Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsamba Inobva kuDare Rinodzora

Tsamba Inobva kuDare Rinodzora

Vanodiwa Vamwe Vedu Veimba:

Tinofara zvikuru kukunyorerai pakutanga kwegore rino rinokosha kwazvo! Patinozosvika pakupera kwa2014, panenge patopfuura makore zana kubva Mambo wedu anodiwa Jesu Kristu paakatanga kutonga pakati pevavengi vake.—Pis. 110:1, 2.

Pakutanga kwegore rino rebasa, pamusangano wepagore weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, Dare reBhaibheri reShanduro yeNyika Itsva rakabudisa Bhaibheri reChirungu richangobva kukwenenzverwa rine shanduro yakanakisisa yeBhaibheri inowanika nevanhu. Jehovha akashandisa vanakomana vake vakaberekwa nomudzimu kuti vabudise Shanduro yeNyika Itsva yokutanga-tanga. (VaR. 8:15, 16) Izvozvo ndizvo zvinonyatsoita kuti shanduro iyi ive yakasiyana nedzimwe, handizvo here?

 Kwemakore akawanda, Dare Rokunyora reDare Rinodzora rainyanya kukoshesa kushandurwa kweBhaibheri. Mazuva ano, Shanduro yeNyika Itsva inowanika yakazara kana kuti chikamu chayo mumitauro 121. Tinokukurudzirai kuti muratidze Jehovha kuti munokoshesa zvikuru Bhaibheri ramuinaro. Riverengei zuva nezuva mofungisisa zvamunenge maverenga. Mukadaro muchaswedera pedyo noMunyori waro, Jehovha Mwari.—Jak. 4:8.

Tinorwadziwa patinonzwa nezvemiedzo iri kusangana nehama nehanzvadzi dzedu dzinodiwa. Zvinonzwisisika kuti dzimwe nguva zvingavaomera kuti vafare nehama dzavo. Somuenzaniso, nguva pfupi yadarika upenyu hweimwe mhuri muAsia hwakapidiguka amai vacho pavakaerekana vaoma muviri. Vanachiremba vakavhiringidzika nazvo uye vakatadza kuvarapa. Zvinosuruvarisa zvikuru! Murume wacho ndiye ava kutochengeta mudzimai wake siku nesikati. Mwanakomana wavo nevanasikana vavo vaviri vari kuratidza muenzaniso wakanaka sevaKristu nokutsigira vabereki vavo nemwoyo wose. Mhuri iyi ine muenzaniso wakanaka pamwe chete nemi mose makakwanisa kutsungirira matambudziko akasiyana-siyana munogona kuwana mufaro unobva pakutsungirira miedzo yekutenda kwenyu. (Jak. 1:2-4) Jehovha anovimbisa vakazodzwa nemamwe makwai kuti tichafara kuti takaramba tichitsungirira miedzo, nokuti tichakomborerwa nechipo cheupenyu husingaperi!—Jak. 1:12.

Gore rakapera vanhu vakapinda Chirangaridzo vaiva 19 241 252. Zvinokurudzira kuona vakawanda kudaro vachikudza Jehovha naJesu Kristu nokupinda musangano unokosha kupfuura yose inopindwa nevanhu vaMwari pagore! Mumwaka weChirangaridzo, Jehovha  akarumbidzwa zvikuru sezvo mamiriyoni akashumira semapiyona ebetsero muna March naApril. Zvinokurudzira zvikuru! Uye hamuna kufara here pamakanzwa kuti vaya vanoita upiyona hwebetsero panoshanya mutariri wedunhu vanogona kupinda musangano wemapiyona wose zvawo waanoitisa, kunyange zvazvo achishanya mumwedzi usiri waMarch kana April? Vane uchenjeri hwaMwari vanonzwisisa kukosha kwekuramba vachiita basa rekuparidza uye mabasa eungano. Kugara takabatikana kunotibatsira kuramba takatendeka uye takatsiga, zvichiita kuti tikunde kuedza kuri kuita Dhiyabhorosi kukanganisa kutenda kwedu uye kutitsausa.—1 VaK. 15:58.

Zvinokurudzira zvikuru kuona kuti mugore rebasa rapfuura, vanhu 277 344 vakaratidza kuzvitsaurira kwavo kuburikidza nokubhabhatidzwa mumvura uye vava mumugwagwa unoenda kuupenyu pamwe chete nehama dzavo pasi rose! (Mat. 7:13, 14) Ava vatsva vanoda kutsigirwa nesu kuti ‘vadzikamiswe pakutenda.’ (VaK. 2:7) Rambai muchikurudzirana kuti mutsungirire kusvikira kumugumo. (Mat. 24:13) “Taurai zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo, tsigirai vasina simba, itirai mwoyo murefu vanhu vose.” (1 VaT. 5:14) Tinopedzisa tichiti dai mumwe nemumwe wedu ‘akaramba achinyengetera’ kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye.”—1 VaT. 5:17; Mat. 6:10.

Tapota nakidzwai neBhuku Regore rino uye zivai kuti tinoda mumwe nemumwe wenyu imi vanoda Jehovha!

Hama dzenyu

Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha