Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 22

RWIYO 127 Ndinofanira Kuva Munhu Akaita Sei?

Zvamungaita Kuti Kufambidzana Kwenyu Kukubatsirei Kuita Chisarudzo Chakanaka

Zvamungaita Kuti Kufambidzana Kwenyu Kukubatsirei Kuita Chisarudzo Chakanaka

‘Munhu akanyarara uye munyoro, anokosha chaizvo.’1 PET. 3:4.

ZVATICHADZIDZA

Tichakurukura zvingaitwa nevaviri vari kudanana kuti kufambidzana kwavo kuvabatsire kuita chisarudzo chakanaka, uye zvingaitwa nevamwe vari muungano kuti vavatsigire.

1-2. Vamwe vanonzwa sei nezvekufambidzana?

 NGUVA yekufambidzana inogona kuva inofadza zvikuru. Kana uri kudanana nemumwe munhu, zviri pachena kuti unoda kunakidzwa nenguva iyoyo. Uye vakawanda vanonakidzwa nayo. Imwe hanzvadzi yekuEthiopia inonzi Tsion a inoti: “Imwe yenguva dzandakafara chaizvo muupenyu hwangu ndepaya pandaifambidzana nemurume wangu. Taikurukura nyaya dzinokosha uyewo taiseka. Ndakafara pandakaziva kuti ndakanga ndawana munhu wandinoda uye anondidawo.”

2 Asi imwe hama yekuNetherlands inonzi Alessio inoti, “Zvainakidza chaizvo kuziva mudzimai wangu pataifambidzana, asi taivawo nematambudziko.” Munyaya ino tichakurukura mamwe matambudziko anogona kusangana nevaya vari kufambidzana, uyewo mazano eBhaibheri anogona kuvabatsira kuti vaite zvisarudzo zvakanaka. Tichakurukurawo kuti vamwe vari muungano vangatsigira sei vaya vari kufambidzana.

CHINANGWA CHEKUFAMBIDZANA

3. Chinangwa chekufambidzana ndechei? (Zvirevo 20:25)

3 Kunyange zvazvo kufambidzana kuchifadza, vari kufambidzana vanofanira kukoshesa chaizvo nguva iyoyo nekuti inogona kuzoita kuti vapinde muwanano. Pazuva remuchato wavo, vaviri vanenge vachichata vanoita mhiko pamberi paJehovha yekuti vachadanana uye vacharemekedzana chero bedzi vese vari vapenyu. Tisati taita chero mhiko, tinofanira kunyatsofungisisa. (Verenga Zvirevo 20:25.) Izvi ndizvo zvazviriwo pamhiko yemuchato. Nguva yekufambidzana inoita kuti vaviri vazivane uye vaite chisarudzo chakanaka. Dzimwe nguva vanogona kusarudza kuroorana, asi dzimwe nguva vanogona kusarudza kurambana. Kana vakarambana, hazvirevi kuti vakundikana. Asi kufambidzana kwavanga vachiita kwavabatsira kuti vasvike pakuita chisarudzo chakanaka.

4. Nei tichifanira kuva nemaonero akanaka panyaya yekufambidzana?

4 Nei zvichikosha kuti tive nemaonero akanaka panyaya dzekufambidzana? Kana vaya vasiri muwanano vakava nemaonero akanaka panyaya dzekufambidzana, havazodanani nemumwe munhu vasina chinangwa chekupinda naye muwanano. Asi vasiri muwanano ndivo vega here vanofanira kuva nemaonero akanaka. Tese zvedu tinofanira kuva nemaonero akanaka panyaya yacho. Semuenzaniso, vamwe vanofunga kuti kana vaviri vakatanga kufambidzana vanotozofanira kuchata. Maonero iwayo anokanganisa sei vaKristu vasiri muwanano? Imwe hanzvadzi isina kuroorwa yekuUnited States inonzi Melissa inoti: “Kana vaviri vakatanga kudanana, zvimwe Zvapupu zvinenge zvava kutotarisira kuti vanofanira kuchata. Izvi zvinoita kuti vaya vanenge vachidanana varambe vachifambidzana kunyange zvazvo zviri pachena kuti hapana kwazviri kuvasvitsa. Vamwe vasiri muwanano vanobva vatotanga kutambira kure nezvekudanana nemumwe munhu. Zvese izvi zvinogona kuita kuti munhu azvidye mwoyo chaizvo.”

NYATSOZIVANAI

5-6. Vari kufambidzana vanofanira kuedza kuzivei nezvemumwe nemumwe? (1 Petro 3:4)

5 Kana muri kufambidzana, chii chingakubatsirai kusarudza kuroorana kana kurega? Nyatsozivanai. Unogona kunge uine zvimwe zvawakadzidza nezvemumwe wako musati matanga kudanana. Asi iye zvino, wava nemukana wekuziva “munhu akavanzika wemwoyo.” (Verenga 1 Petro 3:4.) Izvi zvinosanganisira kudzidza zvakawanda nezvemanamatiro emunhu wacho, unhu hwake, uye mafungiro ake. Nekufamba kwenguva, unofanira kukwanisa kupindura mibvunzo yakadai seiyi: ‘Munhu uyu akakodzera kuti ndiroorane naye here?’ (Zvir. 31:​26, 27, 30; VaEf. 5:33; 1 Tim. 5:8) ‘Ndinokwanisa kumuda uye kuratidza kuti ndine hanya naye uye iyewo anokwanisa kundida uye kuratidza kuti ane hanya neni here? Zviri nyore here kuti mumwe nemumwe akwanise kurarama netunhu tusina kunaka turi paunhu hwemumwe?’ b (VaR. 3:23) Pamunosvika pakuzivana, yeuka kuti kupindirana kwenyu hakunyanyi kubva pakuti munofarira zvinhu zvakafanana here, asi pakuti mumwe nemumwe anokwanisa here kuchinja kuti ararame nekusiyana kwamakaita.

6 Ndezvipi zvimwe zvinhu zvaunofanira kuziva nezvemumwe munhu pamunenge muchifambidzana? Usati wanyanya kuda munhu wacho, ungada kuti mukurukure zvimwe zvinhu zvinokosha zvakadai sezvinangwa zvake muupenyu. Asi zvakadii nekukurukura zvimwe zvinhu zvakadai senyaya dzeutano, matambudziko emari, kana kuti zvimwe zvinhu zvakaipa zvakaitika kwaari zvinogona kukanganisa mafungiro ake, manzwiro ake, uye maitiro ake? Hazvisi zvese zvinofanira kukurukurwa muchangotanga kufambidzana. (Enzanisa naJohani 16:12.) Kana uchinzwa sekuti munhu wacho akurumidza kukubvunza mimwe mibvunzo ine chekuita newe, ita kuti azvizive. Zvisinei, nekufamba kwenguva munhu wacho achafanira kuziva nezvazvo kuitira kuti aite chisarudzo chakanaka. Saka pane imwe nguva, uchafanira kutaura zvinhu sezvazviri.

7. Vari kufambidzana vangasvika sei pakuzivana? (Onawo bhokisi rakanzi “ Kufambidzana Nemunhu Anogara Kure.”) (Onawo mifananidzo.)

7 Ungasvika sei pakuziva zvakanyatsoita mumwe munhu nechemukati? Imwe nzira yakanaka zvikuru ndeyekukurukura muchibudirana pachena, muchibvunzana mibvunzo uye muchinyatsoteererana. (Zvir. 20:5; Jak. 1:19) Kuti muwane nguva yekukurukura, munogona kutsvaga zvinhu zvamunoita pamwe chete, zvakadai sekudya pamwe chete, kufamba pamwe chete munzvimbo dzine vamwe vanhu, uye kuparidza pamwe chete. Munogonawo kudzidzana pamunenge muchitandara neshamwari uye neveukama. Uyewo ronga kuita zvimwe zvinhu zvichakuratidza kuti mumwe wako anoita sei mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana uye paanenge aine vanhu vakasiyana-siyana. Ona zvakaitwa naAschwin wekuNetherlands. Anotaura nezvekufambidzana kwake naAlicia achiti: “Takatsvaga zvinhu zvaizotibatsira kuti tidzidzane. Kakawanda kacho izvi zvaiva zvinhu zvisingashamisiri hazvo zvakadai sekubika zvekudya pamwe chete kana kuita mabasa epamba pamwe chete. Pataiita zvinhu zvakadaro, mumwe nemumwe aigona kuona pakasimba mumwe uye paasina kusimba.”

Kana mukaita zvinhu zvinozoita kuti mukwanise kukurukura, kakawanda kacho muchawedzera kuzivana (Ona ndima 7-8)


8. Vaviri vari kufambidzana vangabatsirwa sei nekudzidza pamwe chete?

8 Munogonawo kuzivana kana mukadzidza Bhaibheri pamwe chete. Kana maroorana, muchafanira kuva nenguva yekunamata kwemhuri kuitira kuti Mwari ave muwanano yenyu. (Mup. 4:12) Saka munogona kuronga nguva yekudzidza pamwe chete pamuri kufambidzana. Vaviri vacho havasati vava mhuri, uye hama yacho haisati yava musoro wehanzvadzi yacho. Asi mukagara muchidzidza pamwe chete munogona kuziva kuti mumwe nemumwe ane ushamwari hwakaita sei naJehovha. Max nemudzimai wake Laysa, avo vanogara kuUnited States, vakawana chimwe chinhu chinobatsira. Max anoti: “Tichangotanga kufambidzana, takatanga kudzidza mabhuku anotaura nezvenyaya dzakadai sekufambidzana, wanano, uye upenyu hwemhuri. Mabhuku iwayo akaita kuti tikurukure zvinhu zvakawanda zvinokosha izvo zvaigona kutiomera kuti tingotanga tega kukurukura nezvazvo.”

ZVIMWE ZVINHU ZVEKUFUNGA NEZVAZVO

9. Vaviri vari kufambidzana vanofanira kufunga nezvei pavanenge vachisarudza vekuudza nezvekufambidzana kwavo?

9 Ndiani wamunofanira kuudza nezvekufambidzana kwenyu? Izvozvo munozvisarudza muri vaviri. Pamunenge muchangotanga kufambidzana, munogona kufunga nezvekuudza vanhu vashoma. (Zvir. 17:27) Mukaita izvozvo hamuzobvunzwi mibvunzo yakawanda kana kumanikidzwa kuita chisarudzo. Asi kana mukasava nevamunoudza, munogona kupedzisira mava kungoita zvinhu muri mega muchityira kuti vamwe vangaziva kuti muri kudanana. Izvi zvinogona kuita kuti mupedzisire maita zvinhu zvakaipa. Saka kuchenjera kuti muve nevamunoudza, avo vanogona kukupai mazano akanaka kana kukubatsiraiwo nezvimwe zvinhu. (Zvir. 15:22) Semuenzaniso, munogona kuudza vamwe vemumhuri, shamwari dzakakura pakunamata, kana kuti vakuru vemuungano.

10. Vaviri vari kufambidzana vangaitei kuti kufambidzana kwavo kurambe kuchikudza Jehovha? (Zvirevo 22:3)

10 Mungaitei kuti kufambidzana kwenyu kurambe kuchikudza Jehovha? Manzwiro enyu zvaanowedzera, zvinongoitika zvega kuti munonzwa muchida kuwedzera kuva pedyo nemumwe nemumwe. Chii chingakubatsirai kuti musaita zvinhu zvinogumbura Jehovha? (1 VaK. 6:18) Musataura zvinhu zvisina kuchena, musava penyu mega, uye musanwisa. (VaEf. 5:3) Zvinhu izvi zvinogona kumutsa chido chebonde zvokuomerai kuti muite zvakarurama. Kungava kuchenjera kuti mukurukure zvamungaita kuti muremekedzane uye muremekedze zvinodiwa naJehovha. (Verenga Zvirevo 22:3.) Ona zvakabatsira Dawit naAlmaz vekuEthiopia. Vanoti: “Taitandara munzvimbo dzaiva nevanhu vakawanda kana kuti tiine dzimwe shamwari dzedu. Hatina kumbobvira tava tega mumota kana kuti mumba. Taisapinda mumamiriro ezvinhu aigona kutiisa pamuedzo.”

11. Zvinhu zvipi zvinofanira kufungwa nezvazvo nevari kufambidzana pakusarudza zvavangada kuita pakuratidzana rudo?

11 Zvakadii nekuratidzana rudo? Kumwe kuratidzana rudo kwakakodzera pamunenge muchiwedzera kudanana. Asi kana chido chebonde chikamuka, zvinogona kukuomera kuti ufunge zvakanaka nezvemumwe wako. (Rwiyo 1:2; 2:6) Kumwe kuratidzana rudo kunogonawo kuita kuti zvive nyore kuti muite zvinhu zvisingafadzi Jehovha. (Zvir. 6:27) Saka muchangotanga kudanana, kurukurai pamunofanira kugumira maererano nezvinotaurwa neBhaibheri. c (1 VaT. 4:​3-7) Zvibvunzei kuti: ‘Vanhu vekwatinogara vanoona sei nyaya yekuratidzana rudo pakati pedu? Kuita izvi kunogona here kumutsa chido chebonde pane mumwe wedu?’

12. Kana vari kufambidzana vasiri kuwirirana vanofanira kufunga nezvei?

12 Mungagadzirisa sei zvamusiri kuwirirana? Ko kana muchimbova nezvamusingawirirani apo neapo? Izvozvo zvinoratidza here kuti kufambidzana kwenyu hakuna kwakuri kusvika? Hazvirevi hazvo kudaro. Vanhu vese vanodanana vane zvavasingawirirani. Wanano yakasimba inoumbwa nevanhu vaviri vanoremekedzana uye vanoda kuchinja kuti vaite zvinenge zvichifarirwa nemumwe nemumwe. Saka magadzirisiro amunoita matambudziko iye zvino anogona kuratidza kuti wanano yenyu ichabudirira here kana kuti kwete. Muri vaviri zvibvunzei kuti: ‘Tinokurukura zvinhu takadzikama uye tichiremekedzana here? Tinokurumidza kubvuma zvatinenge takanganisa toedza kugadzirisa here? Tinokurumidza kubvuma zvinodiwa nemumwe, kukumbira ruregerero, uye kuregerera here?’ (VaEf. 4:​31, 32) Asi kana muchigara muchinetsana pamunenge muchifambidzana kakawanda kacho hazvizochinji kana maroorana. Kana ukaona kuti mumwe wako haana kukukodzera, kurambana kunogona kuva chisarudzo chakanaka chaizvo kwamuri mese. d

13. Chii chichabatsira vaviri kuti vasarudze kuti vanofanira kufambidzana kwenguva yakareba sei?

13 Munofanira kufambidzana kwenguva yakareba sei? Pamunoita chisarudzo nechimbichimbi, kakawanda kacho zvinhu hazvifambi zvakanaka. (Zvir. 21:5) Saka munofanira kufambidzana kwenguva yakareba zvekuti munosvika pakunyatsozivana. Asi hamufaniri kuita nguva yakarebesa muchifambidzana pasina chikonzero chakanaka chekuti mudaro. Bhaibheri rinotiwo: “Kana zviri kutarisirwa zvikanonoka, mwoyo unonetseka.” (Zvir. 13:12) Uyewo pamunoita nguva yakareba muchifambidzana zvinogona kukuomerai kuti mukunde muedzo wekurara mese. (1 VaK. 7:9) Pane kuti unyanye kufunga nezvekuti mafambidzana kwenguva yakareba sei, unogona kuzvibvunza kuti, ‘Chii chandichiri kufanira kudzidza nezvemumwe wangu kuitira kuti ndiite chisarudzo chakanaka?’

VAMWE VANGATSIGIRA SEI VAYA VARI KUFAMBIDZANA?

14. Vamwe vangatsigira sei vaya vari kufambidzana? (Onawo mufananidzo.)

14 Kana paine vari kufambidzana vatinoziva tingavabatsira sei? Tinogona kuvakoka kuti tidye pamwe chete, tiite kunamata kwemhuri navo, kana kuti titandare navo. (VaR. 12:13) Pavanoita izvozvo, vangawedzera kuzivana. Zvimwe munogona kuvabatsira nekuenda navo kune imwe nzvimbo, kufamba navo mumota yenyu, kana kuvakoka kumba kwenyu movapa mukana wekukurukura pasina anovanzwa. (VaG. 6:10) Alicia ambotaurwa ane chimwe chinhu chaanoonga chaaiitirwa paaifambidzana naAschwin. Anoti, “Taifara chaizvo dzimwe hama nehanzvadzi padzaitaura kuti taigona kudzishanyira kana taida nzvimbo yekuti tive pamwe chete tichikurukura, asi tiri panoonekwa nevamwe.” Kana vari kufambidzana vakakukumbira kuti uve pamwe chete navo, ona izvozvo semukana unokosha wekubatsira shamwari dzako. Ngwarira kuti usabva wanyatsosiya vaviri ava vari vega, asiwo nzwisisa pavanenge vachifanira kumbowana nguva yekuti vakurukure vari vaviri.—VaF. 2:4.

Kana tichiziva vaviri vari kufambidzana tinogona kutsvaga nzira dzekuvatsigira (Ona ndima 14-15)


15. Zvii zvimwe zvingaitwa neshamwari kuti dzibatsire vari kufambidzana? (Zvirevo 12:18)

15 Tinogonawo kutsigira vari kufambidzana nezvatinotaura kana kuti nekusataura zvimwe zvinhu. Dzimwe nguva tingafanira kuzvidzora. (Verenga Zvirevo 12:18.) Semuenzaniso, tingada kuudza vamwe kuti nhingi nanhingi vava kudanana, asi vanhu vacho vangada kufambisa shoko racho vega. Hatifaniri kuita makuhwa nezvevaviri vari kudanana kana kuvatsoropodza panyaya dzisinei nesu. (Zvir. 20:19; VaR. 14:10; 1 VaT. 4:11) Uyewo vaviri vacho vangasafara nazvo kana tikavabvunza mibvunzo kana kutaura mashoko angaita kuti vanzwe sekuti tiri kuvamanikidza kuchata. Imwe hanzvadzi inonzi Elise nemurume wayo vanoti, “Tainzwa kunyara vamwe pavaitibvunza nezveurongwa hwedu hwemuchato isu vacho tisati tatombokurukura nezvazvo.”

16. Tinofanira kuita sei kana vaviri vari kufambidzana vakasarudza kusiyana?

16 Ko kana vari kufambidzana vakasarudza kusiyana? Hatifaniri kuvabvunza mibvunzo isinei nesu kana kupomera mumwe wavo. (1 Pet. 4:15) Imwe hanzvadzi inonzi Lea inoti: “Ndakanzwa kuti vamwe vaifungira zvisiri izvo nezvekurambana kwandainge ndaita neimwe hama. Ndakarwadziwa chaizvo.” Asi sezvambotaurwa, kana vaviri vakasarudza kusiyana, hatifaniri kufunga kuti vakakundikana. Kakawanda kacho zvinoreva kuti kufambidzana kwavo kwakazadzisa chinangwa. Kwakavabatsira kuti vasvike pakuita chisarudzo chakanaka. Asi chisarudzo ichocho chinogona kunge chakaita kuti varwadziwe uye vanzwe vachisurukirwa. Saka tinogona kutsvaga nzira dzekuvatsigira.—Zvir. 17:17.

17. Vari kufambidzana vanofanira kuramba vachiitei?

17 Sezvataona, nguva yekufambidzana ine zvinhu zvakaoma zvinoitika asi inogonawo kuva nguva inofadza. Jessica anoti: “Kutaura chokwadi, pane zvinhu zvakawanda zvinokosha zvatakaita pataifambidzana. Asi ndakafara kuti zvakatibatsira kuti tisvike pakunyatsozivana.” Kana muri kufambidzana, rambai muchishanda kuti musvike pakunyatsozivana. Kana mukadaro, kufambidzana kwenyu kuchabudirira. Kuchakubatsirai muri vaviri kuti muite chisarudzo chekuchenjera.

RWIYO 49 Kufadza Mwoyo waJehovha

a Mamwe mazita akachinja.

b Kuti uone panokurukurwa mimwe mibvunzo, ona bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, mapeji 39-40.

c Kupuruzira nhengo dzekubereka nadzo dzemumwe munhu hunotova upombwe hunoda kuti vakuru vemuungano vaumbe dare. Kupuruzira mazamu, kutaura nyaya dzeunzenza vanhu vachiita zvekunyora mameseji kana kufona kunogonawo kuumbirwa dare zvichienderana nemamiriro ezvinhu.

d Kuti uone mamwe mashoko, ona “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” muNharireyomurindi yaAugust 15, 1999.