Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SIERRA LEONE NEGUINEA

Murume weWatchtower

James Koroma

Murume weWatchtower
  • AKABEREKWA MUNA 1966

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1990

  • NHOROONDO Aiita basa rekutakura zvinhu munguva yehondo.

MUNA 1997, mauto evapanduki neehurumende paairwisana muFreetown, ndakazvipira kutakura tsamba kubva kuFreetown ndichienda nadzo kunzvimbo yaimbofanoshandiswa sehofisi yebazi muConakry, kuGuinea.

Ndakakwira bhazi pane chimwe chiteshi chemuguta pamwe chete neboka revamwe varume. Pfuti dzainzwika kurira nechokure, zvichiita kuti titye zvikuru. Sezvataipfuura nomuguta, takaramba tichinzwa pfuti dzichirira kwose kwose. Mutyairi wedu akadzoka shure ndokuenda neimwe nzira. Pasina nguva, takamiswa neboka revapanduki vaiva nepfuti vakabva vatiudza kuti tiburuke mubhazi. Pashure pokutibvunzurudza, vakatiti tipfuure. Tati fambei takazomiswa nerimwe boka remasoja. Nemhaka yokuti mumwe wataiva naye mubhazi aiziva mutungamiriri wavo, ivowo vakatiti tipfuure. Tava kubuda mudhorobha, takasangana neboka rechitatu revapanduki avo vakatibvunzurudza asi vachibva vatiudza kuti tienderere mberi nerwendo  rwedu. Zvatainanga kuchamhembe, takapfuura mamwe marodhibhuroko akawanda kusvikira ava manheru. Bhazi redu rainge razara guruva rakazopinda muConakry.

Pandakazoita dzimwe nzendo ndaitakura makatoni emabhuku, zvinhu zvokushandisa muhofisi, magwaro ebazi uye zvinhu zvekuyamura. Ndaiwanzofamba nemotokari kana kuti nemakombi. Asi ndaishandisawo magwa kuyambuka nzizi uye vanhu vanoita basa rokutakura zvinhu vaindibatsirawo pakupfuura nemumasango.

Pane imwe nguva pandainge ndakatakura zvinhu kubva kuFreetown ndichienda kuConakry, kombi yandainge ndiri yakamiswa pabhodha nemasoja evapanduki. Mumwe wavo akaona zvinhu zvangu ndokutanga kundibvunza achiratidza kunyumwira. Ndakabva ndangoona mumwe wandakadzidza naye kuchikoro ari pakati pevapanduki vacho. Masoja aimuti Roughneck, uye ndiye aiva nechitarisiko chaityisa pane vose muboka racho. Ndakaudza munhu aindibvunzurudza kuti ndainge ndauya kuzoona Roughneck, uye ndakabva ndamushevedza. Roughneck akabva andiziva ndokumhanya achiuya kuzosangana neni. Takambundirana ndokuseka. Zvadaro akabva ati kwindi.

“Pane zviri kukunetsa here,” akabvunza kudaro.

“Ndiri kuedza kupinda muGuinea,” ndakapindura kudaro.

Akabva angoudza masoja acho kuti arege kombi yedu ichipfuura isina kuongororwa.

Kubva musi iwoyo, pose pandaimira panzvimbo iyoyo yaiongororwa motokari, Roughneck aiudza masoja acho kuti arege ndichipfuura. Ndaipa masoja acho magazini, uye aiafarira zvikuru. Pasina nguva vainge vava kunditi Murume weWatchtower.