Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SIERRA LEONE NEGUINEA

Chimwe Chinhu Chiri Nani Pane Madhayamondi

Tamba Josiah

Chimwe Chinhu Chiri Nani Pane Madhayamondi
  • AKABEREKWA MUNA 1948

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1972

  • NHOROONDO Aishanda mumigodhi yemadhayamondi asati auya muchokwadi. Iye zvino ava nhengo yeDare reBazi reSierra Leone.

MUNA 1970, ndaishandira kambani inoita zvemigodhi yekuBritain muTongo Fields, nzvimbo ine madhayamondi akawanda iri kuchamhembe kweKenema. Ndaitsvakawo madhayamondi panguva yandainge ndisina zvokuita. Pose pandaiwana matombo angu pachangu, ndaipfeka zvakanaka ndobva ndaenda kuKenema kunoatengesa uye kumbononakidzwa.

Muna 1972, ndakasangana neZvapupu zvaJehovha ndokutanga kudzidza Bhaibheri. Pashure pemwedzi mishanu, ndainge ndava kukwanisa kubhabhatidzwa. Sezvo ndakanga ndisisina mazuva ezororo, ndakakumbira mumwe wandaishanda naye kuti afanoshanda panzvimbo pangu kuitira kuti ndipinde gungano reruwa uye ndibhabhatidzwe. Akati kuti andishandire ndaifanira kuzomupa peyi yangu yevhiki imwe chete. Kubhabhatidzwa kwangu kwaikosha kupfuura mari, saka ndakabva ndangobvuma zvaakataura. Pandakadzoka kubva kugungano,  akandiudza kuti ndigare nepeyi yangu nokuti kushumira Mwari ndicho chaiva chinhu chakanaka. Pashure pemwedzi mitanhatu, ndakasiya basa rangu raibhadhara zvikuru kuti ndiunganidze pfuma kudenga sapiyona chaiye.—Mat. 6:19, 20.

Kwemakore 18 ndakashumira sapiyona chaiye uye mutariri wedunhu munzvimbo dzakasiyana-siyana dzemuSierra Leone. Munguva iyi ndakaroora Christiana, mudzimai akavimbika uye anonditsigira, uye takakomborerwa nemwanasikana, Lynette.

Ndaimbofunga nezvokuwana madhayamondi chaiwo, asi ndakawana chimwe chinhu chiri nani zvikuru—pfuma yezvokunamata

Panguva yehondo yevagari vemuSierra Leone, ini naChristiana taipayona muBo, imwe nzvimbo inocherwa madhayamondi zvikuru. Kuno takawana “madhayamondi” ezvokunamata akawanda—vadzidzi vechokwadi vechiKristu. Mumakore mana, ungano yedu yakawedzera nezvikamu zvinopfuura 60 muzana. Iye zvino Bo yava neungano nhatu dzakasimba.

Muna 2002, ndakakokwa kuti ndizova nhengo yeDare Rebazi reSierra Leone. Ini naChristiana tinogara pedyo nepaBheteri. Zuva rimwe nerimwe ndinoenda kubasa ndichibva kumba, uye Christiana anoshumira sapiyona chaiye. Lynette anoshanda paBheteri mutimu inoshandura mutauro wechiKrio.

Ndaimbofunga nezvokuwana madhayamondi chaiwo, asi ndakawana chimwe chinhu chiri nani zvikuru—pfuma yezvokunamata. Ndakafukunurawo “madhayamondi” 18 ezvokunamata, kana kuti vadzidzi vechokwadi vechiKristu. Zvechokwadi, Jehovha akandikomborera zvikuru.