Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SIERRA LEONE NEGUINEA

2002-2013 Zvakaitika Munguva Ichangobva Kupfuura (Chikamu 1)

2002-2013 Zvakaitika Munguva Ichangobva Kupfuura (Chikamu 1)

 “Jehovha, Maita Henyu!”

Zvinhu pazvakagadzikana, hama nehanzvadzi dzakadzokera kumisha yadzo. Ungano dzainge dzaparara munguva yehondo dzakaumbwazve, kunyanya kumabvazuva kweSierra Leone kwainge kwasakadzwa nehondo. Mapiyona chaiwo ekune imwe nzvimbo akashuma kuti: “Vanhu 16 vakapinda musangano wedu wokutanga, 36 vakauya kune wakatevera, 56 vakanakidzwa newakazotevera wacho, uye 77 vakabva vapinda Chirangaridzo! Takafara zvokufara zviya!” Ungano itsva pfumbamwe dzakaumbwa, zvikaita kuti dzose dzisvike ku24. Mamwe mamishinari gumi ekuGiriyedhi akasvika, zvikaita kuti basa rokuparidza riwedzere. Muna 2004, vanhu vakapinda Chirangaridzo vaiva 7 594—nhamba inopeta kanopfuura kashanu vaparidzi vose! Kuwedzera kwakafanana kwakaitikawo muGuinea.

Dare Rinodzora rakabva rakurumidza kuita kuti pave nemari yokubatsira nayo vapoteri vainge vari kudzoka kuti vawane pokutangira. (Jak. 2:15, 16) Mapoka evazvipiri vanofamba vachiyamura akavaka kana kuti akagadzirisa Dzimba dzoUmambo 12 uye akagadzirisa Imba Yemagungano yemuKoindu. Akavakawo dzimba 42 dzezvidhinha dzisiri dzemaoresa kuti mhuri dzaiva nemisha yainge yaparadzwa dziwane pokugara. Imire pedyo neimba yayo itsva ine marata misodzi yomufaro ichiyerera, imwe hanzvadzi yemakore okuma70 iri chirikadzi yakashevedzera kuti: “Jehovha, maita henyu! Jehovha, maita henyu! Hama, maita henyu!”

Hofisi yebazi yakatangawo kuvaka Dzimba dzoUmambo nemari yaibva pachirongwa chokubatsira nyika dzisina  kupfuma. Saidu Juanah, mumwe mukuru ari piyona muUngano yeBo West, anoti, “Imwe hanzvadzi yakandiudza kuti: ‘Kana ndikanzwa kuti tichava neImba yoUmambo itsva, ndichaombera nemaoko angu nemakumbo!’ Pandakapa chiziviso chokuti taizova neImba yoUmambo itsva, hanzvadzi yacho yakasvetuka kubva payainge yakagara, ichiombera uye ichitamba—‘kuombera’ nemaoko ayo nemakumbo!”

Muna 2010, Ungano yeWaterloo yakatsaurira Imba yoUmambo itsva inogona kushandiswa seImba Yemagungano inokwana vanhu 800. Musi wakatenga ungano yacho nzvimbo yokuvaka, mumwe munhu akaudza muridzi wenzvimbo yacho kuti aida kuitenga nemari iri pamusorosoro. Muridzi wacho akati, “Ndingasva hangu ndaita kuti pasitendi pangu pave nechechi pane kuti paitirwe zvebhizimisi.”

Pasi pechirongwa chokubatsira nyika dzisina kupfuma, Dzimba dzoUmambo 17 dzakavakwa muSierra Leone, uye 6 muGuinea. Nzvimbo idzi dzokunamatira dzisiri dzemaoresa asi dzakanaka dzakakurudzira vamwe vakawanda kuti vapinde misangano.

Kuwana Makwai aJehovha Akarasika

Vakawanda zvavakawedzera kushingaira mubasa rokuparidza, hofisi yebazi yakaronga kuti pave nemushandirapamwe wemwedzi miviri wokuparidza mundima dzainge dzisingagari dzichishandwa. Vaparidzi vakagovera mabhuku anoda kusvika 15 000 uye vakasangana nezvinhu zvinonakidza zvakawanda. Vamwe vanhu vaibvunza kana Zvapupu zvaJehovha zvaizoita kuti mune mamwe madhorobha emo muve neungano. Naizvozvo, ungano itsva mbiri dzakazotangwa. Mune mumwe musha uri kwawo wega, hama dzakaona hanzvadzi mbiri dzainge dzaparadzaniswa neungano munguva yehondo. Hama dzacho dzakabva dzangoronga kuti misangano iitwe nguva dzose ndokutanga  kudzidza Bhaibheri nevanhu vakati kuti mumusha wacho.

Muna 2009, hofisi yebazi yakanzwa nezvemumwe musha uri pakati pesango muGuinea kwaiva nevanhu vaizviti Zvapupu zvaJehovha. Parakatumira hama kuti dzinoongorora, bazi rakanzwa kuti imwe hama yainge yakwegura yakanga yadzoka kumusha kwayo yava pamudyandigere. Yakadzidza Bhaibheri nevarume vakati kuti isati yafa. Mumwe wevarume vacho akatenda muna Jehovha ndokutanga kuudzawo vamwe zvaainge adzidza muBhaibheri. Aiitisawo misangano achishandisa mabhuku ehama iya yainge yafa. Boka racho rainge rava nemakore 20 richinamata Jehovha mumwe muparidzi paakazoita mahwekwe naro. Bazi rakabva rangotumira hama kuti dzibatsire boka racho mune zvokunamata. Muna 2012, vanhu 172 mumusha wacho vakapinda Chirangaridzo cherufu rwaKristu.

Munguva ichangobva kupfuura nhamba ‘yemakwai akarasika’ asi akazowanikwa yave ichiwedzera. Ava vanhu vainge vabva muchokwadi zvishoma nezvishoma kana kuti vainge vabviswa muungano. Vakawanda vakadaro vakatenderuka ndokudzoka muchokwadi. Vanhu vaJehovha vakavagamuchira nemaoko maviri.—Ruka 15:11-24.

VaMuslim Vane Mwoyo Yakatendeseka Vanogamuchira Chokwadi

Paaiudza vamwe mashoko akanaka, muapostora Pauro akava “zvinhu zvose kuvanhu vemarudzi ose.” (1 VaK. 9:22, 23) Saizvozvowo, vashumiri vaJehovha muSierra Leone neGuinea vave vachichinja mharidzo dzavo kuitira kuti vanhu vakasiyana-siyana vafarire. Somuenzaniso, ona kuti vamwe vaparidzi vanokurukura sei nevaMuslim vanoda kuteerera, boka rechitendero chakakura kupfuura zvose munyika mbiri idzi.

Saidu Juanah, aimbova muMuslim, anotsanangura kuti:  “VaMuslim vanotenda kuti Adhamu akasikwa pachishandiswa guruva asi akatanga kugara muparadhiso yekudenga. Kuti ndivabatsire kunzwisisa zvakarurama, ndinovabvunza kuti, ‘Guruva rinobva kupi?’

“‘Panyika,’ vanopindura kudaro.

“‘Saka Adhamu anofanira kunge akasikirwa kupi?’ Ndinoenderera mberi saizvozvo.

“‘Panyika,’ vanopindura kudaro.

“Kuti ndijekese pfungwa yacho, ndinoverenga Genesisi 1:27, 28 ndobvunza kuti, ‘Zvisikwa zvekudenga zvine vana here?’

“‘Aiwa. Pangirozi hapana varume kana vakadzi,’ vanopindura kudaro.

“‘Mwari paakaudza Adhamu naEvha kuti vave nevana, vanofanira kunge vaiva kupi?’ Ndinobvunza kudaro.

“‘Panyika,’ vanopindura kudaro.

“‘Saka Mwari paachadzorera Paradhiso, inofanira kunge iri kupi?’ Ndinobvunza kudaro.

“‘Pano panyika,’ vanopindura kudaro.”

Saidu anogumisa achiti, “Kukurukura kwakadaro ndichishandisa Magwaro kunoita kuti vaMuslim vakawanda vane mwoyo yakatendeseka varambe vachiteerera uye vabvume mabhuku anotsanangura Bhaibheri.”

Funga nezvaMomoh, muMuslim aiva nechitoro aitarisira kuzova mutungamiriri muchitendero chake. Mamishinari vari Zvapupu pavakakurukura naye vachishandisa Magwaro, Momoh akada kuziva zvakawanda. Akapinda chikamu chegungano redunhu akafarira zvaakanzwa. Papera mazuva mana, iye nemudzimai wake, Ramatu, nevana vavo vashanu vakapinda Chirangaridzo cherufu rwaJesu. Momoh akabva atanga kudzidza Bhaibheri nemwoyo wose. Pashure pezvidzidzo zvakati kuti akarega kutengesa midzanga. Akaudza makasitoma ake kuti midzanga inokuvadza vanhu uye haibvumirwe naMwari. Akatangawo kudzidza  nemudzimai wake nevana pachitoro chake. Makasitoma paaiuya panguva yaidzidza mhuri yacho, aivakumbira kuti vambogara vachimirira, achitsanangura kuti chidzidzo chacho chaikosha zvikuru kumhuri yake. Iye naRamatu pavakachata, hama dzavo dzakatanga kuvapikisa zvisingaite. Vasingaori mwoyo, Momoh naRamatu vakaparidzira hama dzavo neushingi, uye pakupedzisira dzakasvika pakuremekedza maitiro avo akanaka. Momoh akabhabhatidzwa muna 2008, uye Ramatu muna 2011.

Kutsigira Utsvene Hweropa

Vanhu vaJehovha vanoshinga kuita zvinoenderana nezvinodiwa naMwari, kusanganisira maonero aanoita ropa. (Mab. 15:29) Izvi zviri kuita kuti varemekedzwe nevakawanda vanoita zvekurapa muSierra Leone neGuinea.

Hama dzichinyaradza hanzvadzi iri muchipatara

 Muna 1978, hama dzakagovera kabhuku kanonzi Jehovah’s Witnesses and the Question of Blood kuna vanachiremba, manesi, vakuru vakuru vemuzvipatara, magweta nevatongi muSierra Leone yose zvayo. Pasina nguva, imwe hanzvadzi yainge yava pedyo kusununguka yakatanga kubuda ropa nechemukati, asi vanachiremba vakaramba kuirapa pasina ropa. Zvisinei mumwe chiremba akabvuma kubatsira nemhaka yemashoko ane musoro aakanga averenga mukabhuku kaBlood. Hanzvadzi yacho yakabatsirwa nemwana mukomana akagwinya uye yakasvika pakupora zvakakwana.

Munenge muna 1991, Doctor Bashiru Koroma, chiremba aiita maoparesheni paKenema Hospital, akaverenga bhurocha rinonzi Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako? Afadzwa nemashoko aro, akatanga kudzidza Bhaibheri uye kupinda misangano yechiKristu. Mumwe mukomana ari Chapupu aiva nemakore mapfumbamwe paakakuvara zvikuru nechemukati mutsaona, vanachiremba vemukomana wacho vakaramba kumuita oparesheni pasina ropa. Vakaudza vabereki vake kuti, “Endai nemwana wenyu kuti anofira kumba!” Vabereki vacho vakazotaura naDoctor Koroma, avo vakaita oparesheni yacho zvakanaka.

Pasina nguva Doctor Koroma vakava Hama Koroma vachitsigira zvakasimba kurapwa kunoitwa pasingashandiswi ropa. Vamwe vanachiremba vaivasarura pamusana paizvozvo, asi vanhu vavairapa vaingoita zvakanaka. Pave paya, vamwe vavaishanda navo vakatanga kutsvaga kubatsirwa navo pakuita maoparesheni akaoma.

Kubva muna 1994, Hospital Information Desk iri pabazi muFreetown yave ichiumba Matare Anokurukura Nezvipatara muSierra Leone uye muGuinea. Matare aya akabatsira Zvapupu zvakawanda zvinorwara uye akanyengetedza vanamazvikokota vakawanda vezvekurapa kuti varape Zvapupu vasingashandisi ropa.