Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SIERRA LEONE NEGUINEA

Tainge Takatsunga Kushumira Jehovha

Philip Tengbeh

Tainge Takatsunga Kushumira Jehovha
  • AKABEREKWA MUNA 1966

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1997

  • NHOROONDO Mupoteri akabatsira kuvaka Dzimba dzoUmambo shanu.

MUNA 1991, masoja evapanduki paakarwisa dhorobha rataigara reKoindu, muSierra Leone, ini nomudzimai wangu Satta, takatiza kuti tipone. Kwemakore masere akazotevera, takagara mumisasa yevapoteri yakasiyana-siyana. Imomo takatsungirira kusava nezvokudya zvakakwana uye kurwara uye maiitwa zvakaipa.

Mumusasa mumwe nomumwe taikumbira vakuru vakuru vacho nzvimbo yokuvaka Imba yoUmambo. Dzimwe nguva taipiwa, asi dzimwe nguva tainyimwa. Kunyange zvakadaro, taigara tichironga kuti tive nenzvimbo yokuitira misangano. Tainge takatsunga kushumira Jehovha. Pakupedzisira, takazovaka Dzimba dzoUmambo ina mumisasa yacho.

Hondo payakapera, taisakwanisa kudzokera kumusha. Hondo yakarwiwa kwemakore yakaita kuti muKoindu musagarika. Saka takaendeswa kune mumwezve musasa wevapoteri pedyo neBo. Takavaka Imba yoUmambo yechishanu ikoko tichishandisa mari yakabva kuhofisi yebazi.