Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SIERRA LEONE NEGUINEA

1945-1990 “Kuita Kuti Vazhinji Vave Vakarurama”—Dhan. 12:3. (Chikamu 4)

1945-1990 “Kuita Kuti Vazhinji Vave Vakarurama”—Dhan. 12:3. (Chikamu 4)

Kurwisa Dambudziko Rokusagona Kuverenga Nokunyora

Muna 1963, paaishanyira Sierra Leone kechipiri, Milton Henschel akataura nezvedambudziko raiedza kupedzwa nebazi kwenguva yakati. Akakurudzira hama kuti dzirwise zvakasimba dambudziko rokusagona kuverenga nokunyora.

Dzimwe ungano dzaiita makirasi ekudzidzisa kuverenga nokunyora muChirungu. Asi pashure pekunge Hama Henschel vashanya, hama dzakatanga kudzidzisa vadzidzi kuverenga nokunyora mumutauro waamai vavo. Dzimwe ungano dzaiita makirasi mumitauro miviri kana mitatu. Makirasi aya aifarirwa zvikuru zvokuti vaparidzi vakawanda munyika yacho vakanyoresa kuti vaapinde.

Muna 1966, hama dzemuLiberia dzakagadzira bhuku rine mifananidzo rokudzidza kuverenga mumutauro weKisi. Padzakaratidza bhuku racho kuvakuru vakuru vehurumende yeLiberia, vakarifarira kwazvo ndokusarudza kuridhinda uye kuita kuti ripiwe vanhu mahara. Bhuku racho rakapiwa vanhu muGuinea, Liberia, neSierra Leone, uye rakabatsira mazana evanhu vanotaura chiKisi kuti vadzidze kuverenga nokunyora. Pave paya mabhuku emimwe mitauro akagadzirwa, zvikabatsira vanhu vakawanda kugona kuverenga nokunyora.

Sia aishandisa tambo nhema netsvuku kuti azive zvaaiita pakuparidza

Makirasi aya haana kungodzidzisa vanhu kuverenga nokunyora chete asiwo akavabatsira kufambira mberi mune zvokunamata. Funga nezvaSia Ngallah, muparidzi asina  kubhabhatidzwa aiva nemakore 50 uyo aisagona kuverenga nokunyora. Sia aishandisa tambo nhema netsvuku kuti azive zvaaiita pakuparidza. Pashure pekuparidza kweawa imwe chete, aisunga pfundo patambo nhema. Paaiita shanyo yokudzoka, aisunga pfundo patambo tsvuku. Sia akapinda kirasi yekudzidza kuverenga nokunyora, zvikamubatsira zviri nani kuziva zvaaiita muushumiri. Akafambirawo mberi kusvika pakubhabhatidzwa uye unyanzvi hwake hwokuparidza nokudzidzisa hwakawedzera.

Nhasi ungano dzakawanda muSierra Leone neGuinea dzichiri kuita makirasi ekudzidza kuverenga nokunyora. Mumwe mukuru mukuru wehurumende yeSierra Leone akaudza hama dzepahofisi yebazi kuti, “Kuwedzera pabasa renyu rekudzidzisa Bhaibheri, muri kuita basa rinoyemurika zvikuru pakubatsira vanhu munyika ino kuti vagone kuverenga nokunyora.”

“Matombo” Anoshevedzera

Vanhu vakawanda vemarudzi akasiyana-siyana zvavakadzidza kuverenga, kukosha kwekuti zvinyorwa zvishandurwe kwakawedzera. Varume vakawanda vemarudzi acho vaiva nemabhuku ekunyika mashomanana mumutauro wavo, ndokunge vaitombova nawo. Vanhu vakadzidza vemuSierra Leone vaiverenga Chirungu, vaiva muGuinea vaiverenga French. Chii chaigona kuitwa kuti vawane mabhuku eBhaibheri mururimi rwaamai vavo?

Muna 1959, vaviri vakapedza kudzidza kuGiriyedhi vakashandura turakiti nekabhuku mumutauro weMende, asi pakangogoverwa makopi mashomanana chete. Papera makore gumi, tubhuku tunoti, “This Good News of the Kingdom” uye Living in Hope of a Righteous New World twakashandurwa mumutauro weKisi. Makopi anenge 30 000 etubhuku utwu  akagoverwa uye akashandiswa pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri.

Muna 1975, hofisi yebazi yakatanga kubudisa nyaya dzekudzidza dzeNharireyomurindi mumutauro weKisi. Vaparidzi vechiKisi vakafara zvikuru! Imwe hama yakanyora kuti: “Jehovha atiitira chishamiso chikuru. Hapana kana nemumwe wedu akamboenda kuchikoro. Tainge takaita sematombo asingagoni kutaura. Ndizvo zvatainge takaita, asi zvatava neNharireyomurindi muKisi, tava kugona kutaura nezvemabasa makuru aJehovha.” (Ruka 19:40) Zvimwe zvinyorwa zvakati kuti zvakashandurwawo muKisi.

Nhasi, vanhu vakawanda muSierra Leone neGuinea vachiri kuverenga zvinyorwa zvedu muChirungu kana kuti French, mitauro inonyanyoshandiswa pamisangano yeungano. Asi munguva ichangopfuura zvinyorwa zvemitauro yemo zvakawedzera zvinoshamisa. Zvinyorwa zvinotsanangura Bhaibheri zvava kuwanika muGuerze, Kisi, Krio, Maninkakan, Mende, Pular, neSusu. Mabhurocha anoti Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi uye Teerera Mwari anowanika mumitauro yose iyi. Mabhurocha aya anoshandisika zviri nyore pakudzidzisa ari kubatsira vanhu vakawanda vasingagoni kunyatsoverenga kuti vanzwisise uye vakoshese mashoko anoshamisa eBhaibheri.

Kuvaka Hofisi Yebazi

Mukutanga kwemakore ekuma1960, hama dzemuFreetown dzakanga dzichitsvaka nzvimbo yekuvakira hofisi yebazi itsva. Pakupedzisira muna 1965, dzakawana nzvimbo muna Wilkinson Road. Nzvimbo yacho yaiva mune imwe yenharaunda dzinogara vanhu dzakanaka zvikuru dzeguta racho. Ari ipapo munhu anogona kuona gungwa.

Purani yakasarudzwa yaiva chivako chinoyevedza chaisanganisira Imba yoUmambo, imba yemamishinari, nemahofisi. Panguva yaivakwa, motokari nemabhazi zvakawanda zvaipfuura naWilkinson Road zvaiwanzofamba zvishoma nezvishoma  zvichiita sezvichamira sezvo vatyairi nevainge vakatakurwa vaiedza kunyatsoona. Chivako chacho chakatsaurirwa musi wa19 August 1967. Vanhu vanoda kusvika 300 vakapinda purogiramu yacho, kusanganisira vakuru vakuru vemunharaunda nevamwe vakati kuti vainge vava nenguva vari muchokwadi vakabhabhatidzwa na“Bible” Brown muna 1923.

Hofisi yebazi uye musha wemamishinari muFreetown (1965-1997)

Chivako chacho chitsva chebazi chakaita kuti vakawanda vatange kuona kukosha kwebasa reZvapupu zvaJehovha. Chakapawo mhinduro kune vamwe vatsoropodzi vezvitendero avo vaiti Zvapupu hazvisi kuzogara kwenguva refu muSierra Leone. Chakanyatsoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvaizogaramo kwenguva refu.

Mamishinari Aishingaira Akaita Kuti Pave Nekuwedzera

Boka riri muushumiri hwemumunda rinopfuura nomumunda wemupunga une madhaka

Kubvira pakati pemakore ekuma1970 zvichienda mberi, mamishinari ainge adzidza kuGiriyedhi aiuya zvichiita kuti  basa riwedzere kuitwa muSierra Leone nemuGuinea. Vamwe vacho vainge vamboshumira mune dzimwe nyika dzomuAfrica uye vakakurumidza kujairana nemamiriro ezvinhu emo. Vamwe vakanga vasati vambogara muAfrica. Saka vaizokwanisa sei kurarama “munyika isingagariki nevachena”? Ona zvimwe zvavakataura.

“Vanhu vacho vaizvininipisa uye vaiva nenzara mune zvokunamata. Kuona chokwadi chichivandudza upenyu hwavo kwakaita kuti ndive nemufaro mukuru.”—Hannelore Altmeyer.

“Zvainge zvakaoma kugara munzvimbo inopisa uye ine zvirwere zvinowanika munzvimbo dzakadaro. Asi mufaro wataiwana pakubatsira vanhu vaiva nemwoyo yakatendeseka kuti vashumire Jehovha waiita kuti tione kuti zvaiva nechimuko.”—Cheryl Ferguson.

“Ndakadzidza kuva nemwoyo murefu. Pandakabvunza imwe hanzvadzi kuti vaeni vayo vaiuya rini, yakapindura kuti: ‘Pamwe nhasi. Pamwe mangwana. Kana kuti pamwe kuswera mangwana.’ Ndinofanira kunge ndairatidza kukatyamadzwa nokuti yakasimbirira kuti, ‘Asi vachauya!’”—Christine Jones.

“Mamishinari 14 emarudzi netsika zvakasiyana-siyana aigara muimba yemamishinari yemuFreetown. Tose taishandisa zvimbuzi zviviri, imba yekugezera imwe chete, muchina wekuwachisa mumwe chete nekicheni imwe chete. Chikafu chaiva chishoma uye chiri chenhando. Magetsi aienda chero paadira—dzimwe nguva kwemazuva. Vakawanda vedu takarwara marariya nezvimwe zvirwere zvinowanika munzvimbo dzinopisa. Izvi zvingadai zvakaita kuti tikundikane asi takadzidza kugara pamwe chete, kukanganwira, uye kuita dambe nemamiriro ezvinhu akaoma. Kuparidza kwainakidza,  uye mamishinari akaumba ushamwari hwakasimba.”—Robert naPauline Landis.

Pauline Landis achiitisa chidzidzo cheBhaibheri

“Nguva yatakagara muSierra Leone yaiva imwe yenguva dzakanaka zvikuru muupenyu hwedu. Hatina chatinodemba uye hatina chatinonyunyuta nezvacho. Tinosuwa nguva iyoyo zvikuru.”—Benjamin naMonica Martin.

“Mumwe musi takarara pamba pemumwe mukadzi aifarira uyo akatiedza chikafu chatisina kunzwisisa. ‘Inyoka,’ akadaro. ‘Ndaibvisa mazino. Mungaida here?’ Takaramba tichiita zvekunzvenga-nzvenga asi akasimbirira kuti tiidye. Kunyange zvazvo zviitiko zvakadaro zvainge zvakaoma, taionga mutsa wevanhu vaitigamuchira uye takasvika pakuvada zvikuru.”—Frederick naBarbara Morrisey.

“Mumakore 43 andaiita basa roumishinari, ndakagara nemamwe mamishinari anodarika 100. Yainge iri ropafadzo yakazokura kusvika pakuziva vanhu vakawanda kudaro, vose vaine unhu hwakasiyana asi vose vachishanda vaine chinangwa chimwe chete! Uye zvinofadza zvikuru kushanda pamwe chete naMwari uye kuonawo vanhu vachigamuchira chokwadi cheBhaibheri!”—Lynette Peters.

“Zvinofadza zvikuru kushanda pamwe chete naMwari uye kuonawo vanhu vachigamuchira chokwadi cheBhaibheri!”

Kubvira muna 1947, mamishinari 154 akashumira muSierra Leone, uye 88 muGuinea. Zvimwe Zvapupu zvakawanda zvakauya kuzobatsira kuita basa rokuparidza. Mazuva ano, muSierra Leone mune mamishinari 44 uye muGuinea mune 31. Kushingaira kwavo nokuzvipira kwavo zvakabatsira vanhu vakawanda. Alfred Gunn, uyo ava nenguva refu ari nhengo yeDare Rebazi, anoti, “Tinofara zvikuru patinofunga nezvavo.”