Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 26

RWIYO 8 Jehovha Inzvimbo Yedu Yekupotera

Vimba naJehovha Dombo Rako

Vimba naJehovha Dombo Rako

“Hakuna dombo rakaita saMwari wedu.”1 SAM. 2:2.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti nei Jehovha achifananidzwa nedombo uye kuti tingamutevedzera sei.

1. Pana Pisarema 18:46 Dhavhidhi akafananidza Jehovha nechii?

 MUKURARAMA kwedu, tinogona kungoerekana tasangana nematambudziko anogona kuita kuti upenyu hwedu huome kana kuti hutochinja zvachose. Zvinonyaradza chaizvo kuti tinogona kuvimba naJehovha Mwari kuti atibatsire. Munyaya yakapfuura, takayeuchidzwa kuti Jehovha ndiMwari mupenyu uye kuti anogara akagadzirira kutibatsira. Kutsigirwa kwatinoitwa naye kunoita kuti tive nechokwadi chekuti “Jehovha mupenyu!” (Verenga Pisarema 18:46.) Asi pashure pekunge Dhavhidhi ataura mashoko iwayo, akati Mwari ‘iDombo rangu.’ Nei akafananidza Jehovha, Mwari mupenyu, nedombo, chinhu chisina upenyu?

2. Tichadzidzei kubva pamashoko aDhavhidhi aanofananidza Jehovha ‘neDombo’?

2 Munyaya ino tichakurukura kuti nei Jehovha achifananidzwa nedombo uye kuti fananidzo iyoyo inotidzidzisei nezvake. Tichadzidzawo kuti tingaitei kuti timuone seDombo redu. Tichapedzisa nekukurukura kuti tingatevedzera sei Jehovha.

NEI JEHOVHA ACHINZI IDOMBO?

3. Bhaibheri rinowanzoshandisa sei shoko rekuti “dombo”? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

3 Bhaibheri rinofananidza Jehovha ‘nedombo’ kuti ritibatsire kunzwisisa zvaari. MuBhaibheri vashumiri vaJehovha pavaimurumbidza vaitaura nezvake vachimufananidza nedombo. Vhesi yekutanga yaanofananidzwa ‘neDombo’ ndiDheuteronomi 32:4. Hana paainyengetera akataura kuti “hakuna dombo rakaita saMwari wedu.” (1 Sam. 2:2) Habhakuki akadana Jehovha kuti “Dombo rangu.” (Hab. 1:12) Munyori wePisarema 73 akati “Mwari idombo remwoyo wangu.” (Pis. 73:26) Uye kunyange Jehovha akatotaura nezvake pachake achiti idombo. (Isa. 44:8) Ngatikurukurei zvinhu zvitatu zvinoita kuti Jehovha ave sedombo, todzidza kuti tingaitei kuti iye ave “Dombo redu.”Dheut. 32:31.

Vanhu vaMwari vanoona Jehovha seDombo risingazununguki (Ona ndima 3)


4. Jehovha inzvimbo yekupotera pakudii? (Pisarema 94:22)

4 Jehovha inzvimbo yekupotera. Pakunenge kuchinaya mvura ine dutu, munhu anogona kuwana nzvimbo yakachengeteka yekuhwanda mubako. Jehovha anotichengetedzawo patinenge takaomerwa neupenyu. (Verenga Pisarema 94:22.) Anoita kuti tirambe takachengeteka uye haatisiyi tichiparara zvachose. Uyewo anotivimbisa kuti mune ramangwana achabvisa chero chii zvacho chinoita kuti tizvidye mwoyo kana kuti titambure.—Ezek. 34:​25, 26.

5. Jehovha anogona kuva sei nzvimbo yedu yekupotera?

5 Chimwe chatingaita kuti Jehovha ave nzvimbo yedu yekupotera kunyengetera kwaari. Patinonyengetera, Jehovha anotipa “rugare rwaMwari” urwo runochengetedza mwoyo yedu nepfungwa dzedu. (VaF. 4:​6, 7) Funga zvakaitika kuna Artem, hama yakaiswa mujeri nemhaka yekutenda kwayo. Akabvunzurudzwa kakawanda nemunhu aimubata zvisina kunaka, achimutyisidzira uye achimunyadzisa. Artem akati: “Ndaitya zvisingaiti pandaibvunzurudzwa. . . . Ndairamba ndichinyengetera kuna Jehovha. Ndakakumbira Jehovha kuti andipe uchenjeri uye kuti ndidzikame ndisanyanya kutya.” Artem akatiwo “Zvese zvaiedza kuitwa nemunhu aindibvunzurudza hazvina kushanda. . . . Jehovha akandibatsira uye zvaiita sekuti ndakamira kuseri kwerusvingo.”

6. Nei tichigona kuvimba naJehovha nguva dzese? (Isaya 26:​3, 4)

6 Jehovha akavimbika uye haambotisiyi. Kungofanana nedombo guru, kana kuti gomo risingagoni kubviswa parinenge riri, tinoziva kuti Jehovha aripo kuti atibatsire. Tinogona kuvimba naye nekuti iye “idombo rinogara nekusingaperi.” (Verenga Isaya 26:​3, 4.) Achagara aripo kuti azadzise zvaakativimbisa, anzwe minyengetero yedu uye atitsigire patinenge tichida kutsigirwa. Tinogonawo kuvimba naJehovha nekuti akavimbika kune vaya vanomushumira. (2 Sam. 22:26) Haambokanganwi zvatinoita uye achatipa mubayiro.—VaH. 6:10; 11:6.

7. Chii chichaitika kana tikavimba naJehovha? (Onawo mufananidzo.)

7 Tinoita kuti Jehovha ave Dombo redu patinovimba naye zvizere. Tine chokwadi chekuti kana tikamuteerera kunyange pazvinenge zvakaoma tichawana makomborero. (Isa. 48:​17, 18) Patinoona kutsigira kwaanotiita, tinowedzera kuvimba naye. Tinenge tagadzirira kusangana nematambudziko atinoziva kuti Jehovha ndiye chete anogona kutibatsira kuatsungirira. Kakawanda patinenge tiri mumamiriro ezvinhu ekuti hapana mumwe anogona kutibatsira, ndipo patinoona kuti Jehovha chete ndiye watinogona kuvimba naye nguva dzese. Vladimir anoti: “Nguva yandaiva mujeri ndiyo yandakanyanya kunzwa ndiri pedyo naMwari. Ndakawedzera kuvimba naJehovha nekuti ndaiva ndega uye ndiye ega aigona kundibatsira kuti nditsungirire.”

Tinoita kuti Jehovha ave Dombo redu patinovimba naye zvizere (Ona ndima 7)


8. (a) Nei tichigona kuti Jehovha haachinji? (b) Tinobatsirwa sei kana tikaita kuti Mwari ave Dombo redu? (Pisarema 62:​6, 7)

8 Jehovha haachinji. Kungofanana nedombo guru kana kuti gomo, Jehovha haachinji. Haachinji zvaari uye chinangwa chake hachichinji. (Mar. 3:6) Paakapandukirwa muEdheni, Jehovha haana kuchinja chinangwa chaakasikira vanhu. Muapostora Pauro akanyora kuti Jehovha “haangazvirambi.” (2 Tim. 2:13) Izvi zvinoreva kuti pasinei nezvingaitika kana kuti nezvingaitwa nevamwe, Jehovha haachinji zvaari, chinangwa chake, kana kuti zvaanoda. Sezvo Jehovha Mwari wedu asingachinji, tinogona kuva nechokwadi chekuti achatiponesa uye achatibatsira panguva dzakaoma.—Verenga Pisarema 62:​6, 7.

9. Unodzidzei pane zvakaitika kuna Tatyana?

9 Tinogona kuita kuti Jehovha ave dombo redu kana tikafunga kuti ndiMwari akaita sei uye tikaramba tichifunga nezvechinangwa chake. Kuita izvi kuchatibatsira kuti tirambe takadzikama patinenge tichitsungirira matambudziko. (Pis. 16:8) Izvi ndizvo zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Tatyana iyo yakasungwa pamusana pekutenda kwayo ndokurayirwa kuti isabva pamba. Tatyana anoti: “Ndakazongozviona ndava ndega. Pakutanga zvakanga zvakaoma. Ndaigara ndakaora mwoyo.” Asi Tatyana paakatanga kufunga nezvaJehovha uye chinangwa chaakasikira vanhu akayeuka kuti zvaikosha kuti arambe achitsungirira dambudziko iri. Izvi zvakamubatsira kuti adzikame uye zvakamupa simba rekuramba akatendeka. Anoti: “Kunzwisisa kuti nei izvi zvaiitika kwandiri kwakandibatsira kuyeuka kuti kuda Jehovha ndiko kwakaita kuti ndive mumamiriro ezvinhu aya. Izvozvo zvakandibatsira kuti ndisaramba ndichingofunga nezvangu.”

10. Tingaitei iye zvino kuti Jehovha ave Dombo redu?

10 Mumazuva ari mberi, tichasangana nemiedzo ichada kuti tiwedzere kuvimba naJehovha kupfuura zvatiri kuita. Saka zvinokosha kuti iye zvino tiwedzere kuvimba naye, uye tive nechokwadi chekuti achatibatsira kuramba takatendeka kwaari pasinei nezvingaitika. Tingazviita sei? Verenga nyaya dzemuBhaibheri uye dzeZvapupu zvemazuva ano. Ona kuti Jehovha akaratidza sei kuti idombo paaitsigira vashumiri vake. Fungisisa nyaya idzodzo. Kuita izvi kuchakubatsira kuti uite kuti Jehovha ave Dombo rako.

TEVEDZERA JEHOVHA PAKUVA SEDOMBO

11. Nei tichida kutevedzera Jehovha pakuva sedombo? (Onawo bhokisi rakanzi “ Zvinogona Kuitwa neHama Dzechidiki.”)

11 Taona zvinhu zvinoita kuti Jehovha ave sedombo. Asi iye zvino ngationei kuti tingatevedzera sei Jehovha. Kana tikaita zvese zvatinogona pakutevedzera Jehovha, tichakwanisa kusimbisa hama nehanzvadzi dzedu. Semuenzaniso, Jesu akapa Simoni zita rekuti Kefasi (rinoshandurwa kuti “Petro”) zvichireva kuti “Dombo.” (Joh. 1:42) Jesu aireva kuti Petro aizonyaradza vamwe muungano uye aizosimbisa kutenda kwavo. Vakuru vemuungano vanotsanangurwa nezvavo “semumvuri wedombo guru.” Izvi zvinoreva kuti vanochengetedza vaya vari muungano. (Isa. 32:2) Asi tese zvedu tinogona kukurudzirana kana tikatevedzera Jehovha pakuva sedombo.—VaEf. 5:1.

12. Zvii zvatingaita kuti tive nzvimbo yekupotera kune vamwe?

12 Iva nzvimbo yekupotera. Dzimwe nguva tinogona kugamuchira vatinonamata navo pamba pedu kuti vawane pekupotera panoitika njodzi dzinongoitika dzega, kana kuti hondo. Zvinhu pazvicharamba zvichiipa “mumazuva ano ekupedzisira,” tichava nemikana yakawanda yekubatsirana. (2 Tim. 3:1) Tinogonawo kunyaradza uye kuratidza rudo kuhama nehanzvadzi dzedu. Imwe nzira yatingaita nayo izvozvo ndeyekutaura navo uye kuvanyaradza pavanouya kumisangano. Tinoda kuti vamwe vari muungano vanzwe kuti vanodiwa uye tinoda kuvakurudzira. Vanhu vakawanda mazuva ano vanobata vamwe zvisina kunaka. Izvi zvinogona kuita kuti hama nehanzvadzi dzedu dzishungurudzike chaizvo kunyange kutonzwa dzisingadiwi. Saka hama nehanzvadzi padzinouya kumisangano, tinoda kuita zvese zvatinogona kuti dzinzwe dzichidiwa, dzizorodzwe, uye dzinzwe dzakachengeteka.

13. Vakuru vangava sei nzvimbo yekupotera? (Onawo mufananidzo.)

13 Vakuru vanogona kuva nzvimbo yekupotera yevaya vari muungano vari kusangana nematambudziko akasiyana-siyana. Panoitika njodzi kana kuti urwere hunoda kukurumidzirwa, vakuru vanomhanya-mhanya kuti vabatsire hama nehanzvadzi dzavo. Vanodzibatsirawo pane zvekunamata. Hama nehanzvadzi dzinonzwa dzakasununguka kutaura nemukuru kana achizivikanwa semunhu munyoro, anonzwira tsitsi uye anoda kuteerera. Unhu hwakadaro hunoita kuti vamwe vanzwe vachidiwa, zvobva zvava nyore kuti vashandise mazano eBhaibheri avanopiwa nemukuru wacho.—1 VaT. 2:​7, 8, 11.

Vakuru vanonyaradza hama nehanzvadzi dzavo padzinenge dziri mumatambudziko (Ona ndima 13) a


14. Tingaratidza sei kuti tiri vanhu vanovimbwa navo?

14 Iva munhu anovimbwa naye. Tinoda kuti vamwe vave nechivimbo chekuti tichavabatsira kunyanya panguva dzakaoma. (Zvir. 17:17) Tingaitei kuti tizivikanwe sevanhu vanovimbwa navo? Tinogona kushanda nesimba kuti tigare tichiita zvinhu zvakanaka zvakadai sekuita zvatinenge tavimbisa uye kubata nguva. (Mat. 5:37) Tinogonawo kubatsira vamwe pavanenge vachida kubatsirwa. Uyewo tinova nechokwadi chekuti taita mabasa atinenge tapiwa muungano tichitevedzera mirayiridzo yatinenge tapiwa.

15. Ungano inobatsirwa sei kana vakuru vari vanhu vanovimbwa navo?

15 Vakuru vanovimbwa navo chikomborero kuungano. Nei zvakadaro? Vaparidzi vanonzwa vachidiwa pavanokwanisa kutaura nevakuru vakadai semutariri weboka ravo rekuparidza. Vaparidzi vanonzwawo vachidiwa pavanoziva kuti vakuru vanoda kuvabatsira. Uye vakuru pavanoita kuti mazano avo abve muBhaibheri uye mumabhuku anobudiswa nemuranda akatendeka vasingatauri zvemumusoro mavo, hama nehanzvadzi dzavo dzinovimba navo. Hama nehanzvadzi dzinovimbawo nevakuru vasingaudzi vamwe nyaya dzisingafaniri kuzivikanwa uye kana vakuru vachiita zvavanenge vavimbisa.

16. Kuva akatsiga kunotibatsira sei uye kunobatsirawo sei vamwe?

16 Iva akatsiga. Kana tikateerera Jehovha pane zvese uye tikaita zvisarudzo zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri, tichava muenzaniso wakanaka kune vamwe. Kutenda kwedu uye ruzivo rwedu pazvinowedzera, tinowedzerawo kutsiga muchokwadi. Hatizovi vanhu vane mwoyo miviri, vasina kutsiga, kana kuti vanotsauswa zviri nyore nedzidziso dzenhema uye nemafungiro enyika. (VaEf. 4:14; Jak. 1:​6-8) Kutenda kwedu muna Jehovha uye muvimbiso dzake kuchaita kuti tirambe takadzikama patinonzwa mashoko akaipa. (Pis. 112:​7, 8) Tichakwanisawo kubatsira vaya vanogona kunge vachisangana nemiedzo.—1 VaT. 3:​2, 3.

17. Vakuru vangaitei kuti vabatsire vamwe kuti varambe vakadzikama uye vave nekutenda kwakasimba?

17 Vakuru vanofanira kuita zvinhu zvine mwero, kuva nepfungwa dzakanaka, kuva vakarongeka uye kuva vanhu vanonzwisisa. Varume ava vanotsigisa vamwe uye vanosimbisa ungano kuburikidza ‘nekubatisisa mashoko akatendeka.’ (Tito 1:9; 1 Tim. 3:​1-3) Muenzaniso wevakuru uye kufudza kwavanoita zvichabatsira vaparidzi kuti vagare vachipinda misangano, vachiparidza uye vachidzidza vari vega. Hama nehanzvadzi padzinosangana nematambudziko, vakuru vanoita zvese zvavanogona kuti vadzikurudzire kuti dzirambe dzakaisa pfungwa pana Jehovha uye pazvinangwa zvake.

18. Nei tichida kurumbidza Jehovha uye kuswedera pedyo naye? (Onawo bhokisi rakanzi “ Zvaungaita Kuti Uswedere Pedyo naJehovha.”)

18 Pashure pekufungisisa kushamisa kunoita Jehovha, tinogona kutaurawo sezvakaita Mambo Dhavhidhi kuti: “Jehovha, Dombo rangu, ngaarumbidzwe.” (Pis. 144:1) Jehovha acharamba ari Mwari watinovimba naye. Muupenyu hwedu hwese, kunyange patinenge takwegura tinogona kutaura kuti: “Ndiye Dombo rangu,” tiine chokwadi chekuti acharamba achitibatsira kuti tirambe tichiswedera pedyo naye.—Pis. 92:​14, 15.

RWIYO 150 Tsvaga Mwari Kuti Ununurwe

a KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO : Hanzvadzi inosununguka kunotaura nevakuru vaviri paImba yeUmambo.