Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 KUPARIDZA NOKUDZIDZISA MUNYIKA YOSE

Nyika dzokuAsia neMiddle East

Nyika dzokuAsia neMiddle East
  • NYIKA 47

  • VANOGARAMO 4 282 178 221

  • VAPARIDZI 674 011

  • ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 672 318

Kubatsira Murume Asingaoni, Asinganzwi Uye Asingatauri

Muna 1999, ungano yemutauro wemasaini muKobe, kuJapan, yakaziva kuti paiva nemumwe murume asinganzwi anonzi Hirofumi. Imwe hama payakashanyira Hirofumi, amai vake havana kubvumira hama yacho kuti imuone. Hama yacho yakaramba ichishanya uye ichiteterera kuna amai vacho, uye pakupedzisira vakazouya naye padhoo. Bvudzi rake nendebvu  zvainge zvareba uye zvakati nyangarara. Airatidzika semunhu ainge asiyiwa ega kwemakumi emakore asina zvaanokwanisa kuita ari pachitsuwa chisisagari vanhu. Chiso chake chaisaratidza kufara kana kusuwa. Hirofumi aisangova matsi chete asi aivawo bofu. Hama yacho yakakatyamadzwa zvikuru asi yakabva yabata maoko aHirofumi ndokutanga kuita masaini anoshandisirwa vanhu vasingaoni kana kunzwa. Hapana kana chaakamboita. Hirofumi aingogara ari ega uye ainge asina kumbokurukura chero naani zvake kubva zvaakava bofu makore gumi ainge adarika paaiva nemakore 31.

Hama yacho yakadzokazve papera mazuva maviri. Amai vaHirofumi vakashamisika, sezvo vaimbofunga kuti hama yacho yaizokanda mapfumo pasi pashure pokunge yaona dambudziko raiva nemwanakomana wavo. Hama yacho yakatetererazve kuna amai vacho kuti vaibvumire kuona Hirofumi, saka vakamuunza padhoo. Pashure pokushanyira Hirofumi kwemwedzi wose asi pasina kana chaaimboita, amai vacho vakaiudza kuti isarambe ichizvinetsa nokuuya. Kunyange zvakadaro, hama yacho haina kurega. Yaivaendesera makeke uye yaiita zvayaigona kuratidza kuti yaiva nehanya. Pashure pemimwe mwedzi miviri pasina chaimboitwa naHirofumi, yakafunga kuti hapana chaibuda.

Hama yacho yakasarudza kushanya kokupedzisira. Isati yaenda kumba kwaanaHirofumi, yakanyengetera kuna Jehovha ichikumbira kubatsirwa kuona kana yaifanira kuramba ichimushanyira. Payakasvika pamba pacho, yakatora ruoko rwaHirofumi ndokusaina kuti kuna Mwari anonzi Jehovha anogara achimuona ari kudenga uye anonzwisisa matambudziko ake kupfuura chero ani zvake. Jehovha aiva nehanya naye uye aida kumununura pamatambudziko.  Ndokusaka akashanyirwa nemumwe weZvapupu zvake. Pakutanga Hirofumi haana kana chaakamboita; asi akabva azobata ruoko rwehama yacho zvakasimba, misodzi ndokutanga kuyerera. Yabayiwa mwoyo, hama yacho yakabudisawo misodzi. Chidzidzo cheBhaibheri chakatangwa.

Pashure pokudzidza kwemakore 11, Hirofumi akatanga kuwadzana neungano yekwaaigara panzvimbo pokufamba daro refu achienda kuungano yemutauro wemasaini sezvaaimbenge achiita. Hapana munhu womuungano yacho aigona kusaina, asi mumwedzi 18 yakatevera, hama nehanzvadzi 22 dzakadzidza kusaina kuti dzikwanise kubatsira Hirofumi. Muna January wa2012, Hirofumi akapa hurukuro yake yokutanga paChikoro chaMwari Choushumiri, mumwe munhu achiturikira zvaaisaina. Muna October wegore iroro, akava muparidzi asina kubhabhatidzwa.

 Anodzidza Nemagadhi

Floren, uyo anogara kuPhilippines uye ari piyona, anoitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinenge 25, zvakawanda zvacho achizviita nemagadhi. Varume ava vanowanzoshanda manheru—vamwe vacho usiku hwose. Nokudaro, Floren anofanira kuita zvinoenderana nenguva yavo. Anoenda kubasa kwemagadhi acho odzidza navo pavanenge vambozorora kana kuti pane imwe nguva yakakodzera isingavhiringidzi basa ravo. Anoitisa zvimwe zvidzidzo kubva na7 kusvika na11 manheru, zvimwe kubva na5 kusvika na9 mangwanani. Dzimwe nguva anoronga kuti asvike pavanenge vava kuda kuchinjana nemamwe magadhi. Nokuita izvi, anogona kudzidza nagadhi anenge ava pedyo kutanga basa, obva azodzidza nagadhi anenge achangopedza basa. Floren anoti, “Kuva nezvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda kwakaita kuti ndiwane mufaro wandainge ndisati ndambowana muupenyu.” Mamwe magadhi acho ava kupinda misangano paImba yoUmambo. Mumwe wevanhu vakadzidza Bhaibheri naFloren akatobhabhatidzwa uye anoshumira sapiyona wenguva dzose.

Philippines: Floren achiitisa chidzidzo cheBhaibheri mangwanani-ngwanani

Vainge Vakagadzirira Kuisa Upenyu Hwavo Pangozi

Padzainge dziri muushumiri rimwe zuva kuchinaya muArmenia, dzimwe hanzvadzi dzedu mbiri dzakaona vamwe amai nemwanasikana wavo mumugwagwa ndokuvagovera turakiti. Hanzvadzi dzacho dzakashamisika, amai vacho, vanonzi Marusya, pavakati ivo nemwanasikana wavo, Yeva, vainge vava nemaawa maviri vari panze kuine mamiriro ekunze asina kunaka, vachitarisira kusangana neZvapupu zvaJehovha. Nemhaka yei? Hanzvadzi yaMarusya yakanga yadzidziswa chokwadi iri mujeri nehama dzaivawo mujeri nemhaka yokusava nedivi radzinotsigira. Marusya aifunga kuti hanzvadzi yake yaizobuda mujeri yava nhinhi uye ichida zvokurwa. Panzvimbo pezvo, yainge yawedzera kuva munhu anonzwisisa uye akadzikama.  Sezvayakaramba ichiwadzana neZvapupu, hanzvadzi yaMarusya yakawedzera kuchinja ichiva munhu ari nani. Izvi zvakanetsa Marusya nemwanasikana wake nokuti vaigara vachiona mashoko anosvibisa zita reZvapupu zvaJehovha pamapepa ainamirwa muguta uye paterevhizheni. Yeva zvakamunetsa, ndokuti: ‘Sekuru vangu munhu akanaka chaizvo. Saka nei paine zvinhu zvakawanda zvakashata zviri kutaurwa pamusoro peZvapupu zvaJehovha?’ Atsunga kuda kuziva chikonzero chacho, akaudza amai vake kuti: “Hatingambofi takaziva nezvevanhu ava kunze kwokunge takagadzirira kuisa upenyu hwedu pangozi. Handei tinotsvaka Zvapupu zvaJehovha iye zvino kuti tisarambe tichinetseka.” Uye ndizvo zvavakaita musi wavakazosangana nehanzvadzi dzacho. Kuswera mangwana acho, amai vacho nemwanasikana wavo vakatanga kudzidza Bhaibheri. Vakatanga kupinda misangano uye vakafambira mberi kusvika pakuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa.

Magazini Acho Akauya Nevana

Istanbul, Turkey: Hama iri kushandisa bhurocha raMashoko Akanaka ichiparidza mumugwagwa

Mumwe mukadzi anogara muAdana, kuTurkey, aiva nematambudziko akaoma muupenyu hwake nemumhuri make uye akatombofunga zvokuzviuraya. Rimwe zuva akawana magazini edu maviri padhoo rake. Zvinoita sokuti vamwe vana vanogara pedyo naye ndivo vainge vaanhonga ndokuaisa ipapo, vachifunga kuti ndeake. Mukadzi wacho akabayiwa mwoyo zvikuru nenyaya dzoupenyu hwevanhu vaitaurwa mumagazini acho, uye akashuva kuti upenyu hwake huchinje saizvozvo. Mukadzi wacho akafona panhamba dzainge dzakanyorwa pane imwe yemagazini acho ndokutaura nehanzvadzi iri piyona inogara pedyo nepamba pake. Chidzidzo cheBhaibheri chakatangwa. Mukadzi wacho akafarira zvaaidzidza ndokutaura kuti aida kupinda misangano. Sezvineiwo, imba yake yaiva pedyo neImba yoUmambo. Akabva atanga kupinda misangano kubvira ipapo kusvika iye zvino.

 Mazuva Gumi Aakapedza Ari Mujeri Haana Kuchinja Pfungwa Dzake

Bam, aienda kuchechi uye ari mupurisa kuNepal. Akasangana nemurume nemudzimai vaiva mapiyona chaiwo mumugwagwa iye paainge ari pabasa. Akabayiwa mwoyo nokuti vaimupindura mibvunzo yake yose vachimuvhurira Bhaibheri. Bam akabvuma kudzidza Bhaibheri, uye pasina nguva akatanga kupinda misangano. Sezvaaifambira mberi pakudzidza kwake, hana yake yakatanga kumutambudza nezvebasa rake, saka akakumbira vakuru vake kuti vamupe basa romuhofisi, raizoita kuti asatakure zvombo. Vakuru vacho vakabvuma. Zvisinei, pashure pokunge apinda gungano reruwa, Bam akatangazve kunetseka nehana yake ndokusarudza kusiya basa rechipurisa zvachose.

Mudzimai waBam haana kufadzwa nechisarudzo ichi, sezvo basa rechipurisa raiita kuti munhu aremekedzwe munharaunda, raibhadhara, raiita kuti awane zvimwe zvinhu, uye raiva nemari yakanaka yemudyandigere. Kuti amunyengetedze kuti achinje pfungwa dzake, akamuudza kuti, “Kana ukaramba uri muchipurisa, ndichadzidza Bhaibheri neZvapupu.” Izvozvo pazvisina kushanda, akanyengetedza mukuru wemapurisa kuti aise Bam mujeri, achivimba kuti aizochinja pfungwa dzake. Pashure pokunge apedza mazuva gumi ari mujeri, Bam akasunungurwa, asi ainge achakangotsunga kutsvaka rimwe basa. Akatanga kuita basa rokutakura vanhu muchingoro chaidhonzwa nebhasikoro, zvinoreva kuti aifanira kushanda kwemaawa akawanda achitsva nezuva. Pasinei nematambudziko acho, aifara. Akaramba achifambira mberi mune zvokunamata ndokuva muparidzi. Nokufamba kwenguva, kupikisa kwaiita mudzimai wake kwakaderera. Nemhaka yokuti mudzimai wacho airatidzwa mutsa nehama nehanzvadzi dzomuungano yacho, akatanga kudzidza. Bam anoramba achiriritira mhuri yake, achitowana mari yakawanda nebasa  rokutakura vanhu kupfuura zvaaiita achiri mupurisa. Akabhabhatidzwa pagungano muna February 2013, uye iye zvino mudzimai wake nemwanakomana wake vanopinda misangano naye.

Nepal: Bam paakachinja basa rake, iye nemhuri yake vakakwanisa kufambira mberi pane zvokunamata

Aida Kuva Piyona Webetsero

Myeong-hee, hanzvadzi inogara kuKorea, anonetseka negumbo rake nemhaka yokuoma rutivi kwaakamboita paaiva nemakore maviri. Anokurumidza kurukutika uye dzimwe nguva anowira pasi. Uyezve, anotsungirira dambudziko rokugara achivhunduka-vhunduka uye mamwewo matambudziko anokonzerwa nemishonga yaanoshandisa. Myeong-hee anonetseka nokufema, uye kuvhunduka nekuzvidya mwoyo kwaanoita kunoita kuti arwadziwe. Pasinei nematambudziko aya, Myeong-hee aida kuita upiyona hwebetsero uye ndizvo zvaakaita unenge mwedzi mumwe nemumwe mumakore maviri adarika. Anoonga Jehovha nokumupa simba rokuita ushumiri hwake.

“Ndave Ndichiritsvaka Kwemakore 30!”

Agnes, mumwe mumishinari wokuIndonesia, aimboparidzira mumwe mukadzi wezera repakati nepakati aiva nepamuviri. Mukadzi wacho aitengesa miriwo pamusika. Aifarira kuverenga magazini edu uye ainakidzwa nokukurukura nezveBhaibheri paainge asina kunyanya kubatikana. Rimwe zuva Agnes paakaenda kumusika achishanyira mukadzi wacho, ainge asiko. Murume womukadzi wacho akaudza Agnes kuti mudzimai wake ainge achangobva kusununguka. Agnes akafunga zvokumushanyira. Akaenda neBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri rakaputirwa sechipo. Mukadzi wacho akafara uye akashamisika kuti Agnes ainge auya kuzomuona iye nemwana asi  akatonyanya kushamisika Agnes paakamutambidza chipo chacho. Mukadzi wacho akabudisa bhuku racho marainge rakaputirwa, akaritarisa achishamisika, ndokuti: “Bhuku iri makariwana kupi? Ndave ndichiritsvaka kwemakore 30! Ndakaenda kumashopu ese anotengesa mabhuku uye ndakabvunza munhu wese. Hapana aiva naro, hapana airiziva, uye hapana rimwe bhuku rakanga rakaita seiri.” Zvakaitika ndezvokuti mukadzi wacho paainge achiri mwana, hanzvadzi yaamai vake yaiva neBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, uye aifarira kuriverenga. Iye zvino mukadzi wacho ava kuverengazve bhuku racho, uye mwanasikana wake mukuru anofarirawo kuriverenga. Vakatanga kuitiswa chidzidzo cheBhaibheri vose vari vaviri.

Indonesia: Agnes aine bhuku raakapa sechipo