Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SIERRA LEONE NEGUINEA

Vaimushevedza Kuti “Bible” Brown

William R. Brown

Vaimushevedza Kuti “Bible” Brown
  • AKABEREKWA MUNA 1879

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1908

  • NHOROONDO Akatungamirira pabasa rokuparidza parainge richangotanga kuitwa kuWest Africa.

PAAISHANDA pamugero unonzi Panama Canal muna 1907, William akangoerekana asvika pakona yomugwagwa paipiwa hurukuro naIsaiah Richards, mumwe Mudzidzi weBhaibheri, sokushevedzwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Richards akavakira hurukuro yake pa“Chati Inoratidza Nguva Yakaitika Zvinhu Munhoroondo,” dhayagiramu raishandiswa kutsanangura zvinangwa zvaMwari. William akabva angogamuchira chokwadi ndokudzokera kuJamaica kuti anoudzawo amai vake nasisi vake. Nokufamba kwenguva, ivowo vakava Vadzidzi veBhaibheri.

Kwenguva yakati Hama Brown vakashumira muPanama City, kuPanama. Ikoko vakasangana naEvander J. Coward, mumiririri weVadzidzi veBhaibheri ainge ashanya kuPanama kuzopa hurukuro. Coward aiva mukurukuri anotaura zvine simba uye zvinonakidza, uye vanhu vakawanda vaidirana kuti vanomunzwa. Paakaona kuti William aishingairira chokwadi, akamukumbira  kuti amuperekedze parwendo rwekunoparidza kuTrinidad.

Kwemakore gumi kana kupfuura akazotevera, William akatenderera West Indies yose, achipayona uye achisimbisa mapoka madiki. Muna 1920, akaroora Antonia, hanzvadzi yakatendeka yechiKristu. Pashure pemazuva maviri vachata, William naAntonia vakaenda nechikepe kukachitsuwa keMontserrat kari kuLeeward Islands, vaine “Photo-Drama of Creation”—firimu nemasiraidhi zvinoratidza zvikamu zvina zvenyaya dzomuBhaibheri. Vakaparidzirawo pazvitsuwa zveBarbados, Dominica, neGrenada. Vakanakidzwa chaizvo kuita basa raJehovha panguva yavo yokumbozorora vachangobva kuchata.

Papera makore maviri, William akanyorera Joseph F. Rutherford, uyo aitungamirira basa revanhu vaJehovha panguva yacho, achiti: “Ndichibatsirwa naJehovha ndakaparidzira nzvimbo dzakawanda kuCaribbean Islands uye ndakawana vadzidzi mune zhinji dzacho. Ndodziparidzirazve here?” Pashure pemazuva mashoma, Hama Rutherford vakapindura kuti: “Pfuurira kuenda kuSierra Leone, kuWest Africa, nomudzimai wako nemwana.”

Mumakore 27 akashumira Hama Brown nemhuri yavo kuWest Africa, havana kumbobvira vafarira kushandira muhofisi. Vaifarira kuenda kunoparidza. Nemhaka yokuti vaisimbisa kukosha kweBhaibheri, vanhu vakatanga kuvashevedza kuti “Bible” Brown.

Muna 1950, paaiva nemakore 71, William Brown nomudzimai wake vakadzokera kuJamaica kunopayona. William akapayona kusvikira apedza upenyu hwake hwepasi pano muna 1967. Aifarira kupayona chaizvo! Aiona kupayona seimwe yeropafadzo dzakakura pane dzose dzingawanikwa nomunhu.