Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 23

RWIYO 28 Kuva Shamwari yaJehovha

Jehovha Anotikoka Kuti Tive Vaenzi Vake

Jehovha Anotikoka Kuti Tive Vaenzi Vake

“Tende rangu richava pakati pavo, uye ndichava Mwari wavo.”EZEK. 37:27.

ZVATICHADZIDZA

Nyaya ino ichatibatsira kunzwisisa zvazvinoreva kuva vaenzi mutende raJehovha uye kuti anoratidza sei kuti ane hanya nesu sezvo ari iye akatikoka.

1-2. Jehovha anokoka vanamati vake vakatendeka kuti vaitei?

 KANA mumwe munhu akakubvunza kuti Jehovha ndiani wako, ungamupindura sei? Unogona kumupindura kuti, ‘Jehovha ndiBaba vangu, Mwari wangu, uye Shamwari yangu.’ Unogonawo kufunga nezvemamwe mashoko aungashandisa paunenge uchitaura nezvake. Asi unombozvionawo here uri muenzi wake waanoda chaizvo?

2 Mambo Dhavhidhi akafananidza ushamwari huri pakati paJehovha nevanamati vake vakavimbika neushamwari huri pakati pevaenzi nemunhu anenge avakoka. Akabvunza kuti: “Haiwa Jehovha, ndiani angava muenzi mutende renyu? Ndiani angagara mugomo renyu dzvene?” (Pis. 15:1) Kubva pamashoko aya akafemerwa, tinodzidza kuti tinogona kuva vaenzi vaJehovha, kureva shamwari dzake. Kukokwa naJehovha iropafadzo yakakura chaizvo.

JEHOVHA ANODA KUTI TIVE VAENZI VAKE

3. Ndiani aiva muenzi waJehovha wekutanga, uye Jehovha nemuenzi wake vainzwa sei nekuva pamwe chete?

3 Asati atanga kusika, Jehovha aiva ega. Asi akabva asika Mwanakomana wake wedangwe. Paakaita izvi Jehovha akaita sekuti akoka muenzi wake wekutanga mutende rake uye akafara chaizvo paakaita izvozvo. Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha “aida kwazvo” Mwanakomana wake. Muenzi wake wekutanga, ‘aigara achifara pamberi paJehovha.’—Zvir. 8:30.

4. Ndivanaani vamwe vakazovawo vaenzi mutende raJehovha?

4 Jehovha akazosikawo zvimwe zvisikwa zvemweya, akaita kuti zvivewo vaenzi mutende rake. Bhaibheri rinotaura nezvengirozi richiti ‘vanakomana vaMwari’ uye rinoratidza kuti dzinofara kuva pamwe naJehovha. (Job. 38:7; Dhan. 7:10) Kwemakore akawanda, shamwari dzaMwari dzaingova dziya dzaaigara nadzo kudenga. Asi akazoitawo kuti vanhu vaiva panyika vavewo mutende rake. Vamwe vevanhu ivavo vaiva Inoki, Noa, Abrahamu, uye Jobho. Vanamati ivavo vechokwadi vaitaurwa nezvavo seshamwari dzaMwari kana kuti sevanhu vakafamba “naMwari wechokwadi.”—Gen. 5:24; 6:9; Job. 29:4; Isa. 41:8.

5. Tinodzidzei kubva muuprofita huri pana Ezekieri 37:​26, 27?

5 Kwemazana emakore, Jehovha akaramba achikoka shamwari dzake kuti dzive vaenzi vake. (Verenga Ezekieri 37:​26, 27.) Semuenzaniso, kubva muuprofita hwaEzekieri, tinodzidza kuti Mwari anoda chaizvo kuti vanamati vake vakavimbika vave neushamwari hwepedyo naye. Anovimbisa kuti achaita “sungano yerugare navo.” Uprofita ihwohwo hunotaura nezvenguva yaizobatana vaya vane tariro yekudenga nevaya vane tariro yepanyika vachiva “boka rimwe chete” riri mutende rake. (Joh. 10:16) Izvozvo zviri kutoitika!

MWARI ANE HANYA NESU CHERO KWATINENGE TIRI

6. Zvinofamba sei kuti munhu ave muenzi mutende raJehovha, uye tende rake rinowanika kupi?

6 MuBhaibheri, tende raiva nzvimbo yekuzororera uye yekuchengetedza munhu pamamiriro ekunze asina kunaka. Muenzi aitarisira kubatwa zvakanaka neanenge amugamuchira mutende rake. Patinozvitsaurira kuna Jehovha, tinova vaenzi mutende rake rekufananidzira. (Pis. 61:4) Tinova nezvekudya zvekunamata zvakawanda uye tinoshamwaridzana nevamwe vakawanda vanenge variwo vaenzi mutende raJehovha. Tende rake rekufananidzira haringowaniki panzvimbo imwe chete. Zvimwe wakamboenda kune imwe nyika, ukanopinda gungano, uye wakaonana nevamwe vanhu vanofara kuva mutende raMwari. Tende iri rinowanika kwese kune vanamati vake vanoteerera.—Zvak. 21:3.

7. Nei tingati vanhu vainge vakatendeka avo vakafa vachiri vaenzi mutende raJehovha? (Onawo mufananidzo.)

7 Zvakadii nevanhu vakatendeka vakafa? Tingati here vachiri vaenzi mutende raJehovha? Hongu! Nei tingataura kudaro? Nekuti Jehovha achiri kuvayeuka. Jesu akati: “Asi zvekuti vakafa vanomutswa, kunyange naMozisi akazvizivisa munyaya yegwenzi reminzwa, paanoshevedza Jehovha kuti ‘Mwari waAbrahamu naMwari waIsaka naMwari waJakobho.’ Iye haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu, nekuti kwaari vese vapenyu.”—Ruka 20:​37, 38.

Kunyange vanhu vakatendeka vakafa vanogona kuva vaenzi mutende raMwari (Ona ndima 7)


MAKOMBORERO ATINOWANA UYE ZVATINOFANIRA KUITA

8. Makomborero api anowanikwa nekuva muenzi mutende raJehovha?

8 Sezvo tende richibatsira munhu kuti awane pekuzororera uyewo richimudzivirira pamamiriro ekunze asina kunaka, tende raJehovha rinodzivirirawo vaenzi vake kuti vasakanganiswa pakunamata uye vave netariro yeramangwana. Patinoramba tiri pedyo naJehovha, hapana chingaitwa naSatani chingatikuvadza zvachose. (Pis. 31:23; 1 Joh. 3:8) Munyika itsva, Jehovha acharamba achichengetedza shamwari dzake dzakatendeka kuti dzisakanganiswa pakunamata uyewo kuti dzisafa.—Zvak. 21:4.

9. Jehovha anotarisira kuti vaenzi vake vaite sei?

9 Kuva muenzi mutende raJehovha iropafadzo yakakura chaizvo, tinogona kuva neushamwari hwepedyo naye uhwo hunogara nekusingaperi. Tinofanira kuitei kana tichida kuramba tiri vaenzi vake? Kana ukakokwa nemumwe munhu kumba kwake, unoda kuziva kuti anoda kuti uitei. Zvimwe angada kuti ubvise shangu usati wapinda mumba, uye unoita izvozvo. Saizvozvowo, tinoda kuziva kuti Jehovha anotarisira kuti vaya vanoda kuramba vari vaenzi mutende rake vaitei. Kuda kwatinoita Jehovha kuchaita kuti tiite zvese zvatinogona “kuti tinyatsomufadza.” (VaK. 1:10) Uye kunyange zvazvo tichiona Jehovha seshamwari yedu, tinozivawo kuti ndiMwari wedu uye Baba vedu avo vatinofanira kuremekedza. (Pis. 25:14) Hatifaniri kukanganwa izvi, uye tinofanira kugara tichivaremekedza zvikuru. Kuvaremekedza saizvozvo kuchatibatsira kuti tisaita zvinhu zvinovagumbura. Tinoda chaizvo ‘kuva nemwero pakufamba’ naMwari wedu.—Mika 6:8.

JEHOVHA HAANA WAAISARURA MURENJE

10-11. Mabatiro aiita Jehovha vaIsraeri pavaiva murenje reSinai anoratidza sei kuti haasaruri?

10 Jehovha haasaruri vaenzi vake. (VaR. 2:11) Tinogona kudzidza zvakawanda nezvekusasarura kwaJehovha kubva pamabatiro aaiita vaIsraeri murenje reSinai.

11 Pashure pekunge anunura vanhu vake muuranda muIjipiti, Jehovha akagadza vapristi kuti vashumire patebhenekeri. VaRevhi vaivawo nemamwe mabasa avaiita patebhenekeri iyoyo. Izvi zvinoreva here kuti vaya vaishumira patebhenekeri kana kuti vaigara pedyo nayo vaifarirwa naJehovha kupfuura vamwe? Kwete! Jehovha haasaruri.

12. Zvii zvinoratidza kuti Jehovha aibata vaIsraeri zvisina rusaruro? (Eksodho 40:38) (Onawo mufananidzo.)

12 Munhu wese aiva mumusasa aiva nemukana wekuva neushamwari naJehovha, pasinei nekuti aiva nebasa rinokosha raaiita kana kuti aigara kure zvakadii netebhenekeri. Semuenzaniso, Jehovha akava nechokwadi chekuti rudzi rwacho rwese rwaikwanisa kuona shongwe yegore uye shongwe yemoto pamusoro petebhenekeri. (Verenga Eksodho 40:38.) Gore racho paraitanga kufamba, kunyange vaya vaigara kure netebhenekeri vaikwanisa kuzviona, votanga kuunganidza zvinhu zvavo, voputsa matende avo, uye vosimuka pamwe chete nevamwe vanhu vese. (Num. 9:​15-23) Vese vaikwanisa kunzwa kurira kwemabhosvo maviri esirivha ayo aishandiswa kuti munhu wese azive kuti vava kufanira kutanga kufamba. (Num. 10:2) Zviri pachena kuti kugara pedyo netebhenekeri handiko kwairatidza kuti munhu ane ushamwari hwepedyo naJehovha. Asi muIsraeri wese aigona kuva muenzi mutende raJehovha ova nechokwadi chekuti Jehovha aizomutungamirira uye aizomudzivirira. Mazuva anowo, pasinei nekwatinogara, Jehovha anotida, ane hanya nesu, uye anotichengetedza.

Urongwa hwaMwari hwetebhenekeri hwairatidza kuti haasaruri (Ona ndima 12)


JEHOVHA HAANA WAANOSARURA MAZUVA ANO

13. Mazuva ano ndeipi imwe nzira iyo Jehovha anoratidza nayo kuti haasaruri?

13 Mazuva ano, vamwe vanhu vaMwari vanogara pedyo nemahofisi edu makuru kana kuti pedyo nehofisi yebazi. Vamwe vanotoshumira panzvimbo idzi. Saka vanhu vakadaro vanogona kuita mabasa akawanda anoitwa panzvimbo idzi uye vanokwanisa kuzivana nevaya vanotungamirira. Kunewo vanoshumira sevatariri vematunhu kana kuti mune mamwe mabasa chaiwo enguva yakazara. Kana uri pakati pevanhu vakawanda avo vasingakwanisi kuwana ropafadzo idzi panguva ino, iva nechokwadi chekuti Jehovha, uyo anotikoka mutende rake, anoda vaenzi vake vese. Ane hanya nemumwe nemumwe wavo. (1 Pet. 5:7) Vanhu vaMwari vese vanowana zvekudya zvekunamata, vanotungamirirwa naye, uye vanodzivirirwa naye.

14. Chii chimwe chinoratidza kuti Jehovha haasaruri?

14 Chimwe chinoratidza kuti Jehovha haasaruri ndechekuti anoita kuti Bhaibheri rikwanise kuwanikwa nevanhu pasi rese mazuva ano. Magwaro matsvene akatanga kunyorwa mumitauro mitatu inoti: ChiHebheru, chiAramaiki, uye chiGiriki. Izvi zvinoreva here kuti vaya vanokwanisa kuverenga mitauro yekutanga yakashandiswa pakunyora Bhaibheri vane ushamwari hwepedyo naJehovha kupfuura vaya vasingakwanisi? Aiwa.—Mat. 11:25.

15. Uchapupu hupi hunoratidza kuti Jehovha haasaruri? (Onawo mufananidzo.)

15 Kufarirwa kwatinoitwa naJehovha hakunei nekuti takadzidza zvakadii kana kukwanisa kwatinoita kutaura mimwe mitauro. Jehovha anoita kuti uchenjeri hwake hukwanise kuwanikwa nevanhu vese vari panyika, pasinei nekuti vakadzidza zvakanyanya kana kuti havana. Shoko rake rakafemerwa Bhaibheri, rakashandurwa muzviuru zvemitauro, saka vanhu vari pasi rese vanogona kubatsirwa nedzidziso dzaro uye kudzidza zvavangaita kuti vave shamwari dzake.—2 Tim. 3:​16, 17.

Kuwanika kweBhaibheri mazuva ano kunoratidza sei kuti Mwari haasaruri? (Ona ndima 15)


RAMBA URI MUENZI WAJEHOVHA

16. Maererano naMabasa 10:​34, 35, tingaitei kuti tirambe tiri vaenzi vaJehovha?

16 Kugamuchirwa naJehovha sevaenzi mutende rake rekufananidzira iropafadzo yakakura chaizvo. Hakuna kana anomupfuura pakugamuchira vaenzi zvakanaka. Uyewo haasaruri, anotigamuchira tese pasinei nekwatinogara, kwatinobva, dzidzo yedu, rudzi, dzinza, zera, uye kuti tiri munhurume here kana kuti munhukadzi. Asi vaya chete vanomuteerera ndivo vaanogamuchira sevaenzi vake.—Verenga Mabasa 10:​34, 35.

17. Ndekupi kumwe kwatingawana mamwe mashoko ane chekuita nekuva muenzi mutende raJehovha?

17 Sezvakanyorwa pana Pisarema 15:​1, Dhavhidhi akabvunza kuti: “Haiwa Jehovha, ndiani angava muenzi mutende renyu? Ndiani angagara mugomo renyu dzvene?” Munyori uyu wemapisarema akafemerwa kuti apindure mibvunzo iyoyo. Nyaya inotevera ichataura zvimwe zvatinofanira kuita kuti tirambe tichifadza Jehovha uye tiri vaenzi vake.

RWIYO 32 Tsigira Jehovha!