Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

SIERRA LEONE NEGUINEA

1945-1990 “Kuita Kuti Vazhinji Vave Vakarurama”—Dhan. 12:3. (Chikamu 2)

1945-1990 “Kuita Kuti Vazhinji Vave Vakarurama”—Dhan. 12:3. (Chikamu 2)

Kukudza Chipo chaMwari Chewanano

Papera kanguva kakati, William Nushy akaona kuti vamwe vaparidzi vaisararama maererano nemitemo yaJehovha yewanano. Vamwe vainge vaine nguva refu vachigara semurume nemudzimai asi vasina kunyoresa wanano dzavo kuhurumende. Vamwe vaitevedzera tsika yomunzvimbo mavo yokumbomira kuroora kutozosvikira mudzimai ava nepamuviri, vachiitira kuti vatange vava nechokwadi chokuti vaizova nevana.

Nokudaro, muna May 1953, hofisi yebazi yakanyorera ungano imwe neimwe ichitsanangura zvakajeka zvinotaurwa neBhaibheri nezvewanano. (Gen. 2:24; VaR. 13:1; VaH. 13:4) Vanhu vakapiwa nguva yokunyoresa wanano dzavo. Kana vasina kudaro vaizobviswa muungano.—1 VaK. 5:11, 13.

Vaparidzi vakawanda vakafarira kugadziriswa uku. Asi vamwe vaparidzi vaifunga kuti izvi zvakanga zvisingakoshi. Mune dzimwe ungano mbiri, vaparidzi vanopfuura hafu vakarega kuwadzana nesangano raJehovha. Zvisinei, vaya vakaramba vakavimbika vakatowedzera basa ravo, zvichinyatsoratidza kuti Jehovha aivakomborera.

Pashure pekunge hama dzashanda nesimba, Imba yoUmambo  yeFreetown yakasvika pakuva nzvimbo yakakodzera yekuchatira. Musi wa3 September 1954, hama dzakaita muchato wadzo wepamutemo wokutanga. Pave paya, hurumende yakapa chiremera kuhama dzakakodzera mumatunhu manomwe munyika yacho kuti dzive vachatisi. Izvi zvakaita kuti vanofarira vakawanda vachate uye vakwanise  kuva vaparidzi vemashoko akanaka.

Muchato paImba yeUmambo

Vanhu vakawanda vaifarira vaiva nebarika vakatorawo matanho kuti vaite zvinoenderana nemitemo yaMwari. Samuel Cooper, uyo ava kugara muBonthe, anoti: “Muna 1957, ndakatanga kupinda misangano nemadzimai angu maviri uye pasina nguva ndakanyoresa muChikoro chaMwari Choushumiri. Rimwe zuva ndakapiwa hurukuro yaitaura nezvekuroorana kwechiKristu. Pandaitsvakurudza hurukuro yacho, ndakaona kuti ndaifanira kuramba mudzimai wangu mudiki. Pandakaudza hama dzangu, dzose dzakandishora. Mudzimai wangu mudiki ainge andiberekera mwana, nepo mudzimai wangu mukuru ainge asina mbereko. Asi ndakanga ndasarudza kuita zvinoenderana neMagwaro. Zvakandishamisa zvikuru kuti mudzimai wangu mudiki paakadzokera kumba kwavo, mudzimai wangu mukuru akatanga kubereka vana. Ndava nevana vashanu nemudzimai wangu aimbova asina mbereko.”

Mumwe aifarira anonzi Honoré Kamano, uyo aigara mhiri kwemuganhu kuGuinea, paakaramba madzimai ake madiki pamadzimai ake matatu, mudzimai wake mukuru akaonga zvaakaita ndokutanga kuwedzera kukoshesa chokwadi. Kunyange zvazvo mumwe wemadzimai ake madiki asina kufara kuti akarambwa, akayemurawo kukoshesa kwaiita murume wacho zvinotaurwa neBhaibheri. Akakumbira kudzidza Bhaibheri uye akazotsaurira upenyu hwake kuna Jehovha.

Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa zvikuru sevanhu vanokudza wanano

Nhasi Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa zvikuru muSierra Leone neGuinea sevanhu vanokudza wanano. Kuvimbika kwavo muwanano kunoshongedza dzidziso yaMwari uye kunoita kuti arumbidzwe seMuvambi wewanano.—Mat. 19:4-6; Tito 2:10.

 Kupikisa muFreetown

Muna 1956, vamwe vaviri vakapedza kudzidza kuGiriyedhi, Charles naReva Chappell, vakasvika muFreetown. Vari munzira kuenda kuimba yemamishinari, vakashamiswa zvikuru nechikwangwani chihombe chaizivisa nezvehurukuro yeBhaibheri paWilberforce Memorial Hall. Charles anoti, “Chaizivisa kuti C.N.D. Jones mumiririri we‘Ungano yeZvapupu zvaJehovha’ ndiye aizopa hurukuro yacho.”

Jones, uyo aizviti mumwe wevakazodzwa, aitungamirira kapoka kainge kabuda muungano yaiva muFreetown makore akati kuti ainge adarika. Vanhu vekapoka kake vaizviti zvapupu “zvechokwadi” zvaJehovha uye vaidana mamishinari nevaya vaitsigira vamiririri vesangano kuti “vanyengeri” uye “vaparidzi vasina hanya vanobva kuGiriyedhi.”

Zvinhu zvakawedzera kuipa pakadzingwa Jones nevamwe vatsigiri vake. “Chiziviso ichi chakavhundutsa dzimwe hama dzaida kushivirira vanhu vaipikisa,” anodaro Chappell. “Vashoma vakataura pachena kuti vainge vasina kufara nazvo. Ivo nevamwe vakaramba vachiwadzana nevapanduki vacho uye vaiedza kuvhiringidza misangano uye urongwa hwebasa remumunda. Vanhu vakanga vasingafari nezvaiitika vaigara pamwe chete pamisangano panzvimbo yaidanwa kuti nzvimbo yevanopikisa. Vakawanda vavo vakapedzisira vasiya chokwadi. Asi vamwe vakapengenuka mune zvokunamata ndokuva vaparidzi vanoshingaira.”

Kuvimbika kwakaratidzwa neveruzhinji kwakaita kuti mudzimu waMwari urambe uchiyerera zvakasununguka. Mutariri anoshanyira mapazi, Harry Arnott, paakashanyira Freetown gore rakatevera racho, akashuma kuti: “Uku ndiko kuwedzera kukuru kwekutanga kwatati tava nako muSierra Leone kwemakore. Izvi zvinotipa chikonzero chakanaka chekutarisira kufambira mberi mune ramangwana.”

 Kudzidzisa vaKisi

Nguva pfupi Hama Arnott vashanya, Charles Chappell akatambira tsamba yaibva kune imwe hama yekuLiberia. Hama yacho yaida kutanga kuparidzira varume verudzi rwayo muSierra Leone. Aiva werudzi rweKisi, rwaigara mumasango ane makomo nemipata panosangana Sierra Leone, Liberia, neGuinea. Zvaiita sokuti vanhu vakawanda vaitaura mutauro weKisi vaida kunzwisisa Bhaibheri.

Sezvo vaKisi vakawanda vaisagona kuverenga kana kunyora, muKoindu makarongwa makirasi ekudzidza kuverenga nekunyora kuti vadzidze dzidziso dzekutanga dzeBhaibheri. Mazana evadzidzi akapinda makirasi aya. Charles anoti: “Pasina nguva boka racho rakanga rava nevaparidzi vatsva 5, ndokuzoita 10, ndokuzoita 15, ndokuzoita 20. Vanhu vakadirana muchokwadi zvokuti handina kuzvibvuma kuti vaiva vaparidzi chaivoivo. Asi ndainge ndakarasika. Vakawanda vavo vainge vakatendeseka uyewo vachishingaira!”

Pasina nguva vaparidzi vatsva ava vakaparadzira mashoko akanaka kunze kwedhorobha reKoindu uye vakapedzisira vapinda muGuinea. Vachifamba kwemaawa vachicheka nemumakomo, vakaparidza mumapurazi nemumisha. “Taipedza mavhiki, dzimwe nguva mwedzi chaiyo, tisina kumbonzwa kutinhira kwemotokari,” anodaro Eleazar Onwudiwe, aiva mutariri wedunhu panguva yacho.

Hama nehanzvadzi dzechiKisi zvadzaiparadzira mbeu yoUmambo uye dzichiidiridza, Mwari akaita kuti ikure. (1 VaK. 3:7) Mumwe murume wechidiki aiva bofu paakanzwa chokwadi, akabata nemusoro kabhuku kane mapeji 32 kanonzi “This Good News of the Kingdom.” Pave paya, aiyeuka chero ndima paaiparidza nekuitisa zvidzidzo zvake zveBhaibheri. Izvi zvaishamisa vaiona. Mumwe mukadzi aiva matsi akagamuchira chokwadi akachinja zvikuru zvokuti mudzimai wehanzvadzi yake akatanga kupinda misangano, achifamba makiromita anopfuura 10 kuti asvike ikoko.

Vaparidzi vechiKisi vakawedzera nokukurumidza zvikuru.  Imwe ungano yakaumbwa, pakazoumbwazve imwe. Vaparidzi vanenge 30 vakatora upiyona. Ishe wedhorobha reKoindu akafarira chokwadi akapa nzvimbo yokuti ivakirwe Imba yoUmambo. Vanhu vanopfuura 500 pavakapinda gungano redunhu kuKailahun, ungano yakaumbwawo ikoko. Pasina nguva hafu yeZvapupu muSierra Leone zvaiva vaKisi, kunyange zvazvo pavagari vose vemo rudzi rwacho rwaiva pasi pezvikamu zviviri kubva muzana.

Kubudirira uku hakuna kufadza munhu wose, kunyanya vatungamiriri vezvitendero vechiKisi. Godo rakaita kuti vasarudze kuparadza chitendero ichi chaiva nengozi kuchiremera chavo. Mubvunzo waiva wokuti, Vaizozviita rini uye sei?