Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SIERRA LEONE NEGUINEA

1915-1947 Mazuva Okutanga (Chikamu 3)

1915-1947 Mazuva Okutanga (Chikamu 3)

Kuenda Kumapurovhinzi Uye Kune Dzimwe Nzvimbo

Ichipisa nekushingairira chokwadi, Ungano yeFreetown yaka“batikana kwazvo nokuparidza shoko.” (Mab. 18:5) Alfred Joseph anoti: “Kakawanda ndaisungirira bhokisi remabhuku eBhaibheri pamudhudhudhu wangu muhombe werudzi rweNorton. Hama Thomas Grant kana kuti Hama Sylvester Grant vaibva vagara kumashure [pakeriya], tonanga kumaruwa uye madhorobha madiki akapoteredza Freetown kunoita kuti vanhu vanyorese mabhuku, sekutaura kwataizviita.”

Kutozosvikira muna 1927, vaparidzi vainyanya kuparidza muFreetown uye munzvimbo dzakapoteredza dziri munharaunda inonzi The Colony. Asi kutanga muna 1928, gore rimwe nerimwe mvura isati yatanga kunaya, ungano yacho yaihaya bhazi yoenda kune mamwe mapurovhinzi. Vaya vaisakwanisa kuenda vaibatsira nemari yenzendo dzacho, dzaitungamirirwa naMelbourne Garber. Mapoka acho aiparidza mumadhorobha nemisha zvaiva kumabvazuva kuKailahun uye kumaodzanyemba pedyo nemuganhu weLiberia. Musi weSvondo wokutanga wemwedzi woga woga, vaidzokera kunoona vanhu vainge varatidza kufarira.

 Panenge panguva iyoyo, Hama Brown vakashanya kuWest Indies ndokudzoka vaine motokari, imwe yemotokari dzokutanga kupinda muSierra Leone. Yaiva negudzanzwi rine simba rainge rakagadzirirwa kuparidzira vanhu vakawanda. Hama Brown vaiimisa panzvimbo yaiwanikwa vanhu vakawanda voridza mimhanzi inonakidza chaizvo kuti vakawanda vauye. Vaibva vapa hurukuro pfupi kana kuridza hurukuro yakarekodhwa vokumbira vanhu vacho kuti vatore mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Vanhu vaiti vakangoona motokari yacho, iyo yakasvika pakunzi motokari inotaura, vaibva vadirana vachienda kunoinzwa.

Kupa uchapupu noushingi

Hama Brown vakazofunga nezveimwe ndima yainge isati yamboshandwa—nyika dzose dziri kuWest Africa dzinotaura Chirungu. Makore okuma1920 ava kunopera, vakaita nzendo dzinotevedzana vachinoparidza kuGambia, Ghana,  Liberia, neNigeria. Hama Brown vakawana vanofarira munyika imwe neimwe, asi zvinoita sekuti muNigeria ndimo maiva nevakanyanya kuwanda. Muna 1930, Hama Brown nemhuri yavo vakatama kubva kuFreetown vachienda kuLagos. Vari ikoko vakaramba vachitungamirira basa roUmambo kuWest Africa.

Iye zvino Zvapupu zvinopfuura 500 000 zviri kushumira Jehovha muWest Africa

Muna 1950, utano husina kunaka pahwakaita kuti Hama Brown vadzokere kuJamaica, vakasiya nhaka yakazonaka. Kwemakore anopfuura 27, ivo nemudzimai wavo vainge vaona Zvapupu zvichiwedzera kuWest Africa kubva pavanhu 2 kusvika kuvanhu vanopfuura 11 000. Vainge vanyatsoona kuzadzika kweuprofita hwaIsaya hwokuti: “Muduku achava chiuru uye akadukupa achava rudzi rune simba.” (Isa. 60:22) Nhasi, pashure pemakore anopfuura 60 chete, “rudzi rune simba” rweZvapupu zvinopfuura 500 000 rwuri kushumira Jehovha kuWest Africa.

Vakaramba Vakatsiga Panguva Yairambidzwa Basa

MuHondo Yenyika II masoja aitorwa muSierra Leone kuti varwe hondo yacho, asi vanhu vaJehovha vakaramba vasina divi ravanotsigira sevaKristu. (Mika 4:3; Joh. 18:36) Hurumende yeBritain yakavapomera nhema kuti vaipandukira, saka yakaongorora basa ravo ndokurambidza mabhuku avo. Vanoona nezvokupinzwa kwezvinhu muFreetown vakatora mamwe mabhuku ainge atumirwa ndokuapisa. Dzimwe hama dzakasungwa padzakawanikwa dziine mabhuku ainge arambidzwa asi pasina nguva dzakasunungurwa. *

Zvapupu zvakaramba zvichiparidza pasinei zvapo nokuti basa rainge rarambidzwa. Pauline Cole akatsanangura kuti: “Imwe hama yaishanda mungarava yaigara ichiuya yakaramba  ichitiunzira magazini eNharireyomurindi. Tichikopa mune aya, taitayipa mamwe magazini okushandisa pamisangano. Taigadzirawo mapepa aiva nemisoro yenyaya dzomuBhaibheri toapa vanhu. Uye hama dzakaramba dzichipa hurukuro dzavose uye kuridza hurukuro dzakarekodhwa dzaipiwa naHama Rutherford paredhiyo, kunyanya mumisha yaiva kure.”

Zviri pachena kuti zvaiedza kuitwa izvozvo zvaiva nechikomborero chaJehovha. James Jarrett, uyo ave ari mukuru uye piyona chaiye kwemakore, anoti: “Panguva yehondo yacho, ndaiita basa rokucheka matombo pandakapiwa kabhuku kanonzi Refugees (Vapoteri) neimwe hanzvadzi yainge yakwegura. Sezvo vapoteri vakawanda vaisvika muFreetown, musoro wekabhuku kacho wakanditora mwoyo. Ndakaverenga kabhuku kacho usiku ihwohwo ndikabva ndangoona kuti ndicho chaiva chokwadi. Mangwanani akatevera, ndakawana hanzvadzi yacho ndikabva ndatorera mukoma wangu nevanun’una vaviri mabhuku. Tose tiri vana takagamuchira chokwadi.”

Hondo yacho payakapera muna 1945, Ungano yeFreetown yaiva nevaparidzi 32. Vaparidzi vacho vakaramba vakavimbika uye vachishingaira pane zvokunamata. Vainge vakagadzirira uye vaida kufambira mberi.

Mushandirapamwe Wokuzivisa Musangano Wavose

Musi wa29 August 1945, paMusangano Webasa, Ungano yeFreetown yakakurukura nezvemushandirapamwe mutsva wakaziviswa muInformant yaDecember 1944 (iye zvino yava kunzi Ushumiri Hwedu hwoUmambo). Ungano imwe neimwe yaizofanira kuzivisa uye kuita misangano yavose mina inotevedzana mu“maguta ose, madhorobha nemisha” zvaiva mundima yayo. Musangano mumwe nomumwe waizova nehurukuro yeawa imwe chete yaipiwa nehama (yaiva nemakore 18 kana kupfuura) yaiita zvakanaka muChikoro chaMwari Choushumiri. Pashure pemisangano  yacho mina, hama dzaironga mapoka okudzidza Bhaibheri kuti vabatsire vanhu vanofarira vaiva munzvimbo imwe neimwe.

Vaparidzi vacho vakaita sei pavakanzwa murayiridzo mutsva uyu? Mashoko akanyorwa ezvakakurukurwa paMusangano Webasa weUngano yeFreetown anosanganisira zvinotevera:

Sachigaro: “Munofunga kuti mushandirapamwe mutsva uyu tingauita sei?”

Hama 1: “Hatifaniri hedu kutarisira kuti zvinhu zvibudirire sezvazviri kuita kuAmerica. Vanhu vekuno vakasiyana neveikoko.”

Hama 2: “Ndinobvumirana nemi.”

Hama 3: “Tadii tambozviedza?”

Hama 4: “Asi pachava nezvipingamupinyi.”

Hama 5: “Asi tinofanira kutevedzera mirayiridzo inopiwa nesangano raJehovha.”

Hama 6: “Asi zvinhu hazvina kutimirira zvakanaka munyika muno.”

Hanzvadzi 1: “Kunyange zvakadaro, mirayiridzo iri muInformant yakajeka. Ngatimbozviedzai!”

Saka vakabva vazviedza. Kubva kumahombekombe emuFreetown kusvika kuguta reBo kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kusvika kuguta reKabala kuchamhembe, hama dzaiitira misangano mumakirasi, pamisika nemudzimba. Basa iri rakaita kuti ungano yacho itangezve kushingaira, uye “shoko raJehovha rakaramba richikura uye richipararira.”—Mab. 12:24.

Asi vaparidzi vainge vachiri kufanira kudzidziswa basa rokuparidza. Uye Jehovha akaita kuti izvozvo zviitike.

^ ndima 10 Basa racho rakazotanga kubvumirwa muna 1948.