Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SIERRA LEONE NEGUINEA

“Pasati Papera Gore Uchange Wafa”

Zachaeus Martyn

“Pasati Papera Gore Uchange Wafa”
  • AKABEREKWA MUNA 1880

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1942

  • NHOROONDO Akatanga kupayona paaiva nemakore 72

ZACHAEUS haana munhu akambomudzidzisa Bhaibheri. Asi pashure pokunge averenga bhuku rinonzi Salvation nerinonzi The Harp of God, akaziva kuti akanga awana chokwadi.

Rimwe zuva muna 1941 uri musi weSvondo, Zachaeus akamukira kuenda kunopinda musangano wake wokutanga neZvapupu, uyo waiitirwa kure nemakiromita masere uye achipfuura nomugomo rine mawere. Asingazivi kuti musangano wacho waizotanga nguvai, akasvika pachine maawa akati kuti. Zachaeus akagara ndokumirira kuti hama dzisvike. Pashure pokunge apinda misangano mitatu yaiitwa neSvondo paImba yoUmambo, akaudza Chechi yeAnglican yaaimbopinda kuti idzime zita rake mubhuku rayo.

Shamwari yake yepedyo, iyo yaipinda chechi iyoyo, yakamutsoropodza ichiti, “Mudhara, kana ukaramba uchifamba makiromita masere aya uchikwira nokudzika gomo iri uchienda kuchechi yevanhu ava, pasati papera gore uchange wafa.” Aitarisa Zachaeus achikwidza nokudzika gomo racho kaviri pavhiki kwemakore mashanu. Shamwari yacho yakabva yazofa! Pashure pemakore 25, Zachaeus akanga achakangoti gwindiri.

Zachaeus akashumira Jehovha akatendeka kusvikira paakazofa ava nemakore 97.