Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Kutenderera Uchiona Zvinhu Zvave Zvichiitika

Kutenderera Uchiona Zvinhu Zvave Zvichiitika

Muna October 2012 urongwa hwokuti vanhu vatenderere voga vachiona zviratidzwa zvine nhoroondo yeZvapupu zvaJehovha hwakatangwa muBrooklyn, kuNew York. Zviratidzwa zvacho zvinobudisa pachena matambudziko nengozi zvaitarisana nevaya vairarama sevaKristu vachitevedzera zvakadzidziswa naJesu.

Muvhiki yokutanga chete, vanhu vanodarika 4 200 vanosanganisira vaeni uye nhengo dzemhuri yeBheteri vakatenderera vachiona zviratidzwa izvi. Naomi, chimwe Chapupu chinogara pedyo, akatenderera achiona zviratidzwa zvacho pashure chaipo pokunge zvatanga kuonekwa. Akati, “Kurongwa kwezvinhu maererano nenguva yazvakaitika kwakandibatsira kunzwisisa kuti ndirini uye kuti nei zvakaitika saizvozvo. Ndakadzidza zvakawanda nezvesangano redu uye nezvenhoroondo yaro yemazuva ano.”

 Zviratidzwa zvacho zvinotanga nezvaiitika kubva munguva yechiKristu muna 33 C.E. kusvika iye zvino. Zvakaiswa muzvikamu zvina. Chimwe nechimwe chine musoro wemuMagwaro uye chinotanga nevhidhiyo pfupi iri muChirungu, ine mashoko akashandurwa mumitauro 7 anogona kubuda munhu oita zvokuaverenga.

Chikamu chokutanga chine musoro wakanzi, “Men Have Loved the Darkness,” kubva pamashoko aJesu ari pana Johani 3:19. Bhaibheri rakafanotaura kuti pashure pokunge vaapostora vafa, varume vakaipa ‘vaizomuka votaura zvinhu zvisina kururama.’ (Mab. 20:30) Vaya vairamba zvinhu izvi vairangwa zvakasimba.

Kusiyana naizvozvo, chikamu chinotevera chakanzi, “Let the Light Shine,” icho chine musoro unobva pana 2 VaKorinde 4:6, chinotangira pane zvakaitika makore okuma1800 ava kunopera vadzidzi veBhaibheri pavakatanga kudzidza Magwaro patsva. Vakasiya dzidziso dzisiri muBhaibheri dzaidavirwa  kwenguva refu ndokushinga kuparidza chokwadi chinovhenekera. Chikamu ichi chinoratidza kuwedzera kwezivo yavo uye kuwanda kwavaiita Hondo Yenyika I isati yatanga.

Vanhu vanozoona kamuri rinoratidza chimwe chinhu chakaitwa chichiri kufadza Zvapupu zvaJehovha nazvino. Muna 1914 Vadzidzi veBhaibheri (sekuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo) vakatanga kuratidza “Photo-Drama of Creation.” Mamiriyoni evanhu akaona firimu racho, iro raiva nemifananidzo isingafambi neinofamba paine zvimwe zvinonzwika zvakarekodhwa. Zvinoratidzwa zvinosanganisira mimwe mifananidzo yakatanga-tanga kugadzirwa, kachikamu kapfupi kesumo yepurogiramu yacho, uye masiraidhi anodarika 500 anobudisa zvinhu zvine mavara akasiyana-siyana.

Kutambudzwa kwevateveri vaKristu naSatani, kunotsanangurwa pana Zvakazarurwa 12:17, ndiro dingindira rechikamu chechitatu chakanzi, “The Dragon Grew Wrathful.”  Pano panoratidzwa zvinoitwa nevaKristu zvokusava nedivi ravanotsigira munguva yehondo. Kuti zvinhu zvaishandiswa kare uye mifananidzo zvinyatsooneka, pane mavhidhiyo mapfupi anoratidza zvaiedza kuitwa pakumanikidza vanhu vairamba kuita zvisingawirirani nehana dzavo, vakadai saRemigio Cuminetti wekuItaly, avo vairamba kupfeka yunifomu yechiuto kana kurwa muHondo Yenyika I. Imwe vhidhiyo yacho inotaura nezvaAlois Moser wekuAustria. Akaramba kuti “Heil Hitler,” saka akabva arasikirwa nebasa rake uye pakupedzisira akazoendeswa kumusasa wevasungwa weDachau. Kugadzirwa kweimba yomujeri ine chiedza chishoma yakafanana nedzaishandiswa kare kunonyatsoratidza mamiriro ezvinhu ari mumifananidzo inoratidza Zvapupu zvaJehovha zviri mumajeri muGreece, Japan, Poland, nyika yaimbova Yugoslavia, nekumwewo nemhaka yezvavaitenda.

Chikamu chokupedzisira chakanzi, “Good News for All Nations,” chakavakirwa pana Zvakazarurwa 14:6, chinoratidza mabasa aiitwa neZvapupu zvaJehovha mumakumi emakore achangopfuura. Kuwedzera kwavo nokukurumidza, kuramba vachiparidza, uye kudanana sehama zvinoratidzwa mumifananidzo iri kumadziro. Pokupedzisira, pane makombiyuta ari kumadziro anobudisa mifananidzo inoita kuti vashanyi vaone Bible House neBrooklyn Tabernacle, nzvimbo dzaishandiswa neZvapupu zvaJehovha makore anodarika 100 apfuura.

Zviratidzwa zvacho zviri pa25 Columbia Heights muBrooklyn, kuNew York. Zvinoonekwa kubva musi weMuvhuro kusvika Chishanu, kubva na8:00 mangwanani kusvika na5:00 manheru, uye kupinda hakubhadharwi. Kana uri muNew York City, wadii wauya kuzoona zvinhu zvave zvichiitika?