Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Mavhidhiyo Akaita Semakatuni Anobata-bata Mwoyo Yakarurama

Mavhidhiyo Akaita Semakatuni Anobata-bata Mwoyo Yakarurama

Kuda, kakomana kari mumavhidhiyo aIva Shamwari yaJehovha anobuda pajw.org kava kuzivikanwa pasi rose. Vhidhiyo yokutanga yekakomana aka kanonakidza yakatoshandurwa mumitauro inodarika 130, uye takagamuchira mazana etsamba dzinotaura nezvemavhidhiyo aya.

Tsamba inotevera yakabva kune mumwe musikana ane makore 11 nomunin’ina wake ane makore 8: “Tinoda kupa mupiro webasa rokuparidza munyika yose. Mari iyi takaiwana nokuchengeta mhuru mbiri ndokuzodzitengesa. Dzainzi Big Red naEarl. Tinoda kukupai mari iyi nokuti tinofunga kuti munogona kuishandisa kugadzira mamwe mavhidhiyo aIva Shamwari yaJehovha. Tinofunga kuti zvaizonyatsoita kudai amai vaKuda vaizova nekamwe kamwana kamusikana  toona kuti Kuda aizoita sei paanenge asisaonekwi sekamwana. Vhidhiyo yaKuda ndiyo yatinoda kupfuura dzose!”

Vana vakawanda vakabata vhidhiyo yacho yose nomusoro, kusanganisira rwiyo rwacho uye mashoko omurondedzeri. Imwe hanzvadzi yakanyora kuti ungano yavo yevaparidzi 100 ine vana 40, vakawanda vacho vane makore ari pasi pe10. Yainge yakagara pabhenji rechitatu paiimbwa rwiyo nhamba 120 pakupera kwemisangano. Kunzwa vana vose vachiimba “rwiyo rwavo” nechido kwakaita kuti misodzi yehanzvadzi iyi iti yangarara.

Vamwe mbuya vakataura kuti pashure pokunge muzukurusikana wavo aona vhidhiyo yacho kaviri, akavaudza kuti: “Ndinofanira kurongedza mumba mangu kuti pasava neanodonhedzwa nematoyi angu okuvara.” Ainge akatsunga kuita izvozvo zvokuti aiti takarasima nokurongedza mumba make asati agara pasi kuti adye.

Mune mumwe musha wokumaruwa kuSouth Africa, vana vakawanda vaionekwa zuva nezuva vachiuya uye vachibva pamba panogara zvimwe Zvapupu. Vamwe vaifunga kuti imhaka yokuti mhuri yacho yaimbotengesa masuwiti. Asi vana vomumusha wacho vainge vaudzwa nevamwe vana kuti vaone vhidhiyo yakaita semakatuni inonzi Teerera, Wozviita, Ukomborerwe mumutauro wavo wechiXhosa. Pane imwe nguva paiva nevana 11, uye vose vakanga vabata nomusoro mashoko erwiyo rwacho.

MuEcuador vamwe vakomana vaviri vasiri Zvapupu vanotaura chiQuichua, Isaac ane makore 8 nemunin’ina wake Saul ane makore 5, vaimbochengeta mari yavaipiwa zuva nezuva kuti vatenge twokudyira-dyira vachiitira kuti vazotenga matoyi epfuti, emapakatwa, nezvidhori zvevanhu  vanobuda mumafirimu vachiita zvokurwa. Rimwe zuva amai vavo vakavaudza kuti varongedze mubhedhuru mavo uye kuti vaise matoyi avo ose mukadhibhokisi raiva pasi pomubhedha. Pave paya, vakomana vacho vakapiwa DVD idzva raIva Shamwari yaJehovha sechipo ndokubva variona pamwe chete. Papera vhiki, amai vacho pavaitsvaira mumba vakaona kuti mukadhibhokisi racho raiva pasi pomubhedha mainge mangosara toyi yemotokari chete. Vakabvunza vakomana vacho kuti, “Ko matoyi ari kupi?” Vakapindura kuti, “Jehovha haafariri matoyi iwayo saka takaakanda mubhini.” Iye zvino vamwe vana vemunharaunda pavanotamba nematoyi anokurudzira vanhu kuti vaite zvekurwisana, Isaac anovaudza kuti: “Musatamba nematoyi iwayo. Jehovha haazvifariri!”

Croatia: Nziyo dzoUmambo dzinobata-bata mwoyo yevechiduku vedu