Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 KUPARIDZA NOKUDZIDZISA MUNYIKA YOSE

Europe

Europe
  • NYIKA 47

  • VANOGARAMO 741 892 871

  • VAPARIDZI 1 601 915

  • ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 862 555

“Marasika Here?”

Mumwe mukadzi wekuSomalia aigara kuSweden akakokwa kumisangano kuImba yoUmambo, ndokubva asarudza kuenda. Zvinhu hazvina kufamba zvakanaka. Hapana akamugamuchira, munhu wose akangomutarisa. Akanyara zvekushaya pekupinda. Mumwe munhu anofanira kunge akaona kusagadzikana kwemukadzi uyu akamubvunza kuti, “Marasika here?”

 “Ehe, ndofunga ndarasika!” akapindura kudaro, ndokubva aenda. Mukadzi wacho paakazosangana neZvapupu zvakanga zvamukoka, akanga akagumbuka ndokuzviudza kuti aisazombofa akadzokerako zvakare. Vakanetseka kuti chii chainge chaitika, sezvo vaisayeuka vachimuona kuImba yoUmambo. Pashure pekunge vamboti kurukurei, vose vakaona kuti ainge arasika achienda kune imwe chechi!

Zvapupu zvacho zvakamukurudzira kuti aedzezve kuuya kuImba yoUmambo. Akabvuma kuenda, asi akati aisazogara kwemaminitsi anopfuura 10 kana akanzwa zvisingamuitire. Zvisinei, paakapinda muImba yoUmambo,  munhu wose akamugamuchira nemaoko maviri! Akanakidzwa zvikuru nokuvapo zvokuti ndiye akapedzisira kubva paImba yoUmambo pakapera misangano. Kubva ipapo, ave achipinda misangano nguva dzose, uye ava muparidzi akabhabhatidzwa.

Akawana Pepa Rekukoka Riri Mumugwagwa

Greece: Stergios ava kuudzawo vamwe nezvepfuma yaakawana

Murume wechiduku anonzi Stergios anogara kuGreece. Rimwe zuva mangwanani zvaaifamba kuenda kumba achibva kubasa, akasarudza kufamba neimwe nzira isiri yaanoshandisa mazuva ose. Stergios akaona chimwe chinhu chaiva mumugwagwa chakamubata pfungwa. Rainge riri pepa rekukoka kuChirangaridzo cherufu rwaKristu. Raiva nemubvunzo wokuti: “Unoona Sei Jesu?” Sezvo paiva nevamwe vanhu, Stergios akazeza kunhonga pepa racho. Paakasvika kumba, akatanga kufunga nezvemubvunzo waiva papepa racho uye aida kuziva zvakawanda.

Stergios ainge aronga kuzonwa kofi neshamwari dzake masikati iwayo. Paaienda kunosangana nadzo, akasarudza kuenda nemugwagwa waainge aona pepa riya, achitarisira kuti raizenge richiripo. Raivapo, asi vanhu vainge vachiripowo, saka akazeza zvakare kurinhonga. Ava kudzokera kumba apedza kunwa kofi neshamwari dzake, Stergios akananga kumugwagwa uya—pepa racho rainge richiripo. Iye zvino akabva arinhonga ndokuriverenga. Zvadaro, akabva asarudza kupinda Chirangaridzo chacho.

Chirangaridzo chapera, Stergios akabvuma kudzidza Bhaibheri asingabhadhari. Akatanga kupinda misangano uye akafambira mberi mune zvokunamata. Akabhabhatidzwa pagungano rezuva rimwe chete muna March 2013.

Chirongwa Cheparedhiyo Chakachinja Maonero Ake

Muna January 2010, imwe hama inonzi Finn, inogara muCopenhagen, kuDenmark, yakabuda kuti  ifambe-fambe uye yakatakura magazini. Sezvayaifamba nemugwagwa, yakasangana nemumwe murume ati kurei. Finn akamupa magazini aDecember 2009, aiva nenyaya dzakati kuti dzaitaura nezveKrisimasi. Murume wacho paakataura, Finn akaziva inzwi rake. Aiva murume akadzidza zvikuru aiita chirongwa cheparedhiyo. Zuva rakatevera Finn akateerera chirongwa chacho uye akashamisika zvikuru kunzwa murume uya achitsanangura kuti ainge agamuchira magazini nezuro wacho. Akabva averenga zvikamu zvenyaya dzacho zvichibuda pamhepo. Imwe yenyaya dzaakaverenga nezvadzo yaiva ye“nyeredzi” isinganzwisisiki yainge yaoneka iine chokuita nokuberekwa kwaJesu. Akabvuma kuti yaifanira kunge yakatumwa naSatani.

Akurudzirwa nekugamuchirwa uku kwainge kwaitwa magazini, Finn akasarudza kufonera murume anoita chirongwa chacho. Pakukurukura kwavakaita, Finn akakumbira zvine ruremekedzo kana zvaiita kuti paredhiyo paiswe chirongwa chenyaya dzemuBhaibheri. Papera vhiki mbiri akaudzwa kuti zvinoita. Pakazoitwa zvirongwa zvinopfuura 30 zvemaawa maviri, zvose zvichitaura pamusoro peZvapupu zvaJehovha neBhaibheri. Murume aiita chirongwa chacho aikurukura naFinn misoro yakasiyana-siyana yaisarudzwa uye vaidavira mazana efoni dzevateereri.

Mumwe muteereri akafonera mazvikokota anobata michina panhepfenyuro yacho ndokubva asiya nhamba dzake dzefoni. Aida kuti hama dzitaure naye. Urongwa hwacho hwakabva hwaitwa. Murume wacho ainge anzwa hama neshamwari dzichitaura zvisina kunaka pamusoro peZvapupu zvaJehovha, asi nemhaka yezvirongwa zveparedhiyo, maonero asina kunaka aaiita Zvapupu zvaJehovha akanga anyangarika. Chidzidzo cheBhaibheri chakatangwa,  uye muna 2013, murume wacho akapinda Chirangaridzo uye hurukuro inokosha. Anopinda misangano yose yemusi weSvondo uye anopa mhinduro dzine musoro paChidzidzo cheNharireyomurindi. Vamwe vanhu munharaunda yacho vakafarirawo chokwadi nemhaka yezvavakanzwa pazvirongwa izvi zveparedhiyo.

Akasiya Pepa Rekukoka Padhoo Ravo

Raiva zuva rekupedzisira regungano reruwa muItaly. Lucio paaionekana neshamwari, mumwe murume nemudzimai vakasvika pavaiva. Lucio akabvunza vaviri ava kuti vaipinda neungano ipi. “Hatina ungano yatinopinda nayo,” vakapindura kudaro.

Lucio akabvunza kuti, “Pane akakukokai here?”

Ivo vakapindura kuti, “Aihwa, tauya tega.”

Lucio ainge ava kuda kuziva, saka akabvunza kuti, “Hamheno kana mungada kundiudza kuti chii chaita kuti muuye?”

Vakati, “Takaona pepa rekukoka riri padhoo pedu tikabva tafunga kuti tiuye.”

Pavakaudza Lucio kwavanogara, mudzimai waLucio, Ester, akashevedzera kuti: “Ndini ndakasiya pepa iroro! Raiva zuva rekupedzisira rekukoka vanhu saka ndakafunga kuti pane kuti ndirase mapepa ainge asara, zvaiva nani kuti ndiasiye pamadhoo edzimba dzaisava nevanhu.” Pavakaona pepa racho, vaviri ava vakafunga zvekuenda kuImba Yemagungano kuti vapinde purogiramu yemusi weSvondo waitevera. Pashure pekunge vamboti kurukurei, Lucio naEster vakakoka vaviri ava kumba kwavo kuti vadye pamwe chete, uye vakaenderera mberi nokukurukurirana kwavo. Vaviri ava vainge vachangotanga kufarira vakabvuma kudzidza Bhaibheri. Vanogara vakanyatsogadzirira chidzidzo chavo uye vava kupinda misangano uye kupindurawo.