Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 KUPARIDZA NOKUDZIDZISA MUNYIKA YOSE

Oceania

Oceania
  • NYIKA 29

  • VANOGARAMO 39 508 267

  • VAPARIDZI 96 088

  • ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 63 333

“Iye Zvino Ndava Kunzwisisa”

Freda, uyo ari matsi, akaita seachabata denga paakaziva kuti iye nehanzvadzi yaimudzidzisa Bhaibheri vaizopinda neungano yekutanga yemutauro wemasaini muPapua New Guinea. Ungano yacho yakaumbwa musi wa1 March 2013. Freda akaona kuti kunzwisisa kwake pamisangano kwakavandudzika zvikuru paaisendeka mabhuku otarisa kusaina kwaiitwa uye zvinhu zvinooneka zvaishandiswa pachikuva. Nekuita izvi,  akashamisika kuti akakurira kunyara kwaaiita ndokutanga kupindura kanoverengeka pamisangano. Muna April 2013, akakwanisa kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa uye ari kubudirira pakukurudzira vamwe vanhu vari matsi kuti vaende naye kumisangano. Paakabvunzwa kuti nei aiwanzoyerera misodzi pamisangano, akapindura kuti, “Nokuti iye zvino ndava kunzwisisa.”

Akapinda Mumotokari Isiri Iyo

Paaityaira achienda kuboka rebasa romumunda muAustralia, Barbara akamira padivi pemugwagwa kuti aone kana ainge atakura bhuku raainyora shanyo dzedzokerero. Dhoo remotokari rakaerekana ravhurwa, mumwe mukadzi ndokutanga kupinda.

“Pamusoroi,” akadaro Barbara, “handifungi kuti ndiyo mota yamanga muchifanira kukwira.”

“Ndine urombo,” akapindura kudaro mukadzi wacho. “Ndafunga kuti ndimi manga muchifanira kunditora.” Paakaona magazini aBarbara eNharireyomurindi neAwake! mukadzi wacho akati, “Ndaimbopiwa magazini aya makore adarika nevamwe vakadzi vaviri vaindidzidzisa Bhaibheri.” Barbara akafara kumupa magazini acho uye akazotanga chidzidzo cheBhaibheri naye.

“Tsamba Dzinobva Kuna Mwari”

New Zealand: Violet anoshandisa tsamba kuti audze vakawanda chokwadi

Violet ihanzvadzi ine utano husina kunaka ine makore 82 inogara muChristchurch, kuNew Zealand. Anogara achitumira matsamba nezvinyorwa zveBhaibheri kumisha inochengeterwa vakwegura uye kuzvipatara zvinogara vanhu vanenge vava kufa. Manesi epanzvimbo idzi ayo anoendesa tsamba dzacho akati vakweguru vacho vanomirira  nechido dzavanoti tsamba dzavo dzinobva kuna Mwari. Vamwe vanoverenga tsamba nezvinyorwa zvavo vozochinjana nevamwe kana kuti vanoverengera vaya vanenge vasinganyatsooni. Manesi acho akatiwo vaya vanoverenga tsamba nezvinyorwa zvacho vanhu vakadzikama, vane chivimbo uye vanoda zverugare kupfuura vaya vasingaverengi. Achitaura pamusoro pezvaari kuedza kuita pakuparidza, Violet anoti: “Ndinoona kuti Jehovha achiri kundishandisa kubatsira vamwe. Kuparidza chokwadi nenzira iyi kunofadza zvikuru.”

 Akaverenga Nezvemarozi

“Iyoyo ndakatoiverenga.” Bernie akashamiswa nemhinduro iyi yaakanga asingatarisiri mumwe musi uri Mugovera mangwanani paaigovera magazini yainge ichangobuda yeNharireyomurindi pachitsuwa cheSaipan. Akanetseka kuti zvakafamba sei kuti Bernadette, mudzidzi wepakoreji akauya kudhoo, ainge akatoverenga magazini yacho. Bernie akapinza ruoko mubhegi rake ndokuburitsa imwe magazini yakasiyana. “Iyoyo ndakaiverenga futi,” akadaro Bernadette. Avhiringidzika, Bernie akabvunza kuti: “Magazini aya wakaaverenga kupi? Uri mumwe weZvapupu zvaJehovha akashanya kuno here?” Bernadette akatsanangura kuti aisava Chapupu, asi ainge averenga magazini acho paIndaneti. Rimwe zuva paaitsvaga mashoko ane chokuita nemaruva paIndaneti, Bernadette akataipa shoko rokuti “roses” uye akafadzwa nemumwe musoro wakabuda unoti: “Alluring Roses From Africa,” nyaya yemuAwake! yaiva panzvimbo yepaIndaneti inobudisirwa mashoko neZvapupu zvaJehovha. Bernadette akaudza Bernie kuti ainge anakidzwa nenyaya yemarozi zvokuti akafunga kuongorora zvimwe zvaiva panzvimbo yacho. Akatanga nekutsvaga zvine chokuita nemiti nemhuka asi nokukurumidza akaona zvinhu zvinonakidza zvine chokuita neBhaibheri. Aona kufarira kwaBernadette, Bernie akamuudza kuti aigona kudzidza naye Bhaibheri asingabhadhari uye akazodzoka aine bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Pakazoshanya Bernie kechitatu, iye naBernadette vainge vava kuita chitsauko 1 chebhuku racho. Papera rinenge gore, muna November 2012, Bernadette akabhabhatidzwa. Akafambira mberi nokukurumidza zvokuti shamwari dzake dzinofarira kutaura kuti Bernadette akapinda muchokwadi achiita “zvokumhanya.” Zvechokwadi nzvimbo yacho yepaIndaneti yakaita kuti akurumidze kusimuka.