Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 24

RWIYO 24 Uyai Kugomo raJehovha

Iva Muenzi waJehovha Nekusingaperi!

Iva Muenzi waJehovha Nekusingaperi!

“Haiwa Jehovha, ndiani angava muenzi mutende renyu?”PIS. 15:1.

ZVATICHADZIDZA

Tichaongorora kuti zvii zvinodiwa kuti tirambe tiri shamwari dzaJehovha, uye tichaona kuti anotarisira kuti tibate sei shamwari dzake.

1. Pisarema 15:​1-5 ringatibatsira sei?

 MUNYAYA yakapfuura, takadzidza kuti vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira vanogona kuva vaenzi mutende rake rekufananidzira, kana vakashanda nesimba kuti vave neushamwari hwepedyo naye. Asi tinofanira kuitei kuti tive vaenzi vake? Pisarema 15 rinotaura nezvenyaya iyi. (Verenga Pisarema 15:​1-5.) Pisarema iri rine zvidzidzo zvinotibatsira kuti tiswedere pedyo naMwari.

2. Chii chingangodaro chakaita kuti munyori wemapisarema Dhavhidhi ataure nezvetende raJehovha?

2 Pisarema 15 rinotanga richiti: “Haiwa Jehovha, ndiani angava muenzi mutende renyu? Ndiani angagara mugomo renyu dzvene?” (Pis. 15:1) Munyori wemapisarema Dhavhidhi paakataura ‘nezvetende’ raJehovha, anogona kunge aifunga nezvetebhenekeri iyo yakambogara muGibhiyoni. Dhavhidhi akataurawo ‘nezvegomo dzvene’ raMwari, zvimwe achireva Ziyoni iro raiva muJerusarema. Pagomo iroro dzvene, iro raiva makiromita anenge 10 nechekumaodzanyemba kweGibhiyoni, Dhavhidhi akadzika tende kuti aise areka yesungano kusvikira pakazovakwa temberi.—2 Sam. 6:17.

3. Nei tichida kunzwisisa Pisarema 15? (Onawo mufananidzo.)

3 VaIsraeri vakawanda havana kumbobvira vashumira patebhenekeri, uye vashomanana vavo ndivo vaipinda mutende raigara areka yesungano. Asi vashumiri vese vaJehovha vakatendeka vanogona kuva vaenzi mutende rake rekufananidzira kana vakava shamwari dzake, voita kuti ushamwari ihwohwo hurambe huripo. Izvozvo ndizvo zvatinoda tese. Pisarema 15 rinotaura zvimwe zvatinofanira kuita kuti tirambe tiri shamwari dzaJehovha.

VaIsraeri vepanguva yaDhavhidhi vaigona kufungidzira vari vaenzi mutende raJehovha (Ona ndima 3)


FAMBA USINA MHOSVA UYE ITA ZVAKARURAMA

4. Tinoziva sei kuti Jehovha haadi kuti tingogumira pakubhabhatidzwa? (Isaya 48:1)

4 Pana Pisarema 15:​2, shamwari yaMwari inotaurwa nezvayo semunhu “ari kufamba asina mhosva, achiita zvakarurama.” Mashoko akashandiswa muvhesi iyi ekuti “kufamba” uye “achiita” anoratidza chinhu chinofanira kuramba chichiitwa. Asi tinogona here kufamba ‘tisina mhosva’? Hongu. Kunyange zvazvo pasina munhu asingatadzi, Jehovha achationa setiri kufamba ‘tisina mhosva’ kana tikaita zvese zvatinogona kuti timuteerere. Patinozvitsaurira kuna Mwari tobhabhatidzwa, tinenge tatotanga kufamba rwendo naMwari. Panguva dzinotaurwa muBhaibheri, kungova murudzi rwaIsraeri kwaisaita kuti munhu abva atova muenzi waJehovha. Vamwe vaidana kwaari asi vaisazviita “muchokwadi nemukururama.” (Verenga Isaya 48:1.) Kuti varatidze kuti vainyatsoda kuva vaenzi vaJehovha, vaIsraeri vaifanira kudzidza zvinodiwa naJehovha vozviteerera. Saizvozvowo, kuti tifarirwe naMwari mazuva ano, hatifaniri kungogumira pakubhabhatidzwa uye pakuwadzana neungano yechiKristu. Tinofanira kuramba ‘tichiita zvakarurama.’ Izvozvo zvinosanganisirei?

5. Zvinorevei kuteerera Jehovha muzvinhu zvese?

5 Mukuona kwaJehovha, ‘kufamba tisina mhosva’ uye ‘kuita zvakarurama’ hakungogumiri pakugara tichipinda misangano paImba yeUmambo. (1 Sam. 15:22) Tinofanira kuteerera Mwari pane zvese zvatinoita muupenyu hwedu, kunyange patinenge tiri tega. (Zvir. 3:6; Mup. 12:​13, 14) Zvinokosha kuti tiedze kuteerera Jehovha kunyange muzvinhu zvingaita sezvidiki. Kuita izvozvo kunoratidza kuti tinonyatsomuda, uye izvozvo zvinotoita kuti awedzere kutida.—Joh. 14:23; 1 Joh. 5:3.

6. Maererano naVaHebheru 6:​10-12, chii chinonyanya kukosha kupfuura chero mabasa akanaka atakaita kare?

6 Jehovha anokoshesa chaizvo zvatakamuitira kare. Asi kuva nezvinhu zvakanaka zvatakaitira Jehovha kare hakusiriko kwega kuchaita kuti tirambe tiri vaenzi mutende rake. Izvi zvinonyatsojekeswa pana VaHebheru 6:​10-12. (Verenga.) Jehovha haakanganwi mabasa akanaka atakaita kare. Asi anoda kuti tirambe tichimunamata nemweya wese “kusvikira kumagumo.” Achatipa mubayiro wekuva shamwari dzake nekusingaperi “kana tisinganeti.”—VaG. 6:9.

TAURA CHOKWADI MUMWOYO MAKO

7. Zvinorevei kutaura chokwadi mumwoyo medu?

7 Munhu anoda kuva muenzi mutende raJehovha anofanira ‘kutaura chokwadi mumwoyo make.’ (Pis. 15:2) Izvi hazvingogumiri pakusataura nhema. Jehovha anoda kuti tive vakatendeseka pane zvese zvatinotaura uye zvatinoita. (VaH. 13:18) Izvi zvinokosha “nekuti Jehovha anosema munhu anonyengera, asi ishamwari yepedyo yevakarurama.”—Zvir. 3:32.

8. Ndezvipi zvatisingafaniri kuita?

8 Vaya ‘vanotaura chokwadi mumwoyo mavo’ havanyepedzeri kuteerera pavanenge vari pane vamwe vanhu asi vachityora mitemo yaMwari vari vega. (Isa. 29:13) Havanyengeri. Munhu anonyengera anogona kutanga kufunga kuti mitemo yaJehovha hapasi pese painonyatsoshanda. (Jak. 1:​5-8) Anogona kusateerera Jehovha pazvinhu zvaanofunga kuti hazvinyanyi kukosha. Uye paanoona sekuti hapana chakaipa chinoitika kana akasateerera, anobva atoshingiswa kuramba achityora mitemo yaMwari, uye kunamata kwake kunobva kwava kweunyengeri. (Mup. 8:11) Asi isu tinoda kuva vakatendeseka pazvinhu zvese.

9. Chii chakaitika Jesu paakaona Natanieri kekutanga uye izvozvo zvinotidzidzisei? (Onawo mufananidzo.)

9 Zvinokosha chaizvo kuti tive vanhu vanotaura chokwadi mumwoyo medu. Izvi tinozviona pane zvakaitika Firipi paakaita kuti shamwari yake Natanieri ionane naJesu. Kunyange zvazvo Jesu akanga asati amboonana naNatanieri, Jesu akati: “Onai, muIsraeri wechokwadi asina unyengeri.” (Joh. 1:47) Jesu aiziva kuti vamwe vadzidzi vake vainge vakatendeseka, asi kutendeseka kwaNatanieri kwaiva pamberi. Kungofanana nesu, Natanieri aiva munhu anotadza. Asi ainge akatendeseka pazvinhu zvese asina unyengeri. Jesu akayemura izvozvo, uye zvakaita kuti arumbidze Natanieri. Kunenge kuri kukudzwa chaiko kana Jesu akataura izvozvo nezvedu!

Firipi achisuma shamwari yake Natanieri kuna Jesu, uyo akanzi naJesu murume asina unyengeri. Izvozvo zvinogona kutaurwawo here nezvedu? (Ona ndima 9)


10. Nei tichifanira kungwarira zvatinotaura? (Jakobho 1:26)

10 Zvinhu zvakawanda zvakanyorwa muna Pisarema 15 zvine chekuita nemabatiro atinoita vamwe. Pisarema 15:3 inotaura kuti muenzi mutende raJehovha “haashandisi rurimi rwake kusvibisa zita remumwe, haaitire muvakidzani wake zvakaipa, uye haarevi shamwari dzake.” Kutadza kudzora rurimi rwedu saizvozvo kunogona kukuvadza vamwe chaizvo uye kunogona kuita kuti tisava vaenzi mutende raJehovha.—Verenga Jakobho 1:26.

11. Munhu angasvibisa sei zita remumwe, uye chii chinoitika kwaari kana asingapfidzi?

11 Munyori wepisarema anotaura nezvemunhu anosvibisa zita remumwe. Kakawanda kacho munhu anosvibisa zita remumwe anotaura mashoko enhema anokanganisa mukurumbira wemumwe. Vaya vanoita izvozvo vasingapfidzi vanobviswa muungano yechiKristu.—Jer. 17:10.

12-13. Taura mienzaniso yepatinogona kusvibisa mazita eshamwari dzedu tisingazivi. (Onawo mufananidzo.)

12 Pisarema 15:3 inotiyeuchidzawo kuti vaenzi vaJehovha havaitire vavakidzani vavo zvakaipa uye havarevi shamwari dzavo kana kuti kusvibisa mazita adzo. Izvozvo zvinosanganisirei?

13 Tinogona kureva mumwe munhu tisingazivi kana tikaparadzira mashoko akaipa nezvake. Funga nezvemienzaniso inotevera: (1) hanzvadzi inomira basa renguva yakazara, (2) murume nemudzimai havachashumiri paBheteri, kana kuti (3) hama haichashumiri semukuru kana kuti mushumiri weungano. Zvakanaka here kuti tifungidzire zvikonzero zvingangodaro zvakaita kuti vamire kuita mabasa aya tobva tatanga kuzviudzawo vamwe? Panogona kunge paine zvikonzero zvakawanda zvatisingazivi zvakaita kuti vamire kuita mabasa iwayo. Muenzi mutende raJehovha “haaitire muvakidzani wake zvakaipa, uye haarevi shamwari dzake.”

Zviri nyore kuti tiparadzire mashoko asina kunaka nezvevamwe, uye izvi zvinogona kupedzisira zvaita kuti tisvibise mazita avo (Ona ndima 12-13)


KUDZA VAYA VANOTYA JEHOVHA

14. Tsanangura kuti vaenzi vaJehovha ‘vanoramba sei munhu wese anoshoreka kana kuti anonyangadza.’

14 Pisarema 15:4 inotaura kuti shamwari yaJehovha ‘inoramba munhu wese anoshoreka kana kuti anonyangadza.’ Izvozvo tingazviita sei? Sevanhu vanotadza, harisi basa redu kutonga kuti mumwe munhu anoshoreka. Nei zvakadaro? Tinogona kufarira vamwe vanhu nemhaka yeunhu hwavo uye tinogonawo kusvotwa nevamwe vanhu. Saka vatinofanira kuramba ndevaya chete vanonzi naJehovha ‘vanoshoreka.’ (1 VaK. 5:11) Izvi zvinosanganisira vaya vanoita zvakaipa vasingapfidzi, vasingaremekedzi zvatinotenda kana kuti vanoedza kukanganisa ushamwari hwedu naJehovha.—Zvir. 13:20.

15. Ndeipi imwe nzira yatingakudza nayo “vaya vanotya Jehovha”?

15 Pisarema 15:4 inotaurawo kuti tinofanira kukudza “vaya vanotya Jehovha.” Saka tinotsvaga nzira dzekuratidza nadzo kuti tinoda uye tinoremekedza shamwari dzaJehovha. (VaR. 12:10) Tinozviita sei? Imwe nzira inotaurwa pana Pisarema 15:4 ndeyekuti muenzi mutende raJehovha “haadzokeri shure pane zvaanenge avimbisa, kunyange kana zvisina kumunakira.” Kurega kuita zvatinenge tavimbisa kunogona kuita kuti vamwe varwadziwe. (Mat. 5:37) Semuenzaniso, Jehovha anotarisira kuti vaenzi vake vararame zvinoenderana nemhiko yavo yemuchato. Anofarawo kana vabereki vakaita zvese zvavanogona kuti vaite zvavanenge vavimbisa vana vavo. Kuda kwatinoita Mwari uye muvakidzani kuchaita kuti tiite zvese zvatinogona kuti tizadzise zvatinenge tavimbisa.

16. Ndeipi imwe nzira yatingakudza nayo shamwari dzaJehovha?

16 Imwe nzira yekukudza shamwari dzaMwari ndeyekugamuchira vaenzi zvakanaka uye kuva nerupo. (VaR. 12:13) Kutandara nehama nehanzvadzi dzedu kunotibatsira kuti tisimbise ushamwari hwedu nadzo uye naJehovha. Uyewo patinogamuchira vaenzi zvakanaka tinenge tichitevedzera Jehovha.

USABATWA NEMUSUNGO WEKUDA MARI

17. Nei nyaya yemari yakataurwa nezvayo muPisarema 15?

17 Tinoverenga kuti muenzi waJehovha “haakweretesi mari yake achida kudzorerwa yabereka, uye haagamuchiri chiokomuhomwe kuti apomere munhu asina mhosva.” (Pis. 15:5) Nei nyaya yemari yakataurwa nezvayo mupisarema iri pfupi? Nekuti kunyanya kuda mari kunogona kurwadzisa vamwe uye kunokanganisa ushamwari hwedu naMwari. (1 Tim. 6:10) Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, vamwe vaidzvinyirira hama dzavo dzaiva varombo nekudzibhadharisa mubereko pamari yavaidzikweretesa. Uyewo vamwe vatongi vaibvuma chiokomuhomwe votonga zvisina kunaka vaya vaisava nemhosva. Maitiro akadaro anosemesa Jehovha.—Ezek. 22:12.

18. Mibvunzo ipi inogona kutibatsira kuti tiongorore maonero atinoita mari? (VaHebheru 13:5)

18 Zvakanaka kuti tiongorore maonero atinoita mari. Zvibvunze kuti: ‘Ndinowanzofunga nezvemari here uye zvinhu zvainogona kutenga? Kana ndikakwereta mari, ndinononoka kuidzosa here ndichitoti munhu akandikweretesa haana basa nayo? Kuva nemari kunoita kuti ndinzwe ndichikosha here asi kuchiitawo kuti zvindiomere kuva nerupo? Ndinofunga kuti kana hama nehanzvadzi dzangu dziine mari yakawanda imhaka yekuti dzinoda mari kupfuura kuda kwadzinoita Jehovha here? Ndinoda kungoshamwaridzana nevaya vakapfuma here ndisina basa nevarombo?’ Zvinokosha kuti tizvibvunze mibvunzo iyi nekuti takapiwa ropafadzo yekuva vaenzi vaJehovha. Tinogona kuchengetedza ropafadzo iyoyo nekuita kuti upenyu hwedu husava hwekuda mari. Kana tikaita izvozvo, Jehovha haazombotisiyi!—Verenga VaHebheru 13:5.

JEHOVHA ANODA SHAMWARI DZAKE

19. Nei Jehovha achida kuti tiite zvese zvinotaurwa muPisarema 15?

19 Pisarema 15 rinopera nevimbiso iyi yekuti: “Munhu wese anoita zvinhu izvi haazombozununguswi.” (Pis. 15:5) Apa munyori wepisarema iri aitsanangura kuti nei Jehovha achida kuti tiite zvese zvinotaurwa mupisarema iri. Jehovha anoda kuti tifare. Saka anotipa mirayiridzo ichaita kuti atikomborere uye atidzivirire.—Isa. 48:17.

20. Vaenzi vaJehovha vanogona kutarisira ramangwana rakaita sei?

20 Vaenzi vaJehovha vanogona kutarisira kuzova neramangwana rakanaka. Vakazodzwa vakatendeka vachapinda ‘munzvimbo zhinji dzekugara’ dzavakagadzirirwa naJesu kudenga. (Joh. 14:2) Vaya vane tariro yepanyika vanotarisira kuzoona vimbiso iri pana Zvakazarurwa 21:3 ichizadzika. Kutaura chokwadi, tese tinonzwa takudzwa chaizvo kukokwa naJehovha kuti tive shamwari dzake, tova vaenzi mutende rake nekusingaperi!

RWIYO 39 Kuita Zita Rakanaka naMwari