Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SIERRA LEONE NEGUINEA

Takapukunyuka Pamasoja Evapanduki

Andrew Baun

Takapukunyuka Pamasoja Evapanduki
  • AKABEREKWA MUNA 1961

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1988

  • NHOROONDO Aiva piyona wenguva dzose muPendembu, iri muEastern Province, kuSierra Leone, hondo payakatanga muna 1991.

MAMWE masikati vapanduki vakapinda mudhorobha redu, vachiridzira pfuti dzavo mudenga kwemaawa anenge maviri. Vamwe vacho vaiva vechidiki vaitonetsekawo nokutakura zvombo zvavo. Vaiva netsvina isingaiti, vaine bvudzi rakangoti nyangarara, uye vaiita sevainge vakadhakwa nemadhiragi.

Mangwana acho vanhu vakatanga kuurayiwa. Vanhu vairemadzwa uye vamwe vaiurayiwa zvine utsinye. Vakadzi vaibatwa chibharo. Zvinhu zvainge zvaita manyama amire nerongo. Hama Amara Babawo nemhuri yavo nevamwe vanhu vana vaifarira vakatizira kumba kwangu. Zvakativhundutsa chaizvo.

Pasina nguva mutungamiriri wevapanduki akasvika ndokutiudza kuti tiuye kuzodzidziswa zvechiuto mangwana acho mangwanani. Tainge takatsunga kuramba tisina divi rataitsigira, kunyange zvazvo kuita izvozvo kwaizoreva rufu. Usiku ihwohwo kwakaita sekuchaedza tichingonyengetera. Takakurumidza kumuka, tikakurukura rugwaro rwezuva ndokumirira vapanduki vacho kuti vauye. Asi havana kuzombouya.

“Muri kuverenga rugwaro rwezuva. Munofanira kunge muri Zvapupu zvaJehovha”

 Pave paya mukuru mukuru wevapanduki nevarume vake vana vakanditorera imba yangu. Vakatiudza kuti tirambe tiripo, saka takaramba tichiita misangano yenguva dzose nekukurukura rugwaro rwezuva tiri pamba. Mamwe masoja akati: “Muri kuverenga rugwaro rwezuva. Munofanira kunge muri Zvapupu zvaJehovha.” Vainge vasingafariri zveBhaibheri, asi vaitiremekedza.

Rimwe zuva mutungamiriri wavo mukuru akauya kuzoongorora mauto ainge achigara pamba pangu. Akasaruta Hama Babawo ndokuvabata chishanu. Mutungamiriri wacho akataura nemasoja acho nenzwi rakasimba kuti: “Murume uyu ndibhosi wedu tese. Kana bvudzi rimwe chete rikadonha mumusoro make kana kuti mumisoro yevanhu vaainavo, mune zvamunenge muchitsvaka. Muri kuzvinzwa here?” Vakapindura kuti, “Hongu ishe!” Mutungamiriri wacho akabva atipa tsamba yairayira boka reRevolutionary United Front kuti risatibata zvisina kunaka nokuti taiva vanhu vane runyararo.

Papera mwedzi yakati kuti, mapoka evapanduki akatanga kurwisana, saka takatizira kuLiberia. Ikoko takasangana nerimwe boka revapanduki. Takavaudza kuti, “Tiri Zvapupu zvaJehovha.” “Saka Johani 3:16 inoti kudii?” akabvunza kudaro mumwe musoja. Patakataura rugwaro rwacho nemusoro, akatirega tichienda.

Takazosangana nemumwe mutungamiriri wevapanduki akaudza ini naHama Babawo kuti tiende naye. Taityira upenyu hwedu. Akabva atiudza kuti ainge ambodzidza neZvapupu hondo isati yatanga. Akatipa mari uye takamupa tsamba ndokubva aenda nayo kuhama dzomuungano yaiva pedyo. Nguva pfupi pashure pacho, hama mbiri dzakasvika nezvinhu zvokuyamura ndokuenda nesu kwataizova takachengeteka.