Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SIERRA LEONE NEGUINEA

Vaida Kuriona

Vaida Kuriona

MUNA 1956, hama dzomuFreetown dzakaratidza firimu rinonzi The New World Society in Action. Dzakashuma kuti:

“Takahaya imba hombe kupfuura dzose muFreetown uye takaparadzira mapepa 1 000 okukokera vanhu. Taisava nechokwadi kuti vanhu vangani vaizouya. Maminitsi 30 firimu racho risati ratanga, vanhu 25 chete ndivo vakanga vasvika. Mumaminitsi 15 akatevera, vamwe 100 vakasvika. Pasina nguva, zvigaro zvose 500 zvakanga zvazara. Vamwe zana vakabvuma kumira. Vamwewo 500 vakamira panze, vasingakwanisi kupinda mukati. Vaizomirira kuti rizoratidzwa kechipiri here? ‘Ehe,’ vakadaro. Saka vakamirira, kunyange zvazvo kwainaya!”

Kwemakore akazotevera, vanhu vanodarika 80 000 muSierra Leone yose vakauya kuzoona firimu iri uye mamwe anonakidza kwazvo.