Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SIERRA LEONE NEGUINEA

1915-1947 Mazuva Okutanga (Chikamu 2)

1915-1947 Mazuva Okutanga (Chikamu 2)

Kukwikwidzana Neboka Rinonzi Gladiators

Vafundisi vomuFreetown pavakaona makwai avo achinakidzwa nehurukuro dzaHama Brown, vakanzwa godo uye vakaita hasha. Nharireyomurindi yeChirungu yaDecember 15, 1923, yakazivisa kuti: ‘Vafundisi vakatanga kurwisa chokwadi vachishandisa mapepanhau. Hama Brown vakavapindura kakawanda, mapepanhau acho achibudisa zvose zviri zviviri, zvavaitaura uye zvaitaurwa nevafundisi vacho.’ Pakupedzisira, vafundisi vacho vakazoti zii. Mafungiro avo enhema akanga anyatsofumurwa. Chokwadi cheBhaibheri chakanga chaparadzirwa kwose kwose, zvichiita kuti vaverengi vakawanda vemapepanhau vakumbire mabhuku eBhaibheri. Vafundisi vacho vakanga varonga kuita kuti vanhu vaMwari vanyarare, asi Jehovha akanga ‘aita kuti mabasa avo akaipa avadzokere.’—Pis. 94:21-23.

Richiitira kuti ridzivirire vafundisi vacho, boka revechidiki vechechi, rainzi Gladiators, rakazivisa nezvemisangano yaizoitirwa paruzhinji nechinangwa chokumisa “dzidziso dzaRussell,” sekushevedza kwaraiita mashoko eUmambo. Hama Brown vakabva vashandisa pepanhau kuvakoka kuti vauye kuzoita hurukuro dzokubvunzana mibvunzo vachipindurana. MaGladiators acho akaramba kuita zvainge zvataurwa naHama Brown uye akatuka munyori wepepanhau ainge abudisa mashoko acho. Akarambidzawo Hama Brown kupinda misangano yavo, saka Alfred Joseph akabva apinda panzvimbo pavo.

Misangano yacho yaiitirwa paBuxton Memorial Chapel, chechi yemaoresa yeMethodist muFreetown. Alfred anoti, “Panguva yechikamu chemibvunzo nemhinduro, ndakabvunza nezvedzidziso dzeAnglican, dzidziso yoUtatu, nedzimwe dzidziso dzinoverengeka dzisingabvi mumagwaro. Pakupedzisira, sachigaro akaramba kuti pavezve nemimwe mibvunzo.”

Mumwe weGladiators aivapo usiku ihwohwo, Melbourne  Garber, akanga amboenda kunonzwa hurukuro dza“Bible” Brown. Ndiye wechidiki aidzidza nezvechitendero akamboti, “VaBrown vanoziva Bhaibheri ravo!” Pashure pekunge anyatsoongorora zvaainge anzwa, Garber akanyatsoziva kuti akanga awana chokwadi. Nokudaro akakumbira Hama Brown kuti adzidziswe Bhaibheri. Hama Brown vakamukoka kuChidzidzo cheNharireyomurindi chaiitwa vhiki nevhiki kumba kwavo. Kunyange zvazvo hama dzake dzakamuramba, Garber akakurumidza kufambira mberi mune zvokunamata, uye pasina nguva iye nevamwe vakati kuti vakabhabhatidzwa.

Zvaiedza kuitwa naSatani kuti amise basa rokuparidza richangotanga zvainge zvakundikana. Meya weFreetown akanga audza veGladiators kuti: “Kana iri riri basa revanhu richasvika pakuguma. Asi kana richibva kuna Mwari, hamuzokwanisi kurimisa.”—Mab. 5:38, 39.

Chechi yavanaBrown

Pakutanga kwaMay wa1923, Hama Brown vakatumira teregiramu kuhofisi yebazi yeLondon vachikumbira mamwe mabhuku. Pasina nguva mabhuku 5 000 akasvika, uye pakazotumirwa zvimwe zvinyorwa. Hama Brown vakarambawo vachiita misangano yevoruzhinji, uye yakatora mwoyo yezviuru zvevanhu vaifarira.

Pave paya mugore iroro, Nharireyomurindi yakashuma kuti: “Basa [muSierra Leone] rakawedzera nokukurumidza zvokuti Hama Brown vakakumbira mubatsiri; uye Claude Brown, wekuWinnipeg, aimbogara kuWest Indies, ari munzira kuenda kunobatsira pabasa racho.”

Claude Brown aiva muzivisi wemashoko akanaka ainge agara nebasa. MuHondo Yenyika I, ainge atsungirira kusabatwa zvakanaka mumajeri eCanada neEngland pamusana pekuti semuKristu akanga aramba kuva nedivi raanotsigira. Akashumira ari muSierra Leone kwemakore mana, achisimbisa kwazvo hama nehanzvadzi dzemo.

 Pauline Cole anoti, “Ndisati ndabhabhatidzwa muna 1925, Hama Claude vakanyatsondibvunza.

Vakati, “‘Hanzvadzi Cole, munonzwisisa here zvamakadzidza mubhuku rinonzi Studies in the Scriptures?’ ‘Hatidi kuti muzobva muchokwadi zvishoma nezvishoma nemhaka yokuti hamuna kunzwisisa zvinodzidziswa neBhaibheri.’

Ndakati, “Hama Claude, ndakaverenga ndaverengazve zvinhu zvandakadzidza. Ndine chokwadi nezvandiri kuita!”

Pauline Cole

Pauline akashumira Jehovha kwemakore anopfuura 60, nguva yakawanda yacho ari piyona chaiye. Akapedza upenyu hwake hwepasi pano muna 1988.

William “Bible” Brown aingwaririrawo kubatsira vamwe kuti vave netsika dzakanaka pakunamata. Alfred Joseph anorondedzera kuti: “Pandaisangana naHama Brown mangwanani, taiwanzotaura zvakada kuita seizvi: ‘Hesi, Hama Joe. Mamuka sei? Rugwaro rwanhasi runotii?’ Kana ndatadza kupindura, vaizondikurudzira kuti ndinofanira kuziva rugwaro rwezuva rimwe nerimwe kubva mukabhuku kanonzi  Daily Manna. [Iye zvino kava kunzi Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva.] Mangwanani acho aitevera, ndaibva ndaverenga rugwaro rwacho, kuitira kuti ndizenge ndakagadzirira pavaizondibvunzazve. Pakutanga, ndaisanyatsoona kukosha kwekudzidziswa kwandainge ndiri kuitwa, asi ndakazozviona pave paya.”

Kudzidziswa kwose uku kwakava nezvibereko zvakanaka kwazvo. Muna 1923, ungano yakatangwa muFreetown uye vanhu 14 vakabhabhatidzwa. Imwe yehama itsva yaiva George Brown, uyo akaita kuti muungano muve nemhuri nhatu dzekwa“Brown.” Kushingaira kwemhuri nhatu idzodzo kwakaita kuti vagari vakawanda vemuFreetown vadane Vadzidzi veBhaibheri kuti chechi “yavanaBrown.”