Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Mushumo Wenyaya Dzemumatare

Mushumo Wenyaya Dzemumatare

Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu achiti: “Rambai muchifunga vaya vakasungwa nezvisungo zvomujeri sokunge kuti makasungwa pamwe chete navo.” (VaH. 13:3) Zvatiri vashumiri vaJehovha, tinoramba tichiyeuka hama nehanzvadzi dzedu dzakatendeka uye tinonyengeterera “vaya vose vane nzvimbo dzepamusoro; kuti tirambe tichirarama upenyu hwakadzikama nohwakanyarara, tichizvipira kuna Mwari uye tiri vomwoyo wose zvizere.”—1 Tim. 2:1, 2; VaEf. 6:18.

Dzinotevera ndedzimwe nyaya dzemumatare dzaifambirwa neZvapupu zvaJehovha gore rakapera:

Hama dzedu muRussia dzinoramba ‘dzichidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka’ pasinei nezviri kuitwa neRussian Orthodox Church nevamwe vakuru vakuru vehurumende kuti vamise basa redu. (Mab. 5:42) Zviremera  zveRussia zvinoramba zvichipomera zvinyorwa zvedu nehama dzedu zvichishandisa mutemo usina kujeka une chekuita nekukonzera mhirizhonga wazvakadzika nechinangwa chekurwisa ugandanga. Somugumisiro, matare eRussia akataura kuti zvinyorwa zvedu zvinenge 70 zvine mashoko anokonzera mhirizhonga, uye vakuru vakuru vehurumende vakaisa zvinyorwa izvi pakati pezvinyorwa zvinokonzera mhirizhonga zvinorambidzwa munyika iyi. Nemhaka yeizvi, zviremera zvedzimwe nzvimbo zvinongoerekana zvavhozhokera muDzimba dzoUmambo nemudzimba dzehama dzedu kuti zvitsvage zvinyorwa zvacho. Mapurisa anobata uye anotora mapikicha nemafingapurindi Zvapupu zvakawanda nemhaka yokuita ushumiri. Anowanzoedza kutyisidzira hama dzedu paanenge akadzichengeta mumakamba emapurisa.

 Kutanga muna May 2013, hama nehanzvadzi 16 muguta reTaganrog vakamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuronga, kupinda uye kuva nezvavanoita pamisangano yechiKristu uye kuita basa rekuparidza. Aka ndekekutanga kubva pakaparara Soviet Union kuti Zvapupu zvipomerwe mhosva yekuita maererano nezvazvinotenda. Zviremera zvemune dzimwe nzvimbo muRussia zviri kuedza kukurudzira matare kuti ataure kuti zvinyorwa zvedu zvinokonzera mhirizhonga uye kuti apomere hama dzedu mhosva yokuvenga zvimwe zvitendero.

Mamiriro ezvinhu ehama nehanzvadzi dzedu muEritrea haana kuchinja. Muna July 2013, paiva nevanhu 52 vaiva mujeri, kusanganisira hama 8 dzine makore 70 kana kupfuura, pamwe chete nehanzvadzi 6. Hama nhatu, Paulos Eyassu, Isaac Mogos, naNegede Teklemariam, vave vari mujeri kubva musi wa24 September 1994 pamusana pekuramba kwavo kuita mabasa echiuto.

Inopfuura hafu yevakasungwa iri mujeri reMeiter, riri mugwenga riri kuchamhembe kweguta guru reAsmara. Kubva muna October 2011 kusvika muna August 2012, zviremera zvakaranga hama dzedu 25 nokudziisa muchivako chemarata chakavakwa hafu yacho yakanyura muvhu. Mumwedzi yokupisa, magadhi anobudisa vasungwa panguva dzemasikati kuti vasanyanye kutsva nekupisa kunenge kuri muchivako chacho. Zvisinei, vanowana zvokudya nemvura zvisingakwani, saka utano hwehama dzacho hunodzikira zvikuru. Zvinosuruvarisa kuti Yohannes Haile, imwe hama yaiva nemakore 68, akafa muna August 2012 nemhaka yokubatwa zvisina kunaka uku, uye ndozvakaitawo Hama Misghina Gebretinsae muna 2011.