKristu vekutanga.

15. Vatungamiriri vechitendero vakaitei kuna Jesu nevateveri vake?

15 Kunyange zvazvo Mwanakomana waMwari, Jesu, ainge asina chivi uye aiita zvishamiso, Satani akashandisa vamwe vanhu kuti vaparadzire nhema nezvake. Semuenzaniso, vatungamiriri vechitendero vakaudza vanhu kuti simba raJesu rekudzinga madhimoni akaripiwa ‘nemutongi wemadhimoni.’ (Mako 3:22) Jesu paaitongwa, vatungamiriri vechitendero vakamupomera kuti aimhura uye vakanyengetedza vanhu kuti vaite kuti Jesu aurayiwe. (Mat. 27:20) Pave paya, vateveri vaKristu pavaiparidza mashoko akanaka, vaya vaivapikisa ‘vakakusvudzira vanhu uye vakavafurira’ kuti vatambudze vaKristu ivavo. (Mab. 14:​2, 19) Nharireyomurindi yaDecember 1, 1998, yakatsanangura Mabasa 14:2 ichiti: “Vaya vaitsigira Satani vakaramba mashoko aiparidzwa nevaKristu uye vakatotaura zvinhu zvakaipa nezvavo kuitira kuti vanhu vasavateerere uye vavavenge.”

16. Chii chatinofanira kuyeuka kana tikanzwa nyaya dzenhema?

16 Satani achiri kureva nhema mazuva ano. Achiri “kutsausa nyika yese.” (Zvak. 12:9) Kana ukanzwa zvinhu zvakaipa zvichitaurwa nezvesangano kana kuti nezvehama dziri kutungamirira, yeuka kuti vavengi vaMwari vakaita sei kuna Jesu uye kuvadzidzi vake. Jesu akati vanhu vaizopikisa vaya vanoshumira Jehovha uye vaizotaura nhema nezvavo. Izvi ndizvo chaizvo zviri kuitika mazuva ano. (Mat. 5:​11, 12) Nyaya dzenhema hadzizotitsausi kana tikaziva kwadzinobva uye tikakurumidza kuita chimwe chinhu kuti tizvidzivirire. Tingaitei kuti tizvidzivirire?

17. Tingaitei kuti tisakanganiswa nenyaya dzenhema? (2 Timoti 1:13) (Ona bhokisi rakanzi “ Zvaungaita Kana Ukanzwa Nyaya Dzenhema.”)

17 Ramba nyaya dzenhema. Muapostora Pauro akapa mirayiridzo yakajeka yezvatinofanira kuita kana tikanzwa nyaya dzenhema. Akaudza Timoti kuti ‘arayire vamwe kuti varege kuteerera ngano’ uye ‘varambe ngano dzekumhura.’ (1 Tim. 1:​3, 4; 4:7) Mwana mudiki anogona kunhonga chinhu pasi ochiisa mukanwa, asi munhu mukuru uyo anonzwisisa kukuvadza kwazvinoita haamboiti zvakadaro. Tinoramba nyaya dzenhema nekuti tinoziva kunobva mashoko acho. Tinobatisisa “mashoko anobatsira” echokwadi.—Verenga 2 Timoti 1:13.

18. Tingaratidza sei kuti tinovimba nesangano raJehovha?

18 Takurukura nzira nhatu chete panzira dzakawanda idzo sangano raMwari rinotevedzera Jesu. Paunenge uchidzidza Bhaibheri, ona zvimwe zviri kuitwa nesangano richitevedzera muenzaniso waJesu. Batsira vamwe muungano yako kuti vawedzere kuvimba nesangano. Uye ramba uchiratidza kuti unovimba nesangano nekushumira Jehovha wakavimbika uye nekuramba uri pedyo nesangano raari kushandisa pakuita kuda kwake. (Pis. 37:28) Ngatirambei tichikoshesa ropafadzo yatiinayo yekuva pakati pevanhu vaJehovha vane rudo uye vakavimbika.

UNGAPINDURA SEI?

  • Vanhu vaMwari vanotevedzera Jesu munzira dzipi?

  • Tingaitei kuti tirambe tichiratidza kuti tinovimba nesangano raJehovha?

  • Tinofanira kuitei kana tikanzwa nyaya dzenhema?

RWIYO 103 Vafudzi—Zvipo Zviri Varume

a Ona bhokisi rakanzi “Nei Tichiti Zvakaitika Muna 1919?” riri mubhuku rinonzi Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena! mapeji 102-103.

b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Pashure pekunge vakuru vakurukura nezveurongwa hwekuparidza munzvimbo dzinopfuura nevanhu, mutariri weboka anosvitsa murayiridzo wacho kuvaparidzi wekuti vamire vakafuratira madziro.