Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SIERRA LEONE NEGUINEA

Ndakada Sierra Leone

Cindy McIntire

Ndakada Sierra Leone
  • AKABEREKWA MUNA 1960

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1974

  • NHOROONDO Mumishinari kubva muna 1992. Akashumira muGuinea neSenegal uye iye zvino ari kushumira ari muSierra Leone.

PANDAKATANGA kusvika, zvakangonditorera vhiki mbiri chete kuti ndide Sierra Leone. Ndaishamiswa kuona vanhu vakadengezera zvinhu zvinorema. Vanhu vainge vakawanda. Vana vaitamba mumigwagwa, vachiombera nokutsika pasi zvine mutinhimira. Nyika yacho ine vanhu vakachangamuka, vanofarira mimhanzi vachinyatsogona kuitamba. Vanofarirawo kupfeka mbatya dzine mavara anoyevedza.

Kuparidzira kuno ndiko kunonyanya kundinakidza. Vanhu vemuSierra Leone vanofarira kugamuchira vanhu vavasingazivi. Vanoremekedza Bhaibheri uye vanoteerera zvarinotaura. Vanowanzonditi ndipinde mudzimba dzavo. Pandinobva, vamwe vanomboti fambei neni vachindiperekedza. Unhu uhwu hunoyemurika hunondibatsira kutsungirira zvinhu zvidiki zvisingafadzi, zvakadai sokushomeka kwemvura uye kudzimwa-dzimwa kwemagetsi.

Dzimwe nguva vanhu vanondibvunza kana ndichimbosurukirwa nemhaka yokuti handina murume. Kutaura zvazviri, ndine zvakawanda zvokuita zvokuti handina kumbova nenguva yokusurukirwa. Ndinorarama upenyu hune chinangwa.