Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rugwaro Rwegore rwa2014

“Umambo Hwenyu Ngahuuye.”Mateu 6:10

Rugwaro Rwegore rwa2014

Makore anenge zana apfuura, Jehovha akagadza Jesu saMambo mumatenga. Kubvira ipapo, vashumiri vaMwari vave vachishingaira kuzivisa zvikomborero zvichaunzwa noUmambo hwaKristu. Pafunge! Jesu saMambo ane rudo paanenge ava kutonga, nyika ichava paradhiso, yakazara nevanhu vanodanana zvechokwadi. Pachange pasina kuparwa kwemhosva, kurwisana, kurwara, kutambura uye kufa.

Pasina nguva, zvikomborero izvozvo zvichavapo. Umambo hwaMwari ndehwechokwadi, uye huchauya hwozadzisa zvinangwa zvose zvaJehovha. Nyengeterera kuti Umambo hwacho huuye, udza vamwe nezvahwo, uye koshesa tariro yezvose zvahuchakuitira.