Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 19

RWIYO 22 Umambo Hwavapo—Ngahuuye!

Zvii Zvatinoziva Nezvematongerwo Achaitwa Vanhu naJehovha Mune Ramangwana?

Zvii Zvatinoziva Nezvematongerwo Achaitwa Vanhu naJehovha Mune Ramangwana?

‘Jehovha . . . haana waanoda kuti aparadzwe.’2 PET. 3:9.

ZVATICHADZIDZA

Tinogona kuva nechokwadi chekuti matongerwo achaitwa vanhu naJehovha mune ramangwana achange akarurama.

1. Nei tichigona kutaura kuti tiri kurarama panguva inonakidza zvikuru?

 TIRI kurarama panguva inonakidza zvikuru! Zuva rimwe nerimwe tiri kuona uprofita hweBhaibheri huchizadzika. Semuenzaniso, tinoona “mambo wekuchamhembe” ‘namambo wekumaodzanyemba’ vachirwira kuva nesimba pamusoro penyika yese. (Dhan. 11:​40, mashoko emuzasi.) Tiri kuona mashoko akanaka eUmambo hwaMwari achiparidzwa zvisati zvamboitwa uye mamiriyoni evanhu achisarudza kushumira Jehovha. (Isa. 60:22; Mat. 24:14) Uye tiri kuwana zvekudya zvekunamata zvakawanda “panguva yakakodzera.”—Mat. 24:​45-47.

2. Chii chatinogona kuva nechokwadi nacho, asi chii chatinofanira kubvuma?

2 Jehovha ari kuramba achitibatsira kuti tiwedzere kunzwisisa zvichaitika munguva pfupi iri kuuya. (Zvir. 4:18; Dhan. 2:28) Tinogona kuva nechokwadi chekuti pachatanga kutambudzika kukuru, tichange tichiziva zvese zvatinofanira kuziva kuitira kuti titsungirire takatendeka uye tirambe takabatana panguva iyoyo yakaoma. Asi tinofanira kubvuma kuti pane zvimwe zvinhu zvatisingazivi nezveramangwana rava pedyo. Munyaya ino tichatanga kukurukura kuti nei tagadzirisa zvatakambotaura nezvezvimwe zvinhu zvichaitika mune ramangwana. Tichabva takurukura zvimwe zvinhu zvatinoziva nezveramangwana uye nzira ichaitwa zvinhu naBaba vedu vekudenga.

ZVATISINGAZIVI

3. Taiti chii chichaitika kuvanhu vasingatendi kana kutambudzika kukuru kwangotanga uye nei taifunga saizvozvo?

3 Munguva yakapfuura, taiti kana kutambudzika kukuru kwangotanga hapana vanhu vasingatendi vachakwanisa kutanga kushumira Jehovha vopona paAmagedhoni. Taitaura izvi nekuti taifunga kuti munhu mumwe nemumwe uye chiitiko chimwe nechimwe chepanguva yemafashamo zvaimirira chimwe chinhu chaizoitika mune ramangwana. Semuenzaniso, taifunga kuti sezvo Jehovha akavhara suo reareka Mafashamo asati atanga, hapana munhu achakwanisa kutenda muna Jehovha oponeswa kana kutambudzika kukuru kwangotanga.—Mat. 24:​37-39.

4. Nei tisingachatauri kuti chinhu chimwe nechimwe chakaitika panguva yaNoa, chaimiririra chimwe chinhu chaizoitika mune ramangwana? Tsanangura.

4 Tinofanira here kuona sekuti chinhu chimwe nechimwe chakaitika panguva yeMafashamo, chaimiririra chimwe chinhu chaizoitika mune ramangwana? Mhinduro ndeyekuti kwete. Nei tichidaro? Nekuti Bhaibheri haritsigiri izvozvo. a Ichokwadi kuti Jesu akafananidza “mazuva aNoa” nenguva yekuvapo kwake. Asi haana kuti Mafashamo ane zvaaifananidzira, munhu mumwe nemumwe uye chiitiko chimwe nechimwe chiine zvachinofananidzira. Uyewo haana kuti kuvharwa kwakaitwa suo reareka kwaifananidzira chimwe chinhu chaizoitika munguva yemberi. Asi izvi hazvirevi kuti hatina zvatinogona kudzidza panyaya yaNoa neMafashamo.

5. (a) Chii chakaitwa naNoa Mafashamo asati auya? (VaHebheru 11:7; 1 Petro 3:20) (b) Kuparidza kwakaitwa naNoa kwakafanana sei nekwatiri kuita mazuva ano?

5 Noa paakanzwa mashoko akanaka eyambiro akabva kuna Jehovha, akaratidza kutenda kwake kuburikidza nekuvaka areka. (Verenga VaHebheru 11:7; 1 Petro 3:20.) Saizvozvowo, vanhu vanonzwa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari vanofanira kuita zvinoenderana nezvavanenge vanzwa. (Mab. 3:​17-20) Petro akadana Noa kuti “muparidzi wekururama.” (2 Pet. 2:5) Zvisinei, sezvakakurukurwa munyaya yakapfuura, hatizivi kana Noa akakwanisa kuparidzira munhu wese aiva panyika Mafashamo asati auya. Mazuva ano tiri kuitawo basa rekuparidza riri kuitwa pasi rese, uye tinoedza chaizvo kuriita tichishingaira. Asi kunyange tikaedza sei, hatikwanisi kuudza munhu wese ari panyika mashoko akanaka mugumo usati wauya. Nei tisingakwanisi?

6-7. Nei tichigona kuti hatizokwanisi kuparidza mashoko akanaka kumunhu mumwe nemumwe ari panyika mugumo usati wauya? Tsanangura.

6 Funga zvakataurwa naJesu nezvebasa redu rekuparidza. Akataura kuti mashoko akanaka aizoparidzwa “munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese.” (Mat. 24:14) Uprofita ihwohwo huri kuzadzika mazuva ano kupfuura zvahwaiita kare. Mashoko eUmambo ari kuwanika mumitauro inopfuura 1 000. Uye pawebsite inonzi jw.org, vanhu vakawanda mazuva ano vanogona kudzidza nezvemashoko akanaka eUmambo hwaMwari.

7 Asi Jesu akaudzawo vadzidzi vake kuti ‘vaisazopedza kutenderera maguta ese,’ kana kuti kuparidzira munhu wese iye asati auya. (Mat. 10:23; 25:​31-33) Mashoko aJesu achazadzika munguva yedu. Mamiriyoni evanhu mazuva ano, anogara munzvimbo dzatisingakwanisi kuparidza zvakasununguka. Uyewo vana vakawanda chaizvo vanoberekwa miniti imwe neimwe. Tinoita zvese zvatinogona kuti tiparidze mashoko akanaka “kumarudzi ese nemadzinza nendimi.” (Zvak. 14:6) Asi chokwadi ndechekuti hatizokwanisi kuparidza mashoko akanaka kumunhu mumwe nemumwe ari panyika mugumo usati wauya.

8. Mubvunzo upi watingava nawo nezvematongerwo achaitwa vanhu naJehovha mune ramangwana? (Onawo mufananidzo.)

8 Zvakadini nevaya vangasawana mukana wekunzwa mashoko akanaka kutambudzika kukuru kusati kwatanga? Jehovha neMwanakomana wake, uyo waakapa basa rekutonga, vachaitei navo? (Joh. 5:​19, 22, 27; Mab. 17:31) Rugwaro ruri kutungamirira nyaya ino runoti Jehovha ‘haana waanoda kuti aparadzwe.’ Asi anoda kuti “vanhu vese vasvike pakutendeuka.” (2 Pet. 3:9; 1 Tim. 2:4) Kunyange zvazvo tichiziva zvinhu izvi nezvaJehovha, iye haasati atiudza kuti achatonga sei vanhu vasina kumbobvira vawana mukana wekunzwa mashoko akanaka. Hapana hapo chikonzero chekuti atiudze izvozvo.

Jehovha achaitei nevaya vangasawana mukana wekunzwa mashoko akanaka kutambudzika kukuru kusati kwatanga? (Ona ndima 8) c


9. Jehovha akatiudzei muBhaibheri?

9 MuShoko rake, Jehovha akatiudza zvimwe zvinhu zvaachaita. Semuenzaniso, Bhaibheri rinotiudza kuti Jehovha achamutsa vanhu “vasina kururama” avo vasina kuwana mukana wekudzidza nezvemashoko akanaka vochinja maitiro avo. (Mab. 24:15; Ruka 23:​42, 43) Izvozvo zvinoita kuti pave nemimwe mibvunzo inokosha.

10. Ndeipi mimwe mibvunzo inomuka?

10 Vese vachafa pakutambudzika kukuru vanenge vatoparadzwa zvachose pasina tariro yekumutswa here? Bhaibheri rinojekesa kuti vaya vanopikisa Jehovha uye vaya vachaparadzwa naye nemauto ake paAmagedhoni havasi kuzomutswa. (2 VaT. 1:​6-10) Asi zvakadini nevamwe, vakadai sevaya vanogona kufa pakutambudzika kukuru nemhaka yekurwara, kukwegura, tsaona, kana kuti vanourayiwa nevamwe vanhu? (Mup. 9:11; Zek. 14:13) Vamwe vevanhu ava vanogona here kuva pakati pevaya “vasina kururama” vachamutswa munyika itsva? Hatizivi.

ZVATINOZIVA

11. Vanhu vachatongwa maererano nechii?

11 Tinoziva zvinhu zvakati kuti zvichaitika mune ramangwana. Semuenzaniso, tinoziva kuti vanhu vachatongwa maererano nemabatiro avanenge vaita hama dzaKristu. (Mat. 25:40) Vaya vachatongwa semakwai, vachange varatidza kuti vanotsigira vakazodzwa uye Kristu. Tinozivawo kuti dzimwe hama dzaKristu dzichange dzichiri panyika pashure pekunge kutambudzika kukuru kwatanga uye dzichazoendeswa kudenga pasara nguva pfupi kuti Amagedhoni itange. Hama dzaKristu padzinenge dzichiri panyika, vamwe vanhu vanokwanisa kuwana mukana wekudzitsigira uye kutsigira basa radziri kuita. (Mat. 25:​31, 32; Zvak. 12:17) Nei izvozvo zvichikosha?

12-13. Vamwe vangaita sei pashure pekuona kuparadzwa ‘kweBhabhironi Guru’? (Onawo mifananidzo.)

12 Kunyange pashure pekunge kutambudzika kukuru kwatanga, zvinogona kuitika kuti vamwe vachaona kuparadzwa ‘kweBhabhironi Guru’ vachayeuka kuti kwemakore akawanda Zvapupu zvaJehovha zvaitaura nezvechiitiko ichi. Zvingaitika here kuti vamwe vachaona zviitiko izvi vatange kutenda muna Jehovha, vobatana nevanhu vake?—Zvak. 17:5; Ezek. 33:33.

13 Kana izvozvo zvikaitika, zvinenge zvakafanana nezvakaitika kuIjipiti panguva yaMozisi. Yeuka kuti “boka guru revamwe vanhu vakasiyana-siyana” rakabatana nevaIsraeri pakubuda muIjipiti. Vamwe vevanhu ava vangangodaro vakatanga kutenda pavakaona kuzadzika kwezvakanga zvayambirwa naMozisi nezveMatambudziko Gumi. (Eks. 12:38) Kana zvinhu zvakada kudaro zvikaitika pashure pekunge Bhabhironi Guru raparadzwa, tingarwadziwa here kuti vamwe vanhu vakabatana nesu pangosara nguva pfupi kuti mugumo uuye? Aiwa! Tinoda kuratidza unhu hwaBaba vedu vekudenga, “Mwari ane ngoni netsitsi, anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji, nechokwadi.” bEks. 34:6.

Vamwe vachaona kuparadzwa ‘kweBhabhironi Guru’ vachayeuka kuti kwemakore akawanda Zvapupu zvaJehovha zvaitaura nezvechiitiko ichi (Ona ndima 12-13) d


14-15. Mukana wemunhu wekurarama nekusingaperi unobva here pakuti afa riini kana kuti anogara kupi? Tsanangura. (Pisarema 33:​4, 5)

14 Dzimwe nguva tinonzwa vamwe vachitaura nezvehama dzavo dzisiri Zvapupu vachiti, “Zviri nani kuti akafa kutambudzika kukuru kusati kwatanga nekuti pane tariro yekuti achamutswa.” Mashoko aya anotaurwa nevavariro yakanaka. Asi mukana wemunhu wekurarama nekusingaperi haubvi pakuti afa riini. Jehovha ndiye Mutongi akakwana uye matongero ake akarurama. (Verenga Pisarema 33:​4, 5.) Tinogona kuva nechivimbo chekuti “Mutongi wenyika yese” achaita zvakarurama.—Gen. 18:25.

15 Zvinewo musoro kuti titi mukana wemunhu wekurarama nekusingaperi haubvi pakuti anogara kupi. Jehovha haambotongi mamiriyoni evanhu sembudzi nekungoti chete vanogara munyika dzavasingambofi vakawana mukana wekudzidza nezvemashoko eUmambo. (Mat. 25:46) Mutongi akarurama wenyika yese anotova nehanya nevanhu ava kupfuura zvatingaita. Hatizivi kuti Jehovha achafambisa sei zvinhu pakutambudzika kukuru. Zvimwe vamwe vevanhu ava vachawana mukana wekudzidza nezvaJehovha, kutenda maari uye kumutsigira paachazvitsvenesa pamberi pemarudzi ese.—Ezek. 38:16.

Pashure pekunge kutambudzika kukuru kwatanga, . . . zvingaitika here kuti vamwe vachaona zviitiko izvi vatange kutenda muna Jehovha, vobatana nevanhu vake?

16. Chii chatakasvika pakuziva nezvaJehovha? (Onawo mufananidzo.)

16 Kudzidza kwatakaita Bhaibheri kwakaita kuti tisvike pakuziva kuti Jehovha anokoshesa chaizvo upenyu hwevanhu. Akapa upenyu hweMwanakomana wake kuitira kuti tese tiwane mukana wekurarama nekusingaperi. (Joh. 3:16) Tese tinonyatsoona kuti Jehovha anotida zvikuru. (Isa. 49:15) Anoziva mumwe nemumwe wedu nezita. Anonyatsotiziva semunhu mumwe nemumwe zvekuti kana tikafa anogona kutisika patsva, uye anogona kudzorera mupfungwa dzedu zvinhu zvese zvataiziva! (Mat. 10:​29-31) Zvechokwadi tine chikonzero chakanaka chekuva nechivimbo chekuti Baba vedu vekudenga vane rudo vachatonga mumwe nemumwe wedu zvakarurama uye zvine tsitsi.—Jak. 2:13.

Tinogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha achatonga munhu mumwe nemumwe zvakarurama uye zvine tsitsi (Ona ndima 16)


17. Chii chatichakurukura munyaya inotevera?

17 Sezvo tawedzera kunzwisisa nyaya iyi, tinoona kuti basa redu rekuparidza rava kufanira kukurumidza kuitwa kupfuura zvaraiitwa kare. Nei tichigona kutaura izvozvo? Uye chii chinoita kuti tirambe tichiparidza mashoko akanaka tisingaregi? Tichakurukura mhinduro dzemibvunzo iyi munyaya inotevera.

RWIYO 76 Unonzwa Sei Nebasa Iri?

a Tsanangudzo yekuti nei izvi zvakachinja iri munyaya yakanzi, “Iyi Ndiyo Nzira Yamakabvumira,” iri muNharireyomurindi yaMarch 15, 2015, mapeji 7-11.

b Pashure pekunge Bhabhironi Guru raparadzwa, vashumiri vaJehovha vese vachaedzwa pavacharwiswa naGogi weMagogi. Vese vanobatana nevanhu vaMwari pashure pekuparadzwa kweBhabhironi Guru vachaedzwawo.

c KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO : Mifananidzo mitatu iri kuratidza zvikonzero zvinoita kuti vamwe vasakwanisa kunzwa mashoko akanaka: (1) Mukadzi anogara munyika ine chitendero chinoita kuti zvive nengozi kuti Zvapupu zviparidze, (2) murume nemudzimai vanogara munyika ine mutemo usingabvumiri Zvapupu kuti zviparidze, uye (3) murume anogara munzvimbo yatisingakwanisi kusvika nemashoko akanaka.

d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mukadzi wechidiki uyo akasiya chokwadi anoyeuka zvaakadzidza nezvekuparadzwa ‘kweBhabhironi Guru.’ Anosarudza kudzoka kuna Jehovha uye kuvabereki vake vari Zvapupu. Kana izvozvo zvikaitika, tinoda kufunga nezvetsitsi uye ngoni dzaBaba vedu vekudenga tofara kuti mutadzi adzoka.