Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Makore Zana Apfuura—1914

Makore Zana Apfuura—1914

“TINODAVIRA kuti Gore ra1914 rinopa uchapupu hwemikana yakakura yekuparidza Chokwadi kupfuura makore ose adarika eKukohwa,” yakadaro Nharireyomurindi yaJanuary 1, 1914. Gore rainge rava nemakumi emakore richitarisirwa neVadzidzi veBhaibheri rainge razosvika, uye vaishanda nesimba muushumiri. Mamiriyoni evanhu akanzwa zvipikirwa zveBhaibheri nokuti Vadzidzi veBhaibheri vakashanda nesimba gore iroro. Zvisinei, nyika yakawedzera kubishaira pakuita zvinhu zvakasiyana naizvozvo.

 Nyika Inowedzera Kuita Zvechisimba

Pakutanga kwa1914, chimwe chezviitiko zvaiva nechisimba chakanyanya munhoroondo yekuramwa basa kwevashandi muUnited States chakauraya varume, vakadzi nevana. Vashandi vemumugodhi vairamwa basa vainge vabudiswa mudzimba dzekambani pamwe chete nemhuri dzavo, uye vainge vamanikidzirwa kugara mumakomboni ematende. Musi wa20 April, pfuti dzakatanga kurira mukomboni yaiva pedyo neLudlow muColorado. Komboni yacho yakatanga kutsva. Munharaunda yacho yose vashandi vemumugodhi vainge vakatsamwa vakadzorera nokuuraya magadhi akawanda ekambani. Masoja akadanwa kuti agadzirise zvinhu.

MuEurope, zvinhu zvainge zvakatonyanya kuipa. Musi wa28 June, Gavrilo Princip wekuBosnia aiva nemakore 19 paakapfura achiuraya Archduke Francis Ferdinand wekuAustria, akatanga chimoto chakakonzera Hondo Yenyika I. Pakupera kwegore, Hondo Yenyika I, yaizivikanwa seHondo Huru, yakanga yava kurwiwa muEurope yose.

Magungano Anokurudzira Basa Rekuparidza

Nyika payaiwedzera kuva nenyonganyonga, Vadzidzi veBhaibheri vaikurudzirana kushingaira mubasa rekuparidza. Gungano revanhu vaMwari rekutanga kuitwa muSouth Africa rakatanga musi wa10 April. Nhamba inopfuura dzose yevakapinda gungano iroro yaiva 34. “Chokwadi taiva ‘boka duku’ zvikuru,” akanyora kudaro William W. Johnston. “Takabhabhatidza inenge hafu yevanhu vakapinda Gungano racho. Hanzvadzi sere nehama sere dzakaratidza kuzvitsaurira kwadzo sekurayira kwakaita Jesu.” Pazuva rekupedzisira regungano racho, vaya vaivapo vakakurukura zvavangaita kuti vawedzere basa rekuparidza muSouth Africa. Nhasi muSouth Africa mune vaparidzi vakatendeka vanopfuura 90 000 vanopupurira kubudirira kwe‘boka duku’ iroro.

Musi wa28 June 1914, zuva rakapfurwa Archduke Ferdinand, Vadzidzi veBhaibheri vakaungana muguta reClinton, Iowa, U.S.A. Pagungano iroro, musi wa30 June, A. H. MacMillan  akati: “Kana tichida kuwana mubayiro wedu tinoda kuramba tichiita kuda kwaMwari, tichibuda muushumiri pose pazvinoita, tichiendesera nyika mashoko ekukohwa.”

“Photo-Drama” Rinokwezva Mamiriyoni

“Photo-Drama of Creation,” firimu rinosanganisira hurukuro dzeBhaibheri dzakarekodhwa uye mumhanzi zvaifambirana nemasiraidhi akapendwa egirazi uye mifananidzo inofamba, rakatanga kuratidzwa muNew York City musi wa11 January 1914. Vanhu 5 000 vakapinda parakaratidzwa kekutanga, uye vamwe vakawanda havana kukwanisa kupinda nokuti painge pasisina nzvimbo.

Kugadzirwa kwe“Photo-Drama of Creation” kwakanga kwatora makore maviri, asi “rakanga risati ranyatsosvika padanho rekuti ritange kuratidzwa vanhu muna January,” yakadaro Nharireyomurindi. Mumwedzi mitanhatu yekutanga ya1914, hama dzakavandudza “Photo-Drama” kanoverengeka. Somuenzaniso, dzakawedzera firimu rekusuma raibuda Charles Taze Russell achitaura, zvichiratidza pachena vagadziri ve“Photo-Drama.”

Parainge rava kunyanya kuratidzwa, “Photo-Drama” raionekwa panguva imwe chete mumaguta anosvika 80. Pakazosvika July wa1914, rainge rasvika kuGreat Britain, richiratidzwa mudzimba dzainge dzakazara nevanhu muGlasgow neLondon. Muna September firimu racho rainge rasvika kuDenmark, Finland, Germany, Sweden, neSwitzerland. Pakazosvika October, rainge rasvika kuAustralia neNew Zealand. Vanhu vose vakaona “Photo-Drama” mugore rarakatanga kuratidzwa vanopfuura mamiriyoni mapfumbamwe.

Kopi imwe chete ye“Photo-Drama” yaiva nemazana emasiraidhi egirazi, mabhobhiri akawanda emafirimu ane mifananidzo inofamba, uye marekodzi akawanda. Makopi acho aidhura kuagadzira, uye pose pairatidzwa vanhu firimu racho paidiwa boka rehama nehanzvadzi dzaiva neunyanzvi. Nokudaro, firimu rakazara re“Photo-Drama” rainyanya kuratidzwa mumaguta makuru. Kuti risvike kuvanhu vekumaruwa, Vadzidzi veBhaibheri  vakagadzirawo zvikamu zvipfupi zve“Photo-Drama.” Chimwe chikamu, chaizivikanwa se“Eureka Drama Y,” chaiva nemasiraidhi egirazi akapendwa airatidzwa pachinzwikawo hurukuro dzeBhaibheri dzakarekodhwa nemimhanzi. Zvimwe zvikamu zvacho, zvinoti “Eureka Drama X” nechimwe chipfupi pane zvose chinonzi “Eureka Family Drama,” zvaingova zvokuteerera, pasina masiraidhi kana mifananidzo inofamba. MuUnited States, vanhu vanopfuura 70 000 vainge vaona kana kuti vanzwa chikamu che“Eureka Drama” pakazopera 1914, mwedzi mina isati yapera kubva zvachakabudiswa.

MaColporteur Nevazvipiri Vanoita Basa Rokuparidza

Kunyange zvazvo basa rokuratidza “Photo-Drama” raiva idzva uye rainakidza, Vadzidzi veBhaibheri vakaona kuti dzimwe nzira dzokuparidza nadzo ndidzo dzavaifanira kuisa pekutanga. Tsamba yaCharles Taze Russell yaakanyorera macolporteur ose, ava kunzi mapiyona, yakati: “Hapana imwe nzira yatinoziva yokuparidza nayo inobudirira kupfuura iyi [yokupayona] munguva ino yoKukohwa. Nemhaka yeizvi hatisi kukurudzira maColporteur kuti aite basa rokuratidza vanhu Photo-Drama  . . . Dzimwe hama nehanzvadzi, dzakavimbikawo kuna Ishe. . . dzinogona kuita basa rokuratidza Drama racho.”

Muna January wa1914, macolporteur aiva 850. Mugore iroro, vaevhangeri ivavo vaishingaira vakagovera makopi anopfuura 700 000 ebhuku rinonzi Studies in the Scriptures. Nharireyomurindi yakaratidza “kunyatsofarira” macolporteur ikabva yakurudzira vanhu vaiiverenga “kutaura navo mashoko anokurudzira; nokuti basa ravo harisi nyore nguva dzose.”

Vamwe Vadzidzi veBhaibheri vakagovera maturakiti mumitauro yakawanda. Muna 1914, vakagovera makopi anopfuura mamiriyoni 47 eturakiti rinonzi The Bible Students Monthly nemamwewo maturakiti!

Basa raiitwa neVadzidzi veBhaibheri raionekwawo nevamwe vanhu. Vaiparidzira munhu wose, uye vaisabhadharisa kupinda misangano yavo. Mumwe mufundisi weimwe chechi akachema-chema achiti: “Nokukurumidza vanhu vachange vava kufunga kuti imhosva kuunganidza mari muchechi, kana zvadaro tozodii? Pastor Russell vari kusvibisa mazita edu tose.”

Kuguma Kwenguva Dzevemamwe Marudzi

Vadzidzi veBhaibheri vaidavira kuti “nguva dzeveMamwe Marudzi,” dzinotaurwa pana Ruka 21:24 (King James Version), dzaizoguma panenge pana 1 October 1914. October zvaaiswedera, vakawedzera kutarisira zvaizoitika. Vamwe Vadzidzi veBhaibheri vaitofamba nekadhi rairatidza nguva yainge yasara kuti vamake zuva rimwe nerimwe rinenge rapfuura. Vakawanda vaifunga kuti vaizoshevedzwa seri kweketeni, kana kuti kudenga, pazuva iroro.

Mangwanani emusi wa2 October 1914, Hama Russell vakapinda muimba yokudyira yepaBheteri ndokuzivisa mhuri yeBheteri kuti: “Nguva dzeveMamwe Marudzi dzaguma; madzimambo avo haachisina nguva aripo.” Vamwe vevaivapo vangadaro vakayeuka mashoko iwayo, aiva murwiyo 171 mubhuku ravo renziyo rainzi Hymns of the Millennial Dawn. Kubva muna 1879, Vadzidzi veBhaibheri vaiimba kuti, “Nguva dzeveMamwe Marudzi dzava kuguma,” asi mashoko iwayo ainge asisiri echokwadi, sezvo Nguva dzeveMamwe Marudzi, kana kuti “nguva  dzakatarwa dzemamwe marudzi” dzainge dzaguma zvechokwadi. (Ruka 21:24) Nokufamba kwenguva, mabhuku edu enziyo akaratidza kuchinja uku kunokosha.

Kadhi rairatidza nguva yainge yasara rainzi, “Be Thou Faithful Unto Death” raishandiswa nevamwe pakutsunga kwavo kuramba vakatendeka kusvikira kumugumo

Pakazopera gore racho, Umambo hwaMesiya hwainge hwanyatsosimbiswa kudenga, uye vamwe Vadzidzi veBhaibheri vakafunga kuti basa ravo rainge rapera. Havana kuziva kuti vainge vava kuzopinda munguva yokuedzwa nekuzungurwa. Rugwaro rwegore rwa1915 rwaiti, “Munokwanisa here kunwira mukapu Yangu?” rwuri pana Mateu 20:22 muKing James Version. “Kapu” yaitaurwa naJesu yaisanganisira matambudziko aaizotarisana nawo kusvikira afa. Vadzidzi veBhaibheri vainge vava kuzotarisana nematambudziko aibva kune vamwe Vadzidzi veBhaibheri uye aibva kune vamwe vanhu. Zvavaizoita panguva yematambudziko iwayo zvaizoratidza kuvimbika kwavo kuna Jehovha.